< Κατα Λουκαν 12 >

1 Ἐν οἷς ἐπισυναχθεισῶν τῶν μυριάδων τοῦ ὄχλου, ὥστε καταπατεῖν ἀλλήλους, ἤρξατο λέγειν πρὸς τοὺς μαθητὰς αὐτοῦ πρῶτον, “Προσέχετε ἑαυτοῖς ἀπὸ τῆς ζύμης, τῶν Φαρισαίων, ἥτις ἐστὶν ὑπόκρισις.
Zvichakadaro makumi ezvuru zvechaunga akati aungana, zvekuti vaitsikana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake pakutanga achiti: Imwi chenjerai mbiriso yeVaFarisi, inova unyepedzeri.
2 Οὐδὲν δὲ συγκεκαλυμμένον ἐστὶν, ὃ οὐκ ἀποκαλυφθήσεται, καὶ κρυπτὸν ὃ οὐ γνωσθήσεται.
Uye hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazopenengurwi, nechakavigwa, chisingazozikanwi.
3 Ἀνθʼ ὧν ὅσα ἐν τῇ σκοτίᾳ εἴπατε, ἐν τῷ φωτὶ ἀκουσθήσεται, καὶ ὃ πρὸς τὸ οὖς ἐλαλήσατε ἐν τοῖς ταμείοις, κηρυχθήσεται ἐπὶ τῶν δωμάτων.
Naizvozvo zvese zvamakataura murima zvichanzwikwa muchiedza; neizvo zvamakataura munzeve mudzimba dzemukati zvichaparidzwa pamusoro pematenga edzimba.
4 Λέγω δὲ ὑμῖν, τοῖς φίλοις μου, μὴ φοβηθῆτε ἀπὸ τῶν ἀποκτεινόντων τὸ σῶμα, καὶ μετὰ ταῦτα μὴ ἐχόντων περισσότερόν τι ποιῆσαι.
Uye ndinoti kwamuri shamwari dzangu: Musatya vanouraya muviri, asi shure kweizvozvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.
5 Ὑποδείξω δὲ ὑμῖν τίνα φοβηθῆτε: φοβήθητε τὸν μετὰ τὸ ἀποκτεῖναι, ἔχοντα ἐξουσίαν ἐμβαλεῖν εἰς τὴν Γέενναν· ναί, λέγω ὑμῖν, τοῦτον φοβήθητε. (Geenna g1067)
Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai iye anoti shure kwekuuraya ane simba rekukanda mugehena; hongu, ndinoti kwamuri: Ityai iye. (Geenna g1067)
6 Οὐχὶ πέντε στρουθία πωλοῦνται ἀσσαρίων δύο; Καὶ ἓν ἐξ αὐτῶν οὐκ ἔστιν ἐπιλελησμένον ἐνώπιον τοῦ ˚Θεοῦ.
Ko tushiri tushanu hatutengeswi nemakobiri maviri here? Hakuna kamwe kadzo kanokanganikwa pamberi paMwari.
7 Ἀλλὰ καὶ αἱ τρίχες τῆς κεφαλῆς ὑμῶν πᾶσαι ἠρίθμηνται. Μὴ φοβεῖσθε, πολλῶν στρουθίων διαφέρετε.
Asi kunyange nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rese. Musatya naizvozvo, munopfuura tushiri tuzhinji.
8 Λέγω δὲ ὑμῖν, πᾶς ὃς ἂν ὁμολογήσῃ ἐν ἐμοὶ ἔμπροσθεν τῶν ἀνθρώπων, καὶ ὁ Υἱὸς τοῦ Ἀνθρώπου ὁμολογήσει, ἐν αὐτῷ ἔμπροσθεν τῶν ἀγγέλων τοῦ ˚Θεοῦ·
Ndinotiwo kwamuri: Umwe neumwe anondibvuma pamberi pevanhu, Mwanakomana wemunhu achamubvumawo pamberi pevatumwa vaMwari;
9 ὁ δὲ ἀρνησάμενός με ἐνώπιον τῶν ἀνθρώπων, ἀπαρνηθήσεται ἐνώπιον τῶν ἀγγέλων τοῦ ˚Θεοῦ.
asi anondiramba pamberi pevanhu, acharambwa pamberi pevatumwa vaMwari.
10 Καὶ πᾶς ὃς ἐρεῖ λόγον εἰς τὸν Υἱὸν τοῦ Ἀνθρώπου, ἀφεθήσεται αὐτῷ· τῷ δὲ εἰς τὸ Ἅγιον ˚Πνεῦμα βλασφημήσαντι, οὐκ ἀφεθήσεται.
Uye umwe neumwe anoreva shoko achipikisa Mwanakomana wemunhu, achakanganwirwa; asi uyo anonyomba Mweya Mutsvene haazokanganwirwi.
11 Ὅταν δὲ εἰσφέρωσιν ὑμᾶς ἐπὶ τὰς συναγωγὰς, καὶ τὰς ἀρχὰς, καὶ τὰς ἐξουσίας, μὴ μεριμνήσητε πῶς ἢ τί ἀπολογήσησθε ἢ τί εἴπητε·
Kana vachikuisai kumasinagoge nevatongi nevane simba, musafunganya kuti muchapindura sei kana chii, kana muchataurei;
12 τὸ γὰρ Ἅγιον ˚Πνεῦμα διδάξει ὑμᾶς ἐν αὐτῇ τῇ ὥρᾳ ἃ δεῖ εἰπεῖν.”
nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai neawa iro zvamunofanira kutaura.
13 Εἶπεν δέ τις ἐκ τοῦ ὄχλου αὐτῷ, “Διδάσκαλε, εἰπὲ τῷ ἀδελφῷ μου μερίσασθαι μετʼ ἐμοῦ τὴν κληρονομίαν.”
Zvino umwe wechaunga wakati kwaari: Mudzidzisi, udzai mwanakomana wamai vangu agovane nhaka neni.
14 Ὁ δὲ εἶπεν αὐτῷ, “Ἄνθρωπε, τίς με κατέστησεν κριτὴν ἢ μεριστὴν ἐφʼ ὑμᾶς;”
Asi wakati kwaari: Iwe munhu, ndiani wakandigadza kuva mutongi kana mugoveri pamusoro penyu?
15 Εἶπεν δὲ πρὸς αὐτούς, “Ὁρᾶτε καὶ φυλάσσεσθε ἀπὸ πάσης πλεονεξίας, ὅτι οὐκ ἐν τῷ περισσεύειν τινὶ, ἡ ζωὴ αὐτοῦ ἐστιν ἐκ τῶν ὑπαρχόντων αὐτῷ.”
Akati kwavari: Ngwarirai muchenjerere ruchiva, nokuti upenyu hwemunhu hahusi mukuwanda kwezvinhu zvaanazvo.
16 Εἶπεν δὲ παραβολὴν πρὸς αὐτοὺς λέγων, “Ἀνθρώπου τινὸς πλουσίου εὐφόρησεν ἡ χώρα.
Akataura mufananidzo kwavari, achiti: Munda weumwe munhu mufumi wakabereka kwazvo;
17 Καὶ διελογίζετο ἐν ἑαυτῷ λέγων, ‘Τί ποιήσω, ὅτι οὐκ ἔχω ποῦ συνάξω τοὺς καρπούς μου;’
akafunga mukati make, achiti: Ndichaitei? Nokuti handina nzvimbo pandingaunganidzira zvibereko zvangu.
18 Καὶ εἶπεν, ‘Τοῦτο ποιήσω: καθελῶ μου τὰς ἀποθήκας καὶ μείζονας οἰκοδομήσω, καὶ συνάξω ἐκεῖ πάντα τὸν σῖτον καὶ τὰ ἀγαθά μου.
Ndokuti: Ndichaita izvi: Ndichaputsa matura angu, ndivake makuru, ndiunganidzire zvirimwa zvangu zvese ipapo, nenhumbi dzangu,
19 Καὶ ἐρῶ τῇ ψυχῇ μου, “Ψυχή, ἔχεις πολλὰ ἀγαθὰ κείμενα εἰς ἔτη πολλά· ἀναπαύου, φάγε, πίε, εὐφραίνου.”’
ndigoti kumweya wangu: Mweya, une zvinhu zvakawanda zvakanaka, zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora, idya, inwa, fara.
20 Εἶπεν δὲ αὐτῷ ὁ ˚Θεός, ‘Ἄφρων, ταύτῃ τῇ νυκτὶ, τὴν ψυχήν σου αἰτοῦσιν ἀπὸ σοῦ· ἃ δὲ ἡτοίμασας, τίνι ἔσται;’
Asi Mwari akati kwaari: Dununu, usiku huno mweya wako uchadikanwa kubva kwauri; ko izvo zvawagadzirira, zvichava zvaani?
21 Οὕτως ὁ θησαυρίζων ἑαυτῷ καὶ μὴ εἰς ˚Θεὸν πλουτῶν.”
Zvakadaro kune anozviunganidzira fuma, asi asina kufuma kuna Mwari.
22 Εἶπεν δὲ πρὸς τοὺς μαθητὰς “Διὰ τοῦτο λέγω ὑμῖν, μὴ μεριμνᾶτε τῇ ψυχῇ, τί φάγητε μηδὲ τῷ σώματι τί ἐνδύσησθε.
Zvino wakati kuvadzidzi vake: Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, kuti muchadyei; kana muviri, kuti muchapfekei.
23 Ἡ γὰρ ψυχὴ πλεῖόν ἐστιν τῆς τροφῆς, καὶ τὸ σῶμα τοῦ ἐνδύματος.
Upenyu hunopfuura kudya, nemuviri zvipfeko.
24 Κατανοήσατε τοὺς κόρακας, ὅτι οὐ σπείρουσιν οὐδὲ θερίζουσιν, οἷς οὐκ ἔστιν ταμεῖον οὐδὲ ἀποθήκη, καὶ ὁ ˚Θεὸς τρέφει αὐτούς. Πόσῳ μᾶλλον ὑμεῖς διαφέρετε τῶν πετεινῶν!
Fungai makunguvo, kuti haadzvari, kana kukohwa, haana tsapi kana dura; asi Mwari anoafunda. Imwi munokunda zvikuru sei shiri?
25 Τίς δὲ ἐξ ὑμῶν μεριμνῶν, δύναται ἐπὶ τὴν ἡλικίαν αὐτοῦ προσθεῖναι πῆχυν;
Ndiani kwamuri nekufunganya angagona kuwedzera mbimbi imwe paurefu hwake?
26 Εἰ οὖν οὐδὲ ἐλάχιστον δύνασθε, τί περὶ τῶν λοιπῶν μεριμνᾶτε;
Naizvozvo kana musingagoni kuita chinhu chidikisa, munofunganyirei pamusoro pezvimwe?
27 Κατανοήσατε τὰ κρίνα πῶς αὐξάνει, οὐ κοπιᾷ οὐδὲ νήθει· λέγω δὲ ὑμῖν, οὐδὲ Σολομὼν ἐν πάσῃ τῇ δόξῃ αὐτοῦ, περιεβάλετο ὡς ἓν τούτων.
Fungai midovatova, kuti inokura sei; haishingairi, hairuki; asi ndinoti kwamuri: NaSoromoni mukubwinya kwake kwese, haana kupfekedzwa seumwe wayo.
28 Εἰ δὲ ἐν ἀγρῷ τὸν χόρτον ὄντα σήμερον, καὶ αὔριον εἰς κλίβανον βαλλόμενον, ὁ ˚Θεὸς οὕτως ἀμφιέζει, πόσῳ μᾶλλον ὑμᾶς, ὀλιγόπιστοι;
Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa huri panyika nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, uchakupfekedzai nekupfuurisa sei, imwi verutendo rudiki?
29 Καὶ ὑμεῖς μὴ ζητεῖτε τί φάγητε, ἢ τί πίητε, καὶ μὴ μετεωρίζεσθε.
Zvino imwi musatsvaka zvamuchadya kana zvamuchamwa; uye musazvidya moyo.
30 Ταῦτα γὰρ πάντα τὰ ἔθνη τοῦ κόσμου ἐπιζητοῦσιν, ὑμῶν δὲ ὁ Πατὴρ οἶδεν ὅτι χρῄζετε τούτων.
Nokuti zvinhu izvi zvese marudzi enyika anozvitsvaka; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.
31 Πλὴν ζητεῖτε τὴν βασιλείαν αὐτοῦ, καὶ ταῦτα προστεθήσεται ὑμῖν.
Asi tsvakai ushe hwaMwari, naizvozvi zvese zvichawedzerwa kwamuri.
32 Μὴ φοβοῦ, τὸ μικρὸν ποίμνιον, ὅτι εὐδόκησεν ὁ Πατὴρ ὑμῶν, δοῦναι ὑμῖν τὴν βασιλείαν.
Musatya boka diki; nokuti Baba venyu vanofara kukupai ushe.
33 Πωλήσατε τὰ ὑπάρχοντα ὑμῶν, καὶ δότε ἐλεημοσύνην. Ποιήσατε ἑαυτοῖς βαλλάντια μὴ παλαιούμενα, θησαυρὸν ἀνέκλειπτον ἐν τοῖς οὐρανοῖς, ὅπου κλέπτης οὐκ ἐγγίζει οὐδὲ σὴς διαφθείρει.
Tengesai izvo zvamunazvo mupe varombo zvipo. Muzviitire zvikwama zvisingashakari, fuma kumatenga isingaperi, pasina mbavha ingasvika kana zvifusi zvingaodza.
34 Ὅπου γάρ ἐστιν ὁ θησαυρὸς ὑμῶν, ἐκεῖ καὶ ἡ καρδία ὑμῶν ἔσται.
Nokuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo wenyu.
35 Ἔστωσαν ὑμῶν αἱ ὀσφύες περιεζωσμέναι, καὶ οἱ λύχνοι καιόμενοι,
Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje ichipfuta.
36 καὶ ὑμεῖς ὅμοιοι ἀνθρώποις προσδεχομένοις τὸν κύριον ἑαυτῶν, πότε ἀναλύσῃ ἐκ τῶν γάμων, ἵνα ἐλθόντος καὶ κρούσαντος, εὐθέως ἀνοίξωσιν αὐτῷ.
Nemwi muve sevanhu vakarindira ishe wavo, pakudzoka kwake kumuchato, kuti kana achisvika akagogodza, vangamuzarurira pakarepo.
37 Μακάριοι οἱ δοῦλοι ἐκεῖνοι, οὓς ἐλθὼν, ὁ ˚Κύριος εὑρήσει γρηγοροῦντας. Ἀμὴν, λέγω ὑμῖν ὅτι περιζώσεται καὶ ἀνακλινεῖ αὐτοὺς, καὶ παρελθὼν, διακονήσει αὐτοῖς.
Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti kana ishe achisvika anovawana vakarindira; zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achazvisunga, akavagarisa pakudya, akaswedera akavashandira.
38 Κἂν ἐν τῇ δευτέρᾳ κἂν ἐν τῇ τρίτῃ φυλακῇ ἔλθῃ, καὶ εὕρῃ οὕτως, μακάριοί εἰσιν ἐκεῖνοι!
Kana akasvika nenguva yekurindira yechipiri, kana kusvika nenguva yekurindira yechitatu, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.
39 Τοῦτο δὲ γινώσκετε, ὅτι εἰ ᾔδει ὁ οἰκοδεσπότης ποίᾳ ὥρᾳ ὁ κλέπτης ἔρχεται, ἐγρηγόρησεν ἂν καὶ οὐκ ἂν ἀφῆκεν διορυχθῆναι τὸν οἶκον αὐτοῦ.
Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nderipi awa mbavha rainouya, angadai akarinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
40 Καὶ ὑμεῖς γίνεσθε ἕτοιμοι, ὅτι ᾗ ὥρᾳ οὐ δοκεῖτε, ὁ Υἱὸς τοῦ Ἀνθρώπου ἔρχεται.”
Naizvozvo imwiwo ivai makazvigadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri Mwanakomana wemunhu anouya.
41 Εἶπεν δὲ ὁ Πέτρος, “˚Κύριε, πρὸς ἡμᾶς τὴν παραβολὴν ταύτην λέγεις, ἢ καὶ πρὸς πάντας;”
Petro ndokuti kwaari: Ishe, munoutaura mufananidzo uyu kwatiri, kana kune vesewo?
42 Καὶ εἶπεν ὁ ˚Κύριος, “Τίς ἄρα ἐστὶν ὁ πιστὸς οἰκονόμος ὁ φρόνιμος, ὃν καταστήσει ὁ ˚Κύριος ἐπὶ τῆς θεραπείας αὐτοῦ, τοῦ διδόναι ἐν καιρῷ σιτομέτριον;
Ishe ndokuti: Ko ndiani zvino mutariri wakatendeka uye wakachenjera, ishe waachagadza pamusoro pevaranda vake, kuti ape mugove wekudya nenguva yakafanira?
43 Μακάριος ὁ δοῦλος ἐκεῖνος, ὃν ἐλθὼν, ὁ κύριος αὐτοῦ εὑρήσει οὕτως ποιοῦντα.
Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika, amuwane achiita saizvozvo.
44 Ἀληθῶς λέγω ὑμῖν ὅτι ἐπὶ πᾶσιν τοῖς ὑπάρχουσιν αὐτοῦ καταστήσει αὐτόν.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvese zvaanazvo.
45 Ἐὰν δὲ εἴπῃ ὁ δοῦλος ἐκεῖνος ἐν τῇ καρδίᾳ αὐτοῦ, ‘Χρονίζει ὁ κύριός μου ἔρχεσθαι’, καὶ ἄρξηται τύπτειν τοὺς παῖδας καὶ τὰς παιδίσκας, ἐσθίειν τε καὶ πίνειν καὶ μεθύσκεσθαι,
Asi kana muranda uyo akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuuya; akatanga kurova varandarume nevarandakadzi, nekudya, nekunwa, nekuraradza;
46 ἥξει ὁ κύριος τοῦ δούλου ἐκείνου ἐν ἡμέρᾳ ᾗ οὐ προσδοκᾷ, καὶ ἐν ὥρᾳ ᾗ οὐ γινώσκει, καὶ διχοτομήσει αὐτὸν, καὶ τὸ μέρος αὐτοῦ μετὰ τῶν ἀπίστων θήσει.
ishe wemuranda uyo achasvika pazuva raasingatarisiri, uye paawa raasingazivi, akamugura nepakati, akagura mugove wake pamwe nevasakatendeka.
47 Ἐκεῖνος δὲ ὁ δοῦλος, ὁ γνοὺς τὸ θέλημα τοῦ κυρίου αὐτοῦ, καὶ μὴ ἑτοιμάσας ἢ ποιήσας πρὸς τὸ θέλημα αὐτοῦ, δαρήσεται πολλάς·
Muranda uyo waiziva chido chaishe wake, akasagadzirira, kana kuita zvinoenderana nechido chake, acharohwa neshamhu zhinji.
48 ὁ δὲ μὴ γνοὺς, ποιήσας δὲ ἄξια πληγῶν, δαρήσεται ὀλίγας. Παντὶ δὲ ᾧ ἐδόθη πολύ, πολὺ ζητηθήσεται παρʼ αὐτοῦ, καὶ ᾧ παρέθεντο πολύ, περισσότερον αἰτήσουσιν αὐτόν.
Asi wakange asingazivi, akaita zvakafanira kurohwa, acharohwa neshamhu shoma. Uye wese wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; neanobatiswa zvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari.
49 Πῦρ ἦλθον βαλεῖν ἐπὶ τὴν γῆν, καὶ τί θέλω εἰ ἤδη ἀνήφθη;
Ndakauya kuzokanda moto panyika, zvino ndichadei kana watobatidzwa?
50 Βάπτισμα δὲ ἔχω βαπτισθῆναι, καὶ πῶς συνέχομαι ἕως ὅτου τελεσθῇ!
Asi ndine rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo, zvino ndinomanikidzwa sei kusvikira rwuchipedziswa.
51 Δοκεῖτε ὅτι εἰρήνην παρεγενόμην δοῦναι ἐν τῇ γῇ; Οὐχί, λέγω ὑμῖν, ἀλλʼ ἢ διαμερισμόν.
Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Kwete, ndinoti kwamuri, asi kutozopesanisa.
52 Ἔσονται γὰρ ἀπὸ τοῦ νῦν, πέντε ἐν ἑνὶ οἴκῳ διαμεμερισμένοι, τρεῖς ἐπὶ δυσὶν, καὶ δύο ἐπὶ τρισίν.
Nokuti kubva zvino vashanu muimba imwe vachapesana, vatatu vachipikisana nevaviri, uye vaviri vachipikisana nevatatu,
53 Διαμερισθήσονται πατὴρ ἐπὶ υἱῷ, καὶ υἱὸς ἐπὶ πατρί, μήτηρ ἐπὶ θυγατέρα, καὶ θυγάτηρ ἐπὶ τὴν μητέρα, πενθερὰ ἐπὶ τὴν νύμφην αὐτῆς, καὶ νύμφη ἐπὶ τὴν πενθεράν.”
vachapesana, baba vachipikisana nemwanakomana, nemwanakomana achipikisana nababa; mai vachipikisana nemukunda, nemukunda achipikisana namai; vamwene vachipikisana nemuroora wavo, nemuroora achipikisana navamwene vake.
54 Ἔλεγεν δὲ καὶ τοῖς ὄχλοις, “Ὅταν ἴδητε νεφέλην ἀνατέλλουσαν ἐπὶ δυσμῶν, εὐθέως λέγετε, ὅτι ‘Ὄμβρος ἔρχεται’, καὶ γίνεται οὕτως.
Akatiwo kuzvaunga: Kana muchiona gore richisimuka kubva kumavirira, pakarepo munoti: Mvura inouya; zvodaro.
55 Καὶ ὅταν νότον πνέοντα, λέγετε, ὅτι ‘Καύσων ἔσται’, καὶ γίνεται.
Uye kana muchiona mhepo yechamhembe ichivhuvhuta munoti: Kuchapisa; zvoitika.
56 Ὑποκριταί! Τὸ πρόσωπον τῆς γῆς καὶ τοῦ οὐρανοῦ οἴδατε δοκιμάζειν, τὸν καιρὸν δὲ τοῦτον, πῶς οὐκ οἴδατε δοκιμάζειν;
Vanyepedzeri! Munoziva kuongorora zvimiro zvekudenga nezvenyika, asi hamuongorori sei nguva ino?
57 Τί δὲ καὶ ἀφʼ ἑαυτῶν, οὐ κρίνετε τὸ δίκαιον;
Ko asi munoregerei nemwi kuzvitongera momene zvakarurama?
58 Ὡς γὰρ ὑπάγεις μετὰ τοῦ ἀντιδίκου σου ἐπʼ ἄρχοντα ἐν τῇ ὁδῷ, δὸς ἐργασίαν ἀπηλλάχθαι ἀπʼ αὐτοῦ, μήποτε κατασύρῃ σε πρὸς τὸν κριτήν, καὶ ὁ κριτής σε παραδώσει τῷ πράκτορι, καὶ ὁ πράκτωρ σε βαλεῖ εἰς φυλακήν.
Nokuti kana uchienda kumutungamiriri nemudzivisi wako, ita zvakanaka kuti usunungurwe kubva kwaari muri munzira; kuti arege kukukwevera kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, mupurisa akukande mutirongo.
59 Λέγω σοι, οὐ μὴ ἐξέλθῃς ἐκεῖθεν ἕως καὶ τὸ ἔσχατον λεπτὸν ἀποδῷς.”
Ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kunyange kamari kekupedzisira.

< Κατα Λουκαν 12 >