< Matthew 15 >

1 Then Pharisees and scribes came to Jesus from Jerusalem, saying,
Ipapo vanyori navaFarisi vakauya kuna Jesu vachibva kuJerusarema uye vakamubvunza vachiti,
2 “Why do your disciples disobey the tradition of the elders? For they don’t wash their hands when they eat bread.”
“Sei vadzidzi venyu vachityora tsika dzavakuru? Havashambi maoko avo vasati vadya!”
3 He answered them, “Why do you also disobey the commandment of God because of your tradition?
Jesu akavapindura achiti, “Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu?
4 For God commanded, ‘Honor your father and your mother,’ and, ‘He who speaks evil of father or mother, let him be put to death.’
Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’
5 But you say, ‘Whoever may tell his father or his mother, “Whatever help you might otherwise have gotten from me is a gift devoted to God,”
Asi imi munoti kana munhu akati kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munozogamuchira kubva kwandiri, chava chipo chakakumikidzwa kuna Mwari’,
6 he shall not honor his father or mother.’ You have made the commandment of God void because of your tradition.
haachafaniri ‘kukudza baba vake’ nacho? Saizvozvo munoshayisa shoko raMwari simba nokuda kwetsika dzenyu.
7 You hypocrites! Well did Isaiah prophesy of you, saying,
Imi vanyengeri! Isaya akaprofita kwazvo pamusoro penyu achiti:
8 ‘These people draw near to me with their mouth, and honor me with their lips; but their heart is far from me.
“‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni.
9 And they worship me in vain, teaching as doctrine rules made by men.’”
Vanondinamata pasina; vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’”
10 He summoned the multitude, and said to them, “Hear, and understand.
Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, “Teererai, munzwisise.
11 That which enters into the mouth doesn’t defile the man; but that which proceeds out of the mouth, this defiles the man.”
Icho chinopinda mumuromo momunhu ‘hachimusvibisi’, asi chinobuda mumuromo make ndicho ‘chinomusvibisa’.”
12 Then the disciples came and said to him, “Do you know that the Pharisees were offended when they heard this saying?”
Ipapo vadzidzi vakauya kwaari vakamubvunza vachiti, “Munoziva here kuti vaFarisi vagumburwa pavanzwa shoko iri?”
13 But he answered, “Every plant which my heavenly Father didn’t plant will be uprooted.
Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa.
14 Leave them alone. They are blind guides of the blind. If the blind guide the blind, both will fall into a pit.”
Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.”
15 Peter answered him, “Explain the parable to us.”
Petro akati, “Titsanangurirei mufananidzo uyu.”
16 So Jesus said, “Do you also still not understand?
Jesu akavabvunza akati, “Nemiwo hamusati mava kunzwisisa?
17 Don’t you understand that whatever goes into the mouth passes into the belly and then out of the body?
Hamuoniwo here kuti chose chinopinda mumuromo chinopinda mudumbu chichizobuda kunze!
18 But the things which proceed out of the mouth come out of the heart, and they defile the man.
Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, izvozvi ndizvo zvinosvibisa munhu.
19 For out of the heart come evil thoughts, murders, adulteries, sexual sins, thefts, false testimony, and blasphemies.
Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu.
20 These are the things which defile the man; but to eat with unwashed hands doesn’t defile the man.”
Izvi ndizvo ‘zvinosvibisa’ munhu, asi kudya asina kushamba maoko ‘hazvimusvibisi’.”
21 Jesus went out from there and withdrew into the region of Tyre and Sidon.
Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni.
22 Behold, a Canaanite woman came out from those borders and cried, saying, “Have mercy on me, Lord, you son of David! My daughter is severely possessed by a demon!”
Mumwe mukadzi muKenani womunzvimbo iyi akauya achidanidzira achiti, “Ishe, mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! Mwanasikana wangu ari kutambudzwa zvikuru nedhimoni rakamubata.”
23 But he answered her not a word. His disciples came and begged him, saying, “Send her away; for she cries after us.”
Jesu haana chaakapindura. Ipapo vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Mudzingei nokuti ari kuramba achidanidzira kwatiri.”
24 But he answered, “I wasn’t sent to anyone but the lost sheep of the house of Israel.”
Akati kwavari, “Ndakatumwa kumakwai akarasika eIsraeri chete.”
25 But she came and worshiped him, saying, “Lord, help me.”
Mukadzi uya akauya akasvikopfugama pamberi pake akati, “Ishe, ndibatsireiwo!”
26 But he answered, “It is not appropriate to take the children’s bread and throw it to the dogs.”
Akapindura akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana muchichikandira imbwa.”
27 But she said, “Yes, Lord, but even the dogs eat the crumbs which fall from their masters’ table.”
Mukadzi uya akati, “Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo.”
28 Then Jesus answered her, “Woman, great is your faith! Be it done to you even as you desire.” And her daughter was healed from that hour.
Ipapo Jesu akapindura akati, “Mai, mune kutenda kukuru! Chikumbiro chenyu chanzwikwa.” Mwanasikana wake akabva aporeswa kubva panguva iyoyo.
29 Jesus departed from there and came near to the sea of Galilee; and he went up on the mountain and sat there.
Jesu akabvapo akatevedza gungwa reGarirea. Ipapo akakwira mugomo akagara pasi.
30 Great multitudes came to him, having with them the lame, blind, mute, maimed, and many others, and they put them down at his feet. He healed them,
Uye vanhu vazhinji vakauya kwaari navakaremara, mapofu, mhetamakumbo, mbeveve navamwe vazhinji, vakasvikovaisa patsoka dzake uye akavaporesa.
31 so that the multitude wondered when they saw the mute speaking, the injured healed, the lame walking, and the blind seeing—and they glorified the God of Israel.
Vanhu vakashamiswa kuona mbeveve dzichitaura, mhetamakumbo dzichitwasanudzwa, vakaremara vachifamba namapofu achiona. Vakarumbidza Mwari weIsraeri.
32 Jesus summoned his disciples and said, “I have compassion on the multitude, because they have continued with me now three days and have nothing to eat. I don’t want to send them away fasting, or they might faint on the way.”
Jesu akadana vadzidzi vake akati kwavari, “Ndiri kunzwa tsitsi pamusoro pavanhu ava; vanga vachingova neni kwamazuva matatu uye havachina chokudya. Handidi kuti ndivaendese vaine nzara nokuti vangaziya nenzara munzira.”
33 The disciples said to him, “Where could we get so many loaves in a deserted place as to satisfy so great a multitude?”
Vadzidzi vake vakapindura vachiti, “Ndokupi kwatingawana chingwa chinokwana vanhu vose ava muno musango makadai?”
34 Jesus said to them, “How many loaves do you have?” They said, “Seven, and a few small fish.”
Jesu akabvunza akati, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe notuhove tushoma shoma.”
35 He commanded the multitude to sit down on the ground;
Akarayira kuti vanhu vose vagare pasi.
36 and he took the seven loaves and the fish. He gave thanks and broke them, and gave to the disciples, and the disciples to the multitudes.
Ipapo akatora zvingwa zvinomwe zviya nehove dziya, akavonga, akazvimedura ndokuzvipa kuvadzidzi, ivowo ndokupa vanhu vose.
37 They all ate and were filled. They took up seven baskets full of the broken pieces that were left over.
Vose vakadya vakaguta. Mushure, vadzidzi vakanhongera zvimedu zvakanga zvasara zvikazadza matengu manomwe.
38 Those who ate were four thousand men, in addition to women and children.
Vanhu vakadya vaiva varume zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengerwi.
39 Then he sent away the multitudes, got into the boat, and came into the borders of Magdala.
Mushure mokunge Jesu aendesa vanhu vazhinji ava, akapinda mugwa ndokubva aenda kudunhu reMagadhani.

< Matthew 15 >