< 1 Corinthians 11 >

1 Be imitators of me, even as I also am of Christ.
Ivai vatevedzeri vangu, seniwo ndiri waKristu.
2 Now I praise you, brothers, that you remember me in all things, and hold firm the traditions, even as I delivered them to you.
Zvino ndinokurumbidzai, hama, kuti munondirangarira pazvinhu zvese, muchibatirira patsika sezvandakakumikidza kwamuri.
3 But I would have you know that the head of every man is Christ, and the head of the woman is man, and the head of Christ is God.
Asi ndinoda kuti muzive, kuti musoro wemurume umwe neumwe ndiKristu; uye musoro wemukadzi murume; uye musoro waKristu ndiMwari.
4 Every man praying or prophesying, having his head covered, dishonors his head.
Murume umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita, musoro wakafukidzwa, unozvidza musoro wake.
5 But every woman praying or prophesying with her head uncovered dishonors her head. For it is one and the same thing as if she were shaved.
Asi mukadzi umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita nemusoro usina kufukidzwa, anozvidza musoro wake; nokuti ndizvo zvimwezvo nekuveurwa.
6 For if a woman is not covered, let her hair also be cut off. But if it is shameful for a woman to have her hair cut off or be shaved, let her be covered.
Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaagerwewo; asi kana chiri chinyadzo kumukadzi kugerwa kana kuveurwa, ngaazvifukidze.
7 For a man indeed ought not to have his head covered, because he is the image and glory of God, but the woman is the glory of the man.
Nokuti murume zvirokwazvo haafaniri kufukidza musoro, sezvaari mufananidzo nekubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwemurume.
8 For man is not from woman, but woman from man;
Nokuti murume haabvi kumukadzi, asi mukadzi anobva kumurume;
9 for man wasn’t created for the woman, but woman for the man.
nokuti nemurume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume;
10 For this cause the woman ought to have authority over her own head, because of the angels.
nekuda kweizvozvi mukadzi anofanira kuva nesimba pamusoro wake nekuda kwevatumwa.
11 Nevertheless, neither is the woman independent of the man, nor the man independent of the woman, in the Lord.
Asi murume haasi kunze kwemukadzi, kana mukadzi kunze kwemurume, muna Ishe.
12 For as woman came from man, so a man also comes through a woman; but all things are from God.
Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, saizvozvo murumewo uripo nemukadzi, asi zvinhu zvese zvinobva kuna Mwari.
13 Judge for yourselves. Is it appropriate that a woman pray to God unveiled?
Zvionerei imwi, zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa?
14 Doesn’t even nature itself teach you that if a man has long hair, it is a dishonor to him?
Kana kunyange chisikirwo pachacho hachikudzidzisii here, kuti kana murume ane vhudzi refu, chinyadzo kwaari?
15 But if a woman has long hair, it is a glory to her, for her hair is given to her for a covering.
Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, rukudzo kwaari. Nokuti vhudzi refu rakapiwa kwaari chive chifukidzo.
16 But if any man seems to be contentious, we have no such custom, neither do God’s assemblies.
Asi kana umwe achiratidza kuva negakava, isu hatina tsika yakadaro, kunyange makereke aMwari.
17 But in giving you this command I don’t praise you, because you come together not for the better but for the worse.
Zvino mukuraira uku handikurumbidzii, nokuti munounganira kwete zvakapfuura kunaka, asi muzvakapfuura kuipa.
18 For first of all, when you come together in the assembly, I hear that divisions exist among you, and I partly believe it.
Nokuti chekutanga kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupatsanurana kuripo pakati penyu; muchidimbu ndinozvitenda.
19 For there also must be factions among you, that those who are approved may be revealed among you.
Nokuti kutsauka kunofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu.
20 When therefore you assemble yourselves together, it is not the Lord’s supper that you eat.
Naizvozvo kana muchiungana pamwe, uku hakusi kudya chirairo chaIshe;
21 For in your eating each one takes his own supper first. One is hungry, and another is drunken.
nokuti pakudya umwe neumwe anotanga kutora chirairo chake pachake, uye umwe ane nzara, uye umwe wakararadza.
22 What, don’t you have houses to eat and to drink in? Or do you despise God’s assembly and put them to shame who don’t have enough? What shall I tell you? Shall I praise you? In this I don’t praise you.
Ko hamuna dzimba dzekudyira nekunwira here? Kana munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu? Ndichatii kwamuri? Ndingakurumbidzai here pane izvi? Handingakurumbidzii.
23 For I received from the Lord that which also I delivered to you, that the Lord Jesus on the night in which he was betrayed took bread.
Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe, icho chandakagamuchidzawo kwamuri, kuti Ishe Jesu neusiku hwaakatengeswa wakatora chingwa,
24 When he had given thanks, he broke it and said, “Take, eat. This is my body, which is broken for you. Do this in memory of me.”
zvino wakati avonga akamedura, ndokuti: Torai, idyai, ichi muviri wangu unomedurirwa imwi; izvi itai kundirangarira.
25 In the same way he also took the cup after supper, saying, “This cup is the new covenant in my blood. Do this, as often as you drink, in memory of me.”
Saizvozvo mukombewo, shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu; izvi itai, nguva dzese kana muchinwa, mukundirangarira.
26 For as often as you eat this bread and drink this cup, you proclaim the Lord’s death until he comes.
Nokuti nguva dzese kana muchidya chingwa ichi, nekunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe kusvikira asvika.
27 Therefore whoever eats this bread or drinks the Lord’s cup in a way unworthy of the Lord will be guilty of the body and the blood of the Lord.
Naizvozvo ani nani anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe zvisakafanira, achava nemhosva yemuviri neropa raIshe.
28 But let a man examine himself, and so let him eat of the bread and drink of the cup.
Zvino munhu ngaazviongorore, saizvozvowo ngaadye zvechingwa nekunwa zvemukombe.
29 For he who eats and drinks in an unworthy way eats and drinks judgment to himself if he doesn’t discern the Lord’s body.
Nokuti anodya nekunwa zvisakafanira, anozvidyira nekunwira kutongwa, zvaasingatsauri muviri waIshe.
30 For this cause many among you are weak and sickly, and not a few sleep.
Nemhaka iyi vazhinji kwamuri indonda nevarwere, nevazhinji varere.
31 For if we discerned ourselves, we wouldn’t be judged.
Nokuti dai taizvinzvera tomene, hatizaitongwa;
32 But when we are judged, we are disciplined by the Lord, that we may not be condemned with the world.
asi kana tichitongwa, tinodzorwa naIshe, kuti tirege kunzi tine mhosva pamwe nenyika.
33 Therefore, my brothers, when you come together to eat, wait for one another.
Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana kuti mudye, miriranai.
34 But if anyone is hungry, let him eat at home, lest your coming together be for judgment. The rest I will set in order whenever I come.
Uye kana umwe ane nzara, ngaadye kumba; kuti murege kuunganira kunzi mune mhosva. Asi zvasara, ndichazvironga kana ndichisvika.

< 1 Corinthians 11 >