< Hosea 8 >

1 “Isa hwamanda pamuromo wako! Gondo riri pamusoro pemba yaJehovha nokuti vanhu vakaputsa sungano yangu uye vakapandukira murayiro wangu.
Set the trumpet to thy mouth. He shall come as an eagle against the house of the LORD, because they have transgressed my covenant, and trespassed against my law.
2 VaIsraeri vanodana kwandiri vachiti, ‘Haiwa, Mwari wedu, tinokuzivai!’
Israel shall cry to me, My God, we know thee.
3 Asi Israeri akaramba zvakanaka; muvengi achamutevera.
Israel hath cast off the thing that is good: the enemy shall pursue him.
4 Vanogadza madzimambo vasina kutenderwa neni; vanosarudza machinda pasina mvumo yangu. Vanozvigadzirira zvifananidzo nesirivha negoridhe ravo kuti vagoparadzwa.
They have set up kings, but not by me: they have made princes, and I knew it not: of their silver and their gold have they made for themselves idols, that they may be cut off.
5 Rasira kunze chifananidzo chako chemhuru, iwe Samaria! Kutsamwa kwangu kunopisa somoto pamusoro pavo. Vachasvika kupiko vasingagoni kuzvichenesa?
Thy calf, O Samaria, hath cast thee off; my anger is kindled against them: how long will it be ere they attain to innocency?
6 Izvi zvinobva kuIsraeri! Chimhuru ichi, chakagadzirwa nomupfuri, hachisi Mwari. Chichaputsika kuita zvimedu zvimedu, icho chimhuru cheSamaria.
For from Israel was it also: the workman made it; therefore it is not God: but the calf of Samaria shall be broken in pieces.
7 “Vanodyara mhepo vachikohwa chamupupuri. Dzinde harina kubereka; haringabudisi upfu. Dai raizobereka zviyo, vatorwa vaizvimedza.
For they have sown the wind, and they shall reap the whirlwind: it hath no stalk: the bud shall yield no meal: if it shall yield, the strangers shall swallow it up.
8 Israeri yamedzwa; zvino yava pakati pendudzi sechinhu chisina maturo.
Israel is swallowed up: now shall they be among the Gentiles as a vessel in which is no pleasure.
9 Nokuti vakaenda kuAsiria sembizi inongombeya yoga. Efuremu akazvitengesa kuvadiwa.
For they have gone up to Assyria, a wild donkey alone by himself: Ephraim hath hired lovers.
10 Kunyange zvavo vakazvitengesa pakati pendudzi, ndichavaunganidza zvino pamwe chete. Vachatanga kuperezeka pasi poudzvinyiriri hwamambo ane simba guru.
Yea, though they have hired among the nations, now will I gather them, and they shall sorrow a little for the burden of the king of princes.
11 “Kunyange Efuremu akavaka aritari zhinji dzezvipiriso zvechivi, idzi dzava aritari dzokuitira zvivi.
Because Ephraim hath made many altars to sin, altars shall be to him to sin.
12 Ndakavanyorera zvinhu zvakawanda zvomurayiro wangu, asi vakazvitora sezvinhu zvisinei navo.
I have written to him the great things of my law, but they were counted as a strange thing.
13 Vanopa zvibayiro kwandiri uye vodya nyama yacho, asi Jehovha haafadzwi navo. Zvino acharangarira uipi hwavo uye acharanga zvivi zvavo: Vachadzokera kuIjipiti.
They sacrifice flesh for the sacrifices of my offerings, and eat it; but the LORD accepteth them not; now will he remember their iniquity, and judge their sins: they shall return to Egypt.
14 Israeri akakanganwa Musiki wake ndokuvaka mizinda; Judha akomberedza maguta mazhinji namasvingo. Asi ndichatumira moto pamaguta avo uchaparadza masvingo avo.”
For Israel hath forgotten his Maker, and buildeth temples; and Judah hath multiplied fortified cities: but I will send a fire upon his cities, and it shall devour his palaces.

< Hosea 8 >