< Matthew 27 >

1 Now when morning had come, all the chief priests and the elders of the people took counsel against Jesus to put him to death.
Mangwanani-ngwanani vaprista vose vakuru navakuru vavanhu vakabvumirana kuti Jesu aurayiwe.
2 They bound him, led him away, and delivered him up to Pontius Pilate, the governor.
Vakamusunga, vakaenda naye vakandomuisa kuna Pirato uyo aiva mubati.
3 Then Judas, who betrayed him, when he saw that Jesus was condemned, felt remorse, and brought back the thirty pieces of silver to the chief priests and elders,
Judhasi uya akanga amupandukira akati aona kuti Jesu atongerwa rufu, akazvidemba kwazvo ndokubva adzosera makumi matatu esirivha aya kuvaprista vakuru navakuru.
4 saying, “I have sinned in that I betrayed innocent blood.” But they said, “What is that to us? You see to it.”
Akasvikoti, “Ndatadza, nokuti ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakamupindura vachiti, “Zvinei nesu? Ndezvako izvo.”
5 He threw down the pieces of silver in the sanctuary and departed. Then he went away and hanged himself.
Saka Judhasi akakanda mari iya mutemberi akabva akaenda akandozvisungirira.
6 The chief priests took the pieces of silver and said, “It’s not lawful to put them into the treasury, since it is the price of blood.”
Vaprista vakuru vakanhonga mari iya vakati, “Hazvitenderwi nomurayiro kuti tiise mari iyi mudura remari, sezvo iri mari yeropa.”
7 They took counsel, and bought the potter’s field with them to bury strangers in.
Saka vakazotenderana kuti vaishandise kutenga munda womuumbi wehari kuti ugova nzvimbo yokuviga vatorwa.
8 Therefore that field has been called “The Field of Blood” to this day.
Naizvozvo wakanzi Munda Weropa kusvikira zuva ranhasi.
9 Then that which was spoken through Jeremiah the prophet was fulfilled, saying, “They took the thirty pieces of silver, the price of him upon whom a price had been set, whom some of the children of Israel priced,
Ipapo zvakabva zvazadziswa zvakataurwa nomuprofita Jeremia zvinoti, “Vakatora makumi matatu esirivha, mutengo waakatengeswa nawo navanhu veIsraeri,
10 and they gave them for the potter’s field, as the Lord commanded me.”
uye vakaashandisa kutenga nawo munda womuumbi wehari, sokurayirwa kwandakaitwa naIshe.”
11 Now Jesus stood before the governor; and the governor asked him, saying, “Are you the King of the Jews?” Jesus said to him, “So you say.”
Panguva iyoyo Jesu akamira pamberi pomubati, uye mubati akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura achiti, “Hongu, ndizvo zvamataura.”
12 When he was accused by the chief priests and elders, he answered nothing.
Paakapomerwa navaprista vakuru navakuru vavanhu, haana chaakapindura.
13 Then Pilate said to him, “Don’t you hear how many things they testify against you?”
Ipapo Pirato akamubvunza achiti, “Iwe haunzwi here uchapupu hwezvavari kukupomera izvi?”
14 He gave him no answer, not even one word, so that the governor marveled greatly.
Asi, Jesu akaramba anyerere, akasapindura kunyange chimwe zvacho, mubati akashamiswa kwazvo.
15 Now at the feast the governor was accustomed to release to the multitude one prisoner whom they desired.
Zvino yaiva tsika yomubati pamutambo kusunungura musungwa mumwe chete anenge asarudzwa navanhu vazhinji.
16 They had then a notable prisoner called Barabbas.
Panguva iyoyo vaiva nomusungwa ainge anetsa kwazvo ainzi Bharabhasi.
17 When therefore they were gathered together, Pilate said to them, “Whom do you want me to release to you? Barabbas, or Jesus who is called Christ?”
Saka vanhu vazhinji vakati vaungana, Pirato akavabvunza akati, “Ndoupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana kuti Jesu anonzi Kristu?”
18 For he knew that because of envy they had delivered him up.
Nokuti aiziva kuti vakanga vamuisa kwaari nokuda kwegodo.
19 While he was sitting on the judgment seat, his wife sent to him, saying, “Have nothing to do with that righteous man, for I have suffered many things today in a dream because of him.”
Pirato akati agere pachigaro chokutonga mukadzi wake akamutumira shoko iri rokuti: “Usawana chaunoita nomurume uyo asina mhosva, nokuti hope dzandarota nezvake usiku hwanhasi dzanditambudza kwazvo.”
20 Now the chief priests and the elders persuaded the multitudes to ask for Barabbas and destroy Jesus.
Asi vaprista vakuru navakuru vavanhu vakakurudzira vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi uye kuti Jesu aurayiwe.
21 But the governor answered them, “Which of the two do you want me to release to you?” They said, “Barabbas!”
Mubati akabvunza akati, “Ndoupi pavaviri ava wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Vakapindura vakati, “Bharabhasi!”
22 Pilate said to them, “What then shall I do to Jesus who is called Christ?” They all said to him, “Let him be crucified!”
Pirato akabvunza akati, “Zvino ndichaiteiko naJesu anonzi Kristu?” Vakapindura vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!”
23 But the governor said, “Why? What evil has he done?” But they cried out exceedingly, saying, “Let him be crucified!”
Pirato akabvunzazve achiti, “Nemhaka yei? Mhosva yake ndeyei?” Vanhu vazhinji vaya vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!”
24 So when Pilate saw that nothing was being gained, but rather that a disturbance was starting, he took water and washed his hands before the multitude, saying, “I am innocent of the blood of this righteous person. You see to it.”
Pirato akati aona kuti hapana kwaaisvika, asi kuti bope rakanga rotanga, akatora mvura akashamba maoko ake pamberi pavanhu akati, “Handina mhosva yeropa romunhu uyu. Zvionerei.”
25 All the people answered, “May his blood be on us and on our children!”
Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pevana vedu.”
26 Then he released Barabbas to them, but Jesus he flogged and delivered to be crucified.
Ipapo akavasunungurira Bharabhasi, asi akaita kuti Jesu arohwe, uye akamupa kwavari kuti arovererwe pamuchinjikwa.
27 Then the governor’s soldiers took Jesus into the Praetorium, and gathered the whole garrison together against him.
Ipapo varwi vomubati vakatora Jesu vakaenda naye mumuzinda womubati uye vakaunganidza hondo yose paari.
28 They stripped him and put a scarlet robe on him.
Vakamubvisa nguo dzake vakamupfekedza nguo tsvuku.
29 They braided a crown of thorns and put it on his head, and a reed in his right hand; and they kneeled down before him and mocked him, saying, “Hail, King of the Jews!”
Vakaruka korona yeminzwa vakaiisa pamusoro wake. Vakamubatisa mudonzvo muruoko rwake rworudyi vakapfugama pamberi pake uye vakamuseka vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!”
30 They spat on him, and took the reed and struck him on the head.
Vakamusvipira mate vakamutorera tsvimbo iya uye vakamurova nayo mumusoro kakawanda.
31 When they had mocked him, they took the robe off him, and put his clothes on him, and led him away to crucify him.
Shure kwokumuseka, vakamupfekedza nguo dzake chaidzo ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.
32 As they came out, they found a man of Cyrene, Simon by name, and they compelled him to go with them, that he might carry his cross.
Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa.
33 When they came to a place called “Golgotha”, that is to say, “The place of a skull,”
Vakasvika panzvimbo inonzi Gorogota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya).
34 they gave him sour wine to drink mixed with gall. When he had tasted it, he would not drink.
Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa.
35 When they had crucified him, they divided his clothing among them, casting lots,
Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya.
36 and they sat and watched him there.
Uye vakagara pasi, vakamurinda.
37 They set up over his head the accusation against him written, “THIS IS JESUS, THE KING OF THE JEWS.”
Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “uyu ndijesu, mambo wavajudha.”
38 Then there were two robbers crucified with him, one on his right hand and one on the left.
Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
39 Those who passed by blasphemed him, wagging their heads
Vaya vaipfuura napo, vakamutuka vachidzungudza misoro yavo
40 and saying, “You who destroy the temple and build it in three days, save yourself! If you are the Son of God, come down from the cross!”
uye vachiti, “Iwe uri kuzoputsa temberi uchizoivakazve mumazuva matatu, chizviponesa! Buruka pamuchinjikwa kana uri Mwanakomana waMwari!”
41 Likewise the chief priests also mocking with the scribes, the Pharisees, and the elders, said,
Nenzira imwe cheteyo, vaprista vakuru, navadzidzisi vomurayiro navakuru vakamuseka vachiti,
42 “He saved others, but he can’t save himself. If he is the King of Israel, let him come down from the cross now, and we will believe in him.
“Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari.
43 He trusts in God. Let God deliver him now, if he wants him; for he said, ‘I am the Son of God.’”
Anovimba naMwari saka ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’”
44 The robbers also who were crucified with him cast on him the same reproach.
Nenzira imwe cheteyo makororo akanga arovererwa pamwe chete naye akamutukawo.
45 Now from the sixth hour there was darkness over all the land until the ninth hour.
Kubva panguva yechitanhatu kusvika panguva yepfumbamwe rima rakavapo panyika yose.
46 About the ninth hour Jesus cried with a loud voice, saying, “Eli, Eli, lima sabachthani?” That is, “My God, my God, why have you forsaken me?”
Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvichireva kuti, “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?”
47 Some of them who stood there, when they heard it, said, “This man is calling Elijah.”
Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Ari kudana Eria.”
48 Immediately one of them ran and took a sponge, filled it with vinegar, put it on a reed, and gave him a drink.
Pakarepo mumwe wavo akamhanya akatora chipanje. Akachizadza newaini yevhiniga ndokuchiisa pachimuti, achibva apa Jesu kuti anwe.
49 The rest said, “Let him be. Let’s see whether Elijah comes to save him.”
Vamwe vakati, “Zvino musiyei ari oga. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.”
50 Jesus cried again with a loud voice, and yielded up his spirit.
Uye Jesu akati adanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.
51 Behold, the veil of the temple was torn in two from the top to the bottom. The earth quaked and the rocks were split.
Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka.
52 The tombs were opened, and many bodies of the saints who had fallen asleep were raised;
Makuva akazaruka, mitumbi yavatsvene vazhinji vakanga vakafa ikamutswa kuupenyu.
53 and coming out of the tombs after his resurrection, they entered into the holy city and appeared to many.
Vakabuda mumakuva, uye shure kwokumuka kwaJesu vakapinda muguta dzvene uye vakaonekwa navanhu vazhinji.
54 Now the centurion and those who were with him watching Jesus, when they saw the earthquake and the things that were done, were terrified, saying, “Truly this was the Son of God!”
Mukuru wezana navaya vaakanga anavo vakarinda Jesu, pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo, uye vakati, “Zvechokwadi, anga ari Mwanakomana waMwari!”
55 Many women were there watching from afar, who had followed Jesus from Galilee, serving him.
Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vachitarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu kubva kuGarirea kuti vamuriritire pane zvaaida.
56 Among them were Mary Magdalene, Mary the mother of James and Joses, and the mother of the sons of Zebedee.
Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho naJosefa, namai vavanakomana vaZebhedhi.
57 When evening had come, a rich man from Arimathaea named Joseph, who himself was also Jesus’ disciple, came.
Kwakati kwovira, kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatea, ainzi Josefa, akanga avawo mudzidzi waJesu.
58 This man went to Pilate and asked for Jesus’ body. Then Pilate commanded the body to be given up.
Akaenda kuna Pirato akandokumbira mutumbi waJesu, uye Pirato akarayira kuti aupiwe.
59 Joseph took the body and wrapped it in a clean linen cloth
Josefa akatora mutumbi akauputira nomucheka wakachena,
60 and laid it in his own new tomb, which he had cut out in the rock. Then he rolled a large stone against the door of the tomb, and departed.
akauisa muguva rake idzva raakanga achera padombo. Akakungurutsira ibwe guru pamuromo weguva ndokubva aenda.
61 Mary Magdalene was there, and the other Mary, sitting opposite the tomb.
Maria Magadharena nomumwe Maria vakanga varipo vagere pakatarisana neguva.
62 Now on the next day, which was the day after the Preparation Day, the chief priests and the Pharisees were gathered together to Pilate,
Mangwana acho, iro rakatevera Zuva roKugadzirira, vaprista vakuru navaFarisi vakaenda kuna Pirato.
63 saying, “Sir, we remember what that deceiver said while he was still alive: ‘After three days I will rise again.’
Vakasvikoti, “Ishe, tinorangarira kuti achiri mupenyu, munyengeri uya akati, ‘Mushure mamazuva matatu, ndichamukazve.’
64 Command therefore that the tomb be made secure until the third day, lest perhaps his disciples come at night and steal him away, and tell the people, ‘He is risen from the dead;’ and the last deception will be worse than the first.”
Saka rayirai kuti guva rake richengetedzwe kwazvo kusvika pazuva retatu. Zvimwe vadzidzi vake vangauye vakaba mutumbi wake vakaudza vanhu kuti akamutswa kubva kuvakafa. Kunyengera kwokupedzisira uku kuchaipa kukunda kwokutanga.”
65 Pilate said to them, “You have a guard. Go, make it as secure as you can.”
Pirato akapindura akati, “Torai, varindi. Endai, mundochengetedza guva iroro semaziviro enyu.”
66 So they went with the guard and made the tomb secure, sealing the stone.
Saka vakaenda vakandoita kuti richengetedzwe nokuisa chisimbiso pabwe, uye nokuisa varindi.

< Matthew 27 >