< Matthew 23 >

1 Then Jesus spoke to the crowds and to his disciples.
Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti,
2 He said, “The scribes and the Pharisees sit in Moses' seat.
“Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi.
3 Therefore whatever they command you to do, do these things and observe them. But do not imitate their deeds, for they say things but then do not do them.
Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza.
4 Yes, they bind heavy burdens that are difficult to carry, and then they put them on people's shoulders. But they themselves will not move a finger to carry them.
Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise.
5 They do all their deeds to be seen by people. For they make their phylacteries wide, and they enlarge the edges of their garments.
“Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo.
6 They love the chief places at feasts and the chief seats in the synagogues,
Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge.
7 and special greetings in the marketplaces, and to be called 'Rabbi' by people.
Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu.
8 But you must not be called 'Rabbi,' for you have only one teacher, and all you are brothers.
“Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama.
9 And call no man on earth your father, for you have only one Father, and he is in heaven.
Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba vamwe chete uye vari kudenga.
10 Neither must you be called 'teacher,' for you have only one teacher, the Christ.
Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu.
11 But he who is greatest among you will be your servant.
Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu.
12 Whoever exalts himself will be humbled, and whoever humbles himself will be exalted.
Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa.
13 But woe to you, scribes and Pharisees, hypocrites! You shut the kingdom of heaven against people. For you do not enter it yourselves, and neither do you allow those about to enter to do so.
“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga vachizviona. Imi pachenyu hamupindi, uye vaya vanoedza kupinda hamuvatenderi.
Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munoparadza dzimba dzechirikadzi, uye munoita minyengetero mirefu kuti muonekwe. Naizvozvo muchatongwa zvakaomesesa.
15 Woe to you, scribes and Pharisees, hypocrites! For you go over sea and land to make one convert, and when he has become one, you make him twice as much a son of hell as you. (Geenna g1067)
“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi. (Geenna g1067)
16 Woe to you, you blind guides, you who say, 'Whoever swears by the temple, it is nothing. But whoever swears by the gold of the temple, he is bound to his oath.'
“Mune nhamo imi vatungamiri mapofu! Imi munoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina hazvo mhosva, asi kana munhu akapika negoridhe romutemberi anosungwa nemhiko yake.’
17 You blind fools! Which is greater, the gold or the temple that makes the gold holy?
Imi mapenzi amapofu! Chikuru chii: Goridhe netemberi inoita kuti goridhe rive dzvene?
18 And, 'Whoever swears by the altar, it is nothing. But whoever swears by the gift that is on it, he is bound to his oath.'
Uyezve imi munoti, ‘Kana munhu upi zvake akapika nearitari hazvirevi chinhu, asi kana munhu upi zvake akapika nechipo chiri pairi, asungwa nemhiko yake.’
19 You blind people! Which is greater, the gift or the altar that makes the gift holy?
Imi mapofu! Chikuru chii: Chipo kana kuti aritari inoita kuti chipo chive chitsvene?
20 Therefore, he who swears by the altar swears by it and by everything on it.
Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi.
21 The one who swears by the temple swears by it and by the one who lives in it.
Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi.
22 And the one who swears by heaven swears by the throne of God and by him who sits on it.
Uye uyo anopika nedenga anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri.
23 Woe to you, scribes and Pharisees, hypocrites! For you tithe mint and dill and cumin, but you have left undone the weightier matters of the law—justice and mercy and faith. But these you ought to have done and not to have left the other undone.
“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuhwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi munoshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga.
24 You blind guides, you who strain out a gnat but swallow a camel!
Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera.
25 Woe to you, scribes and Pharisees, hypocrites! For you clean the outside of the cup and of the plate, but inside they are full of greed and self-indulgence.
“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora.
26 You blind Pharisee! Clean first the inside of the cup and of the plate, so that the outside may become clean also.
Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo.
27 Woe to you, scribes and Pharisees, hypocrites! For you are like whitewashed tombs, which on the outside look beautiful, but on the inside are full of dead men's bones and everything unclean.
“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anoratidzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina.
28 In the same way, you also outwardly appear righteous to men, but on the inside you are full of hypocrisy and lawlessness.
Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi.
29 Woe to you, scribes and Pharisees, hypocrites! For you build the tombs of the prophets and decorate the tombs of the righteous.
“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munovaka makuva avaprofita nokushongedza makuva avakarurama.
30 You say, 'If we had lived in the days of our fathers, we would not have been participants with them in shedding the blood of the prophets.'
Uye moti, ‘Dai takanga tararama pamazuva amadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pakuteura ropa ravaprofita.’
31 Therefore you testify against yourselves that you are sons of those who killed the prophets.
Saka muri kuzvipupurira pachenyu kuti muri zvizvarwa zvaivavo vakaponda vaprofita.
32 You also fill up the measure of your fathers.
Zvino chizadzisai chiyero chechivi chamadzitateguru enyu!
33 You serpents, you offspring of vipers, how will you escape the judgment of hell? (Geenna g1067)
“Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena? (Geenna g1067)
34 Therefore, see, I am sending you prophets and wise men and scribes. Some of them you will kill and crucify, and some you will whip in your synagogues and drive them out from city to city.
Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta.
35 The result is that upon you will come all the righteous blood that has been shed on the earth, from the blood of righteous Abel, to the blood of Zechariah son of Barachiah, whom you killed between the sanctuary and the altar.
Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZekaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari.
36 Truly I say to you, all these things will come upon this generation.
Ndinokuudzai chokwadi kuti zvose izvi zvichava pamusoro porudzi urwu.
37 Jerusalem, Jerusalem, you who kill the prophets and stone those who are sent to you! How often did I long to gather your children together, just as a hen gathers her chicks under her wings, but you were not willing!
“Iwe Jerusarema, Jerusarema! Iwe unouraya vaprofita nokutaka namabwe avo vanotumirwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako sezvinoita nhunzvi yehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo.
38 See, your house is left to you desolate.
Tarira, wasiyirwa imba yako yangova dongo.
39 For I say to you, You will not see me from now on until you say, 'Blessed is he who comes in the name of the Lord.'”
Ndinokuudza kuti, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa anouya muzita raIshe.’”

< Matthew 23 >