< Acts 10 >

1 Now there was a certain man in Caesarea, Cornelius by name, a centurion of what was called the Italian Regiment,
PaKesaria pakanga pano mumwe murume ainzi Koniriasi, mukuru wezana weHondo yavaItaria.
2 a devout man, and one who feared God with all his house, who gave gifts for the needy generously to the people, and always prayed to God.
Iye nemhuri yake vakanga vakazvipira uye vaitya Mwari; aipa kwazvo kuna vanoshayiwa uye ainyengetera kuna Mwari nguva dzose.
3 At about the ninth hour of the day, he clearly saw in a vision an angel of God coming to him and saying to him, “Cornelius!”
Mumwe musi panguva inenge yechitatu masikati akaona chiratidzo. Akanyatsoona mutumwa waMwari, uyo akauya kwaari akati, “Koniriasi!”
4 He, fastening his eyes on him and being frightened, said, “What is it, Lord?” He said to him, “Your prayers and your gifts to the needy have gone up for a memorial before God.
Koniriasi akatarisa kwaari achitya, akati, “Chinyiko, Ishe?” Mutumwa akapindura akati, “Minyengetero yako nezvipo zvako kuvarombo zvakwira kudenga sechipiriso chechirangaridzo pamberi paMwari.
5 Now send men to Joppa, and get Simon, who is also called Peter.
Zvino tuma vanhu kuJopa vandodana murume anonzi Simoni, achinziwo Petro.
6 He is staying with a tanner named Simon, whose house is by the seaside.
Ari kugara naSimoni musuki wamatehwe, ane imba iri pedyo negungwa.”
7 When the angel who spoke to him had departed, Cornelius called two of his household servants and a devout soldier of those who waited on him continually.
Mutumwa waakanga achitaura naye akati aenda, Koniriasi akadana varanda vake vaviri nomumwe murwi akatendeka uyo aiva mumwe wavachengeti vake.
8 Having explained everything to them, he sent them to Joppa.
Akavarondedzera zvose zvakanga zvaitika ndokuvatuma kuJopa.
9 Now on the next day as they were on their journey and got close to the city, Peter went up on the housetop to pray at about noon.
Nenguva dzinenge dzamasikati dzezuva raitevera, vachiri parwendo rwavo, uye voswedera pedyo neguta, Petro akakwira pamusoro pedenga reimba kundonyengetera.
10 He became hungry and desired to eat, but while they were preparing, he fell into a trance.
Akanzwa nzara uye akada zvokudya, uye zvokudya zvakati zvichigadzirwa, akaona chiratidzo.
11 He saw heaven opened and a certain container descending to him, like a great sheet let down by four corners on the earth,
Akaona denga razarurwa uye chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru chichiburutswa pasi chakasungwa makona acho mana.
12 in which were all kinds of four-footed animals of the earth, wild animals, reptiles, and birds of the sky.
Chakanga chine mhando dzose dzemhuka dzina makumbo mana, pamwe chete nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga.
13 A voice came to him, “Rise, Peter, kill and eat!”
Ipapo inzwi rakati kwaari, “Simuka, Petro. Baya udye.”
14 But Peter said, “Not so, Lord; for I have never eaten anything that is common or unclean.”
Petro akapindura akati, “Zvirokwazvo kwete, Ishe! Handina kutongodya chinhu chisina kunaka kana chine tsvina.”
15 A voice came to him again the second time, “What God has cleansed, you must not call unclean.”
Inzwi rakataurazve kwaari kechipiri richiti, “Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari chine tsvina.”
16 This was done three times, and immediately the thing was received up into heaven.
Izvi zvakaitika katatu, pakarepo jira rikadzoserwa kudenga.
17 Now while Peter was very perplexed in himself what the vision which he had seen might mean, behold, the men who were sent by Cornelius, having made inquiry for Simon’s house, stood before the gate,
Petro achiri kushamiswa nezvaireva chiratidzo, varume vakanga vatumwa naKoniriasi vakawana pakanga pane imba yaSimoni uye vakamira pasuo.
18 and called and asked whether Simon, who was also called Peter, was lodging there.
Vakadanidzira vachibvunza kana pakanga pari ipo paigara Simoni ainziwo Petro.
19 While Peter was pondering the vision, the Spirit said to him, “Behold, three men seek you.
Petro achiri kufunga pamusoro pechiratidzo, Mweya akati kwaari, “Simoni, pane varume vatatu vari kukutsvaka.
20 But arise, get down, and go with them, doubting nothing; for I have sent them.”
Saka simuka uburuke uende pasi. Usatya kuenda navo, nokuti ndini ndavatuma.”
21 Peter went down to the men, and said, “Behold, I am he whom you seek. Why have you come?”
Petro akaburuka akandoti kuvarume ava, “Ndini wamuri kutsvaka. Mavingeiko?”
22 They said, “Cornelius, a centurion, a righteous man and one who fears God, and well spoken of by all the nation of the Jews, was directed by a holy angel to invite you to his house, and to listen to what you say.”
Varume vaya vakamupindura vakati, “Tabva kuna Koniriasi mukuru wezana. Munhu akarurama uye anotya Mwari, anokudzwa navanhu vose vechiJudha. Mutumwa mutsvene akamuudza kuti akudanei kuti muuye kumba kwake kuti azonzwa zvamuchareva kwaari.”
23 So he called them in and provided a place to stay. On the next day Peter arose and went out with them, and some of the brothers from Joppa accompanied him.
Ipapo Petro akakoka varume ava kuti vapinde mumba vave vaeni vake. Fume mangwana Petro akasimuka pamwe chete navo, uye dzimwe hama dzokuJopa dzakaendawo naye.
24 On the next day they entered into Caesarea. Cornelius was waiting for them, having called together his relatives and his near friends.
Zuva rakatevera akasvika Kesaria. Koniriasi akanga akavamirira uye akanga akoka hama dzake neshamwari dzapedyo.
25 When Peter entered, Cornelius met him, fell down at his feet, and worshiped him.
Petro akati apinda mumba, Koniriasi akamugamuchira uye akawira patsoka dzake achimuremekedza.
26 But Peter raised him up, saying, “Stand up! I myself am also a man.”
Asi Petro akaita kuti asimuke akati, “Simuka, ndinongova munhuwo zvangu.”
27 As he talked with him, he went in and found many gathered together.
Petro achitaura naye, akapinda mumba akawana vanhu vazhinji vakaungana.
28 He said to them, “You yourselves know how it is an unlawful thing for a man who is a Jew to join himself or come to one of another nation, but God has shown me that I shouldn’t call any man unholy or unclean.
Akati kwavari, “Imi munozviziva kuti hazvibvumirwi nomurayiro wedu kuti muJudha adyidzane nomuhedheni kana kumushanyira. Asi Mwari andiratidza kuti handifaniri kuti nditi munhu haana kunaka kana kuti ane tsvina.
29 Therefore I also came without complaint when I was sent for. I ask therefore, why did you send for me?”
Nokudaro pandakadanwa, ndakabva ndauya ndisingarambi. Regai ndichibvunza hangu kwamuri kuti mandidanirei?”
30 Cornelius said, “Four days ago, I was fasting until this hour; and at the ninth hour, I prayed in my house, and behold, a man stood before me in bright clothing
Koniriasi akapindura akati, “Mazuva mana apfuura ndakanga ndiri mumba mangu ndichinyengetera senguva ino, nenguva yechitatu yamasikati. Pakarepo munhu akanga akapfeka nguo dzinopenya akamira pamberi pangu
31 and said, ‘Cornelius, your prayer is heard, and your gifts to the needy are remembered in the sight of God.
akati, ‘Koniriasi, Mwari anzwa minyengetero yako uye arangarira zvipo zvako kuvarombo.
32 Send therefore to Joppa and summon Simon, who is also called Peter. He is staying in the house of a tanner named Simon, by the seaside. When he comes, he will speak to you.’
Tumira vanhu kuJopa kuna Simoni anonzi Petro. Mueni mumba maSimoni musuki wamatehwe, anogara pedyo negungwa.’
33 Therefore I sent to you at once, and it was good of you to come. Now therefore we are all here present in the sight of God to hear all things that have been commanded you by God.”
Saka ndakabva ndatumira vanhu kwamuri pakarepo, uye maita zvakanaka zvamauya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari kuti tinzwe kwamuri zvose zvamarayirwa naShe kuti muzotitaurira.”
34 Peter opened his mouth and said, “Truly I perceive that God doesn’t show favoritism;
Ipapo Petro akatanga kutaura achiti, “Zvino ndava kuziva kuti zvirokwazvo Mwari haazi mutsauri wavanhu
35 but in every nation he who fears him and works righteousness is acceptable to him.
asi anogamuchira vanhu vanobva kundudzi dzose, ivo vanomutya uye vanoita zvakarurama.
36 The word which he sent to the children of Israel, preaching good news of peace by Jesus Christ—he is Lord of all—
Imi munoziva shoko rakatumwa naMwari kuvanhu veIsraeri, achivaudza mashoko akanaka orugare kubudikidza naJesu Kristu, anova Ishe wavose.
37 you yourselves know what happened, which was proclaimed throughout all Judea, beginning from Galilee, after the baptism which John preached;
Munoziva zvakaitika muJudhea yose, kutanga kuGarirea shure kworubhabhatidzo rwakaparidzwa naJohani,
38 how God anointed Jesus of Nazareth with the Holy Spirit and with power, who went about doing good and healing all who were oppressed by the devil, for God was with him.
zvokuti Mwari akazodza sei Jesu Kristu weNazareta noMweya Mutsvene nesimba, uye kuti akapota sei nenyika achiita zvakanaka achiporesa vose vakanga vari pasi pesimba radhiabhori, nokuti Mwari aiva naye.
39 We are witnesses of everything he did both in the country of the Jews and in Jerusalem; whom they also killed, hanging him on a tree.
“Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusarema. Vakamuuraya nokumuturika pamuti,
40 God raised him up the third day and gave him to be revealed,
asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa nezuva retatu akaita kuti aonekwe.
41 not to all the people, but to witnesses who were chosen before by God, to us, who ate and drank with him after he rose from the dead.
Haana kuonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakanga zvagara zvasarudzwa naMwari nesu takadya uye tikanwa naye shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa.
42 He commanded us to preach to the people and to testify that this is he who is appointed by God as the Judge of the living and the dead.
Akatirayira kuti tiparidze kuvanhu uye tipupure kuti ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wavapenyu navakafa.
43 All the prophets testify about him, that through his name everyone who believes in him will receive remission of sins.”
Vaprofita vose vanopupura nezvake kuti ani naani anotenda kwaari anogamuchira kanganwiro yezvivi kubudikidza nezita rake.”
44 While Peter was still speaking these words, the Holy Spirit fell on all those who heard the word.
Petro achiri kutaura mashoko aya, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavose vakanzwa shoko.
45 They of the circumcision who believed were amazed, as many as came with Peter, because the gift of the Holy Spirit was also poured out on the Gentiles.
Vatendi vakadzingiswa vakanga vauya naPetro vakakatyamara nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange napamusoro pevedzimwe ndudziwo.
46 For they heard them speaking in other languages and magnifying God. Then Peter answered,
Nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi vachirumbidza Mwari. Ipapo Petro akati,
47 “Can anyone forbid these people from being baptized with water? They have received the Holy Spirit just like us.”
“Pano munhu angadzivisa vanhu ava kuti vabhabhatidzwe nemvura here? Vagamuchira Mweya Mutsvene sezvatakangoitawo isu.”
48 He commanded them to be baptized in the name of Jesus Christ. Then they asked him to stay some days.
Naizvozvo akarayira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira Petro kuti ambogara navo kwamazuva mashoma.

< Acts 10 >