< Dhuteronomi 3 >

1 Mushure maizvozvo takadzoka tikakwidza nenzira inoenda kuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose vakauya kuzorwa nesu paEdhirei.
Then we turned, and went vp by the way of Bashan: and Og King of Bashan came out against vs, he, and all his people to fight at Edrei.
2 Jehovha akati kwandiri, “Usatya nokuda kwake, nokuti ndakamuisa kwauri uye nenyika yake. Muitire sezvamakaita kuna Sihani mambo wavaAmoni, akanga achitonga muHeshibhoni.”
And the Lord sayde vnto me, Feare him not, for I will deliuer him, and all his people, and his land into thine hand, and thou shalt doe vnto him as thou diddest vnto Sihon King of the Amorites, which dwelt at Heshbon.
3 Naizvozvo Jehovha Mwari wedu akaisawo Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose mumaoko edu. Takavaparadza tikasasiya kana mumwe chete mupenyu.
So the Lord our God deliuered also vnto our hand, Og the King of Bashan, and all his people: and we smote him, vntill none was left him aliue,
4 Panguva iyoyo takatora maguta ake ose. Hapana kana guta rimwe chete ratisina kuvatorera pamaguta makumi matanhatu, nyika yose yeArigobhu, noushe hwaOgi muBhashani.
And we tooke all his cities the same time, neither was there a citie which we tooke not from them, euen three score cities, and all ye countrey of Argob, the kingdome of Og in Bashan.
5 Maguta ose iwaya akanga akapoteredzwa namasvingo marefu namasuo namazariro, uye kwakanga kunewo misha mizhinji kwazvo yakanga isina kukomberedzwa namasvingo.
All these cities were fenced with hie walles, gates and barres, beside vnwalled townes a great many.
6 Takaaparadza zvachose, sezvatakaitira Sihoni mambo weHeshibhoni, takaparadza guta rimwe nerimwe, varume, navakadzi uye navana.
And we ouerthrewe them, as we did vnto Sihon King of Heshbon, destroying euery citie, with men, women, and children.
7 Asi zvipfuwo zvose nezvatakapamba kubva mumaguta avo takazvitora zvikava zvedu.
But all the cattell and the spoyle of the cities we tooke for our selues.
8 Saka nenguva iyoyo takatorera madzimambo maviri aya avaAmoni nyika yokumabvazuva kweJorodhani, kubva paMupata weArinoni kusvikira kuGomo reHerimoni.
Thus we tooke at that time out of the hand of two Kings of the Amorites, the land that was on this side Iorden from the riuer of Arnon vnto mount Hermon:
9 (Herimoni rinonzi Sirioni navaSidhoni; vaAmori vanoriti Seniri).
(Which Hermon the Sidonians call Shirion, but the Amorites call it Shenir)
10 Takatora maguta ose enzvimbo yakakwirira neGireadhi yose, uye neBhashani yose kusvikira paSareka neEdhirei, maguta oushe hwaOgi muBhashani.
All the cities of the plaine, and all Gilead, and all Bashan vnto Salchah, and Edrei, cities of the kingdome of Og in Bashan.
11 (Ogi mambo weBhashani ndiye chete akasara pane vakasara vevaRefaiti. Mubhedha wake wakanga wakagadzirwa nesimbi uye wakanga wakareba makubhiti mapfumbamwe uye makubhiti mana paupamhi. Uchiriko muRabha ravaAmoni.)
For onely Og King of Bashan remained of the remnant of the gyants, whose bed was a bed of yron: is it not at Rabbath among the children of Ammon? the length thereof is nine cubites, and foure cubites the breadth of it, after the cubite of a man.
12 Panyika yatakatora panguva iyoyo, ndakapa vaRubheni navaGadhi nyika yokumusoro kweAroeri Mupata weArimoni, kusanganisira nehafu yenyika yamakomo yeGireadhi, pamwe chete namaguta ayo.
And this land which we possessed at that time, from Aroer, which is by the riuer of Arnon, and halfe mount Gilead, and the cities thereof, gaue I vnto the Reubenites and Gadites.
13 Imwe nyika yose yeGireadhi uyewo neBhashani yose, muumambo hwaOgi ndakapa kuhafu yorudzi rwaManase. (Nyika yose yeArigobhu muBhashani yaimbozivikanwa senyika yavaRefaimu.
And the rest of Gilead, and all Bashan, the kingdome of Og, gaue I vnto the halfe tribe of Manasseh: euen all the countrey of Argob with all Bashan, which is called, The land of gyants.
14 Jairi mwana waManase, akatora nyika yose yeArigobhu, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri navaMaakati, akaitumidza zita rake zvokuti nanhasi Bhashani inonzi Havhoti Jairi.)
Iair the sonne of Manasseh tooke all the countrey of Argob, vnto the coastes of Geshuri, and of Maachathi: and called them after his owne name, Bashan, Hauoth Iair vnto this day.
15 Uye ndakapa Gireadhi kuna Makiri.
And I gaue part of Gilead vnto Machir.
16 Asi vaRubheni navaGadhi ndakavapa nyika inobva paGireadhi zvichidzika kusvikira paMupata weArinoni (pakati pemupata uriwo muganhu) uye kubuda kusvikira kuRwizi Jabhoki, unova ndiwo muganhu wavaAmoni.
And vnto the Reubenites and Gadites I gaue the rest of Gilead, and vnto the riuer of Arnon, halfe the riuer and the borders, euen vnto the riuer Iabbok, which is the border of the children of Ammon:
17 Muganhu wayo wokumavirira waiva Jorodhani muArabha, kubva Kinereti kusvika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), mujinga mamawere ePisiga.
The plaine also and Iorden, and the borders from Chinneereth euen vnto the Sea of the plaine, to wit, the salt Sea vnder the springs of Pisgah Eastwarde.
18 Panguva iyo ndakakurayirai, ndikati, “Jehovha Mwari wenyu akakupai nyika iyi kuti ive yenyu. Asi varume vose vakasimba vanofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu vaIsraeri, vakashonga nhumbi dzokurwa.
And I commanded you the same time, saying, The Lord your God hath giuen you this lande to possesse it: ye shall goe ouer armed before your brethren the children of Israel, all men of warre.
19 Asi, vakadzi venyu navana venyu uye nezvipfuwo zvenyu (ndinoziva kuti mune zvipfuwo zvakawanda) zvinosara mumaguta andakakupai,
Your wiues onely, and your children, and your cattel (for I know that ye haue much cattel) shall abide in your cities, which I haue giuen you,
20 kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo sezvaakarayira kwamuri, uye naivowo vatora nyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJorodhani. Shure kwaizvozvo mumwe nomumwe wenyu achadzoka kunhaka yandakakupai.”
Vntill the Lord haue giuen rest vnto your brethren as vnto you, and that they also possesse the lande, which the Lord your God hath giuen them beyond Iorden: then shall ye returne euery man vnto his possession, which I haue giuen you.
21 Panguva iyo ndakarayira Joshua, ndikati, “Wakaona nameso ako zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wako kumadzimambo maviri aya. Jehovha achaita zvimwe chetezvo kuushe hwose mhiri uko kwamunoenda.
And I charged Ioshua the same time, saying, Thine eyes haue seene all that the Lord your God hath done vnto these two Kings: so shall the Lord doe vnto all the kingdomes whither thou goest.
22 Usavatya; Jehovha Mwari wako pachake achakurwira.”
Ye shall not feare them: for the Lord your God, he shall fight for you.
23 Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha panguva iyo, ndikati,
And I besought the Lord the same time, saying,
24 “Imi Ishe Jehovha, makatanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu noruoko rwenyu rune simba. Nokuti ndoupiko Mwari kudenga kana panyika angaita zvakafanana namabasa enyu uye namabasa makuru amunoita?
O Lord God, thou hast begunne to shewe thy seruant thy greatnesse and thy mightie hande: for where is there a God in heauen or in earth, that can do like thy workes, and like thy power?
25 Nditenderei henyu kuti ndiyambuke ndinoona nyika yakanaka iri mhiri kwaJorodhani, iyo nyika yamakomo yakanaka neRebhanoni.”
I pray thee let me go ouer and see the good land that is beyond Iorden, that goodly mountaine, and Lebanon.
26 Asi nokuda kwenyu, Jehovha akanditsamwira akasandinzwa Jehovha akati kwandiri, “Zvaringana. Usataurazve kwandiri pamusoro peshoko iri.
But the Lord was angrie with me for your sakes, and would not heare me: and the Lord said vnto me, Let it suffice thee, speake no more vnto me of this matter.
27 Kwira pamusoro pegomo rePisiga ugotarisa kumadokero nokumusoro nezasi nokumabvazuva, uone nyika yacho nameso ako, sezvo usingazoyambuki Jorodhani urwu.
Get thee vp into the top of Pisgah, and lift vp thine eyes Westward, and Northwarde, and Southward, and Eastward, and behold it with thine eyes, for thou shalt not goe ouer this Iorden:
28 Asi rayira Joshua, ugomukurudzira nokumusimbisa nokuti achatungamirira vanhu ava pakuyambuka uye achaita kuti vagare nhaka yenyika yauchaona.”
But charge Ioshua, and incourage him, and bolden him: for hee shall goe before this people, and he shall deuide for inheritance vnto them, the land which thou shalt see.
29 Saka takagara mumupata uri pedyo neBheti Peori.
So wee abode in the valley ouer against Beth-Peor.

< Dhuteronomi 3 >