< Dhuteronomi 18 >

1 Vaprista vanova vaRevhi, zvirokwazvo rudzi rwose rwaRevhi, havafaniri kuva nomugove kana nhaka pamwe chete neIsraeri. Vachararama nezvipiriso zvinopiswa zvaJehovha, nokuti ndiyo nhaka yavo.
The Levitical priests, in fact the whole tribe of Levi, will not have a share in the land allotment with the other Israelites. They are to eat from the food offerings presented to the Lord—that is what they are entitled to receive.
2 Havazovi nenhaka pakati pehama dzavo: Jehovha ndiye nhaka yavo sezvaakavavimbisa.
While they don't own land among the other tribes, the Lord takes care of them, as he promised.
3 Uyu ndiwo mugove wakafanira vaprista kubva kuvanhu vanobayira nzombe kana gwai: bandauko neshaya dzacho uye nezvemukati.
The priests' share of a sacrifice of a bull or a sheep that is brought by the people is as follows. The priests are to be given the shoulder, the jaw, and the insides.
4 Munofanira kuvapa zvibereko zvokutanga zvezviyo, waini itsva namafuta, uye namakushe okutanga amakwai ako,
You are to provide them with the firstfruits of your grain, new wine, and olive oil, as well as the first wool sheared from your flock.
5 nokuti Jehovha Mwari wenyu akavasarudza ivo nezvizvarwa zvavo, kubva pakati pamarudzi ose kuti vamire vachishumira muzita raJehovha nguva dzose.
For the Lord your God has chosen Levi and his descendants from all your tribes to stand before him and serve in his name forever.
6 Kana muRevhi akabva mune rimwe ramaguta enyu, kupi zvako muIsraeri kwaanenge achigara, uye akauya nomwoyo wake wose kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha,
If a Levite is convinced he should move from any Israelite town and goes to the place the Lord will choose,
7 anogona hake kushumira muzita raJehovha Mwari wake savamwe vake vose vaRevhi vanoshumira ipapo pamberi paJehovha.
then he shall be allowed to serve in the name of the Lord his God like all his fellow Levites who stand there in service before the Lord.
8 Anofanira kuwana mugove wakaenzana newavo, kunyange zvake akawana mari paakatengesa nhaka yemhuri yake.
They will all receive the same food allowances, despite him having received money from the sale of his father's property.
9 Kana muchinge mapinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, musadzidzira kutevedzera nzira dzinonyangadza dzendudzi dzirimo.
Once you enter the country the Lord your God is giving you, don't copy the offensive ways of the nations there.
10 Ngapasava nomumwe pakati penyu anoita mwanakomana wake kana mwanasikana wake chibayiro chinopiswa, kana anovuka kana anoita zvamazango kana anotenda zvamashura, kana kuita zvouroyi,
There should be no one who sacrifices their son or daughter in the fire, practices divination or fortune-telling, uses magic or sorcery,
11 kana anoita zvounʼanga, kana anotenda zvamasvikiro kana anobvunza vakafa.
practices witchcraft, visits a medium or spiritist, or communicates with the dead. Anyone does such things offends the Lord.
12 Ani naani anoita zvinhu izvi anonyangadza pamberi paJehovha, uye nokuda kwetsika idzi dzinonyangadza Jehovha Mwari wenyu achadzinga ndudzi idzi pamberi penyu.
It's because of these offensive things that the Lord your God is driving out the nations before you.
13 Unofanira kuva wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.
You are to be innocent of such things in the presence of the Lord your God.
14 Ndudzi dzamunotorera nyika dzinoteerera kuna avo vanoita zvamazango kana kuvuka. Asi kana muri imi Jehovha Mwari wenyu haana kukutenderai kuti muite izvozvo.
Even though these nations, whose land you will occupy, listen to magicians and fortune-tellers, the Lord your God forbids you to do so.
15 Jehovha Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akaita seni kubva pakati pehama dzenyu. Munofanira kumuteerera.
The Lord your God will send you a prophet like me from your people. You must listen to him.
16 Nokuti izvi ndizvo zvamakakumbira Jehovha Mwari wenyu paHorebhi pazuva reungano apo makati, “Hatidi kunzwa inzwi raJehovha Mwari wedu kana kuona moto mukuru uyu zvakare, nokuti tingafa.”
Remember what you told the Lord your God at Horeb when you were all assembled there. You said, “Please don't let us go on hearing the Lord our God speak to us, or see this terrifying fire anymore! Otherwise we're going to die!”
17 Jehovha akati kwandiri, “Zvavataura zvakanaka.
Then the Lord told me, “They are right in what they're saying.
18 Ndichavamutsira muprofita anobva pakati pehama dzavo akaita sewe; ndichaisa mashoko angu mumuromo wake, uye achavaudza zvose zvandichamurayira.
I'm going to send them a prophet like you from their people. I will give him my messages, and he will tell them everything I order him to say.
19 Kana pane munhu acharega kuteerera mashoko angu anotaurwa nomuprofita muzita rangu, ini pachangu ndichamubvunza pamusoro pazvo.
I will deal with anyone who does not listen to my message that the prophet speaks in my name.
20 Asi muprofita achataura muzita rangu mashoko api zvawo andisina kumurayira kuti ataure, kana muprofita anotaura muzita ravamwe vamwari, anofanira kuurayiwa.”
However, if any prophet claims to be delivering a message in my name that I have not ordered him to give, or speaks in the name of other gods, that prophet must be executed.”
21 Ungati zvako mumwoyo mako, “Tingaziva seiko kuti shoko iri rataurwa naJehovha?”
You may be wondering, “How can we be sure that a message hasn't come from the Lord?”
22 Kana zvakataurwa nomuprofita muzita raJehovha zvikasaitika kana zvikasava chokwadi, shoko iroro harina kutaurwa naJehovha. Muprofita iyeye ataura zvomusoro wake. Musamutya.
When a prophet speaks in the Lord's name and what he says doesn't happen or come true, then that is a not a message from the Lord. The prophet has spoken with contempt for the Lord. Don't be intimidated by him.

< Dhuteronomi 18 >