< پیدایش 3 >

و مار از همه حیوانات صحرا که خداوندخدا ساخته بود، هشیارتر بود. و به زن گفت: «آیا خدا حقیقت گفته است که از همه درختان باغ نخورید؟» ۱ 1
Zvino nyoka yakanga ina manomano kupfuura mhuka dzose dzakasikwa naJehovha Mwari. Yakati kumukadzi, “Ko, chaizvoizvo Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muti upi zvawo uri mubindu here’?”
زن به مار گفت: «از میوه درختان باغ می‌خوریم، ۲ 2
Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero inobva mumiti iri mubindu,
لکن از میوه درختی که در وسط باغ است، خدا گفت از آن مخورید و آن را لمس مکنید، مبادا بمیرید.» ۳ 3
asi Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muchero unobva pamuti uri pakati pebindu, uye musaubata kuti murege kufa.’”
مار به زن گفت: «هر آینه نخواهید مرد، ۴ 4
Nyoka yakati kumukadzi, “Hamungafi zvirokwazvo.
بلکه خدا می‌داند درروزی که از آن بخورید، چشمان شما باز شود ومانند خدا عارف نیک و بد خواهید بود.» ۵ 5
Nokuti Mwari anoziva kuti mukaudya meso enyu achasvinudzwa, uye muchaita saMwari mugoziva zvakanaka nezvakaipa.”
و چون زن دید که آن درخت برای خوراک نیکوست وبنظر خوشنما و درختی دلپذیر دانش افزا، پس ازمیوه‌اش گرفته، بخورد و به شوهر خود نیز داد و اوخورد. ۶ 6
Mukadzi akati aona kuti muchero womuti wakanga wakanaka kuudya uye kuti waifadza meso, uye kuti waidikanwa kuti munhu ave nouchenjeri, akatora mumwe akadya. Akapawo mumwe kumurume wake, uyo akanga anaye, naiye akaudya.
آنگاه چشمان هر دو ایشان باز شد وفهمیدند که عریانند. پس برگهای انجیر به هم دوخته، سترها برای خویشتن ساختند. ۷ 7
Ipapo meso avo vose vari vaviri akasvinudzwa, uye vakaziva kuti vakanga vasina kusimira; saka vakasonanidza mashizha omuonde pamwe chete ndokuzvigadzirira nguo.
و آواز خداوند خدا را شنیدند که در هنگام وزیدن نسیم نهار در باغ می‌خرامید، و آدم و زنش خویشتن را از حضور خداوند خدا در میان درختان باغ پنهان کردند. ۸ 8
Ipapo murume nomukadzi wake vakanzwa inzwi raJehovha Mwari paakanga achifamba mubindu kwotonhorera, vakavanda pamberi paJehovha Mwari, pakati pemiti yomubindu.
و خداوند خدا آدم راندا در‌داد و گفت: «کجا هستی؟» ۹ 9
Asi Jehovha Mwari akadana murume akati, “Uripiko?”
گفت: «چون آوازت را در باغ شنیدم، ترسان گشتم، زیرا که عریانم. پس خود را پنهان کردم.» ۱۰ 10
Akapindura akati, “Ndanzwa inzwi renyu mubindu, uye ndatya nokuti ndanga ndisina kusimira; saka ndavanda.”
گفت: «که تورا آگاهانید که عریانی؟ آیا از آن درختی که تو راقدغن کردم که از آن نخوری، خوردی؟» ۱۱ 11
Uye iye akati, “Ndiani akuudza kuti hauna kusimira? Wadya kanhi muti wandakakurayira kuti urege kudya?”
آدم گفت: «این زنی که قرین من ساختی، وی از میوه درخت به من داد که خوردم.» ۱۲ 12
Murume akati, “Mukadzi wamakandipa kuno kuti ave neni, ndiye andipa mumwe muchero womuti, uye ini ndikadya.”
پس خداوندخدا به زن گفت: «این چه‌کار است که کردی؟» زن گفت: «مار مرا اغوا نمود که خوردم.» ۱۳ 13
Ipapo Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko ichi chawaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yandinyengera, ndikadya.”
پس خداوند خدا به مار گفت: «چونکه این کار کردی، از جمیع بهایم و از همه حیوانات صحرا ملعون تر هستی! بر شکمت راه خواهی رفت و تمام ایام عمرت خاک خواهی خورد. ۱۴ 14
Saka Jehovha Mwari akati kunyoka, “Nokuti waita izvi, “Watukwa kupfuura zvipfuwo zvose, kupfuura mhuka dzose dzesango! Uchafamba nedumbu rako uye uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.
وعداوت در میان تو و زن، و در میان ذریت تو و ذریت وی می‌گذارم؛ او سر تو را خواهد کوبید وتو پاشنه وی را خواهی کوبید.» ۱۵ 15
Uye ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, uye pakati porudzi rwako nerwomukadzi; achapwanya musoro wako, uye iwe ucharuma chitsitsinho chake.”
و به زن گفت: «الم و حمل تو را بسیار افزون گردانم؛ با الم فرزندان خواهی زایید و اشتیاق تو به شوهرت خواهد بود و او بر تو حکمرانی خواهد کرد.» ۱۶ 16
Kumukadzi akati, “Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana; uchabereka vana mukurwadziwa. Kuda kwako kuchava kumurume wako, uye achava nesimba pamusoro pako.”
و به آدم گفت: «چونکه سخن زوجه ات راشنیدی و از آن درخت خوردی که امرفرموده، گفتم از آن نخوری، پس بسبب توزمین ملعون شد، و تمام ایام عمرت از آن بارنج خواهی خورد. ۱۷ 17
Kuna Adhamu akati, “Nokuti wakateerera kumukadzi wako uye ukadya zvakabva pamuti wandakakurayira ndichiti, ‘Haufaniri kuudya,’ “Ivhu ratukwa nokuda kwako; mukushanda kunorwadza, uchadya zvibereko zvaro mazuva ose oupenyu hwako.
خار و خس نیز برایت خواهد رویانید و سبزه های صحرا را خواهی خورد، ۱۸ 18
Richakuberekera minzwa norukato, uye uchadya miriwo yomusango.
و به عرق پیشانی ات نان خواهی خوردتا حینی که به خاک راجع گردی، که از آن گرفته شدی زیرا که تو خاک هستی و به خاک خواهی برگشت.» ۱۹ 19
Neziya rechiso chako uchadya zvokudya zvako kusvikira wadzokera kuguruva, sezvo wakatorwa kwariri; nokuti uri guruva, kuguruva uchadzokera.”
و آدم زن خود را حوا نام نهاد، زیرا که اومادر جمیع زندگان است. ۲۰ 20
Uye Adhamu akatumidza mukadzi wake kuti Evha, nokuti aizova mai vavapenyu vose.
و خداوند خدارختها برای آدم و زنش از پوست بساخت وایشان را پوشانید. ۲۱ 21
Jehovha Mwari akaitira Adhamu nomukadzi wake nguo dzamatehwe uye akavafukidza.
و خداوند خدا گفت: «هماناانسان مثل یکی از ما شده است، که عارف نیک وبد گردیده. اینک مبادا دست خود را دراز کند و ازدرخت حیات نیز گرفته بخورد، و تا به ابد زنده ماند.» ۲۲ 22
Uye Jehovha Mwari akati, “Munhu ava somumwe wedu, anoziva zvakanaka nezvakaipa. Haafaniri kutenderwa kutambanudza ruoko rwake kuti atorewo zvinobva pamuti woupenyu uye kuti azvidye, akazorarama nokusingaperi.”
پس خداوند خدا، او را از باغ عدن بیرون کرد تا کار زمینی را که از آن گرفته شده بود، بکند. ۲۳ 23
Saka Jehovha Mwari akamudzinga mubindu reEdheni kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.
پس آدم را بیرون کرد و به طرف شرقی باغ عدن، کروبیان را مسکن داد و شمشیرآتشباری را که به هر سو گردش می‌کرد تا طریق درخت حیات را محافظت کند. ۲۴ 24
Mushure mokunge adzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwokumabvazuva kweBindu reEdheni nomunondo unopfuta uye uchivheyeswa mberi neshure kuti urinde nzira inoenda kumuti woupenyu.

< پیدایش 3 >