< 1 Makoronike 25 >

1 Dhavhidhi, pamwe chete navatungamiri vehondo: vakatsaura vamwe vavanakomana vaAsafi, Hemani naJedhutuni kuti vaite ushumiri hwokuprofita kuchiridzwa mbira, mitengeranwa namakandira. Aya ndiwo mazita avarume vaiita basa iri. 2 Kubva kuvanakomana vaAsafi: Zakuri, Josefa, Netania naAsarera. Vanakomana vaAsafi vaitungamirirwa naAsafi uyo aiprofita achitungamirirwa namambo. 3 Kana ari Jedhutuni, kuvanakomana vake: Gedharia, Zeri, Jeshaya, Shimei, Hashabhia naMatitia, vatanhatu pamwe chete, vachitungamirirwa nababa vavo Jedhutuni uyo aiprofita achishandisa mbira mukuvonga nokurumbidza Jehovha. 4 Kana ari Hemani, kubva kuvanakomana vake: Bhukia, Matania, Uzieri, Shubhaeri naJerimoti; Hanania, Hanani, Eriata, Gidhariti naRomamiti-Ezeri; Joshibhekasha, Maroti, Hotiri naMahazioti. 5 Vose ava vaiva vanakomana vaHemani muoni wamambo. Akavapiwa kubudikidza nezvivimbiso zvaMwari kuti amukudze. Mwari akapa Hemani vanakomana gumi navana, navanasikana vatatu. 6 Varume vose ava vaitungamirirwa namadzibaba avo mukuimba mutemberi yaJehovha, nomukuridza makandira nemitengeranwa nembira, kuti vaite ushumiri paimba yaMwari. Asafi, Jedhutuni naHemani vaiva pasi pamambo. 7 Pamwe chete nehama dzavo, vose vakadzidzira uye vakava nyanzvi mukuimbira Jehovha, vaisvika mazana maviri amakumi masere navasere. 8 Vaduku navakuru pamwe chete, mudzidzisi pamwe chete nomudzidzi, vakakanda mijenya pakupiwa mabasa avo. 9 Mujenya wokutanga waiva waAsafi, wakawira pana Josefa, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; wechipiri kuna Gedharia, iye nehama dzake navanakomana vake—gumi navaviri; 10 wechitatu kuna Zakuri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 11 wechina kuna Iziri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 12 wechishanu kuna Netania, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 13 wechitanhatu kuna Bhukia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 14 wechinomwe kuna Jesarera, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 15 worusere kuna Jeshaya, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 16 wepfumbamwe kuna Matania, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 17 wegumi kuna Shimei, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 18 wegumi nomumwe kuna Azareri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 19 wegumi nemiviri kuna Hashabhia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 20 wegumi nemitatu kuna Shubhaeri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 21 wegumi nemina kuna Matitia, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 22 wegumi nemishanu kuna Jerimoti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 23 wegumi nemitanhatu kuna Hanania, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 24 wegumi neminomwe kuna Joshibhekasha, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 25 wegumi nemisere kuna Hanani, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 26 wegumi nemipfumbamwe kuna Maroti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 27 wamakumi maviri kuna Eriata, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 28 wamakumi maviri nomumwe kuna Hotiri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 29 wamakumi maviri nemiviri kuna Gidhariti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 30 wamakumi maviri nemitatu kuna Mahazioti, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri; 31 wamakumi maviri nemina kuna Romamiti-Ezeri, vanakomana vake nehama dzake—gumi navaviri.

< 1 Makoronike 25 >