< Maroma 10 >

1 Bamwangu, intakazo ye inkulo yangu ni inkupo yangu kwa Ireeza, kuhazwa kwabo.
Hama, chishuwo chemoyo wangu nemukumbiro kuna Mwari pamusoro paIsraeri ndiko kuti vaponeswe.
2 Sina haniha bupaki kuamana nabo kuti bena inchiseho kwa Ireeza, kono isiñi chokuya che inzibo.
Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kwete paruzivo;
3 Kakuti kabezi kuluka kwa Ireeza, imi basaka kuzaka kuluka kwabo bene. Kena babali tuli kunsi yo kuluka kwa Ireeza.
nokuti vasingazivi kururama kwaMwari, uye vachitsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, vakasazviisa pasi pekururama kwaMwari.
4 Kakuti Kirisite nji mwi zuzilikizi wo mulao cho kuluka kwa zumwi ni zumwi yo zumina.
Nokuti Kristu mugumo wemurairo mukururama kuna ani nani anotenda.
5 Kakuti Mushe uñola kuamana ni kuluka kuzwa ku mulao: “Muntu yo panga kuluka kwa mulao kahale cho ku kuluka.”
Nokuti Mozisi anonyora kururama kuri kwemurairo, kuti munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.
6 Kono kuluka kuzwa kwi intumelo kuwamba ichi, “Kanji u wambi mwi inkulo yako, 'Njeni yese akambame mwi wulu?' (cho kuti, kuleta Kirisite hansi);
Asi kururama kunobva parutendo kunotaura sezvizvi: Usati mumoyo mako: Ndiani achakwira kudenga? Ndiko kuti kuburusa Kristu;
7 imi kanji uti, 'Njeni yesa shetumukile mwilindi lisena ma manimani?”' (cho kuti, ku zikula Kirisite kuba fwile). (Abyssos g12)
kana kuti: Ndiani achaburukira mukudzika? Ndiko kuti kukwidza Kristu kubva kuvakafa. (Abyssos g12)
8 Kono iwamba nzi? “Linzwi lina he mbali nawe, mukaholo kako imi ni mwi inkulo yako.” Ilyo nji linzwi lye intumelo, li tuwamba.
Asi kunoti kudini? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako nemumoyo mako; iri ishoko rerutendo ratinoparidza;
9 Mukuti haiba cha kaholo kako uwamba kuti Jesu nji Simwine, imi ni kuzumina mwi inkulo yako kuti Ireeza aba mubusi kuba fwile, kohazwe.
kuti kana iwe ukabvuma nemuromo wako Ishe Jesu, uye ukatenda mumoyo mako kuti Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa;
10 Kakuti che inkulo muntu uzumina cho kuluka, imi cha kaholo u lemuha cha kuhazwa.
nokuti nemoyo umwe anotenda mukururama, uye nemuromo anobvuma mukuponeswa.
11 Kakuti iñolo liwamba, “Yense yo zumina kwali kese na swabiswe.”
Nokuti rugwaro rwunoti: Ani nani anotenda kwaari haangazonyadziswi.
12 Kakuti kakwina inshutano mukati ka Mujunda ni Mugerike. Kakuti Simwine uswana nji Simwine wa bonse, imi ufumite kubonse basumpa kwali.
Nokuti hapana musiyano pakati pemuJudha nemuGiriki; nokuti Ishe ndeumwe wevese, wakafuma kune vese vanodana kwaari.
13 Kakuti yense yo sumpa he zina lya Simwine ka hazwe.
Nokuti wese ani nani achadana kuzita raIshe achaponeswa.
14 Cwale linu kaba sumpe bule kwali ubasena ba bazumini? Mu ba zumine bule mwali ibasena ba bazuwi? Mu ba zuwe bule nikusena mukutazi?
Zvino vachadana sei wavasina kutenda kwaari? Uye vachatenda sei wavasina kunzwa nezvake? Uye vachanzwa sei vasina anoparidza?
15 Cwale kaba kutaze bule, kwanda haba tumwa? Sina mukuñolelwe, “Malotu bule mantende abo bawamba makande a zintu zi lotu!”
Zvino vachaparidza sei kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzevanoparidza evhangeri yerugare, dzevanoparidza evhangeri yezvakanaka?
16 Kono bonse kena ba tekelezi kwi ivangeli. Mukuti Isaya uwamba, “Simwine, njeni ya ba zumini iñusa lyetu?
Asi vese havana kuteerera evhangeri. Nokuti Isaya anoti: Ishe, ndiani wakatenda zvatakasuma?
17 Linu intumelo iza cha kuzuwa, imi ni kuzuwa cha linzwii lya Kirisite.
Naizvozvo rutendo rwunobva mukunzwa, nekunzwa neshoko raMwari.
18 Kono ni wamba, “Kana baba zuwi?” Eee, cho buniti. “Mulumo wabo ubayendi mwi inkanda zonse, imi manzwi abo ku mamani mani e inkanda.”
Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu zvirokwazvo, inzwi ravo rakabuda kunyika yese, nemashoko avo kumigumo yenyika.
19 Nihakubabulyo, ni wamba, “Kana Isiraele kana abezi?” Intanzi Mushe uti, “Kani mitangole cha muna kecho chisali che inkanda. Cha mukwa we inkanda ni kusena kuzuwisisa, kani mi tangole mane mubenge.”
Asi ndinoti: Israeri haana kunzwisisa here? Pakutanga Mozisi anoti: Ini ndichakumutsirai godo nevasiri rudzi, nerudzi rusingafungi ndichakutsamwisai.
20 Linu Isaya abena bundume ha wamba, “Niba wanwa kwabo basana babali kunigana. Niba libonahazi kwabo basana babani kumbili.”
NaIsaya akashinga anotiwo: Ndakawanikwa nevasina kunditsvaka, ndakaonekwa kune vasina kundibvunza.
21 Kono kwa Isiraele uwamba, “Musihali onse ni ba wololi mayanza angu kubasa kuteki ni bantu bamahañi.”
Asi kuna Israeri anoti: Zuva rese ndakatandavadza maoko angu kuvanhu vasingateereri nevanokakavara.

< Maroma 10 >