< Ezira 2 >

1 Zvino ava ndivo vanhu vomudunhu vakadzoka kubva kuutapwa hwavakanga vatapwa, avo vakanga vatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake,
巴比伦王尼布甲尼撒从前掳到巴比伦之犹大省的人,现在他们的子孙从被掳到之地回耶路撒冷和犹大,各归本城。
2 vakanga vari pamwe chete naZerubhabheri, Jeshua, Nehemia, Seraya, Reeraya, Modhekai, Bhirishani, Misipari, Bhigivhai, Rehumi naBhaana): Uwandu hwavarume pakati pavaIsraeri:
他们是同着所罗巴伯、耶书亚、尼希米、西莱雅、利来雅、末底改、必珊、米斯拔、比革瓦伊、利宏、巴拿回来的。
3 zvizvarwa zvaParoshi zvaiva zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri;
以色列人民的数目记在下面:巴录的子孙二千一百七十二名;
4 zvaShefatia zvaiva mazana matatu namakumi manomwe navaviri;
示法提雅的子孙三百七十二名;
5 zvaAra zvaiva mazana manomwe namakumi manomwe navashanu;
亚拉的子孙七百七十五名;
6 zvaPahati-Moabhu (vorudzi rwaJeshua naJoabhu) zvaiva zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri;
巴哈·摩押的后裔,就是耶书亚和约押的子孙二千八百一十二名;
7 zvaEramu zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;
以拦的子孙一千二百五十四名;
8 zvaZatu zvaiva mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu;
萨土的子孙九百四十五名;
9 zvaZakai zvaiva mazana manomwe namakumi matanhatu;
萨改的子孙七百六十名;
10 zvaBhani zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri;
巴尼的子孙六百四十二名;
11 zvaBhebhai zvaiva mazana matanhatu namakumi maviri navatatu;
比拜的子孙六百二十三名;
12 zvaAzigadhi zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi maviri navaviri;
押甲的子孙一千二百二十二名;
13 zvaAdhonikami zvaiva mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu;
亚多尼干的子孙六百六十六名;
14 zvaBhigivhai zvaiva zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu;
比革瓦伊的子孙二千零五十六名;
15 zvaAdhini zvaiva mazana mana namakumi mashanu navana;
亚丁的子孙四百五十四名;
16 zvaAteri (vorudzi rwaHezekia) zvaiva makumi mapfumbamwe navasere;
亚特的后裔,就是希西家的子孙九十八名;
17 zvaBhezai zvaiva mazana matatu namakumi maviri navatatu;
比赛的子孙三百二十三名;
18 zvaJora zvaiva zana negumi navaviri;
约拉的子孙一百一十二名;
19 zvaHashumi zvaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu;
哈顺的子孙二百二十三名;
20 zvaGibhari zvaiva makumi mapfumbamwe navashanu;
吉罢珥人九十五名;
21 varume veBheterehema vaiva zana namakumi maviri navashanu;
伯利恒人一百二十三名;
22 veNetofa vaiva makumi mashanu navatanhatu;
尼陀法人五十六名;
23 veAnatoti vaiva zana namakumi maviri navasere;
亚拿突人一百二十八名;
24 veAzimavheti vaiva makumi mana navaviri;
亚斯玛弗人四十二名;
25 veKiriati Jearimi, Kefira, neBheroti vaiva mazana manomwe namakumi mana navatatu;
基列·耶琳人、基非拉人、比录人共七百四十三名;
26 veRama neGebha vaiva mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete;
拉玛人、迦巴人共六百二十一名;
27 veMikimashi vaiva zana namakumi maviri navaviri;
默玛人一百二十二名;
28 veBheteri neAi vaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu;
伯特利人、艾人共二百二十三名;
29 veNebho vaiva makumi mashanu navaviri;
尼波人五十二名;
30 veMagibhishi vaiva zana namakumi mashanu navatanhatu;
末必人一百五十六名;
31 veEramu yechipiri vaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;
别的以拦子孙一千二百五十四名;
32 veHarimi vaiva mazana matatu namakumi maviri;
哈琳的子孙三百二十名;
33 veRodhi neHadhidhi neOno vaiva mazana manomwe namakumi maviri navashanu;
罗德人、哈第人、阿挪人共七百二十五名;
34 veJeriko vaiva mazana matatu namakumi mana navashanu;
耶利哥人三百四十五名;
35 veSena, vaiva zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu.
西拿人三千六百三十名。
36 Vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (veimba yaJeshua) vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu;
祭司:耶书亚家耶大雅的子孙九百七十三名;
37 zvaImari zvaiva chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;
音麦的子孙一千零五十二名;
38 zvaPashuri zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe;
巴施户珥的子孙一千二百四十七名;
39 zvaHarimu zvaiva chiuru chimwe chete negumi navanomwe.
哈琳的子孙一千零一十七名。
40 VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua navaKadhimieri (vorudzi rwaHodhavhia) zvaiva makumi manomwe navana.
利未人:何达威雅的后裔,就是耶书亚和甲篾的子孙七十四名。
41 Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi zvaiva zana namakumi maviri navasere.
歌唱的:亚萨的子孙一百二十八名。
42 Varindi vapasuo reTemberi: zvizvarwa zvaSharumi, zvaAteri zvaTarimoni zvaAkubhi, nezvaHatita nezvaShobhai zvaiva zana namakumi matatu navapfumbamwe.
守门的:沙龙的子孙、亚特的子孙、达们的子孙、亚谷的子孙、哈底大的子孙、朔拜的子孙,共一百三十九名。
43 Vashandi vomutemberi:
尼提宁:西哈的子孙、哈苏巴的子孙、答巴俄的子孙、
44 zvizvarwa zvaZiha, zvaHasupa, zvaTabhaoti, zvaKerosi, zvaSiaha, zvaPadhoni,
基绿的子孙、西亚的子孙、巴顿的子孙、
45 zvaRebhana, zvaHagabha, zvaAkubhi,
利巴拿的子孙、哈迦巴的子孙、亚谷的子孙、
46 zvaHagabhi, zvaSharimai, zvaHanani,
哈甲的子孙、萨买的子孙、哈难的子孙、
47 zvaGidheri, zvaGahari, zvaReaya,
吉德的子孙、迦哈的子孙、利亚雅的子孙、
48 zvaRezini, zvaNekodha, zvaGazami,
利汛的子孙、尼哥大的子孙、迦散的子孙、
49 zvaUza, zvaPasea, zvaBhesai,
乌撒的子孙、巴西亚的子孙、比赛的子孙、
50 zvaAsina, zvaMeumini, zvaNefusimi,
押拿的子孙、米乌宁的子孙、尼普心的子孙、
51 zvaBhakubhiki, zvaHakufa, zvaHarihuri,
巴卜的子孙、哈古巴的子孙、哈忽的子孙、
52 zvaBhaziruti, zvaMehidha, zvaHarisha,
巴洗律的子孙、米希大的子孙、哈沙的子孙、
53 zvaBharikosi, zvaSisera, zvaTema,
巴柯的子孙、西西拉的子孙、答玛的子孙、
54 zvaNezia uye nezvaHatifa.
尼细亚的子孙、哈提法的子孙。
55 Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zvaSotai, zvaHasofereti zvaPerudha,
所罗门仆人的后裔,就是琐太的子孙、琐斐列的子孙、比路大的子孙、
56 zvaJaara, zvaDharikoni, zvaGidheri,
雅拉的子孙、达昆的子孙、吉德的子孙、
57 zvaShefatia, zvaHatiri, zvaPokereti-Hazebhaimi uye nezvaAmi.
示法提雅的子孙、哈替的子孙、玻黑列·哈斯巴音的子孙、亚米的子孙。
58 Varanda vaishanda mutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
尼提宁和所罗门仆人的后裔共三百九十二名。
59 Ava ndivo vakauya vachibva kumaguta eTeri Mera, Teri Harisha, Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza dzimba dzamadzibaba avo kwavakanga vakaberekerwa muIsraeri:
从特·米拉、特·哈萨、基绿、押但、音麦上来的,不能指明他们的宗族谱系是以色列人不是;
60 Zvizvarwa zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.
他们是第来雅的子孙、多比雅的子孙、尼哥大的子孙,共六百五十二名。
61 Uye kubva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhaya, zvaHakozi uye nezvizvarwa zvaBhazirai (murume akanga awana mwanasikana waBhazirai muGireadhi uye akazotumidzwa zita iroro).
祭司中,哈巴雅的子孙、哈哥斯的子孙、巴西莱的子孙;因为他们的先祖娶了基列人巴西莱的女儿为妻,所以起名叫巴西莱。
62 Ava vakatsvaka nhoroondo yamazita emhuri yavo, asi havana kuiwana, nokudaro vakanzi vakasvibiswa vakabviswa pauprista.
这三家的人在族谱之中寻查自己的谱系,却寻不着,因此算为不洁,不准供祭司的职任。
63 Mubati akavaudza kuti varege kudya chipi zvacho chezvokudya zvitsvene kwazvo kusvikira kwazova nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.
省长对他们说:“不可吃至圣的物,直到有用乌陵和土明决疑的祭司兴起来。”
64 Ungano yose pamwe chete yaisvika zviuru makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,
会众共有四万二千三百六十名。
65 tisingasanganisiri varanda vavo navarandakadzi vavo vakanga vari zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe: uye vakanga vane varume navakadzi mazana maviri vakanga vari vaimbi.
此外,还有他们的仆婢七千三百三十七名,又有歌唱的男女二百名。
66 Vakanga vane mabhiza mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu, manyurusi mazana maviri namakumi mana namashanu,
他们有马七百三十六匹,骡子二百四十五匹,
67 ngamera mazana mana namakumi matatu namashanu uye nembongoro zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.
骆驼四百三十五只,驴六千七百二十匹。
68 Pavakasvika paimba yaJehovha muJerusarema, vamwe vakuru vedzimba vakasarudza kupa nokuzvisarudzira kuti imba yaJehovha ivakwezve panzvimbo yayo.
有些族长到了耶路撒冷耶和华殿的地方,便为 神的殿甘心献上礼物,要重新建造。
69 Maererano napavaigona napo vakapa kuhomwe yemari yebasa iri, madhirakema zviuru makumi matanhatu nechimwe egoridhe, nemamina zviuru zvishanu esirivha uye nenguo dzavaprista zana.
他们量力捐入工程库的金子六万一千达利克,银子五千弥拿,并祭司的礼服一百件。
70 Vaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vemikova uye navashandi vomutemberi vakagara mumaguta avo, pamwe chete navamwe vavanhu, uye vamwe vaIsraeri vose vakagara mumaguta avowo.
于是祭司、利未人、民中的一些人、歌唱的、守门的、尼提宁,并以色列众人,各住在自己的城里。

< Ezira 2 >