< Galatians 6 >

1 Brothers, even if a man is caught in some fault, you who are spiritual must restore such a one in a spirit of gentleness, looking to yourself so that you also aren’t tempted.
Hama, kanawo munhu akawirwa nekumwe kudarika, imwi veMweya mugadzirisei wakadai nemweya weunyoro, uchizvichenjerera iwe, zvimwe newe ungaidzwa.
2 Bear one another’s burdens, and so fulfill the law of Christ.
Takuriranai mitoro yenyu, saizvozvowo zadzisai murairo waKristu.
3 For if a man thinks himself to be something when he is nothing, he deceives himself.
Nokuti kana munhu achizviti ndiri chinhu, asati ari chinhu, anozvinyengera.
4 But let each man examine his own work, and then he will have reason to boast in himself, and not in someone else.
Asi umwe neumwe ngaanzvere basa rake amene, zvino ipapo achazvirumbidza pamusoro pake amene ega, uye kwete pamusoro peumwe.
5 For each man will bear his own burden.
Nokuti umwe neumwe achatakura mutoro wake pachake.
6 But let him who is taught in the word share all good things with him who teaches.
Uye anodzidziswa shoko ngaagovane neanodzidzisa pazvinhu zvese zvakanaka.
7 Don’t be deceived. God is not mocked, for whatever a man sows, that he will also reap.
Musanyengerwa, Mwari haasekwi; nokuti chimwe nechimwe munhu chaanodzvara ndichowo chaanokohwa.
8 For he who sows to his own flesh will from the flesh reap corruption. But he who sows to the Spirit will from the Spirit reap eternal life. (aiōnios g166)
Nokuti anodzvara kunyama yake, achakohwa kuora kunobva panyama; asi anodzvara kuMweya achakohwa upenyu husingaperi hunobva kuMweya. (aiōnios g166)
9 Let’s not be weary in doing good, for we will reap in due season if we don’t give up.
Asi ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti nenguva yakafanira tinozokohwa, kana tisingaori moyo.
10 So then, as we have opportunity, let’s do what is good toward all men, and especially toward those who are of the household of the faith.
Naizvozvo zvino zvatine mukana, ngatiite zvakanaka kune vese, zvikuruwo kune veimba yerutendo.
11 See with what large letters I write to you with my own hand.
Onai kuti akakura sei mavara andinokunyorerai nawo nerwangu ruoko.
12 As many as desire to make a good impression in the flesh compel you to be circumcised, just so they may not be persecuted for the cross of Christ.
Vese vanoda kuonekera panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; chete kuti varege kushushwa nekuda kwemuchinjikwa waKristu.
13 For even they who receive circumcision don’t keep the law themselves, but they desire to have you circumcised, so that they may boast in your flesh.
Nokuti kunyange ivo pachavo vakadzingiswa havachengeti murairo, asi vanoda kuti mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.
14 But far be it from me to boast except in the cross of our Lord Jesus Christ, through which the world has been crucified to me, and I to the world.
Asi kwandiri ngakurege kuva nekuzvirumbidza, kunze kwepamuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, naye nyika yakarovererwa pamuchinjikwa kwandiri, neni kunyika.
15 For in Christ Jesus neither is circumcision anything, nor uncircumcision, but a new creation.
Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna maturo, asi chisikwa chitsva.
16 As many as walk by this rule, peace and mercy be on them, and on God’s Israel.
Uye vese vanofamba nemurairo uyu, rugare ngaruve pamusoro pavo, netsitsi, nepamusoro paIsraeri waMwari.
17 From now on, let no one cause me any trouble, for I bear the marks of the Lord Jesus branded on my body.
Kubva ikozvino, ngakurege kuva nemunhu anonditambudza; nokuti ini ndakatakura pamuviri wangu rupawo rwaIshe Jesu.
18 The grace of our Lord Jesus Christ be with your spirit, brothers. Amen.
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama. Ameni.

< Galatians 6 >