< 고린도전서 14 >

1 사랑을 따라 구하라 신령한 것을 사모하되 특별히 예언을 하려고 하라
Tevererai rudo; mushuve zvikuru zvemweya, asi zvikurusa kuti muporofite.
2 방언을 말하는 자는 사람에게 하지 아니하고 하나님께 하나니 이는 알아 듣는 자가 없고 그 영으로 비밀을 말함이니라
Nokuti anotaura nendimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi mumweya anotaura zvakavanzika.
3 그러나 예언하는 자는 사람에게 말하여 덕을 세우며 권면하며 안위하는 것이요
Asi anoporofita anotaura kuvanhu kuvaka nekurudziro nenyaradzo.
4 방언을 말하는 자는 자기의 덕을 세우고 예언하는 자는 교회의 덕을 세우나니
Anotaura nendimi anozvivaka iye; asi anoporofita anovaka kereke.
5 나는 너희가 다 방언 말하기를 원하나 특별히 예언하기를 원하노라 방언을 말하는 자가 만일 교회의 덕을 세우기 위하여 통역하지 아니하면 예언하는 자만 못하니라
Ndinodawo kuti imwi mese mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; nokuti anoporofita mukuru kune anotaura nendimi, kunze kwekuti achidudzira, kuti kereke iwane kuvakwa.
6 그런즉 형제들아 내가 너희에게 나아가서 방언을 말하고 계시나 지식이나 예언이나 가르치는 것이나 말하지 아니하면 너희에게 무엇이 유익하리요
Asi ikozvino, hama, kana ndichiuya kwamuri ndichitaura nendimi, ndichakubatsirai nei, kunze kwekuti ndichitaura nemwi kana muchakazarurwa, kana muruzivo, kana muchiporofita, kana mudzidziso?
7 혹 저나 거문고와 같이 생명 없는 것이 소리를 낼 때에 그 음의 분별을 내지 아니하면 저 부는 것인지 거문고 타는 것인지 어찌 알게 되리요
Zvakadaro zvinhu zvisina upenyu zvinorira, kana nyere, kana rudimbwa, kana zvisingapi musiyano pamaririro, zvingazikanwa sei chinoridzwa nenyere kana kuridzwa rudimbwa?
8 만일 나팔이 분명치 못한 소리를 내면 누가 전쟁을 예비하리요
Nokutiwo kana hwamanda ichipa maungira asinganzwisisiki, ndiani angazvigadzira hondo?
9 이와 같이 너희도 혀로서 알아 듣기 쉬운 말을 하지 아니하면 그 말하는 것을 어찌 알리요 이는 허공에다 말하는 것이라
Saizvozvowo imwi, kana musingapi nerurimi shoko rakareruka kunzwisiswa, zvinotaurwa zvichazikanwa sei? Nokuti muchava vanotaura kumhepo.
10 세상에 소리의 종류가 이같이 많되 뜻 없는 소리는 없나니
Ariko, kana zvingaitika, manzwi ane marudzi mazhinji zvakadai panyika asi hakuna rimwe risingarevi chinhu.
11 그러므로 내가 그 소리의 뜻을 알지 못하면 내가 말하는 자에게 야만(野蠻)이 되고 말하는 자도 내게 야만이 되리니
Naizvozvo kana ndisingazivi zvinoreva inzwi, ndichava munhu werumwe rurimi kune anotaura, neanotaura munhu werumwe rurimi kwandiri.
12 그러면 너희도 신령한 것을 사모하는 자인즉 교회의 덕 세우기를 위하여 풍성하기를 구하라
Zvakadaro nemwi, sezvamunoshingairira zvipo zveMweya, tsvakai kuti mupfuurise pakuvaka kereke.
13 그러므로 방언을 말하는 자는 통역하기를 기도할지니
Naizvozvo anotaura nendimi ngaanyengetere kuti adudzire.
14 내가 만일 방언으로 기도하면 나의 영이 기도하거니와 나의 마음은 열매를 맺히지 못하리라
Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu unonyengetera, asi fungwa dzangu hadzina chibereko.
15 그러면 어떻게 할꼬? 내가 영으로 기도하고 또 마음으로 기도하며 내가 영으로 찬미하고 또 마음으로 찬미하리라
Zvino chii? Ndichanyengetera nemweya, uye ndichanyengetera nefungwawo; ndichaimba nemweya, uye ndichaimba nefungwawo.
16 그렇지 아니하면 네가 영으로 축복할 때에 무식한 처지에 있는 자가 네가 무슨 말을 하는지 알지 못하고 네 감사에 어찌 아멘 하리요
Kana zvisakadaro, kana uchivonga nemweya, uyo agere pachigaro cheasina kudzidza achati Ameni sei pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura?
17 너는 감사를 잘하였으나 그러나 다른 사람은 덕 세움을 받지 못하리라
Nokuti zvirokwazvo iwe unovonga zvakanaka, asi umwe haavakwi.
18 내가 너희 모든 사람보다 방언을 더 말하므로 하나님께 감사하노라
Ndinovonga Mwari wangu, kuti ndinotaura nendimi kupfuura imwi mese;
19 그러나 교회에서 네가 남을 가르치기 위하여 깨달은 마음으로 다섯 마디 말을 하는 것이 일만 마디 방언으로 말하는 것보다 나으니라
asi mukereke ndinoda kutaura mashoko mashanu nefungwa dzangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pamashoko zvuru gumi nendimi.
20 형제들아 지혜에는 아이가 되지 말고 악에는 어린 아이가 되라 지혜에 장성한 사람이 되라
Hama, musava vana pafungwa; asi pazvakaipa muve vacheche, asi pakuziva muve vakuru.
21 율법에 기록된바 주께서 가라사대 내가 다른 방언하는 자와 다른 입술로 이 백성에게 말할지라도 저희가 오히려 듣지 아니하리라 하였으니
Pamurairo pakanyorwa kuti: Nedzimwe ndimi uye neimwe miromo ndichataura kurudzi urwu; kunyange zvakadaro havangandinzwi, anoreva Ishe.
22 그러므로 방언은 믿는 자들을 위하지 않고 믿지 아니하는 자들을 위하는 표적이나 예언은 믿지 아니하는 자들을 위하지 않고 믿는 자들을 위함이니
Naizvozvo ndimi ndedzechiratidzo, kwete kune vanotenda, asi kune vasingatendi; asi chiporofita hachisi chevasingatendi, asi chevanotenda.
23 그러므로 온 교회가 함께 모여 다 방언으로 말하면 무식한 자들이나 믿지 아니하는 자들이 들어와서 너희를 미쳤다 하지 아니하겠느냐?
Naizvozvo kana kereke yese yaungana panzvimbo imwe, vese ndokutaura nendimi, vasina kudzidza kana vasina rutendo vakapinda, havati munopenga here?
24 그러나 다 예언을 하면 믿지 아니하는 자들이나 무식한 자들이 들어와서 모든 사람에게 책망을 들으며 모든 사람에게 판단을 받고
Asi kana vese vakaporofita, umwe asingatendi kana asina kudzidza ndokupinda, achatsiurwa nevese, aongororwe nevese;
25 그 마음의 숨은 일이 드러나게 되므로 엎드리어 하나님께 경배하며 하나님이 참으로 너희 가운데 계시다 전파하리라
uye saizvozvo zvakavanzika zvemoyo wake zvinoratidzwa; saizvozvowo achawa nechiso achinamata Mwari, nekupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.
26 그런즉 형제들아 어찌할꼬 너희가 모일 때에 각각 찬송시도 있으며 가르치는 말씀도 있으며 계시도 있으며 방언도 있으며 통역함도 있나니 모든 것을 덕을 세우기 위하여 하라
Zvino chii, hama? Pega-pega pamunoungana, umwe neumwe wenyu ane pisarema, ane dzidziso, ane ndimi, ane chakazarurwa, ane dudziro. Zvinhu zvese ngazviitirwe kuvaka.
27 만일 누가 방언으로 말하거든 두 사람이나 다불과 세 사람이 차서를 따라 하고 한 사람이 통역할 것이요
Kana umwe achitaura nendimi ngazviitwe nevaviri, kana varege kupfuura vatatu, uye vachiravana, neumwe ngaadudzire.
28 만일 통역하는 자가 없거든 교회에서는 잠잠하고 자기와 및 하나님께 말할 것이요
Asi kana pasina mududziri, ngaanyarare mukereke; uye ngaataure kwaari nekuna Mwari.
29 예언하는 자는 둘이나 셋이나 말하고 다른 이들은 분변할 것이요
Vaporofitawo ngavataure vaviri kana vatatu, nevamwe ngavatonge.
30 만일 곁에 앉은 다른 이에게 계시가 있거든 먼저 하던 자는 잠잠할지니라
Asi kana zvakazarurirwa umwe agerepo, wekutanga ngaanyarare.
31 너희는 다 모든 사람으로 배우게 하고 모든 사람으로 권면을 받게 하기 위하여 하나씩 하나씩 예언할 수 있느니라
Nokuti mese mungaporofita umwe-umwe, kuti vese vadzidze, uye vese vakurudzirwe;
32 예언하는 자들의 영이 예언하는 자들에게 제재를 받나니
nemweya yevaporofita inozviisa pasi pevaporofita.
33 하나님은 어지러움의 하나님이 아니시요 오직! 화평의 하나님이시니라
Nokuti Mwari haasi wenyonga-nyonga, asi werugare, sapamakereke ese evatsvene.
34 모든 성도의 교회에서 함과 같이 여자는 교회에서 잠잠하라! 저희의 말하는 것을 허락함이 없나니 율법에 이른 것같이 오직 복종할 것이요
Vanhukadzi venyu ngavanyarare mumakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi kuzviisa pasi, sezvinorevawo murairo.
35 만일 무엇을 배우려거든 집에서 자기 남편에게 물을지니 여자가 교회에서 말하는 것은 부끄러운 것임이라
Kana vachidawo kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti chinyadzo kumunhukadzi kutaura mukereke.
36 하나님의 말씀이 너희에게로부터 난 것이냐 또는 너희에게만 임한 것이냐
Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri mega here?
37 만일 누구든지 자기를 선지자나 혹 신령한 자로 생각하거든 내가 너희에게 편지한 것이 주의 명령인 줄 알라
Kana munhu achifunga kuti muporofita kana wemweya, ngaatende zvinhu zvandinonyora kwamuri, kuti mirairo yaIshe.
38 만일 누구든지 알지 못하면 그는 알지 못한 자니라
Asi kana munhu asingazivi, ngaave asingazivi.
39 그런즉 내 형제들아 예언하기를 사모하며 방언 말하기를 금하지 말라
Naizvozvo, hama, shingairirai kuporofita, musingadzivisi kutaura nendimi.
40 모든 것을 적당하게 하고 질서대로 하라!
Zvinhu zvese ngazviitwe nemutoo wakafanira uye zvichitevedzana.

< 고린도전서 14 >