< Genesisi 35 >

1 Ipapo Mwari akati kuna Jakobho, “Kwira uende kuBheteri undogara ikoko, uye uvake aritari yaMwari ikoko, iye akazviratidza kwauri pawakanga uchitiza mukoma wako Esau.”
ויאמר אלהים אל יעקב קום עלה בית אל ושב שם ועשה שם מזבח לאל הנראה אליך בברחך מפני עשו אחיך׃
2 Saka Jakobho akati kune veimba yake nokuna vose vakanga vanaye, “Bvisai vamwari vavatorwa vamunavo, muzvinatse uye mupfeke dzimwe nguo dzenyu.
ויאמר יעקב אל ביתו ואל כל אשר עמו הסרו את אלהי הנכר אשר בתככם והטהרו והחליפו שמלתיכם׃
3 Ipapo mugouya tiende kuBheteri, uko kwandichandovaka aritari yaMwari, iye akandipindura pazuva rokutambudzika kwangu uye iye akanga aneni kwose kwandakaenda.”
ונקומה ונעלה בית אל ואעשה שם מזבח לאל הענה אתי ביום צרתי ויהי עמדי בדרך אשר הלכתי׃
4 Saka vakapa Jakobho vamwari vavatorwa vose vavaiva navo nemhete dzaiva munzeve dzavo, uye Jakobho akazvifushira pasi pomuouki weShekemu.
ויתנו אל יעקב את כל אלהי הנכר אשר בידם ואת הנזמים אשר באזניהם ויטמן אתם יעקב תחת האלה אשר עם שכם׃
5 Ipapo vakasimuka, kutya Mwari kukawira pamusoro pamaguta ose akavapoteredza zvokuti hakuna munhu akavatevera.
ויסעו ויהי חתת אלהים על הערים אשר סביבתיהם ולא רדפו אחרי בני יעקב׃
6 Jakobho navanhu vose vaaiva navo vakasvika kuRuzi (ndirowo Bheteri) munyika yeKenani.
ויבא יעקב לוזה אשר בארץ כנען הוא בית אל הוא וכל העם אשר עמו׃
7 Akavaka aritari ipapo, akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Eri Bheteri, nokuti Mwari akazviratidza kwaari ipapo paakanga achitiza mukoma wake.
ויבן שם מזבח ויקרא למקום אל בית אל כי שם נגלו אליו האלהים בברחו מפני אחיו׃
8 Zvino Dhibhora, mureri waRabheka, akafa akavigwa pasi pomuouki mujinga meBheteri. Saka pakatumidzwa zita rokuti Aroni Bhakuti.
ותמת דברה מינקת רבקה ותקבר מתחת לבית אל תחת האלון ויקרא שמו אלון בכות׃
9 Shure kwokudzokera kwaJakobho kuPadhani Aramu, Mwari akazviratidza zvakare uye akamuropafadza.
וירא אלהים אל יעקב עוד בבאו מפדן ארם ויברך אתו׃
10 Mwari akati kwaari, “Zita rako ndiJakobho, asi hauchanzi Jakobho, zita rako richanzi Israeri.” Saka akamutumidza zita rokuti Israeri.
ויאמר לו אלהים שמך יעקב לא יקרא שמך עוד יעקב כי אם ישראל יהיה שמך ויקרא את שמו ישראל׃
11 Uye Mwari akati kwaari, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; berekanai muwande. Rudzi neboka rendudzi zvichabva kwauri, uye madzimambo achabuda kubva mauri.
ויאמר לו אלהים אני אל שדי פרה ורבה גוי וקהל גוים יהיה ממך ומלכים מחלציך יצאו׃
12 Nyika yandakapa Abhurahama naIsaka ndinoipawo kwauri, uye ndichapa nyika ino kuzvizvarwa zvako zvinokutevera.”
ואת הארץ אשר נתתי לאברהם וליצחק לך אתננה ולזרעך אחריך אתן את הארץ׃
13 Ipapo Mwari akakwira kudenga akabva panzvimbo yaakanga ataura naye.
ויעל מעליו אלהים במקום אשר דבר אתו׃
14 Jakobho akamisa mbiru yebwe panzvimbo iyo Mwari akanga ataura naye, uye akadururira chipiriso chinonwiwa pariri; akadirawo mafuta pariri.
ויצב יעקב מצבה במקום אשר דבר אתו מצבת אבן ויסך עליה נסך ויצק עליה שמן׃
15 Jakobho akatumidza nzvimbo iyo Mwari akanga ataura naye kuti Bheteri.
ויקרא יעקב את שם המקום אשר דבר אתו שם אלהים בית אל׃
16 Ipapo vakapfuurira mberi kubva kuBheteri. Vachiri chinhambwe neEfurati, Rakeri akatanga kurwadziwa uye akatambudzika zvikuru.
ויסעו מבית אל ויהי עוד כברת הארץ לבוא אפרתה ותלד רחל ותקש בלדתה׃
17 Uye paakanga achitambudzika zvikuru pakupona mwana, mbuya vaimuchengeta vakati kwaari, “Usatya, nokuti uno mumwe mwanakomana.”
ויהי בהקשתה בלדתה ותאמר לה המילדת אל תיראי כי גם זה לך בן׃
18 Paakabudisa mweya wake, nokuti akanga ofa, akatumidza mwanakomana wake zita rokuti Bheni-Oni. Asi baba vake vakamutumidza zita rokuti Bhenjamini.
ויהי בצאת נפשה כי מתה ותקרא שמו בן אוני ואביו קרא לו בנימין׃
19 Saka Rakeri akafa akavigwa munzira yaienda kuEfurati (ndiro Bheterehema).
ותמת רחל ותקבר בדרך אפרתה הוא בית לחם׃
20 Pamusoro peguva rake Jakobho akaisa mbiru, uye kusvikira zuva ranhasi mbiru iyi inoratidza guva raRakeri.
ויצב יעקב מצבה על קברתה הוא מצבת קברת רחל עד היום׃
21 Israeri akapfuurira mberi zvakare akandodzika tende rake seri kweMigidhari Edheri.
ויסע ישראל ויט אהלה מהלאה למגדל עדר׃
22 Israeri achiri kugara munyika iyo, Rubheni akapinda akandovata nomurongo wababa vake Bhiriha, uye Israeri akanzwa nezvazvo. Jakobho akanga ana vanakomana gumi navaviri:
ויהי בשכן ישראל בארץ ההוא וילך ראובן וישכב את בלהה פילגש אביו וישמע ישראל ויהיו בני יעקב שנים עשר׃
23 Vanakomana vaRea vaiti: Rubheni dangwe raJakobho, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari naZebhuruni.
בני לאה בכור יעקב ראובן ושמעון ולוי ויהודה ויששכר וזבלון׃
24 Vanakomana vaRakeri vaiva: Josefa naBhenjamini.
בני רחל יוסף ובנימן׃
25 Vanakomana vaBhiriha murandakadzi waRakeri vaiva: Dhani naNafutari.
ובני בלהה שפחת רחל דן ונפתלי׃
26 Vanakomana vaZiripa murandakadzi waRea vaiva: Gadhi naAsheri. Ava ndivo vanakomana vaJakobho, vaakabereka muPadhani Aramu.
ובני זלפה שפחת לאה גד ואשר אלה בני יעקב אשר ילד לו בפדן ארם׃
27 Jakobho akasvika kumusha kuna baba vake Isaka paMamure, pedyo neKiriati Abha (ndiro Hebhuroni), uko kwakambogara Abhurahama naIsaka.
ויבא יעקב אל יצחק אביו ממרא קרית הארבע הוא חברון אשר גר שם אברהם ויצחק׃
28 Isaka akararama kwamakore zana namakumi masere.
ויהיו ימי יצחק מאת שנה ושמנים שנה׃
29 Ipapo akabudisa mweya wake akafa akasanganiswa navanhu vake, akwegura kwazvo. Uye vanakomana vake Esau naJakobho vakamuviga.
ויגוע יצחק וימת ויאסף אל עמיו זקן ושבע ימים ויקברו אתו עשו ויעקב בניו׃

< Genesisi 35 >