< 1 Petro 5 >

1 Kuvakuru vari pakati penyu, ndinokumbira hangu somukuru pamwe chete nemi, nechapupu chamatambudziko aKristu, uye somumwewo achazogovana navo mukubwinya kuchazoratidzwa ndichiti:
第二項 牧師及び信徒に関する特別の勧告。 汝等の中の長老には、我も共に長老として、又キリストの苦難の證人として、将來顕るべき光榮に與る者として希ふ。
2 Ivai vafudzi veboka raMwari riri pasi penyu, muchibata savatariri, musingazviiti nokuroveredzwa, asi nokuda kwokuti munoda, sezvinodikanwa naMwari kuti muve; musingakariri mari, asi muchishingaira pakushanda;
汝等の中に在る所の神の羊の群を牧せよ、之を監督するに、強ひられてせずして喜びて神の御為にし、耻かしき利の為にせずして特志を以て行ひ、
3 musingaremedzi vaya vakaiswa kwamuri, asi muve muenzaniso kuboka.
托せられたる人々を壓制せずして、心より群の模範と成るべし。
4 Uye mufudzi mukuru paachaonekwa, muchapiwa korona yokubwinya isingaori.
然らば大牧者の顕れ給はん時、汝等凋まざる光榮の冠を得べし。
5 Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”
若き者よ、汝等も亦長老に服せよ、皆互に謙遜を帯びよ、神は傲慢なる者に逆らひて、謙遜なる者に恩寵を賜へばなり。
6 Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira.
然れば汝等、神の全能なる御手の下に謙れ、然せば時至りて彼汝等を高め給はん。
7 Kandai paari kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.
思ひ煩ふ所を悉く神に委ね奉れ、神は汝等の為に慮り給へばなり。
8 Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya.
汝等節制して警戒せよ、其は汝等の仇なる惡魔は、吼ゆる獅子の如く、食盡すべきものを探しつつ行廻ればなり、
9 Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo.
汝等此世に在る兄弟等の同じく苦しめる事を知りて、信仰に心を堅めて之に抵抗せよ。
10 Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai. (aiōnios g166)
一切の恩寵の神はキリスト、イエズスによりて其永遠の光榮に汝等を呼び給ひしものなれば、聊苦しみたる上は、御自ら完全にし堅うし強からしめ給はん、 (aiōnios g166)
11 Ngaave nesimba nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn g165)
光榮と主権と世々之に歸す、アメン。 (aiōn g165)
12 Ndakakunyorerai muchidimbu ndichibatsirwa naSirasi hama yangu yakatendeka, ndichikukurudzirai uye ndichipupura kuti idzi ndidzo nyasha dzaMwari dzechokwadi. Mirai makasimba madziri.
結末。 忠信なる兄弟シルヴァノを以て我が汝等に書贈りし所は、我思ふに簡単なり。是此神の恩寵の眞なる事を勧告し、且保證するもののにして、汝等宜しく之に立つべし。
13 Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwe chete nemi, inokukwazisai, uye mwanakomana wangu Mako anokukwazisaiwo.
汝等と共に選まれてバビロンに在る教會、及び我子マルコは汝等に宜しくと言へり。
14 Kwazisanai nokutsvodana kworudo. Rugare kwamuri mose muri muna Kristu.
愛の接吻を以て互に宜しく傳へよ。願はくは、キリストに在る汝等一同に平安あらん事を、アメン。

< 1 Petro 5 >