< Ekisodho 29 >

1 “Izvi ndizvo zvaunofanira kuita kuti uvanatse, kuti vandishumire savaprista: Utore hando duku namakondobwe maviri asina chinongo.
“But you shall also do this, so that they may be consecrated to me in the priesthood: Take a calf from the herd, and two immaculate rams,
2 Uye ubike chingwa noupfu hwakatsetseka hwegorosi, husina mbiriso, uye ubike makeke akavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta.
and unleavened bread, and a crust without leaven that has been sprinkled with oil, likewise, unleavened cakes smeared with oil. You shall make them all from the same wheat flour.
3 Uzviise mudengu uye ugozvikumikidza zviri imomo, pamwe chete nehando uye makondobwe maviri.
And, having placed them in baskets, you shall offer them, along with the calf and the two rams.
4 Ipapo ugouya naAroni navanakomana vake kumukova wokupinda nawo kuTende Rokusangana ugovashambidza nemvura.
And you shall bring forward Aaron and his sons, to the door of the tabernacle of the testimony. And when you will have washed the father with his sons in water,
5 Tora hanzu ugopfekedza Aroni jasi, nguo yeefodhi neefodhi pachayo uye nechidzitiro chapachipfuva. Usungire efodhi paari nebhanhire romuchiuno rakarukwa nounyanzvi.
you shall clothe Aaron in his vestments, that is, with the linen, and the tunic, and the ephod, and the breastplate, which you shall draw together with the wide belt.
6 Uise nguwani pamusoro wake uye ugoibatanidza nekorona tsvene.
And you shall place the headdress on his head and the holy plate upon the headdress.
7 Utore mafuta okuzodza ugomuzodza uchiita zvokuadira pamusoro pake.
And you shall pour the oil of unction over his head. And so, by this rite, he shall be consecrated.
8 Uye vanakomana vake ugovapfekedza majasi
Likewise, you shall bring forward his sons, and you shall clothe them in the linen tunics, and wrap them with the wide belt:
9 uye ugoisa mabhanhire omumusoro pamusoro pavo. Ipapo ugosungira ndaza pana Aroni navanakomana vake. Uprista ndohwavo nomutemo usingaperi. Nenzira iyi uchagadza Aroni navanakomana vake.
Aaron, certainly, as well as his sons. And you shall impose headdresses upon them. And they shall be priests to me by a perpetual ordinance. After you have initiated their hands,
10 “Uuye nehando pamberi peTende Rokusangana, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro payo.
you shall bring forward also the calf, in the presence of the tabernacle of the testimony. And Aaron and his sons shall lay their hands upon its head.
11 Uiuraye pamberi pomukova wokupinda kuTende Rokusangana.
And you shall sacrifice it in the sight of the Lord, beside the door of the tabernacle of the testimony.
12 Utore rimwe reropa rehando ugoriisa panyanga dzearitari nomunwe wako, uye ugodira rasara racho pahwaro hwearitari.
And taking some of the blood of the calf, you shall place it upon the horns of the altar with your finger, but the remainder of the blood you shall pour next to its base.
13 Ipapo ugotora mafuta ose akapoteredza zvomukati, zvinoti chiropa, neitsvo dziri mbiri namafuta ari pamusoro padzo, ugoapisa pamusoro pearitari.
And you shall take all the fat which covers its intestines, and the mesh of the liver, as well as the two kidneys, and the fat that is on them, and you shall offer them as a burnt offering upon the altar.
14 Asi upise nyama yehando nedehwe rayo namazvizvi ayo kunze kwomusasa. Ndicho chipiriso chechivi.
Yet truly, the flesh of the calf, and the hide and the dung, you shall burn outside, beyond the camp, because it is for sin.
15 “Utore rimwe regondobwe, uye Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro paro.
Likewise, you shall take one ram, and upon its head Aaron and his sons shall lay their hands.
16 Uriuraye ugotora ropa raro urisase pamativi ose earitari.
And when you will have sacrificed it, you shall take from its blood and pour it around the altar.
17 Ucheke gondobwe kuita muzvidimbu zvidimbu uye ugosuka zvomukati, uye makumbo, uchiaisa pamwe chete nomusoro nezvimwe zvidimbu.
Then you shall cut the ram into pieces, and, having washed its intestines and feet, you shall place these upon the cut-up flesh and upon its head.
18 Ipapo ugopisa gondobwe rose paaritari. Ndicho chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
And you shall offer the entire ram as a burnt offering upon the altar. It is an oblation to the Lord, a most sweet odor of the victim of the Lord.
19 “Utore rimwe gondobwe, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro waro.
Likewise, you shall take the other ram, upon whose head Aaron and his sons shall lay their hands.
20 Uriuraye, utore rimwe ropa raro ugoriisa pamucheto wenzeve dzorudyi dzavanakomana vaAroni, napazvigunwe zvikuru zvamaoko avo orudyi, nokuzvigunwe zvikuru zvokutsoka dzavo dzorudyi. Ipapo ugosasa ropa pamativi ose earitari.
And when you will have immolated it, you shall take of its blood, and place it on the tip of the right ear of Aaron and his sons, and on the thumbs and big toes of their right hand and right foot, and you shall pour the blood upon the altar, all around.
21 Uye ugotora rimwe ropa riri paaritari namamwe mafuta okuzodza usase pana Aroni napanguo dzake uye napavanakomana vake napanguo dzavo. Ipapo iye navanakomana vake nenguo dzavo vachanatswa.
And when you have taken from the blood that is on the altar, and from the oil of unction, you shall sprinkle Aaron and his vestment, his sons and their vestments. And after they and their vestments have been consecrated,
22 “Utore pagondobwe iri mafuta, mafuta apamuswe, mafuta akapoteredza zvomukati, akafukidza chiropa, itsvo dzose dziri mbiri namafuta ari padziri, uye nechidya chokurudyi. (Iri ndiro gondobwe rokugadzwa.)
you shall take the fat of the ram, and the rump, and the lard that covers the internal organs, and the mesh of the liver, and the two kidneys along with the fat that is on them, and the right shoulder, because it is the ram of consecration,
23 Kubva padengu rechingwa chakabikwa chisina mbiriso, chiri pamberi paJehovha, utore chimwe chete, nekeke rakavhenganiswa namafuta, uye nechingwa chitete.
and one turn of bread, a crust sprinkled with oil, and a cake from the basket of unleavened bread, which was placed in the sight of the Lord.
24 Uise izvi zvose mumaoko aAroni navanakomana vake ugozvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira.
And you shall place all these in the hands of Aaron and his sons, and you shall sanctify them, lifting them up in the sight of the Lord.
25 Ipapo uzvitore kubva mumaoko avo ugozvipisa paaritari pamwe chete nechipiriso chinopiswa chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
And you shall take all these things from their hands and burn them upon the altar as a holocaust, as a most sweet odor in the sight of the Lord, because it is his oblation.
26 Shure kwokunge watora chityu chegondobwe rokugadzwa kwaAroni, uchininire pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira uye chichava mugove wako.
Likewise, you shall take the chest of the ram, with which Aaron was initiated, and you shall sanctify it, lifting it up in the sight of the Lord, and it will fall to your share.
27 “Unatse mitezo iyo yegondobwe rokugadza raAroni navanakomana vake: chityu chakaninirwa uye chakakumikidzwa.
And you shall sanctify both the consecrated chest and the shoulder that you separated from the ram,
28 Uyu unofanira kuva mugove wenguva dzose unobva kuvaIsraeri, waAroni navanakomana vake. Uyu ndiwo mugove unofanira kupiwa navaIsraeri kuna Jehovha kubva pazvipiriso zvavo zvokuwadzana.
with which Aaron was initiated with his sons, and these will fall to the share of Aaron and his sons, as a perpetual oath by the sons of Israel. For these are the greatest and the first of their victims of peace, which they offer to the Lord.
29 “Nguo tsvene dzaAroni dzichava dzezvizvarwa zvake kuitira kuti vazodzwe uye vagogadzwa vakadzipfeka.
But the holy vestment, which Aaron shall use, his sons shall possess after him, so that they may be anointed in it and their hands may be consecrated.
30 Mwanakomana wake achamutevera pauprista uye anouya kuTende Rokusangana kuti azoshumira ari muNzvimbo Tsvene, anofanira kudzipfeka kwamazuva manomwe.
For seven days, he who is high priest in his place and who enters the tabernacle of the testimony to minister in the Sanctuary shall use it.
31 “Utore gondobwe rokugadzwa ugobika nyama yaro munzvimbo tsvene.
But you shall take the ram of consecration and cook its flesh in the holy place.
32 Aroni navanakomana vake vanofanira kudya nyama yegondobwe uye nechingwa chiri mudengu vari pamukova wokupinda paTende Rokusangana.
And Aaron and his sons shall feed on it. Likewise, the loaves which are in the basket, they shall consume in the vestibule of the tabernacle of the testimony,
33 Vanofanira kudya zvipiriso izvi zvavakaitirwa yananiso yokugadzwa kwavo uye nokunatswa kwavo nazvo. Asi hakuna mumwe munhu anofanira kuzvidya nokuti zvitsvene.
so that it may be an appeasing sacrifice, and so that the hands of those who offer may be sanctified. A stranger shall not eat from these, for they are holy.
34 Uye kana pakava nenyama yegondobwe rokugadzwa inosara kana chingwa chipi zvacho chinosara kusvikira mangwana mangwanani, muzvipise. Hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene.
And what may remain until morning, of the consecrated flesh or of the bread, you shall burn these remnants with fire. These shall not be eaten, because they have been sanctified.
35 “Uitire Aroni navanakomana vake zvinhu zvose zvandakakurayira, uchitora mazuva manomwe okuvagadza.
All that I have instructed you concerning Aaron and his sons, you shall do. For seven days shall you consecrate their hands,
36 Ubayire hando zuva rimwe nerimwe sechipiriso chechivi chive chokuyananisa. Unatse aritari nokuiitira yananiso, uye ugoizodza kuti uiite tsvene.
and you shall offer a calf for sin on each day, as an atonement. And you shall cleanse the altar when you will have immolated the victim of expiation, and you shall anoint it for sanctification.
37 Mazuva manomwe uyananisire aritari uye uinatse. Ipapo aritari ichava tsvene-tsvene, uye chose chichaigunzva chichava chitsvene.
For seven days, you shall expiate and sanctify the altar, and it shall be the Holy of holies. All those who will touch it must be sanctified.
38 “Izvi ndizvo zvaunofanira kupa paaritari nguva dzose zuva rimwe nerimwe: makwayana maviri egore rimwe chete.
This is what you shall acquire for the altar: Two one-year-old lambs, each day continually,
39 Ubayire rimwe chete mangwanani uye nerimwe chete madekwana.
one lamb in the morning, and the other in the evening;
40 Negwayana rokutanga ubayire nechegumi cheefa choupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvina chehini chamafuta akabva mumaorivhi akasvinwa, uye chikamu chimwe chete kubva muzvina chehini yewaini chive chipiriso chinonwiwa.
for the one lamb, a tenth part of fine flour sprinkled with crushed oil, which shall have the measure of the fourth part of a hin, and wine for a libation, of the same measure;
41 Ubayire rimwe gwayana zuva richangovira pamwe chete nechipiriso chimwe chetecho chezviyo nechipiriso chacho chinonwiwa sechamangwanani, chive chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto.
truly, the other lamb you shall offer in the evening, according to the ritual of the morning oblation, and according to what we have said, as an odor of sweetness.
42 “Chipiriso chinopiswa ichi chinofanira kuitwa nguva dzose pamukova weTende Rokusangana pamberi paJehovha kuzvizvarwa zvose.
It is a sacrifice to the Lord, by a perpetual oblation among your generations, at the door of the tabernacle of the testimony before the Lord, where I resolve to speak to you.
43 Ipapo ndipo pandichasangana newe uye ndigotaura kwauri, ndipozve pandichasangana navaIsraeri, uye nzvimbo iyi ichatsaurwa nokubwinya kwangu.
And there I will instruct the sons of Israel, and the altar shall be sanctified by my glory.
44 “Saka ndichatsaura Tende Rokusangana nearitari uye ndichatsaura Aroni navanakomana vake kuti vandishumire savaprista.
I will also sanctify the tabernacle of the testimony with the altar, and Aaron with his sons, to exercise the priesthood for me.
45 Ipapo ndichagara pakati pavaIsraeri uye ndigova Mwari wavo.
And I will live in the midst of the sons of Israel, and I will be their God.
46 Vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, akavabudisa kubva muIjipiti kuitira kuti ndigogara pakati pavo. Ndini Jehovha Mwari wavo.
And they shall know that I am the Lord their God, who led them away from the land of Egypt, so that I might dwell among them. I am the Lord their God.”

< Ekisodho 29 >