< 1 Samueri 25 >

1 Zvino Samueri akafa, uye Israeri yose yakaungana ikamuchema; uye vakamuviga pamusha pake muRama. Ipapo Dhavhidhi akaburuka akaenda kuRenje reMaoni.
Samuel died; and all Israel gathered themselves together, and lamented him, and buried him in his house at Ramah. David arose, and went down to the wilderness of Maon.
2 Mumwe murume weMaoni, uyo akanga ane pfuma ikoko paKarimeri, akanga akapfuma kwazvo. Akanga ane mbudzi chiuru uye makwai zviuru zvitatu, aakanga achiveura paKarimeri.
There was a man in Maon, whose possessions were in Carmel; and the man was very great, and he had three thousand sheep, and a thousand goats: and he was shearing his sheep in Carmel.
3 Zita rake rainzi Nabhari uye zita romukadzi wake rainzi Abhigairi. Mukadzi akanga akangwara uye akanaka kwazvo, asi murume wake muKarebhu, akanga ane mwoyo mukukutu akaipa pamagariro ake.
Now the name of the man was Nabal; and the name of his wife Abigail. And the woman was intelligent and beautiful, but the man was harsh and evil in his dealings; and the man was a Calebite.
4 Dhavhidhi achiri mugwenga, akanzwa kuti Nabhari akanga achiveura makwai ake.
David heard in the wilderness that Nabal was shearing his sheep.
5 Saka akatuma majaya gumi akati kwavari, “Endai kuna Nabhari paKarimeri mundomukwazisa muzita rangu.
David sent ten young men, and David said to the young men, "Go up to Carmel, and go to Nabal, and greet him in my name.
6 Muti kwaari, ‘Rugare kwauri! Utano hwakanaka kwauri neimba yako! Uye utano hwakanaka pazvinhu zvako zvose!
Thus you are to say to my brother, 'Peace be to you, and peace be to your house, and peace be to all that you have.
7 “‘Zvino ndinonzwa kuti ino inguva yokuveura makwai. Vafudzi vako pavakanga vanesu, isu hatina kuvabata zvakaipa, uye nguva yose yavakanga vari paKarimeri hakuna chimwe chezvinhu zvavo chakarasika.
And now, look, I have heard that you have shearers. Now your shepherds have been with us in the wilderness, and we did not hurt them, neither was there anything missing from them, all the while they were in Carmel.
8 Ubvunze varanda vako, ivo vachakuudza. Naizvozvo chinzwira majaya angu tsitsi, sezvo tasvika panguva yomutambo. Ndapota ipai varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi zvose zvamungamuwanira.’”
Ask your young men, and they will tell you. Therefore let the young men find favor in your eyes; for we come in a good day. Please give whatever comes to your hand, to your servants, and to your son David.'"
9 Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika, vakaudza Nabhari mashoko aya muzita raDhavhidhi. Ipapo vakamirira.
And David's young men came and spoke to Nabal according to all those words, in the name of David. But he became arrogant.
10 Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, “Dhavhidhi uyu ndiani? Ndianiko uyu mwanakomana waJese? Varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo mazuva ano aya.
Nabal answered David's servants, and said, "Who is David? Who is the son of Jesse? There are many servants who break away from their masters these days.
11 Ko, ndingatorerei chingwa changu nemvura yangu uye nenyama yandakaurayira vaveuri vangu, ndichipa vanhu vandisingazivi kwavanobva?”
Shall I then take my bread, and my wine, and my meat that I have slaughtered for the shearers of my sheep, and give it to men who I do not know where they come from?"
12 Vanhu vaDhavhidhi vakatendeuka vakadzokera havo. Vakati vasvika, vakamutaurira mashoko ose.
So David's young men turned on their way, and went back, and came and told him according to all these words.
13 Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Pakatai minondo!” Saka vakapakata minondo yavo, naDhavhidhi akapakatawo wake. Varume vanenge mazana mana vakaenda naDhavhidhi, vanokwana mazana maviri vakasara vane nhumbi.
David said to his men, "Every man put on his sword." So every man put on his sword. David also put on his sword. About four hundred men followed David; and two hundred stayed by the baggage.
14 Mumwe wavaranda akataura kuna Abhigairi mukadzi waNabhari akati, “Dhavhidhi akatuma nhume kubva kurenje kuzokwazisa vatenzi vedu, asi ivo vakavatuka.
But one of the young men told Abigail, Nabal's wife, saying, "Look, David sent messengers out of the wilderness to greet our master; and he railed at them.
15 Asi varume ava vakanga vakanaka kwazvo kwatiri. Havana kutibata zvakaipa, uye panguva yose iyi yatakanga tinavo musango hatina kurasikirwa nechinhu.
But the men were very good to us, and we were not hurt, nor did we miss anything as long as we went with them, when we were in the fields.
16 Vakanga vari rusvingo kwatiri usiku namasikati nguva yose yatakanga tichifudza makwai edu pedyo navo.
They were a wall to us both by night and by day, all the while we were with them keeping the sheep.
17 Zvino fungisisai izvi muone zvamungaita, nokuti njodzi yadongorera pamusoro patenzi wedu neimba yake yose. Iye munhu akaipa zvokuti hakuna angataura naye.”
Now therefore know and consider what you will do; for evil is determined against our master, and against all his house; for he is such a worthless fellow that one can't speak to him."
18 Abhigairi haana kupedza nguva. Akatora mazana maviri ezvingwa, matende amatehwe ewaini maviri, makwai akavhiyiwa mashanu, zviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, mazana mashanu amakeke amazambiringa akaoma uye mazana maviri amakeke amaonde akasvinwa, akazvitakudza mbongoro.
Then Abigail hurried and took two hundred loaves of bread, two bottles of wine, five sheep ready dressed, five measures of parched grain, one hundred clusters of raisins, and two hundred cakes of figs, and laid them on donkeys.
19 Ipapo akataura kuvaranda vake akati, “Chitungamirai; ini ndichakuteverai.” Asi haana kuudza murume wake Nabhari.
She said to her young men, "Go on before me. Look, I come after you." But she did not tell her husband, Nabal.
20 Akati achiuya akatasva mbongoro yake pamupata wegomo, vanaDhavhidhi navanhu vake vakaburuka vakananga kwaari, iye akasangana navo.
It was so, as she rode on her donkey, and came down by the covert of the mountain, that look, David and his men came down toward her; and she met them.
21 Dhavhidhi akanga achangobva kuti, “Zvirokwazvo ndakatamburirei kuchengetedza zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje zvokuti hapana chinhu chake chakarasika. Andiripira nezvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka.
Now David had said, "Surely in vain have I kept all that this fellow has in the wilderness, so that nothing was missed of all that pertained to him. He has returned me evil for good.
22 Mwari ngaarove Dhavhidhi, amurove kwazvo, kana mangwana mangwanani ndikasiya murume mumwe chete pavanhu vose vaanavo!”
God do so to David, and more also, if I leave of all that belongs to him by the morning light so much as one who urinates on a wall."
23 Abhigairi akati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake akakotama nechiso chake pamberi paDhavhidhi.
When Abigail saw David, she hurried, and got off from her donkey, and fell before David on her face, and bowed herself to the ground.
24 Akawira pamakumbo ake akati, “Ishe wangu, mhosva iyi ngaive kwandiri ndoga. Ndapota hangu regai murandakadzi wenyu ataure kwamuri; inzwai zvinoreva murandakadzi wenyu.
She fell at his feet, and said, "On me, my lord, on me be the iniquity; and please let your handmaid speak in your ears. Hear the words of your handmaid.
25 Ishe wangu ngaarege kurangarira munhu uya akaipa, iye Nabhari. Akangoita sezita rake, zita rake rinoreva kuti Benzi, uye upenzi hunogara naye. Asi kana ndirini, murandakadzi wenyu, handina kuona vanhu vakanga vatumwa natenzi wangu.
Please do not let my lord regard this worthless fellow, even Nabal; for as his name is, so is he. Nabal is his name, and folly is with him; but I, your handmaid, did not see the young men of my lord, whom you sent.
26 “Zvino sezvo Jehovha akudzivisai, tenzi wangu, pakuteura ropa uye napakuzvitsivira namaoko enyu, zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, vavengi venyu navose vanoda kuitira tenzi wangu zvakaipa ngavafanane naNabhari.
Now therefore, my lord, as YHWH lives, and as your soul lives, since YHWH has withheld you from blood guiltiness, and from avenging yourself with your own hand, now therefore let your enemies, and those who seek evil to my lord, be as Nabal.
27 Uye chipo ichi chauyiswa kuna tenzi nomurandakadzi wenyu ngachipiwe kuvanhu vanokuteverai.
Now this present which your servant has brought to my lord, let it be given to the young men who follow my lord.
28 Ndapota hangu regererai murandakadzi wenyu pakukanganisa kwake, nokuti Jehovha achaitira tenzi wangu imba youmambo yakasimba, nokuti iye anorwa hondo dzaJehovha. Kuita kwakaipa ngakurege kuwanikwa mamuri muupenyu hwenyu hwose.
Please forgive the trespass of your handmaid. For YHWH will certainly make my lord a sure house, because my lord fights the battles of YHWH; and evil shall not be found in you all your days.
29 Kunyange hazvo mumwe munhu akakudzinganisai kuti akuurayei, upenyu hwatenzi wangu hucharamba hwakasungirirwa pachisote chavapenyu naJehovha Mwari wenyu. Asi upenyu hwavavengi venyu achahupotsera kure sohunobva muhomwe yechimviriri.
Though men may rise up to pursue you, and to seek your soul, yet the soul of my lord shall be bound in the bundle of life with YHWH your God. He will sling out the souls of your enemies, as from the hollow of a sling.
30 Mushure mokunge Jehovha aitira tenzi wangu zvinhu zvose zvakanaka zvaakavimbisa pamusoro pake uye amugadza kuti ave mutungamiri weIsraeri,
It shall come to pass, when YHWH has done to my lord according to all the good that he has spoken concerning you, and shall have appointed you prince over Israel,
31 tenzi wangu haangazovi nomutoro unorema pahana yake wokuteura ropa risina mhosva kana wokuzvitsivira pachake. Uye kana Jehovha akakundisa tenzi wangu, murangarire henyu murandakadzi wenyu.”
that this shall be no grief to you, nor offense of heart to my lord, either that you have shed blood without cause, or that my lord has avenged himself. When YHWH has dealt well with my lord, then remember your handmaid."
32 Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, “Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri, akutuma nhasi kuti uzosangana neni.
David said to Abigail, "Blessed is YHWH, the God of Israel, who sent you this day to meet me.
33 Uropafadzwe iwe nokuda kwokungwara kwako kwakanaka uye nokundiita kuti ndisateura ropa nhasi uye kuti ndisazvitsivira namaoko angu.
Blessed is your discretion, and blessed are you, that have kept me this day from blood guiltiness, and from avenging myself with my own hand.
34 Zvirokwazvo naJehovha Mwari waIsraeri mupenyu, iye andidzivisa kuti ndirege kukuuraya, zvimwe dai usina kukurumidza kusangana neni, hakuna murume pakati pavanhu vaNabhari anga achasiyiwa ari mupenyu mangwana chaiwo kuchiedza.”
For indeed, as YHWH, the God of Israel, lives, who has withheld me from hurting you, unless you had hurried and come to meet me, surely there wouldn't have been left to Nabal by the morning light so much as one who urinates on a wall."
35 Ipapo Dhavhidhi akagamuchira kubva muruoko rwake zvaakanga amuvigira akati, “Enda kumba norugare. Ndanzwa mashoko ako uye nechikumbiro chako.”
So David received of her hand that which she had brought him: and he said to her, "Go up in peace to your house. Look, I have listened to your voice, and have granted your request."
36 Abhigairi akati adzokera kuna Nabhari, akanga ari mumba achiita mutambo wakafanana nowamambo. Mwoyo wake wakanga wakafara kwazvo uye akadhakwa. Saka haana chaakamuudza kusvikira mangwana.
Abigail came to Nabal; and look, he held a feast in his house, like the feast of a king. Nabal's heart was merry within him, for he was very drunk. Therefore she told him nothing, less or more, until the morning light.
37 Ipapo mangwanani, Nabhari paakanga asina kudhakwa, mukadzi wake akamuudza zvinhu zvose izvi, mwoyo wake ukaneta uye ukaita sedombo.
It happened in the morning, when the wine was gone out of Nabal, that his wife told him these things, and his heart died within him, and he became as a stone.
38 Shure kwamazuva anenge gumi, Jehovha akarova Nabhari akafa.
It happened about ten days after, that YHWH struck Nabal, so that he died.
39 Dhavhidhi akati anzwa kuti Nabhari akanga afa, akati, “Jehovha ngaakudzwe, iye akanditsivira mhosva yangu pamusoro paNabhari uyo akandizvidza. Akadzivisa muranda wake kuti arege kuita zvakaipa uye auyisa kuipa kwaNabhari pamusoro pake.” Ipapo Dhavhidhi akatuma shoko kuna Abhigairi, achimukumbira kuti ave mukadzi wake.
When David heard that Nabal was dead, he said, "Blessed is YHWH, who has taken my side in the matter of Nabal's insult, and has kept back his servant from evil. YHWH has returned the evildoing of Nabal on his own head." David sent and spoke concerning Abigail, to take her to him as wife.
40 Varanda vake vakaenda kuKarimeri vakati kuna Abhigairi, “Dhavhidhi atituma kwamuri kuti tikutorei kuti muve mukadzi wake.”
When the servants of David had come to Abigail to Carmel, they spoke to her, saying, "David has sent us to you, to take you to him as wife."
41 Akakotamisa chiso chake pasi akati, “Houno murandakadzi wenyu, akazvigadzirira kukushumirai nokushambidza tsoka dzavaranda vatenzi wangu.”
She arose, and bowed herself with her face to the earth, and said, "Look, your handmaid is a servant to wash the feet of the servants of my lord."
42 Abhigairi akakurumidza kutasva mbongoro akaenda navarandakadzi vake vashanu, vakaenda nenhume dzaDhavhidhi, akava mukadzi waDhavhidhi.
Abigail hurried, and arose, and rode on a donkey, with five female servants of hers who followed her; and she went after the messengers of David, and became his wife.
43 Dhavhidhi akanga awanazve Ahinoami muJezireeri, uye vose vakava vakadzi vake.
David also took Ahinoam of Jezreel; and they both became his wives.
44 Asi Sauro akanga apa mwanasikana wake Mikari, mukadzi waDhavhidhi, kuna Paritieri mwanakomana waRaishi, akanga achibva kuGarimi.
Now Saul had given Mikal his daughter, David's wife, to Palti the son of Laish, who was of Gallim.

< 1 Samueri 25 >