< Ezekieri 21 >

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
ויהי דבר יהוה אלי לאמר
2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuJerusarema uparidze pamusoro penzvimbo tsvene. Profita pamusoro penyika yeIsraeri,
בן אדם שים פניך אל ירושלם והטף אל מקדשים והנבא אל אדמת ישראל
3 uti kwairi, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kuzokurwisa. Ndichavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo ndigouraya pakati penyu vose vakarurama nevakaipa.
ואמרת לאדמת ישראל כה אמר יהוה הנני אליך והוצאתי חרבי מתערה והכרתי ממך צדיק ורשע
4 Nokuti ndichaparadza vakarurama nevakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara kundorwa navose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro.
יען אשר הכרתי ממך צדיק ורשע לכן תצא חרבי מתערה אל כל בשר--מנגב צפון
5 Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo; hauchazodzokerimozve.’
וידעו כל בשר כי אני יהוה הוצאתי חרבי מתערה לא תשוב עוד
6 “Naizvozvo, gomera, mwanakomana womunhu! Gomera pamberi pavo nomwoyo wakapwanyika uye nokuchema neshungu.
ואתה בן אדם האנח בשברון מתנים ובמרירות תאנח לעיניהם
7 Zvino pavanokubvunza vachiti, ‘Unogomereiko?’ iwe uchati kwavari, ‘Nemhaka yamashoko ari kuuya. Mwoyo mumwe nomumwe uchanyauka uye ruoko rumwe norumwe rucharemara, mweya mumwe nomumwe uchaziya uye ibvi rimwe nerimwe richarukutika semvura.’ Zviri kuuya! Zvirokwazvo zvichaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
והיה כי יאמרו אליך על מה אתה נאנח ואמרת אל שמועה כי באה ונמס כל לב ורפו כל ידים וכהתה כל רוח וכל ברכים תלכנה מים--הנה באה ונהיתה נאם אדני יהוה
8 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
ויהי דבר יהוה אלי לאמר
9 “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naJehovha: “‘Munondo, munondo, wakarodzwa uye wakapukutwa,
בן אדם--הנבא ואמרת כה אמר אדני אמר חרב חרב הוחדה וגם מרוטה
10 wakarodzerwa kuuraya, wakapukutirwa kuti upenye semheni! “‘Tichazofara here netsvimbo youshe yomwanakomana wangu Judha? Munondo unozvidza zvimiti zvose zvakadai.
למען טבח טבח הוחדה למען היה לה ברק מרטה או נשיש שבט בני מאסת כל עץ
11 “‘Munondo wakagadzirirwa kuti upukutwe, kuti ubatwe noruoko; wakarodzwa uye wakapukutwa, wakagadzirirwa kuiswa muruoko rwomuurayi.
ויתן אתה למרטה לתפש בכף היא הוחדה חרב והיא מרטה לתת אותה ביד הורג
12 Chema uungudze, mwanakomana womunhu, nokuti unorwa navanhu vangu; unorwa namachinda ose aIsraeri. Vakakandwa kumunondo, pamwe chete navanhu vangu. Naizvozvo uzvirove chipfuva.
זעק והילל בן אדם--כי היא היתה בעמי היא בכל נשיאי ישראל מגורי אל חרב היו את עמי לכן ספק אל ירך
13 “‘Kuedzwa kuchauya zvirokwazvo. Ko, kana tsvimbo youshe yaJudha, iyo inozvidzwa nomunondo, ikasaenderera mberi chii chinoitika? ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’
כי בחן--ומה אם גם שבט מאסת לא יהיה נאם אדני יהוה
14 “Saka zvino, mwanakomana womunhu, profita uye urovanise maoko ako pamwe chete. Rega munondo ubaye kaviri, kunyange katatu. Ndiwo munondo wokuuraya, iwo munondo wokuuraya kukuru, uri kuuya kwavari kubva kumativi ose.
ואתה בן אדם--הנבא והך כף אל כף ותכפל חרב שלישתה חרב חללים--היא חרב חלל הגדול החדרת להם
15 Kuti mwoyo inyungudike uye vanowa vawande, munondo ndakauyisa pamasuo avo ose kuti uuraye. Haiwa, wakagadzirirwa kuti upenye semheni, wakabatwa kuti uuraye.
למען למוג לב והרבה המכשלים--על כל שעריהם נתתי אבחת חרב אח עשויה לברק מעטה לטבח
16 Haiwa, iwe munondo, cheka kurudyi, ugochekawo kuruboshwe, kwose kunorerekera munondo wako.
התאחדי הימני השימי השמילי אנה פניך מעדות
17 Neniwo ndicharova maoko angu pamwe chete, uye hasha dzangu dzichaserera. Ini Jehovha ndazvitaura.”
וגם אני אכה כפי אל כפי והניחתי חמתי אני יהוה דברתי
18 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti:
ויהי דבר יהוה אלי לאמר
19 “Mwanakomana womunhu, tara migwagwa miviri yomunondo wamambo weBhabhironi yaachafamba nayo, yose iri miviri ichitangira munyika imwe chete. Uite chikwangwari panoparadzana mugwagwa uchipinda muguta.
ואתה בן אדם שים לך שנים דרכים לבוא חרב מלך בבל--מארץ אחד יצאו שניהם ויד ברא בראש דרך עיר ברא
20 Utare mugwagwa mumwe chete womunondo unouya kuzorwa neRabha ravaAmoni uye mumwe uchizorwa neJudha neJerusarema rakakomberedzwa.
דרך תשים--לבוא חרב את רבת בני עמון ואת יהודה בירושלם בצורה
21 Nokuti mambo weBhabhironi achamira pamharadzano dzemugwagwa, pamharadzano dzemigwagwa miviri, kuti aite zvokuvuka: Achakanda mijenya nemiseve, achabvunza zvifananidzo zvake, achaongorora chiropa.
כי עמד מלך בבל אל אם הדרך בראש שני הדרכים--לקסם קסם קלקל בחצים שאל בתרפים ראה בכבד
22 Muruoko rwake rworudyi muchava nomujenya weJerusarema, paachamisa zvokuparadza nazvo masvingo, kuti arayire zvokuuraya, adanidzire zvehondo, amise zvokuparadza nazvo masuo, vavake mirwi yokurwisa nokukomba guta.
בימינו היה הקסם ירושלם לשום כרים לפתח פה ברצח להרים קול בתרועה--לשום כרים על שערים לשפך סללה לבנות דיק
23 Zvichange zvakaita sokuvuka kuna vaya vakange vapikira kumuteerera, asi iye achavarangaridza nezvemhosva yavo agovatora kuti avaite nhapwa.
והיה להם כקסום (כקסם) שוא בעיניהם שבעי שבעות להם והוא מזכיר עון להתפש
24 “Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Nemhaka yokuti imi vanhu makandiyeuchidza mhosva yenyu nokundimukira pachena, muchiratidza pachena zvivi zvenyu pazvinhu zvose zvamunoita, nokuda kwokuti makaita izvi, muchaitwa nhapwa.
לכן כה אמר אדני יהוה יען הזכרכם עונכם בהגלות פשעיכם להראות חטאותיכם בכל עלילותיכם--יען הזכרכם בכף תתפשו
25 “‘Haiwa, iwe muchinda waIsraeri akaipa uye anozvidza, ane zuva rasvika, ane nguva yokurangwa kwake yasvika pakupedzisira,
ואתה חלל רשע נשיא ישראל אשר בא יומו בעת עון קץ
26 zvanzi naIshe Jehovha: Bvisai nguwani youprista, bvisai korona. Hazvichazorambi zviri sezvazvaiva: vanozvidzwa vachasimudzirwa uye vanokudzwa vachaninipiswa.
כה אמר אדני יהוה הסיר המצנפת והרים העטרה זאת לא זאת--השפלה הגבה והגבה השפיל
27 Dongo! Dongo! Ndichariita dongo! Harichazovandudzwazve kusvikira mwene waro auya; ndiye wandichapa.’
עוה עוה עוה אשימנה גם זאת לא היה עד בא אשר לו המשפט ונתתיו
28 “Uye iwe, mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavaAmoni nokutuka kwavo: “‘Munondo, munondo, wavhomorwa kuti uuraye, wapukutwa kuti uparadze uye kuti upenye semheni!
ואתה בן אדם הנבא ואמרת כה אמר אדני יהוה אל בני עמון ואל חרפתם ואמרת חרב חרב פתוחה לטבח מרוטה להכיל למען ברק
29 Kunyange vakaona zviratidzo zvenhema pamusoro pako, vakavuka zvenhema pamusoro pako, zvichaiswa pamitsipa yavakaipa vachazourayiwa, vane zuva ravo rasvika, ivo vane nguva yokurangwa yasvika pokupedzisira.
בחזות לך שוא בקסם לך כזב--לתת אותך אל צוארי חללי רשעים אשר בא יומם בעת עון קץ
30 Chidzosera munondo mumuhara wawo. Panzvimbo yawakasikwa uri, munyika yamadzitateguru ako, ndipo pandichakutongera.
השב אל תערה במקום אשר נבראת בארץ מכרותיך אשפט אתך
31 Ndichadurura hasha dzangu pamusoro pako, uye ndigofemera kutsamwa kwangu kunotyisa pamusoro pako; ndichakuisa kuvanhu vane utsinye, vanhu vanoziva kuparadza.
ושפכתי עליך זעמי באש עברתי אפיח עליך ונתתיך ביד אנשים בערים חרשי משחית
32 Uchava huni dzomoto, ropa rako richateurwa munyika yako, hauchazorangarirwazve; nokuti ini Jehovha ndazvitaura.’”
לאש תהיה לאכלה דמך יהיה בתוך הארץ לא תזכרי כי אני יהוה דברתי

< Ezekieri 21 >