< 1 Timothy 4 >

1 But the Spirit says expressly that in later times some will fall away from the faith, paying attention to seducing spirits and doctrines of demons,
Mweya anotaura pachena kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka kubva pakutenda vagotevera mweya inonyengera nedzidziso dzamadhimoni.
2 through the hypocrisy of men who speak lies, branded in their own conscience as with a hot iron,
Dzidziso dzakadai dzinouya navaya vanoreva nhema, vane hana dzakapiswa sokunge nesimbi inopisa.
3 forbidding marriage and commanding to abstain from foods which God created to be received with thanksgiving by those who believe and know the truth.
Vanodzivisa vanhu kuwanana uye vachivarayira kuti varege kudya zvimwe zvokudya, izvo zvakasikwa naMwari kuti zvigamuchirwe nokuvonga naavo vanotenda uye vanoziva chokwadi.
4 For every creature of God is good, and nothing is to be rejected if it is received with thanksgiving.
Nokuti chose chakasikwa naMwari chakanaka, uye hapana chinofanira kuraswa kana chichigamuchirwa nokuvonga,
5 For it is sanctified through the word of God and prayer.
nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.
6 If you instruct the brothers of these things, you will be a good servant of Christ Jesus, nourished in the words of the faith and of the good doctrine which you have followed.
Kana ukadzidzisa hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, akarerwa muzvokwadi yokutenda uye nedzidziso yakanaka yawakatevera.
7 But refuse profane and old wives’ fables. Exercise yourself toward godliness.
Siyana nengano dzisina umwari uye nengano dzechembere; asi uzvirovedzere paumwari.
8 For bodily exercise has some value, but godliness has value in all things, having the promise of the life which is now and of that which is to come.
Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako asi umwari hunokosha pazvinhu zvose, hune vimbiso kune zvose muupenyu huno uye nomuupenyu hunouya.
9 This saying is faithful and worthy of all acceptance.
Iri ishoko rechokwadi rinofanira kutendwa zvizere
10 For to this end we both labor and suffer reproach, because we have set our trust in the living God, who is the Savior of all men, especially of those who believe.
uye nokuda kwaizvozvi tinoshingaira nokurwa, nokuti takaisa tariro yedu muna Mwari mupenyu, anova ndiye muponesi wavanhu vose uye zvikuru sei vaya vanotenda.
11 Command and teach these things.
Rayira uye udzidzise zvinhu izvi.
12 Let no man despise your youth; but be an example to those who believe, in word, in your way of life, in love, in spirit, in faith, and in purity.
Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo.
13 Until I come, pay attention to reading, to exhortation, and to teaching.
Kusvikira ndauya, shingaira pakuverenga Rugwaro kukereke, kuparidza nokudzidzisa.
14 Don’t neglect the gift that is in you, which was given to you by prophecy with the laying on of the hands of the elders.
Usarega kushandisa chipo chako, chakapiwa kwauri kubudikidza neshoko rechiprofita pawakaiswa maoko pamusoro navakuru.
15 Be diligent in these things. Give yourself wholly to them, that your progress may be revealed to all.
Shingaira pazvinhu izvi, uzviite nomwoyo wako wose, kuitira kuti munhu wose aone kupfuurira mberi kwako.
16 Pay attention to yourself and to your teaching. Continue in these things, for in doing this you will save both yourself and those who hear you.
Uzvichengete kwazvo iwe nedzidziso yako. Utsungirire pazviri, nokuti kana ukazviita, uchazviponesa iwe navanokunzwa.

< 1 Timothy 4 >