< Josua 20 >

1 Und der Herr redete also mit Josue:
Ipapo Jehovha akataura naJoshua akati,
2 "Sprich zu den Söhnen Israels: Bestimmt euch die Zufluchtsstädte, von denen ich durch Moses zu euch gesagt habe,
“Udza vana vaIsraeri kuti vatsaure maguta outiziro, sezvandakarayira kubudikidza naMozisi,
3 daß ein Totschläger, der unvorsätzlich, unversehens einen Menschen totschlug, dorthin fliehe! Sie seien euch Zuflucht vor dem Bluträcher!
kuitira kuti ani naani anouraya munhu netsaona uye asina kuita namaune, agone kutizira ikoko uye adzivirirwe kumutsivi weropa.
4 Er (der Totschläger) fliehe in eine dieser Städte, trete an des Stadttores Eingang und berichte seine Sache den Ältesten der Stadt! Dann sollen sie ihn zu sich in die Stadt nehmen und ihm einen Platz anweisen, und er bleibe bei ihnen!
“Kana atizira kune rimwe ramaguta aya, anofanira kumira pasuo reguta agorondedzera nyaya yake pamberi pavakuru veguta. Ipapo vanofanira kumupinza muguta ravo vagomupa nzvimbo yokugara.
5 Verfolgt ihn der Bluträcher, so dürfen sie ihm den Totschläger nicht ausliefern, weil er seinen Nächsten unwissentlich getötet und ihn nicht von früher her gehaßt hat.
Ipapo kana mutsivi weropa akamutevera, havafaniri kutendera muurayi kuti amubate nokuti akauraya wokwake asingaiti namaune uye asinazve kumuvenga kubva kare.
6 Er bleibe in dieser Stadt, bis er vor der Gemeinde zum Gerichte gestanden, bis zum Tode des jeweiligen Hohenpriesters! Dann soll der Totschläger heimkehren; er gehe in seine Stadt und sein Haus, in die Stadt, aus der er geflohen ist.'"
Iye anofanira kugara muguta iroro kusvikira amira pamberi peungano uyezve kusvikira muprista ari kushumira panguva iyoyo afa. Ipapo angazodzokera kumusha kwake kwaakanga atiza.”
7 Da bestimmten sie Kedes in Galiläa auf dem Gebirge Naphtali, auf dem Gebirge Ephraim Sichern und Kirjat Arba, das ist Hebron auf dem Gebirge Juda.
Saka vakatsaura Kedheshi muGarirea munyika yamakomo yaNafutari, neShekemu munyika yamakomo yaEfuremu, neKiriati Abha (iyo Hebhuroni) munyika yamakomo yaJudha.
8 Jenseits des Jordan bei Jericho im Osten bestellten sie Beser in der Steppe, auf der Hochebene vom Stamme Ruben, Ramot in Gilead vom Stamme Gad und Golan in Basan vom Stamme Manasse.
Kurutivi rwokumabvazuva kweJorodhani reJeriko vakatsaura Bhezeri pamatunhu akakwirira omugwenga rokurudzi rwaGadhi, neGorani muBhashani murudzi rwaManase.
9 Dies waren die Freistädte für alle Israeliten und die Fremdlinge unter ihnen, daß dorthin alle fliehen sollten, die einen Menschen unvorsätzlich töteten, damit sie nicht durch einen Bluträcher stürben, bevor sie vor der Gemeinde gestanden hätten.
MuIsraeri upi zvake kana mutorwa aigona kutizira hake kumaguta akatsaurwa uye aisazourayiwa nomutsivi weropa asati ambomiswa pamberi peungano.

< Josua 20 >