< 1 Madzimambo 15 >

1 Mugore regumi namasere roumambo hwaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhija akagadzwa samambo weJudha.
Now in the eighteenth year of king Jeroboam the son of Nebat began Abijam to reign over Judah.
2 Akatonga muJerusarema kwamakore matatu. Zita ramai vake rainzi Maaka mwanasikana waAbhisharomu.
He reigned three years in Jerusalem: and his mother's name was Maacah the daughter of Abishalom.
3 Akaita zvivi zvose zvakanga zvaitwa nababa vake asati ava mambo; mwoyo wake wakanga usina kuzvipira zvizere kuna Jehovha Mwari wake sezvakanga zvakaita mwoyo watateguru wake Dhavhidhi.
He walked in all the sins of his father, which he had done before him; and his heart was not perfect with the LORD his God, as the heart of David his father.
4 Zvisinei, nokuda kwaDhavhidhi, Jehovha Mwari wake akamupa mwenje muJerusarema nokumutsa mwanakomana kuti amutevere paumambo uye nokusimbisa Jerusarema.
Nevertheless for David's sake, the LORD his God gave him a lamp in Jerusalem, to set up his son after him, and to establish Jerusalem;
5 Nokuti Dhavhidhi akanga aita zvakanga zvakarurama pamberi paJehovha uye akanga asina kutadza kuchengeta kana ipi zvayo yemirayiro yaJehovha mumazuva ose oupenyu hwake, kunze kwenyaya yaUria muHiti.
because David did that which was right in the eyes of the LORD, and did not turn aside from anything that he commanded him all the days of his life, except only in the matter of Uriah the Hethite.
6 Paiva nehondo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu muupenyu hwose hwaAbhija.
[Now there was war between Abijam and Jeroboam all the days of his life.]
7 Kana zviri zvimwe zvinhu zvakaitika panguva yokutonga kwaAbhija, nazvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo aJudha? Pakati paAbhija naJerobhoamu pakanga pane hondo.
The rest of the acts of Abijam, and all that he did, aren't they written in the book of the chronicles of the kings of Judah? There was war between Abijam and Jeroboam.
8 Abhija akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Asa, mwanakomana wake, akamutevera paumambo.
Abijam slept with his fathers; and they buried him in the City of David: and Asa his son reigned in his place.
9 Mugore ramakumi maviri raJerobhoamu mambo weIsraeri, Asa akava mambo weJudha,
In the twentieth year of Jeroboam king of Israel began Asa to reign over Judah.
10 uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana negore rimwe chete. Zita rambuya vake rainzi Maaka, mwanasikana waAbhisharomu.
He reigned forty-one years in Jerusalem: and his mother's name was Maacah the daughter of Abishalom.
11 Asa akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Dhavhidhi.
Asa did that which was right in the eyes of the LORD, as did David his father.
12 Akabvisa varume vaizviita zvifeve zvavamwe varume panzvimbo dzokupira munyika uye akabvisa zvifananidzo zvose zvakanga zvaitwa namadzibaba ake.
And he banished the male temple prostitutes out of the land, and removed all the idols that his fathers had made.
13 Akabvisawo mbuya vake Maaka pachinzvimbo chavo samai vamambo, nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda iri akaripisa muMupata weKidhironi.
Also Maacah his mother he removed from being queen, because she had made an abominable image for an Asherah; and Asa cut down her image, and burnt it in the Kidron Valley.
14 Kunyange asina kubvisa nzvimbo dzakakwirira, mwoyo waAsa wakanga wakazvipira zvizere kuna Jehovha muupenyu hwake hwose.
But the high places were not taken away: nevertheless the heart of Asa was perfect with the LORD all his days.
15 Akauyisa mutemberi yaJehovha sirivha negoridhe nezvinhu zvaakanga akumikidza iye nababa vake.
He brought into the house of the LORD the things that his father had dedicated, and the things that himself had dedicated, silver, and gold, and vessels.
16 Pakanga pane hondo pakati paAsa naBhaasha, mambo weIsraeri munguva yose yavakanga vachitonga.
There was war between Asa and Baasha king of Israel all their days.
17 Bhaasha, mambo weIsraeri, akaenda kundorwa neJudha, akasimbisa Rama kuti adzivise ani naani zvake kubuda kana kupinda munyika yaAsa mambo weJudha.
Baasha king of Israel went up against Judah, and built Ramah, that he might not allow anyone to go out or come in to Asa king of Judah.
18 Ipapo Asa akatora sirivha yose negoridhe rose rakanga rasara mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nezvose zvaiva mumuzinda wake. Akazvipa kumachinda ake akazvitumira kuna Bheni-Hadhadhi, mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHezioni, mambo weAramu, akanga achitonga muDhamasiko.
Then Asa took all the silver and the gold that were left in the treasures of the house of the LORD, and the treasures of the king's house, and delivered them into the hand of his servants; and king Asa sent them to Ben Hadad, the son of Tabrimmon, the son of Hezion, king of Aram, who lived at Damascus, saying,
19 Akati, “Ngatinyoreranei chibvumirano imi neni, sezvazvakanga zvakaita pakati pababa vangu nababa venyu. Tarirai, ndakutumirai chipo chesirivha negoridhe. Zvino imi chiputsai chibvumirano chenyu naBhaasha mambo weIsraeri kuitira kuti abve kuno kwandiri.”
"Let there be a treaty between me and you, between my father and your father. Look, I have sent to you a present of silver and gold. Go, break your treaty with Baasha king of Israel, that he may depart from me."
20 Bheni-Hadhadhi akabvumirana naMambo Asa akatumira vatungamiri vamauto ake kuti vandorwisa maguta eIsraeri. Akakunda Ijoni, Dhani, Abheri Bheti Maaka neKinereti yose pamwe chete neNafutari.
Ben Hadad listened to king Asa, and sent the captains of his armies against the cities of Israel, and struck Ijon, and Dan, and Abel Beth Maacah, and all Kinnereth, with all the land of Naphtali.
21 Bhaasha paakanzwa izvi akaregera kuvaka Rama akadzokera kuTiza.
It happened, when Baasha heard of it, that he left off building Ramah, and lived in Tirzah.
22 Ipapo Mambo Asa akarayira Judha yose, hapana akasiyiwa, ivo vakatora kubva kuRama matombo namatanda akanga achishandiswa naBhaasha ikoko. Mambo Asa akaashandisa kuvaka Gebha muBhenjamini, neMizipawo.
Then king Asa made a proclamation to all Judah; none was exempted: and they carried away the stones of Ramah, and its timber, with which Baasha had built; and king Asa built therewith Geba of Benjamin, and Mizpah.
23 Kana zviri zvimwe zvose zvakaitika panguva yokutonga kwaAsa, zvose zvaakaita, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha? Zvisinei, panguva yokukwegura kwake, tsoka dzake dzakabatwa nechirwere.
Now the rest of all the acts of Asa, and all his might, and all that he did, and the cities which he built, aren't they written in the book of the chronicles of the kings of Judah? But in the time of his old age he was diseased in his feet.
24 Ipapo Asa akazorora namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muguta rababa vake Dhavhidhi. Zvino mwanakomana wake Jehoshafati akamutevera paumambo.
Asa slept with his fathers, and was buried with his fathers in the City of David his father; and Jehoshaphat his son reigned in his place.
25 Nadhabhi, mwanakomana waJerobhoamu akava mambo weIsraeri mugore rechipiri raAsa mambo weJudha, uye akatonga Israeri kwamakore maviri.
Nadab the son of Jeroboam began to reign over Israel in the second year of Asa king of Judah; and he reigned over Israel two years.
26 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira dzababa vake nomuchivi chavo, icho chaakaita kuti Israeri iite.
He did that which was evil in the sight of the LORD, and walked in the way of his father, and in his sin with which he made Israel to sin.
27 Bhaasha, mwanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira, akamuuraya paGibhetoni guta romuFiristia, panguva yarakanga rakombwa naNadhabhi navaIsraeri vose.
Baasha the son of Ahijah, of the house of Issachar, conspired against him; and Baasha struck him at Gibbethon, which belonged to the Philistines; for Nadab and all Israel were laying siege to Gibbethon.
28 Bhaasha akauraya Nadhabhi mugore rechitatu raAsa, mambo weJudha, uye akamutevera paumambo.
Even in the third year of Asa king of Judah, Baasha killed him, and reigned in his place.
29 Achingoti tangei kutonga, akabva auraya mhuri yose yaJerobhoamu. Haana kusiyira Jerobhoamu mumwe chete achifema, asi akavaparadza vose sezvazvakarehwa naJehovha kubudikidza nomuranda wake Ahija muShiro,
It happened that, as soon as he was king, he struck all the house of Jeroboam: he did not leave to Jeroboam any who breathed, until he had destroyed him; according to the saying of the LORD, which he spoke by his servant Ahijah the Shilonite;
30 nokuda kwezvivi zvakanga zvaitwa naJerobhoamu nezvaakaita kuti Israeri iite, uye nokuti akaita kuti Jehovha, Mwari waIsraeri, atsamwe.
for the sins of Jeroboam which he sinned, and with which he made Israel to sin, because of his provocation with which he provoked the LORD, the God of Israel, to anger.
31 Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaNadhabhi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eIsraeri?
Now the rest of the acts of Nadab, and all that he did, aren't they written in the book of the chronicles of the kings of Israel?
32 Pakati paAsa naBhaasha, mambo weIsraeri, pakanga pane hondo panguva yose yokutonga kwavo.
There was war between Asa and Baasha king of Israel all their days.
33 Mugore rechitatu raAsa mambo weJudha, Bhaasha, mwanakomana waAhija, akava mambo weIsraeri yose muTiza, uye akatonga kwamakore makumi maviri namana.
In the third year of Asa king of Judah, Baasha the son of Ahijah began to reign over all Israel in Tirzah for twenty-four years.
34 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba munzira dzaJerobhoamu nomuchivi chake, chaakaita kuti Israeri iite.
He did that which was evil in the sight of the LORD, and walked in the way of Jeroboam, and in his sin with which he made Israel to sin.

< 1 Madzimambo 15 >