< Genesisi 4 >

1 Adhamu akarara nomukadzi wake Evha, uye akava nemimba akabereka Kaini. Akati, “Norubatsiro rwaJehovha, ndabereka murume.”
And the man had connection with Eve his wife, and she became with child and gave birth to Cain, and said, I have got a man from the Lord.
2 Mushure akabereka mununʼuna wake Abheri. Zvino Abheri aiva mufudzi wamakwai, uye Kaini aiva murimi wevhu.
Then again she became with child and gave birth to Abel, his brother. And Abel was a keeper of sheep, but Cain was a farmer.
3 Mukufamba kwenguva, Kaini akauya nezvimwe zvezvibereko zvevhu sechipiriso kuna Jehovha.
And after a time, Cain gave to the Lord an offering of the fruits of the earth.
4 Asi Abheri akauya nomugove wamafuta aibva mumhongora dzamakwai. Jehovha akagamuchira Abheri nechipiriso chake,
And Abel gave an offering of the young lambs of his flock and of their fat. And the Lord was pleased with Abel's offering;
5 asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Saka Kaini akatsamwa zvikuru, uye chiso chake chikaunyana.
But in Cain and his offering he had no pleasure. And Cain was angry and his face became sad.
6 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Wakatsamweiko? Seiko chiso chako chakaunyana?
And the Lord said to Cain, Why are you angry? and why is your face sad?
7 Kana ukaita zvakanaka, haungagamuchirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakakuvandira pamukova wako; chinoda kukubata, asi iwe unofanira kuchikunda.”
If you do well, will you not have honour? and if you do wrong, sin is waiting at the door, desiring to have you, but do not let it be your master.
8 Zvino Kaini akati kumununʼuna wake, “Ngatimbobuda tiende kumunda.” Uye vakati vari mumunda Kaini akarwisa mununʼuna wake Abheri akamuuraya.
And Cain said to his brother, Let us go into the field: and when they were in the field, Cain made an attack on his brother Abel and put him to death.
9 Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Aripiko mununʼuna wako Abheri?” Iye akati, “Handizivi. Ko, ndini muchengeti womununʼuna wangu here?”
And the Lord said to Cain, Where is your brother Abel? And he said, I have no idea: am I my brother's keeper?
10 Jehovha akati, “Waiteiko? Inzwa! Ropa romununʼuna wako riri kudanidzira kwandiri richibva muvhu.
And he said, What have you done? the voice of your brother's blood is crying to me from the earth.
11 Zvino watukwa uye wadzingwa panyika yazarura muromo wayo kuti imedze ropa romununʼuna wako kubva paruoko rwako.
And now you are cursed from the earth, whose mouth is open to take your brother's blood from your hand;
12 Paunorima ivhu, harichazombokuberekeri zvibereko zvaro. Uchava mudzungairi asingatongozorori panyika.”
No longer will the earth give you her fruit as the reward of your work; you will be a wanderer in flight over the earth.
13 Kaini akati kuna Jehovha, “Kurangwa kwangu kunopfuura zvandinokwanisa kutakura.
And Cain said, My punishment is greater than my strength.
14 Nhasi muri kundidzinga kubva panyika, uye ndichavanzwa pamberi penyu; ndichava mudzungairi asina zororo panyika, uye ani naani achandiwana achandiuraya.”
You have sent me out this day from the face of the earth and from before your face; I will be a wanderer in flight over the earth, and whoever sees me will put me to death.
15 Asi Jehovha akati kwaari, “Kwete hazvingadaro; kana munhu upi zvake akauraya Kaini, achatsiviwa kanomwe.” Ipapo Jehovha akaisa rupau pana Kaini kuitira kuti kurege kuva nomunhu anenge amuwana angazomuuraya.
And the Lord said, Truly, if Cain is put to death, seven lives will be taken for his. And the Lord put a mark on Cain so that no one might put him to death.
16 Saka Kaini akabva pamberi paJehovha akandogara munyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.
And Cain went away from before the face of the Lord, and made his living-place in the land of Nod on the east of Eden.
17 Kaini akarara nomukadzi wake, akava nemimba akamuberekera Enoki. Ipapo Kaini akanga achivaka guta, uye akaritumidza zita romwanakomana wake Enoki.
And Cain had connection with his wife and she became with child and gave birth to Enoch: and he made a town, and gave the town the name of Enoch after his son.
18 Enoki akaberekerwa Iradhi, uye Iradhi akanga ari baba vaMehujaeri, uye Mehujaeri akanga ari baba vaMetushaeri, uye Metushaeri akanga ari baba vaRameki.
And Enoch had a son Irad: and Irad became the father of Mehujael: and Mehujael became the father of Methushael: and Methushael became the father of Lamech.
19 Rameki akawana vakadzi vaviri, mumwe ainzi Adha uye mumwe ainzi Zira.
And Lamech had two wives; the name of the one was Adah, and the name of the other Zillah.
20 Adha akabereka Jabhari, ndiye akanga ari baba vavaya vanogara mumatende vaichengeta zvipfuwo.
And Adah gave birth to Jabal: he was the father of such as are living in tents and keep cattle.
21 Zita romununʼuna wake rainzi Jubhari; akanga ari baba wavose vanoridza rudimbwa nenyere.
And his brother's name was Jubal: he was the father of all players on instruments of music.
22 Zira akanga ane mwanakomana, Tubhari-Kaini, aigadzira nhumbi dzemhando dzose dzendarira nedzesimbi. Hanzvadzi yaTubhari-Kaini yainzi Naama.
And Zillah gave birth to Tubal-cain, who is the father of every maker of cutting instruments of brass and iron: and the sister of Tubal-cain was Naamah.
23 Rameki akati kuvakadzi vake, “Adha naZira, nditeererei; imi vakadzi vaRameki, inzwai mashoko angu. Ndauraya munhu nokuti andikuvadza, nejaya nokuti randipwanya.
And Lamech said to his wives, Adah and Zillah, give ear to my voice; you wives of Lamech, give attention to my words, for I would put a man to death for a wound, and a young man for a blow;
24 Kana Kaini achitsiviwa kanomwe, naizvozvo Rameki kana makumi manomwe namanomwe.”
If seven lives are to be taken as punishment for Cain's death, seventy-seven will be taken for Lamech's.
25 Adhamu akararazve nomukadzi wake, akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Seti, achiti, “Mwari andipa mumwe mwana panzvimbo yaAbheri, sezvo Kaini akamuuraya.”
And Adam had connection with his wife again, and she gave birth to a son to whom she gave the name of Seth: for she said, God has given me another seed in place of Abel, whom Cain put to death.
26 Setiwo akava nomwanakomana, akamutumidza zita rokuti Enoshi. Panguva iyo vanhu vakatanga kudana kuzita raJehovha.
And Seth had a son, and he gave him the name of Enosh: at this time men first made use of the name of the Lord in worship.

< Genesisi 4 >