< Ekisodho 22 >

1 “Kana munhu akaba nzombe kana gwai uye akauraya kana kutengesa anofanira kuripa mombe shanu nokuda kwenzombe uye makwai mana pagwai rimwe chete. 2 “Kana mbavha ikabatwa ichipaza uye ikarohwa ikafa, nyakudzivirira haana mhosva yokuteura ropa; 3 asi kana zvikaitika shure kwokubuda kwezuva, anenge ane mhosva yokuteura ropa. “Mbavha inofanira kudzora zvayaba, asi kana isina chinhu, inofanira kutongeswa kuti iripe umbavha hwayo. 4 “Kana chipfuwo chakabiwa chikawanikwa chichiri chipenyu muruoko rwake, ingava nzombe kana mbongoro kana gwai, iye anofanira kuripa zvava zviviri. 5 “Kana munhu akafudza zvipfuwo zvake mumunda kana mumunda womuzambiringa uye akarega zvipfuwo zvake zvichidya mumunda womunhu, anofanira kudzorera zvakaisvonaka zvinobva mumunda wake kana mumunda wake womuzambiringa. 6 “Kana moto ukapfuta uye ukapararira muzvikwenzi zveminzwa zvokuti unopisa mirwi yezviyo kana zviyo zvimire, kana munda wose, munhu abatidza moto anofanira kudzorera nomuripo. 7 “Kana munhu akapa muvakidzani wake sirivha kana zvinhu kuti achengete zvichibva zvabiwa kubva mumba momuvakidzani, mbavha yacho, kana ikabatwa, inofanira kuripa zvakapetwa kaviri. 8 Asi kana mbavha isina kuwanikwa, muridzi wemba anofanira kumira pamberi pavatongi kuti zvionekwe kana akaisa ruoko rwake pazvinhu zvomumwe munhu. 9 Panyaya dzose dzokuchengeta zvisiri pamutemo, nzombe, mbongoro, gwai, nguo kana chimwewo zvacho chakarasika chinonzi nomumwe munhu, ‘Ndechangu ichi’, vaviri ava vanofanira kuuya nenyaya dzavo pamberi pavatongi. Munhu uyo achanzi ane mhosva navatongi anofanira kuripira muvakidzani wake zvakapetwa kaviri. 10 “Kana munhu akapa mbongoro, nzombe, gwai kana chipfuwo chipi zvacho kumuvakidzani wake kuti achengete chichibva chafa kana kukuvara kana kutorwa pasina anozviona, 11 nyaya iri pakati pavo inofanira kugadziriswa nokuita mhiko pamberi paJehovha yokuti muvakidzani haana kuisa maoko ake pazvinhu zvomumwe munhu. Muridzi anofanira kugamuchira izvi, uye hapana muripo unodikanwa apa. 12 Asi kana chipfuwo chakabiwa kubva kumuvakidzani, iye anofanira kudzorera kumuridzi nomuripo. 13 Kana chakabvarurwa-bvarurwa nechikara chesango, iye achauyisa zvakasara zvacho zvive umboo uye haazosungirwi kuripa chipfuwo chakabvamburwa. 14 “Kana munhu akakwereta chipfuwo kubva kumuvakidzani wake uye chikakuvara kana kufa, muridzi wacho asipo, anofanira kuripa. 15 Asi kana muridzi ane chipfuwo chacho, akwereta haafaniri kuzoripa. Kana chipfuwo ichi changa chichiripirwa mari yokuchishandisa, mari yakaripwa yacho ndiyo inozozadzisa kurasikirwa kwake. 16 “Kana murume akanyengera musikana anenge ari mhandara asina kutsidzira kuti awanikwe uye akavata naye, iye anofanira kubvisa roora, uye achava mukadzi wake. 17 Kana baba vake vasingadi zvachose kuti vamupe kwaari, anofanira bedzi kubvisa roora rinobvisirwa mhandara. 18 “Usatendera muroyikadzi kuti ararame. 19 “Ani naani anoita chipfuwo mukadzi anofanira kuurayiwa. 20 “Ani naani anobayira kuna mwari upi zvake kunze kwangu anofanira kuparadzwa. 21 “Usabata mutorwa zvakaipa kana kumudzvinyirira, nokuti imi makanga muri vatorwa muIjipiti. 22 “Musaitira zvakaipa chirikadzi nenherera. 23 Kana mukaita izvozvo uye ivo vakachema kwandiri, zvirokwazvo ndichanzwa kuchema kwavo. 24 Kutsamwa kwangu kuchamuka, uye ndichakuurayai nomunondo; vakadzi venyu vachava chirikadzi uye vana venyu vachava nherera. 25 “Kana mukakweretesa mari kuno mumwe wavanhu vangu vari pakati penyu vanoshaya, musaita somunhu webasa rokukweretesa; musamuripisa yava nemhindu. 26 Kana ukatora jasi romuvakidzani wako sechitsidzo, uridzorere kwaari zuva rodoka, 27 nokuti jasi rake ndicho chifukidzo bedzi chaanacho chomuviri wake. Achavata akafukeiko? Paanochema kwandiri, ini ndichanzwa, nokuti ndine tsitsi. 28 “Usamhura Mwari kana kutuka mutongi wavanhu vako. 29 “Usarega kupa zvipiriso zvinobva mumatura ako kana muzvisviniro zvako. “Unofanira kundipa dangwe ravanakomana vako. 30 Muite zvimwe chetezvo kumombe dzenyu nokumakwai enyu. Murege zvigare mazuva manomwe navanamai vazvo, asi muzvipe kwandiri pazuva rorusere. 31 “Munofanira kuva vanhu vangu vatsvene. Saka musadya nyama yechipfuwo chakabvamburwa nezvikara zvesango, muikandire kumbwa.

< Ekisodho 22 >