< Matthew 9 >

1 He entered into a boat and crossed over, and came into his own city.
Akabva apinda mugwa, akayambuka ndokusvika muguta rake pachake.
2 Behold, they brought to him a man who was paralyzed, lying on a bed. Jesus, seeing their faith, said to the paralytic, “Son, cheer up! Your sins are forgiven you.”
Zvino tarira, vakauisa kwaari wakafa mitezo, arere pahwanyanza; zvino Jesu achiona rutendo rwavo akati kune wakafa mitezo: Tsunga moyo, mwana, wakanganwirwa zvivi zvako.
3 Behold, some of the scribes said to themselves, “This man blasphemes.”
Zvino tarira, vamwe vevanyori vakati mukati mavo: Uyu unonyomba.
4 Jesus, knowing their thoughts, said, “Why do you think evil in your hearts?
Asi Jesu achiona mifungo yavo wakati: Imwi munofungirei zvakaipa mumoyo yenyu?
5 For which is easier, to say, ‘Your sins are forgiven;’ or to say, ‘Get up, and walk’?
Nokuti ndechipi chakareruka, kuti: Wakanganwirwa zvivi; kana kuti: Simuka ufambe?
6 But that you may know that the Son of Man has authority on earth to forgive sins—” (then he said to the paralytic), “Get up, and take up your mat, and go to your house.”
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (wakabva ati kune wakange akafa mitezo): Simuka, tora hwanyanza hwako, uende kumba kwako.
7 He arose and departed to his house.
Akasimuka, akaenda kumba kwake.
8 But when the multitudes saw it, they marveled and glorified God, who had given such authority to men.
Zvaunga zvakati zvichizviona zvikashamisika, zvikarumbidza Mwari wakapa simba rakadai kuvanhu.
9 As Jesus passed by from there, he saw a man called Matthew sitting at the tax collection office. He said to him, “Follow me.” He got up and followed him.
Zvino Jesu wakati achipfuurapo akaona munhu anonzi Matewu agere pahofisi yemutero, akati kwaari: Nditevere! Ndokusimuka, akamutevera.
10 As he sat in the house, behold, many tax collectors and sinners came and sat down with Jesus and his disciples.
Uye zvakaitika agere pakudya mumba, zvino tarira, vateresi vazhinji nevatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu nevadzidzi vake.
11 When the Pharisees saw it, they said to his disciples, “Why does your teacher eat with tax collectors and sinners?”
Zvino VaFarisi vakati vachizviona, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei Mudzidzisi wenyu achidya nevateresi nevatadzi?
12 When Jesus heard it, he said to them, “Those who are healthy have no need for a physician, but those who are sick do.
Asi Jesu wakati anzwa, akati kwavari: Vatano havadi murapi asi vanorwara.
13 But you go and learn what this means: ‘I desire mercy, and not sacrifice,’ for I came not to call the righteous, but sinners to repentance.”
Asi endai mudzidze kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi uye kwete chibairo; nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka.
14 Then John’s disciples came to him, saying, “Why do we and the Pharisees fast often, but your disciples don’t fast?”
Ipapo kwakasvika kwaari vadzidzi vaJohwani, vachiti: Nemhaka yei isu neVaFarisi tichitsanya kazhinji, asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?
15 Jesus said to them, “Can the friends of the bridegroom mourn as long as the bridegroom is with them? But the days will come when the bridegroom will be taken away from them, and then they will fast.
Jesu ndokuti kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kuchema here apo muwani anavo? Asi mazuva achasvika pachabviswa muwani kwavari, ipapo vachatsanya.
16 No one puts a piece of unshrunk cloth on an old garment; for the patch would tear away from the garment, and a worse hole is made.
Hakuna anoisa chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu, nokuti icho chinonamirwa pairi chinobvarura panguvo, buri rikanyanya.
17 Neither do people put new wine into old wine skins, or else the skins would burst, and the wine be spilled, and the skins ruined. No, they put new wine into fresh wine skins, and both are preserved.”
Uye havadiri waini itsva muhombodo tsaru; zvikasadaro hombodo dzinoputika, waini ikateuka, nehombodo dzikaparara; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zvichengeteke zviri zviviri.
18 While he told these things to them, behold, a ruler came and worshiped him, saying, “My daughter has just died, but come and lay your hand on her, and she will live.”
Wakati achitaura zvinhu izvozvi kwavari, tarira, kwakasvika umwe mutungamiriri akamunamata, akati: Mukunda wangu achangofa; asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, uye achararama.
19 Jesus got up and followed him, as did his disciples.
Jesu ndokusimuka akamutevera, nevadzidzi vake.
20 Behold, a woman who had a discharge of blood for twelve years came behind him, and touched the fringe of his garment;
Zvino, tarira, mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, wakaswedera shure kwake, akabata mupendero wenguvo yake.
21 for she said within herself, “If I just touch his garment, I will be made well.”
Nokuti wakati mukati make: Kana ndikangobata nguvo yake, ndichaporeswa.
22 But Jesus, turning around and seeing her, said, “Daughter, cheer up! Your faith has made you well.” And the woman was made well from that hour.
Asi Jesu wakatendeuka akati amuona, akati: Mukunda, tsunga moyo; rutendo rwako rwakuponesa. Mukadzi ndokuponeswa kubva panguva iyo.
23 When Jesus came into the ruler’s house and saw the flute players and the crowd in noisy disorder,
Jesu ndokusvika mumba memutungamiriri akaona varidzi venyere nechaunga chichiita mhere-mhere,
24 he said to them, “Make room, because the girl isn’t dead, but sleeping.” They were ridiculing him.
akati kwavari: Ibvai; nokuti musikana haana kufa, asi arere. Ndokumuseka vachimusvavaidza.
25 But when the crowd was sent out, he entered in, took her by the hand, and the girl arose.
Asi chaunga chakati chabudiswa, akapinda, ndokubata ruoko rwake, musikana ndokumuka.
26 The report of this went out into all that land.
Mukurumbira uyu ukabudira kunyika iyo yese.
27 As Jesus passed by from there, two blind men followed him, calling out and saying, “Have mercy on us, son of David!”
Zvino Jesu wakati opfuurapo, mapofu maviri akamutevera, achidanidzira achiti: Tinzwirei tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi!
28 When he had come into the house, the blind men came to him. Jesus said to them, “Do you believe that I am able to do this?” They told him, “Yes, Lord.”
Zvino wakati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvi here? Akati kwaari: Hongu, Ishe.
29 Then he touched their eyes, saying, “According to your faith be it done to you.”
Ipapo wakabata meso avo achiti: Ngazviitike kwamuri maererano nerutendo rwenyu.
30 Then their eyes were opened. Jesus strictly commanded them, saying, “See that no one knows about this.”
Zvino meso avo akasvinudzwa; Jesu akavarairisa achiti: Onai kuti hakuna anozviziva.
31 But they went out and spread abroad his fame in all that land.
Asi vakati vabuda, vakaparidzira mukurumbira wake munyika iyo yese.
32 As they went out, behold, a mute man who was demon possessed was brought to him.
Zvino vakati vachibuda, tarira, vakauisa kwaari munhu chimumumu waiva akagarwa nedhimoni.
33 When the demon was cast out, the mute man spoke. The multitudes marveled, saying, “Nothing like this has ever been seen in Israel!”
Zvino dhimoni rakati rabudiswa, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika zvikati: Hakuna kumboonekwa zvakadai muna Israeri.
34 But the Pharisees said, “By the prince of the demons, he casts out demons.”
Asi VaFarisi vakati: Anobudisa madhimoni nemukuru wemadhimoni.
35 Jesus went about all the cities and the villages, teaching in their synagogues and preaching the Good News of the Kingdom, and healing every disease and every sickness among the people.
Zvino Jesu wakapota nemaguta ese nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, nekuporesa denda rese neurwere hwese pakati pevanhu.
36 But when he saw the multitudes, he was moved with compassion for them because they were harassed and scattered, like sheep without a shepherd.
Asi wakati achiona zvaunga, akavanzwira tsitsi, nokuti vakange vaneta, vakapararira semakwai asina mufudzi.
37 Then he said to his disciples, “The harvest indeed is plentiful, but the laborers are few.
Ipapo akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo goho iguru, asi vashandi vashoma;
38 Pray therefore that the Lord of the harvest will send out laborers into his harvest.”
naizvozvo kumbirisai kuna Ishe wegoho, kuti atumire vashandi pagoho rake.

< Matthew 9 >