< Genesisi 4 >

1 Adhamu akarara nomukadzi wake Evha, uye akava nemimba akabereka Kaini. Akati, “Norubatsiro rwaJehovha, ndabereka murume.”
アダム其妻エバを知る彼孕みてカインを生みて言けるは我ヱホバによりて一個の人を得たりと
2 Mushure akabereka mununʼuna wake Abheri. Zvino Abheri aiva mufudzi wamakwai, uye Kaini aiva murimi wevhu.
彼また其弟アベルを生りアベルは羊を牧ふ者カインは土を耕す者なりき
3 Mukufamba kwenguva, Kaini akauya nezvimwe zvezvibereko zvevhu sechipiriso kuna Jehovha.
日を經て後カイン土より出る果を携來りてヱホバに供物となせり
4 Asi Abheri akauya nomugove wamafuta aibva mumhongora dzamakwai. Jehovha akagamuchira Abheri nechipiriso chake,
アベルもまた其羊の初生と其肥たる者を携來れりヱホバ、アベルと其供物を眷顧みたまひしかども
5 asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Saka Kaini akatsamwa zvikuru, uye chiso chake chikaunyana.
カインと其供物をば眷み給はざりしかばカイン甚だ怒り且其面をふせたり
6 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Wakatsamweiko? Seiko chiso chako chakaunyana?
ヱホバ、カインに言たまひけるは汝何ぞ怒るや何ぞ面をふするや
7 Kana ukaita zvakanaka, haungagamuchirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakakuvandira pamukova wako; chinoda kukubata, asi iwe unofanira kuchikunda.”
汝若善を行はば擧ることをえざらんや若善を行はずば罪門戸に伏す彼は汝を慕ひ汝は彼を治めん
8 Zvino Kaini akati kumununʼuna wake, “Ngatimbobuda tiende kumunda.” Uye vakati vari mumunda Kaini akarwisa mununʼuna wake Abheri akamuuraya.
カイン其弟アベルに語りぬ彼等野にをりける時カイン其弟アベルに起かかりて之を殺せり
9 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Aripiko mununʼuna wako Abheri?” Iye akati, “Handizivi. Ko, ndini muchengeti womununʼuna wangu here?”
ヱホバ、カインに言たまひけるは汝の弟アベルは何處にをるや彼言ふ我しらず我あに我弟の守者ならんやと
10 Jehovha akati, “Waiteiko? Inzwa! Ropa romununʼuna wako riri kudanidzira kwandiri richibva muvhu.
ヱホバ言たまひけるは汝何をなしたるや汝の弟の血の聲地より我に叫べり
11 Zvino watukwa uye wadzingwa panyika yazarura muromo wayo kuti imedze ropa romununʼuna wako kubva paruoko rwako.
されば汝は詛れて此地を離るべし此地其口を啓きて汝の弟の血を汝の手より受たればなり
12 Paunorima ivhu, harichazombokuberekeri zvibereko zvaro. Uchava mudzungairi asingatongozorori panyika.”
汝地を耕すとも地は再其力を汝に效さじ汝は地に吟行ふ流離子となるべしと
13 Kaini akati kuna Jehovha, “Kurangwa kwangu kunopfuura zvandinokwanisa kutakura.
カイン、ヱホバに言けるは我が罪は大にして負ふこと能はず
14 Nhasi muri kundidzinga kubva panyika, uye ndichavanzwa pamberi penyu; ndichava mudzungairi asina zororo panyika, uye ani naani achandiwana achandiuraya.”
視よ汝今日斯地の面より我を逐出したまふ我汝の面を觀ることなきにいたらん我地に吟行ふ流離子とならん凡そ我に遇ふ者我を殺さん
15 Asi Jehovha akati kwaari, “Kwete hazvingadaro; kana munhu upi zvake akauraya Kaini, achatsiviwa kanomwe.” Ipapo Jehovha akaisa rupau pana Kaini kuitira kuti kurege kuva nomunhu anenge amuwana angazomuuraya.
ヱホバ彼に言たまひけるは然らず凡そカインを殺す者は七倍の罰を受んとヱホバ、カインに遇ふ者の彼を撃ざるため印誌を彼に與へたまへり
16 Saka Kaini akabva pamberi paJehovha akandogara munyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.
カイン、ヱホバの前を離て出でエデンの東なるノドの地に住り
17 Kaini akarara nomukadzi wake, akava nemimba akamuberekera Enoki. Ipapo Kaini akanga achivaka guta, uye akaritumidza zita romwanakomana wake Enoki.
カイン其妻を知る彼孕みエノクを生りカイン邑を建て其邑の名を其子の名に循ひてエノクと名けたり
18 Enoki akaberekerwa Iradhi, uye Iradhi akanga ari baba vaMehujaeri, uye Mehujaeri akanga ari baba vaMetushaeri, uye Metushaeri akanga ari baba vaRameki.
エノクにイラデ生れたりイラデ、メホヤエルを生みメホヤエル、メトサエルを生みメトサエル、レメクを生り
19 Rameki akawana vakadzi vaviri, mumwe ainzi Adha uye mumwe ainzi Zira.
レメク二人の妻を娶れり一の名はアダと曰ひ一の名はチラと曰り
20 Adha akabereka Jabhari, ndiye akanga ari baba vavaya vanogara mumatende vaichengeta zvipfuwo.
アダ、ヤバルを生めり彼は天幕に住て家畜を牧ふ所の者の先祖なり
21 Zita romununʼuna wake rainzi Jubhari; akanga ari baba wavose vanoridza rudimbwa nenyere.
其弟の名はユバルと云ふ彼は琴と笛とをとる凡ての者の先祖なり
22 Zira akanga ane mwanakomana, Tubhari-Kaini, aigadzira nhumbi dzemhando dzose dzendarira nedzesimbi. Hanzvadzi yaTubhari-Kaini yainzi Naama.
又チラ、トバルカインを生り彼は銅と鐡の諸の刃物を鍛ふ者なりトバルカインの妹をナアマといふ
23 Rameki akati kuvakadzi vake, “Adha naZira, nditeererei; imi vakadzi vaRameki, inzwai mashoko angu. Ndauraya munhu nokuti andikuvadza, nejaya nokuti randipwanya.
レメク其妻等に言けるはアダとチラよ我聲を聽けレメクの妻等よわが言を容よ我わが創傷のために人を殺すわが痍のために少年を殺す
24 Kana Kaini achitsiviwa kanomwe, naizvozvo Rameki kana makumi manomwe namanomwe.”
カインのために七倍の罰あればレメクのためには七十七倍の罰あらん
25 Adhamu akararazve nomukadzi wake, akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Seti, achiti, “Mwari andipa mumwe mwana panzvimbo yaAbheri, sezvo Kaini akamuuraya.”
アダム復其妻を知て彼男子を生み其名をセツと名けたり其は彼神我にカインの殺したるアベルのかはりに他の子を與へたまへりといひたればなり
26 Setiwo akava nomwanakomana, akamutumidza zita rokuti Enoshi. Panguva iyo vanhu vakatanga kudana kuzita raJehovha.
セツにもまた男子生れたりかれ其名をエノスと名けたり此時人々ヱホバの名を呼ことをはじめたり

< Genesisi 4 >