< مکاشفهٔ یوحنا 16 >

و آوازی بلند شنیدم که از میان قدس به آن هفت فرشته می‌گوید که «بروید، هفت پیاله غضب خدا را بر زمین بریزید.» ۱ 1
Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva mutembere richiti kuvatumwa vanomwe: Endai, munodurura ndiro dzehasha dzaMwari panyika.
و اولی رفته، پیاله خود را بر زمین ریخت ودمل زشت و بد بر مردمانی که نشان وحش دارندو صورت او را می‌پرستند، بیرون آمد. ۲ 2
Zvino wekutanga wakaenda, akadurura ndiro yake panyika; ndokuuya ronda rakaipa rinorwadza pavanhu vakange vane mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho.
و دومین پیاله خود را به دریا ریخت که آن به خون مثل خون مرده مبدل گشت و هر نفس زنده از چیزهایی که در دریا بود بمرد. ۳ 3
Zvino mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake mugungwa; ndokuva ropa serewakafa; uye mweya mupenyu wega-wega ukafa mugungwa.
و سومین پیاله خود را در نهرها و چشمه های آب ریخت و خون شد. ۴ 4
Zvino mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake munzizi nemuzvitubu zvemvura; ndokuva ropa.
و فرشته آبها را شنیدم که می‌گوید: عادلی تو که هستی و بودی‌ای قدوس، زیرا که چنین حکم کردی، ۵ 5
Zvino ndakanzwa mutumwa wemvura achiti: Makarurama, Ishe, aripo, newakange aripo, neachazovapo, nokuti makatonga izvi.
چونکه خون مقدسین و انبیا را ریختند و بدیشان خون دادی که بنوشند زیرا که مستحقند.» ۶ 6
Nokuti vakadurura ropa revatsvene nevaporofita, uye ropa makavapa kuti vanwe; nokuti vakafanira.
و شنیدم که مذبح می‌گوید: «ای خداوند، خدای قادرمطلق، داوریهای تو حق و عدل است.» ۷ 7
Zvino ndakanzwa umwe kubva muaritari achiti: Hongu, Ishe Mwari Wemasimbaose, kutonga kwenyu ndekwechokwadi uye kwakarurama.
و چهارمین، پیاله خود را بر آفتاب ریخت؛ وبه آن داده شد که مردم را به آتش بسوزاند. ۸ 8
Zvino mutumwa wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva; kukapiwa kwariri kupisa vanhu nemoto.
ومردم به حرارت شدید سوخته شدند و به اسم آن خدا که بر این بلایا قدرت دارد، کفر گفتند و توبه نکردند تا او را تمجید نمایند. ۹ 9
Vanhu ndokupiswa nekupisa kukuru, ndokunyomba zita raMwari ane simba pamusoro pematambudziko awa, vakasatendeukawo kuti vamupe rukudzo.
و پنجمین، پیاله خود را بر تخت وحش ریخت و مملکت او تاریک گشت و زبانهای خودرا از درد می‌گزیدند، ۱۰ 10
Zvino mutumwa wechishanu wakadurura ndiro yake pamusoro pechigaro cheushe chechikara; ushe hwacho ndokuva rima, ndokutsenga marimi avo nekurwadzwa.
و به خدای آسمان به‌سبب دردها و دملهای خود کفر می‌گفتند و ازاعمال خود توبه نکردند. ۱۱ 11
Zvino vakanyomba Mwari wekudenga nekuda kwemarwadzo avo uye nekuda kwemaronda avo; asi havana kutendeuka pamabasa avo.
و ششمین، پیاله خود را بر نهر عظیم فرات ریخت و آبش خشکید تا راه پادشاهانی که ازمشرق آفتاب می‌آیند، مهیا شود. ۱۲ 12
Zvino mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro perwizi rukuru Yufuratesi; mvura yarwo ndokupwa, kuti nzira yemadzimambo anobva kumabvazuva igadzirwe.
و دیدم که ازدهان اژدها و از دهان وحش و از دهان نبی کاذب، سه روح خبیث چون وزغها بیرون می‌آیند. ۱۳ 13
Zvino ndakaona kubva mumuromo wezibukanana, nekubva mumuromo wechikara, nekubva mumuromo wemuporofita wenhema, mweya yetsvina mitatu sematafi;
زیرا که آنها ارواح دیوها هستند که معجزات ظاهر می‌سازند و بر پادشاهان تمام ربع مسکون خروج می‌کنند تا ایشان را برای جنگ آن روزعظیم خدای قادر مطلق فراهم آورند. ۱۴ 14
nokuti ndiyo mweya yemadhimoni inoita zviratidzo, inobudira pamadzimambo epasi neenyika yese, kuvaunganidzira kuhondo yezuva iro guru raMwari Wemasimbaose.
«اینک چون دزد می‌آیم! خوشابحال کسی‌که بیدار شده، رخت خود را نگاه دارد، مباداعریان راه رود و رسوایی او را ببینند.» ۱۵ 15
Tarira, ndinouya sembavha. Wakaropafadzwa anorinda, nekuchengeta nguvo dzake, kuti arege kufamba akashama, vaone nyadzi dzake.
و ایشان را به موضعی که آن را در عبرانی حارمجدون می‌خوانند، فراهم آوردند. ۱۶ 16
Zvino wakavaunganidzira kunzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni.
و هفتمین، پیاله خود را بر هوا ریخت وآوازی بلند از میان قدس آسمان از تخت بدرآمده، گفت که «تمام شد.» ۱۷ 17
Zvino mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga; kukabuda inzwi guru kubva mutembere yekudenga, kubva pachigaro cheushe, richiti: Zvaitika!
و برقها و صداها ورعدها حادث گردید و زلزله‌ای عظیم شد آن چنانکه از حین آفرینش انسان بر زمین زلزله‌ای به این شدت و عظمت نشده بود. ۱۸ 18
Zvino kwakava nemanzwi nemitinhiro nemheni, ndokuva nekudengenyeka kwenyika kukuru, kwakadaro kusina kumbovapo kubva pakuvapo kwevanhu panyika, kudengenyeka kwenyika kune simba rakadai, kwakakura zvakadai.
و شهر بزرگ به سه قسم منقسم گشت و بلدان امت‌ها خراب شدو بابل بزرگ در حضور خدا بیاد آمد تا پیاله خمرغضب آلود خشم خود را بدو دهد. ۱۹ 19
Zvino guta guru rakava zvikamu zvitatu, maguta emarudzi ndokuwa; Bhabhironi guru ndokurangarirwa pamberi paMwari, kuti aripe mukombe wewaini yekutsamwa kwehasha dzake.
و هرجزیره گریخت و کوهها نایاب گشت، ۲۰ 20
Zvino chiwi chega-chega chikatiza, nemakomo akasawanikwa.
و تگرگ بزرگ که گویا به وزن یک من بود، از آسمان برمردم بارید و مردم به‌سبب صدمه تگرگ، خدا راکفر گفتند زیرا که صدمه‌اش بینهایت سخت بود. ۲۱ 21
Zvino chimvuramabwe chikuru chinorema setarenda chikawira pamusoro pevanhu kubva kudenga; vanhu vakanyomba Mwari nekuda kwedambudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.

< مکاشفهٔ یوحنا 16 >