< Ezekieri 43 >

1 Ipapo murume uya akandiuyisa kusuo rakatarisa kumabvazuva,
फिर वह मुझे फाटक पर ले आया, या'नी उस फाटक पर जिसका रुख़ पूरब की तरफ़ है;
2 uye ndakaona kubwinya kwaMwari waIsraeri kuchibva kumabvazuva. Inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji, uye pasi pakapenya nokubwinya kwake.
और क्या देखता हूँ कि इस्राईल के ख़ुदा का जलाल पूरब की तरफ़ से आया, और उसकी आवाज़ सैलाब के शोर के जैसी थी, और ज़मीन उसके जलाल से मुनव्वर हो गई।
3 Chiratidzo chandakaona chakanga chakaita sechiratidzo chandakanga ndamboona paakauya kuzoparadza guta uye nechiratidzo chandakaona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu.
और यह उस ख़्वाब की नुमाइश के मुताबिक़ था जो मैंने देखा था, हाँ, उस ख़्वाब के मुताबिक़ जो मैंने उस वक़्त देखा था जब मैं शहर को बर्बाद करने आया था, और यह रोयतें उस ख़्वाब की तरह थीं जो मैंने नहर — ए — किबार के किनारे पर देखा था; तब मैं मुँह के बल गिरा।
4 Kubwinya kwaJehovha kwakapinda mutemberi napasuo rakanangana nokumabvazuva.
और ख़ुदावन्द का जलाल उस फाटक की राह से, जिसका रुख़ पूरब की तरफ़ है हैकल में दाख़िल हुआ।
5 Ipapo mweya wakandisimudza ukandiisa muruvazhe rwomukati, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi.
और रूह ने मुझे उठा कर अन्दरूनी सहन में पहुँचा दिया, और क्या देखता हूँ कि हैकल ख़ुदावन्द के जलाल से मा'मूर है।
6 Murume uya achakamira pandiri, ndakanzwa mumwe achiti kwandiri ari mukati metemberi. Akati kwandiri,
और मैंने किसी की आवाज़ सुनी, जो हैकल में से मेरे साथ बातें करता था, और एक शख़्स मेरे पास खड़ा था।
7 “Mwanakomana womunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu choushe nenzvimbo yechitsiko chetsoka dzangu. Ndipo pandichagara ndiri pakati pavaIsraeri nokusingaperi. Imba yaIsraeri haichazosvibisizve zita rangu dzvene kunyange ivo kana madzimambo avo, noufeve hwavo uye zvifananidzo zvamadzimambo avo, zvisina upenyu panzvimbo dzavo dzakakwirira.
और उसने मुझे फ़रमाया, कि 'ऐ आदमज़ाद, यह मेरी तख़्तगाह और मेरे पाँव की कुर्सी है जहाँ मैं बनी — इस्राईल के बीच हमेशा तक रहूँगा और बनी इस्राईल और उनके बादशाह फिर कभी मेरे पाक नाम को अपनी बदकारी और अपने बादशाहों की लाशों से उनके मरने पर नापाक न करेंगे।
8 Pavakaisa chikumbaridzo mujinga mechikumbaridzo changu namagwatidziro pajinga pegwatidziro rangu pachingova norusvingo pakati pangu naivo, vakasvibisa zita rangu dzvene nezvinonyangadza zvavakaita. Saka ndakavaparadza mukutsamwa kwangu.
क्यूँकि वह अपने आस्ताने मेरे आस्तानों के पास, और अपनी चौखटें मेरी चौखटों के पास लगाते थे, और मेरे और उनके बीच सिर्फ़ एक दीवार थी; उन्होंने अपने उन घिनौने कामों से जो उन्होंने किए मेरे पाक नाम को नापाक किया, इसलिए मैंने अपने क़हर में उनको हलाक किया।
9 Zvino ngavarashire ufeve hwavo kure nezvifananidzo zvavo zvisina upenyu zvamadzimambo avo, ipapo ndichagara pakati pavo nokusingaperi.
अगरचे अब वह अपनी बदकारी और अपने बादशाहों की लाशें मुझ से दूर कर दें, तो मैं हमेशा तक उनके बीच रहूँगा।
10 “Mwanakomana womunhu, rondedzera nezvetemberi kuvanhu veIsraeri, kuti vanyare pamusoro pezvivi zvavo. Ngavarangarire urongwa hwayo,
'ऐ आदमज़ाद, तू बनी — इस्राईल को यह घर दिखा, ताकि वह अपनी बदकिरदारी से शर्मिन्दा हो जाएँ और इस नमूने को नापें।
11 uye kana vachinyara pamusoro pezvavakaita zvose, uvazivise magadzirirwo etemberi, nourongwa hwayo, panobudiwa napo napanopindwa napo, mamiriro ayo ose nemitemo yayo yose uye mirayiro yayo. Unyore izvi pamberi pavo kuti vagova vakatendeka kumagadzirirwo ayo vagotevera mitemo yayo yose.
और अगर वह अपने सब कामों से शर्मिंदा हों, तो उस घर का नक़्शा और उसकी तरतीब और उसके मख़ारिज और मदख़ल और उसकी तमाम शक्ल और उसके कुल हुक्मों और उसकी पूरी वज़ह और तमाम क़वानीन उनको दिखा, और उनकी आँखों के सामने उसको लिख, ताकि वह उसका कुल नक़्शा और उसके तमाम हुक्मों को मानकर उन पर 'अमल करें।
12 “Uyu ndiwo murayiro wetemberi: Nzvimbo dzose dzakapoteredza dziri pamusoro pegomo dzichava tsvene-tsvene. Ndiwo murayiro wetemberi iwoyu.
इस घर का क़ानून यह है कि इसकी तमाम सरहदें पहाड़ की चोटी पर और इसके चारों तरफ़ बहुत पाक होंगी; देख, यही इस घर का क़ानून है।
13 “Izvi ndizvo zviyero zvearitari mumakubhiti marefu, kubhiti riri kubhiti noupamhi hwechanza: Chigadziko chayo chakadzika kubhiti rimwe chete nekubhiti rimwe chete paupamhi, nomuromo uno upamhi hwechanza pamusoro. Uku ndiko kukwirira kwearitari:
'और हाथ के नाप से मज़बह के यह नाप हैं, और इस हाथ की लम्बाई एक हाथ चार उँगल है। पाया एक हाथ का होगा, और चौड़ाई एक हाथ और उसके चारो तरफ़ बालिश्त भर चौड़ा हाशिया, और मज़बह का पाया यही है।
14 Kubva pachigadziko chapasi kusvikira pamupanda wenyasi yakakwirira namakubhiti maviri uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kubva pamupanda muduku kusvikira pamupanda mukuru yakakwirira namakubhiti mana uye kubhiti rimwe chete paupamhi.
और ज़मीन पर के इस पाये से लेकर नीचे की कुर्सी तक दो हाथ, और उसकी चौड़ाई एक हाथ और छोटी कुर्सी से बड़ी कुर्सी तक चार हाथ और चौड़ाई एक हाथ।
15 Choto chearitari chakakwirira namakubhiti mana, uye nyanga ina dzakatarisa kumusoro kubva pachoto.
और ऊपर का मज़बह चार हाथ का होगा, और मज़बह के ऊपर चार सींग होंगे।
16 Choto chearitari chine mativi akaenzana, makubhiti gumi namaviri paurefu uye makubhiti gumi namaviri paupamhi.
और मज़बह बारह हाथ लम्बा होगा और बारह हाथ चौड़ा मुरब्बा।
17 Mupanda wokumusoro naiwowo una mativi akaenzana, wakareba makubhiti gumi namana uye makubhiti gumi namana paupamhi, nomuromo une hafu yekubhiti nechigadziko chekubhiti rimwe chete pakutenderera kwaro. Zvitsiko zvearitari zvakatarisa kumabvazuva.”
और कुर्सी चौदह हाथ लम्बी और चौदह हाथ चौड़ी मुरब्बा' और चारों तरफ़ उसका किनारा आधा हाथ, उसका पाया चारो तरफ़ एक हाथ और उसका ज़ीना पूरब रू होगा।
18 Ipapo iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha: Iyi ndiyo ichava mitemo yokubayira zvibayiro zvinopiswa nokusasa ropa pamusoro pearitari painenge yavakwa:
और उसने मुझ से कहा, ऐ आदमज़ाद, ख़ुदावन्द ख़ुदा यूँ फ़रमाता है: कि मज़बह के यह हुक्म उस दिन जारी होंगे जब वह उसे बनाएँगे, ताकि उस पर सोख़्तनी क़ुर्बानी पेश करें और उस पर ख़ून छिड़कें।
19 Unofanira kupa hando duku sechipiriso chechivi kuvaprista, vanova ndivo vaRevhi, vemhuri yaZadhoki, vanoswedera kuti vashumire pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
और तू लावी काहिनों को जो सदूक़ की नसल से हैं, जो मेरी ख़िदमत के लिए मेरे सामने आते हैं, ख़ता की क़ुर्बानी के लिए बछड़ा देना, ख़ुदावन्द ख़ुदा फ़रमाता है।
20 Unofanira kutora rimwe reropa ugoriisa panyanga ina dzearitari uye napamakona mana pamupanda wapamusoro napamuromo wose, nokudaro unatse aritari ugoiyananisira.
और तू उसके खू़न में से लेना और मज़बह के चारों सींगों पर, उसकी कुर्सी के चारों कोनों पर और उसके चारो तरफ़ के हाशिए पर लगाना; इसी तरह कफ़्फ़ारा देकर उसे पाक — ओ — साफ़ करना।
21 Unofanira kutora hando yechipiriso chechivi ugopisa panzvimbo yakatsaurwa yetemberi iri kunze kwenzvimbo tsvene.
और ख़ता की क़ुर्बानी के लिए बछड़ा लेना, और वह घर की मुक़र्रर जगह में हैकल के बाहर जलाया जाएगा।
22 “Pazuva rechipiri unofanira kubayira nhongo isina chainopomerwa chive chibayiro chechivi, uye aritari inofanira kunatswa sokunatswa kwayakaitwa nehando.
और तू दूसरे दिन एक बे'ऐब बकरा ख़ता की क़ुर्बानी के लिए पेश करना, और वह मज़बह को कफ़्फ़ारा देकर उसी तरह पाक करेंगे, जिस तरह बछड़े से पाक किया था।
23 Kana mapedza kuinatsa, unofanira kubayira hando duku uye negondobwe rinobva pamakwai, zvose zvisina chazvinopomerwa.
और जब तू उसे पाक कर चुके तो एक बे'ऐब बछड़ा और गल्ले का एक बे'ऐब मेंढा पेश करना।
24 Unofanira kuzvibayira pamberi paJehovha, uye vaprista vanofanira kusasa munyu pamusoro pazvo vagozvibayira sezvibayiro zvinopisirwa Jehovha.
और तू उनको ख़ुदावन्द के सामने लाना और काहिन उनपर नमक छिड़कें और उनको सोख़्तनी क़ुर्बानी के लिए ख़ुदावन्द के सामने पेश करें।
25 “Kwamazuva manomwe munofanira kuuya nenhongo zuva rimwe nerimwe chive chibayiro chechivi; uye unofanirawo kuuya nehando negondobwe rinotorwa kumakwai, parege kuva nezvazvinopomerwa zvose.
और तू सात दिन तक हर रोज़ एक बकरा ख़ता की क़ुर्बानी के लिए तैयार कर रखना, वह एक बछड़ा और गल्ले का एक मेंढा भी जो बे'ऐब हों तैयार कर रख्खें।
26 Vanofanira kuyananisira aritari nokuinatsa kwamazuva manomwe vagoinatsa; naizvozvo vagoikumikidza.
सात दिन तक वह मज़बह को कफ़्फ़ारा देकर पाक — ओ — साफ़ करेंगे और उसको मख़्सूस करेंगे।
27 Shure kwamazuva iwayo, kubva pazuva rorusere, vaprista vanofanira kuuya nezvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana paaritari. Ipapo ndichakugamuchirai, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
और जब यह दिन पूरे होंगे, तो यूँ होगा कि आठवें दिन और आइन्दा काहिन तुम्हारी सोख़्तनी कुर्बानियों को और तुम्हारी सलामती की कु़र्बानियों को मज़बह पर पेश करूँगे, और मैं तुम को क़ुबूल करूँगा; ख़ुदावन्द ख़ुदा फ़रमाता है।

< Ezekieri 43 >