< Luke 22 >

1 Now the feast of unleavened bread, which is called the Passover, was approaching.
Zvino Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, unonzi Pasika, wakanga woswedera,
2 The chief priests and the scribes sought how they might put him to death, for they feared the people.
uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yavangabata nayo Jesu, nokuti vakanga vachitya vanhu.
3 Satan entered into Judas, who was also called Iscariot, who was counted with the twelve.
Ipapo Satani akapinda muna Judhasi, ainzi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri.
4 He went away and talked with the chief priests and captains about how he might deliver him to them.
Uye Judhasi akaenda kuvaprista vakuru navakuru vavarindi vetemberi akandorangana navo kuti angapandukira Jesu sei.
5 They were glad, and agreed to give him money.
Vakafara uye vakatenderana kuti vaizomupa mari.
6 He consented and sought an opportunity to deliver him to them in the absence of the multitude.
Akatenda, akatsvaka mukana wokuti aise Jesu kwavari pasina vanhu vazhinji.
7 The day of unleavened bread came, on which the Passover must be sacrificed.
Ipapo zuva reZvingwa Zvisina Mbiriso rakasvika, iro raifanira kubayirwa gwayana rePasika.
8 Jesus sent Peter and John, saying, “Go and prepare the Passover for us, that we may eat.”
Jesu akatuma Petro naJohani, achiti, “Endai munotigadzirira Pasika tidye.”
9 They said to him, “Where do you want us to prepare?”
Vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko?”
10 He said to them, “Behold, when you have entered into the city, a man carrying a pitcher of water will meet you. Follow him into the house which he enters.
Iye akapindura akati, “Pamunopinda muguta, muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere iyeye kuimba yaanosvikopinda,
11 Tell the master of the house, ‘The Teacher says to you, “Where is the guest room, where I may eat the Passover with my disciples?”’
mugoti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ari kubvunza kuti: Imba yavaeni iripiko, umo mandingadyira Pasika navadzidzi vangu?’
12 He will show you a large, furnished upper room. Make preparations there.”
Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakarongedzwa zvose. Mugadzire imomo.”
13 They went, found things as Jesus had told them, and they prepared the Passover.
Vakaenda vakandowana zvinhu zvakangoita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika imomo.
14 When the hour had come, he sat down with the twelve apostles.
Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura.
15 He said to them, “I have earnestly desired to eat this Passover with you before I suffer,
Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika.
16 for I tell you, I will no longer by any means eat of it until it is fulfilled in God’s Kingdom.”
Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyizve kusvikira yazadzisika muumambo hwaMwari.”
17 He received a cup, and when he had given thanks, he said, “Take this and share it among yourselves,
Akati atora mukombe, akavonga akati, “Torai mukombe uyu mugovane pakati penyu.
18 for I tell you, I will not drink at all again from the fruit of the vine, until God’s Kingdom comes.”
Nokuti ndinoti kwamuri, handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.”
19 He took bread, and when he had given thanks, he broke and gave it to them, saying, “This is my body which is given for you. Do this in memory of me.”
Uye akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akavapa, achiti, “Uyu ndiwo muviri wangu wakapiwa kwamuri; itai izvi muchindirangarira.”
20 Likewise, he took the cup after supper, saying, “This cup is the new covenant in my blood, which is poured out for you.
Saizvozvo, vakati vapedza chirariro akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu, rinodururirwa imi.
21 But behold, the hand of him who betrays me is with me on the table.
Asi ruoko rwaiye achandipandukira runeni patafura.
22 The Son of Man indeed goes as it has been determined, but woe to that man through whom he is betrayed!”
Mwanakomana woMunhu achaenda sezvazvakatemwa, asi ane nhamo munhu uyo anomupandukira.”
23 They began to question among themselves which of them it was who would do this thing.
Vakatanga kubvunzana pakati pavo kuti angava ani pakati pavo aizoita chinhu ichi.
24 A dispute also arose among them, which of them was considered to be greatest.
Uyewo nharo dzakamuka pakati pavo dzokuti ndiani wavo aifungidzirwa kuti angava mukuru wavose.
25 He said to them, “The kings of the nations lord it over them, and those who have authority over them are called ‘benefactors.’
Jesu akati kwavari, “Madzimambo evedzimwe ndudzi ane simba pamusoro pavo; uye vaya vanobata nesimba pamusoro pavo vanozviti vabatsiri.
26 But not so with you. Rather, the one who is greater among you, let him become as the younger, and one who is governing, as one who serves.
Asi imi hamufaniri kuita saizvozvo. Asi, mukuru pakati penyu mose anofanira kuva somuduku kuna vose, uye uyo anotonga ngaaite souya anoshanda.
27 For who is greater, one who sits at the table, or one who serves? Isn’t it he who sits at the table? But I am among you as one who serves.
Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda.
28 “But you are those who have continued with me in my trials.
Imi ndimi vaya vakamira neni pamiedzo yangu.
29 I confer on you a kingdom, even as my Father conferred on me,
Uye ndinokupai umambo, sababa vangu vakandipa umambo,
30 that you may eat and drink at my table in my Kingdom. You will sit on thrones, judging the twelve tribes of Israel.”
kuitira kuti mugodya nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugogara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi gumi navaviri avaIsraeri.
31 The Lord said, “Simon, Simon, behold, Satan asked to have all of you, that he might sift you as wheat,
“Simoni, Simoni, Satani akumbira kuti akuzungure segorosi.
32 but I prayed for you, that your faith wouldn’t fail. You, when once you have turned again, establish your brothers.”
Asi ndakunyengeterera, Simoni, kuti kutenda kwako kurege kupera. Uye paunenge watendeuka, usimbise hama dzako.”
33 He said to him, “Lord, I am ready to go with you both to prison and to death!”
Asi iye akapindura akati, “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mutorongo uye kufa nemi.”
34 He said, “I tell you, Peter, the rooster will by no means crow today until you deny that you know me three times.”
Jesu akapindura akati, “Petro, ndinoti kwauri, jongwe risati rarira nhasi, ucharamba iwe katatu, kuti unondiziva.”
35 He said to them, “When I sent you out without purse, bag, and sandals, did you lack anything?” They said, “Nothing.”
Ipapo Jesu akabvunza akati, “Pandakakutumai musina chikwama, hombodo kana shangu pane chinhu chamakashayiwa here?” Ivo vakati, “Hapana.”
36 Then he said to them, “But now, whoever has a purse, let him take it, and likewise a bag. Whoever has none, let him sell his cloak, and buy a sword.
Akati kwavari, “Asi iye zvino kana une chikwama, chitore, uyewo nehombodo; uye kana usina munondo, tengesa nguo yako ugoutenga.
37 For I tell you that this which is written must still be fulfilled in me: ‘He was counted with transgressors.’ For that which concerns me is being fulfilled.”
Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Akaverengwa pamwe chete navadariki’ uye ndinoti kwamuri, izvi zvinofanira kuzadziswa mandiri. Hongu, zvakanyorwa pamusoro pangu zvava kusvika pakuzadziswa.”
38 They said, “Lord, behold, here are two swords.” He said to them, “That is enough.”
Vadzidzi vakati, “Tarirai, Ishe, heyi minondo miviri.” Akapindura akati, “Zvaringana.”
39 He came out and went, as his custom was, to the Mount of Olives. His disciples also followed him.
Jesu akabuda sezvaaisiita mazuva ose akaenda kuGomo reMiorivhi, uye vadzidzi vake vakamutevera.
40 When he was at the place, he said to them, “Pray that you don’t enter into temptation.”
Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda mukuedzwa.”
41 He was withdrawn from them about a stone’s throw, and he knelt down and prayed,
Akabva pavari akaenda mberi kwavo chinhambwe chingasvika dombo rapotserwa, akapfugama ndokunyengetera achiti,
42 saying, “Father, if you are willing, remove this cup from me. Nevertheless, not my will, but yours, be done.”
“Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu pandiri; asi ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu kuitwe.”
43 An angel from heaven appeared to him, strengthening him.
Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari uye akamusimbisa.
44 Being in agony, he prayed more earnestly. His sweat became like great drops of blood falling down on the ground.
Uye ari pakutambudzika, akanyengetera zvikuru, uye ziya rake rakanga rakaita samadonhwe eropa anodonhera pasi.
45 When he rose up from his prayer, he came to the disciples and found them sleeping because of grief,
Akati achisimuka kubva pakunyengetera, akadzokera kuvadzidzi, akasvikovawana vavata, vaneteswa nokusuwa.
46 and said to them, “Why do you sleep? Rise and pray that you may not enter into temptation.”
Akasvikovabvunza achiti, “Seiko mavata? Mukai munyengetere kuti murege kuwira mukuedzwa.”
47 While he was still speaking, a crowd appeared. He who was called Judas, one of the twelve, was leading them. He came near to Jesus to kiss him.
Achiri kutaura, vanhu vazhinji vakasvika, uye uya ainzi Judhasi, mumwe wavane Gumi naVaviri, akanga achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu kuti amutsvode,
48 But Jesus said to him, “Judas, do you betray the Son of Man with a kiss?”
asi Jesu akamubvunza akati, “Judhasi, uri kupandukira Mwanakomana woMunhu nokutsvoda here?”
49 When those who were around him saw what was about to happen, they said to him, “Lord, shall we strike with the sword?”
Vateveri vaJesu vakati vaona zvakanga zvoda kuitika vakati, “Ishe, tivabaye neminondo yedu here?”
50 A certain one of them struck the servant of the high priest, and cut off his right ear.
Uye mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi.
51 But Jesus answered, “Let me at least do this”—and he touched his ear and healed him.
Asi Jesu akapindura achiti, “Zvaringana!” Uye akabata nzeve yomurume uya akamuporesa.
52 Jesus said to the chief priests, captains of the temple, and elders, who had come against him, “Have you come out as against a robber, with swords and clubs?
Ipapo Jesu akati kuvaprista vakuru navabati vaichengeta temberi, navakuru vakanga vamuvinga, “Ko, ini ndiri mupanduki mukuru here, zvamauya neminondo netsvimbo?
53 When I was with you in the temple daily, you didn’t stretch out your hands against me. But this is your hour, and the power of darkness.”
Mazuva ose ndakanga ndinemi mutemberi, uye hamuna kundibata. Asi ino ndiyo nguva yenyu, yokutonga kwerima.”
54 They seized him and led him away, and brought him into the high priest’s house. But Peter followed from a distance.
Ipapo vakamubata, vakaenda naye vakandomuisa mumba momuprista mukuru. Petro akamutevera ari nechokure.
55 When they had kindled a fire in the middle of the courtyard and had sat down together, Peter sat among them.
Asi vakati vabatidza moto pakati poruvazhe uye vagara pasi pamwe chete, Petro akagara pakati pavo.
56 A certain servant girl saw him as he sat in the light, and looking intently at him, said, “This man also was with him.”
Musikana akanga ari mushandi akamuona agerepo muchiedza chomoto. Akamunanʼanidza akati, “Murume uyu aivawo naJesu.”
57 He denied Jesus, saying, “Woman, I don’t know him.”
Asi iye akaramba izvozvo akati, “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.”
58 After a little while someone else saw him and said, “You also are one of them!” But Peter answered, “Man, I am not!”
Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.” Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!”
59 After about one hour passed, another confidently affirmed, saying, “Truly this man also was with him, for he is a Galilean!”
Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.”
60 But Peter said, “Man, I don’t know what you are talking about!” Immediately, while he was still speaking, a rooster crowed.
Petro akapindura akati, “Iwe murume, handitombozivi zvauri kutaura nezvazvo!” Achiri kutaura, jongwe rakabva rarira.
61 The Lord turned and looked at Peter. Then Peter remembered the Lord’s word, how he said to him, “Before the rooster crows you will deny me three times.”
Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”
62 He went out, and wept bitterly.
Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.
63 The men who held Jesus mocked him and beat him.
Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka uye vakamurova.
64 Having blindfolded him, they struck him on the face and asked him, “Prophesy! Who is the one who struck you?”
Vakamusunga kumeso vakati, “Profita! Ndiani akurova?”
65 They spoke many other things against him, insulting him.
uye vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji kwaari vachimutuka.
66 As soon as it was day, the assembly of the elders of the people were gathered together, both chief priests and scribes, and they led him away into their council, saying,
Kuzoti kwaedza, dare ravakuru vavanhu, vose vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, vakasangana pamwe chete, Jesu akamiswa pamberi pavo.
67 “If you are the Christ, tell us.” But he said to them, “If I tell you, you won’t believe,
Vakati, “Kana uri Kristu, tiudze.” Jesu akapindura akati, “Kana ndikakuudzai, hamunganditendi,
68 and if I ask, you will in no way answer me or let me go.
uye kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri.
69 From now on, the Son of Man will be seated at the right hand of the power of God.”
Asi kubva zvino, Mwanakomana woMunhu achagara kuruoko rworudyi rwaMwari ane simba.”
70 They all said, “Are you then the Son of God?” He said to them, “You say it, because I am.”
Vose vakabvunza vachiti, “Ko, zvino iwe ndiwe Mwanakomana waMwari here?” Iye akapindura akati, “Mareva zvakanaka, zvamati ndini iye.”
71 They said, “Why do we need any more witness? For we ourselves have heard from his own mouth!”
Ipapo vakati, “Tichadazve humwe uchapupu here? Tazvinzwa zvabva mumuromo make.”

< Luke 22 >