< 1 Makoronike 2 >

1 Ava ndivo vaiva vanakomana vaIsraeri: Rubheni, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Zebhuruni, 2 Dhani, Josefa, Bhenjamini, Nafutari, Gadhi naAsheri. 3 Vanakomana vaJudha vaiva: Eri, Onani naShera. Vatatu ava akavaberekerwa nomudzimai wechiKenani, mwanasikana waShua. Eri dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha. Saka Jehovha akamuuraya. 4 Tamari muroora waJudha akamuberekera Perezi naZera. Judha aiva navanakomana vashanu vose pamwe chete. 5 Vanakomana vaPerezi vaiva: Hezironi naHamuri. 6 Vanakomana vaZera vaiva: Zimuri, Etani, Hemani, Karikori naDharidha; vose vaiva vashanu. 7 Mwanakomana waKarimi aiva: Akari, uyo akauyisa matambudziko pamusoro peIsraeri nokutyora murayiro wokusatora zvinhu zvakaereswa. 8 Mwanakomana waEtani ainzi Azaria. 9 Vanakomana vaHezironi vaiva: Jerameeri, Rami naKarebhu. 10 Rami aiva baba vaAminadhabhi, uye Aminadhabhi aiva baba vaNahashoni mutungamiri wavanhu veJudha. 11 Nahashoni aiva baba vaSarimoni, Sarimoni ari baba vaBhoazi, 12 Bhoazi aiva baba vaObhedhi uye Obhedhi aiva baba vaJese. 13 Jese aiva baba vaEriabhi dangwe rake; mwanakomana wake wechipiri ainzi Abhinadhabhi, wechitatu ainzi Shimea, 14 wechina ainzi Netaneri, wechishanu ainzi Radhai, 15 wechitanhatu ainzi Ozemi uye wechinomwe ainzi Dhavhidhi. 16 Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi. Vanakomana vatatu vaZeruya vaiva Abhishai, Joabhu naAsaheri. 17 Abhigairi aiva amai vaAmasa, baba vaAmasa vainzi Jeteri muIshumaeri. 18 Karebhu mwanakomana waHezironi akabereka vana nomudzimai wake Azubha (uye naJerioti). Ava ndivo vaiva vanakomana vake: Jesheri Shobhabhi naAridhoni. 19 Azubha paakafa Karebhu akaroora Efurati uyo akamuberekera Huri. 20 Huri aiva baba vaUri uye Uri aiva baba vaBhezareri. 21 Shure kwaizvozvo, Hezironi akavata nomwanasikana waMakiri baba vaGireadhi; akanga amuwana paakanga ava namakore makumi matanhatu; akamuberekera Segubhi. 22 Segubhi aiva baba vaJairi, uyo aitonga maguta makumi maviri namatatu muGireadhi. 23 (Asi Geshuri naAramu vakatapa Habhoti Jairi pamwe chete neKenati namaguta akaripoteredza, maguta makumi matanhatu.) Ava vose vaiva vorudzi rwaMakiri baba vaGireadhi. 24 Mushure mokunge Hezironi afira muKarebhu Efurata, Abhija mudzimai waHezironi akamuberekera Ashuri baba vaTekoa. 25 Vanakomana vaJerameeri dangwe raHezironi vaiva: Rami dangwe rake, Bhuna, Oreni, Ozemi naAhija. 26 Jerameeri akanga ane mumwe mukadzi, zita rake rainzi Atara. Akanga ari amai vaOnami. 27 Vanakomana vaRamu dangwe raJerameeri vaiva: Maazi, Jamini naEkeri. 28 Vanakomana vaOnami vaiva: Shamai naJadha. Vanakomana vaShamai vaiva: Nadhabhi naAbhishuri. 29 Mukadzi waAbhishuri ainzi Abhihairi akamuberekera Abhani naMoridhi. 30 Vanakomana vaNadhabhi vaiva: Seredhi naApaimi. Seredhi akafa asina vana. 31 Mwanakomana waApaimi ainzi Ishi uyo aiva baba vaSheshani. Sheshani aiva baba vaArai. 32 Vanakomana vaJadha, mununʼuna waShamai vaiva: Jeteri naJonatani. Jeteri akafa asina vana. 33 Vanakomana vaJonatani vaiva: Pereti naZaza. Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaJerameeri. 34 Sheshani aiva asina vanakomana, aiva navanasikana chete. Aiva nomuranda wechiIjipita ainzi Jara. 35 Sheshani akapa mwanasikana wake kuti ave mukadzi womuranda wake. Jara akamuberekera Atai. 36 Atai aiva baba vaNatani, Natani aiva baba vaZabhadhi, 37 Zabhadhi baba vaEfirari, Efirari baba vaObedhi, 38 Obhedhi baba vaJehu, Jehu baba vaAzaria, 39 Azaria baba vaHerezi, Herezi baba vaEreasa, 40 Ereasa baba vaSisimai, Sisimai baba vaSharumi, 41 Sharumi baba vaJekamia, uye Jekamia aiva baba vaErishama. 42 Vanakomana vaKarebhu mununʼuna waJerameeri vaiva: Mesha dangwe rake, uyo aiva baba vaZifi uye nomwanakomana wake Maresha, uyo aiva baba vaHebhuroni. 43 Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Kora, Tapuwa, Rekemu naShema. 44 Shema aiva baba vaRahamu, uye Rahamu baba vaJorikeami. Rekemu aiva baba vaShamai. 45 Mwanakomana waShamai ainzi Maoni, uye Maoni aiva baba vaBheti Zuri. 46 Mumwe murongo waKarebhu ainzi Efa ndiye aiva amai vaHarani, Moza naGazezi. Harani aiva baba vaGazezi. 47 Vanakomana vaJadhai vaiva: Regemu, Jotamu, Geshani, Pereti, Efa naShaafi. 48 Mumwe murongo waKarebhu ainzi Maaka ndiye aiva amai vaShebheri naTirana. 49 Akaberekawo Shaafi baba vaMadhimana naShevha baba vaMakibhena naGibhea. Mwanasikana waKarebhu ainzi Akisa. 50 Izvi ndizvo zvizvarwa zvaKarebhu. Vanakomana vaHuri dangwe raEfurata: Shobhari baba vaKiriati Jearimi, 51 Sarima baba vaBheterehema, naHarefi baba vaBheti Gadheri. 52 Zvizvarwa zvaShobhari baba vaKiriati Jearimi zvaiva: Haroe, hafu yavaManahati, 53 uye dzimba dzaKiriati Jearimi dzaiva: vaItiri, vaPuti, vaShumati navaMishirai. Kuna ivava kwakabva vaZorati navaEshitaori. 54 Zvizvarwa zvaSarima zvaiva: Bheterehema, vaNetofati, Atiroti Bheti Joabhu, hafu yavaManahati, vaZori, 55 uye dzimba dzavanyori vaigara paJabhezi dzaiva: vaTirati, vaShimeati navaSukati. Ava ndivo vaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhi.

< 1 Makoronike 2 >