< 1 Thessalonians 1 >

1 Paul, Silvanus, and Timothy, to the assembly of the Thessalonians in God the Father and the Lord Jesus Christ: Grace to you and peace from God our Father and the Lord Jesus Christ.
Pauro, Sirasi naTimoti, kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu: Nyasha norugare ngazvive nemi.
2 We always give thanks to God for all of you, mentioning you in our prayers,
Tinogara tichivonga Mwari nokuda kwenyu mose, tichikutaurai muminyengetero yedu.
3 remembering without ceasing your work of faith and labor of love and perseverance of hope in our Lord Jesus Christ, before our God and Father.
Tinoramba tichirangarira pamberi paMwari wedu naBaba vedu, basa renyu rinobva pakutenda, nokushanda kwenyu kunobva parudo, uye nokutsungirira kwenyu kunobva patariro iri muna Ishe Jesu Kristu.
4 We know, brothers loved by God, that you are chosen,
Nokuti tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kuti akakusarudzai,
5 and that our Good News came to you not in word only, but also in power, and in the Holy Spirit and with much assurance. You know what kind of men we showed ourselves to be among you for your sake.
nokuti vhangeri redu harina kuuya kwamuri namashoko bedzi, asi nesimbawo, noMweya Mutsvene uye nokuziva kwakadzama. Munoziva kuti takagara sei pakati penyu nokuda kwenyu.
6 You became imitators of us and of the Lord, having received the word in much affliction, with joy of the Holy Spirit,
Makava vateveri vedu uye nevaIshe; pakati pokutambudzika kukuru, makagamuchira shoko nomufaro unopiwa naMweya Mutsvene.
7 so that you became an example to all who believe in Macedonia and in Achaia.
Nokudaro makava muenzaniso kuvatendi vose vari muMasedhonia neAkaya.
8 For from you the word of the Lord has been declared, not only in Macedonia and Achaia, but also in every place your faith toward God has gone out, so that we need not to say anything.
Shoko raShe rakanzwika kubva kwamuri kwete muMasedhonia neAkaya bedzi, kutenda kwenyu muna Mwari kwakazivikanwa kwose kwose. Naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu pamusoro pazvo,
9 For they themselves report concerning us what kind of a reception we had from you, and how you turned to God from idols to serve a living and true God,
nokuti ivo pachavo vanozivisa kuti takagamuchirwa sei navo. Vanotaura kuti makadzokera sei kuna Mwari muchibva kuzvifananidzo kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi,
10 and to wait for his Son from heaven, whom he raised from the dead: Jesus, who delivers us from the wrath to come.
uye kuti mumirire Mwanakomana wake anobva kudenga, uyo waakamutsa kubva kuvakafa, Jesu, anotinunura kubva pakutsamwa kuchauya.

< 1 Thessalonians 1 >