< Luke 24 >

1 Very early on the first day of the week, they came to the tomb, bringing the spices which they had prepared.
Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakadzi vaya vakatora zvinonhuhwira zvavakanga vagadzira vakaenda kuguva.
2 They found the stone rolled away from the tomb.
Vakawana ibwe rakungurutswa kubva paguva,
3 They entered in, but did not find the body of the Lord Jesus.
asi vakati vapinda, vakashayiwa mutumbi waIshe Jesu.
4 It happened that, while they were confused about this, suddenly, two men stood by them in bright shining robes.
Pavakanga vachiri kushamisika nazvo, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena dzaipenya semheni vakamira parutivi pavo.
5 As the women were filled with fear and bowed down their faces to the earth, they said to the women, “Why do you seek the living among the dead?
Mukutya kwavo, vakadzi vaya vakakotamisa pasi zviso zvavo, asi varume ava vakati kwavari, “Seiko muchitsvaka mupenyu pakati pavakafa?
6 He is not here, but has been raised! Remember how he spoke to you when he was still in Galilee,
Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti:
7 saying that the Son of Man must be delivered up into the hands of sinful men and be crucified, and on the third day rise again.”
‘Mwanakomana woMunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi, arovererwe pamuchinjikwa agomukazve pazuva rechitatu.’”
8 The women remembered his words,
Ipapo vakarangarira mashoko ake.
9 and returned from the tomb, and told all these things to the eleven and all the rest.
Vakati vadzoka kubva kuguva, vakataurira vane gumi nomumwe zvinhu zvose izvi, uye nokuna vamwe vose.
10 Now Mary Magdalene, Joanna, Mary the mother of James, and the other women with them reported these things to the apostles.
VanaMaria Magadharena, naJohana, Maria mai vaJakobho, uye navamwe vavaiva navo ndivo vakandoudza vapostori izvozvo.
11 But this message seemed like idle talk to the apostles, and they did not believe the women.
Asi havana kutenda vakadzi ava, nokuti mashoko avo ainge upenzi kwavari.
12 Yet Peter rose up and ran to the tomb, and stooping and looking in, he saw the linen cloths by themselves. Peter then departed to his home, wondering what had happened.
Zvisinei hazvo, Petro, akasimuka, akamhanyira kuguva. Akakotama, akaona micheka iri yoga, ndokubva adzokera kumba, achishamisika mumwoyo make nezvakanga zvaitika.
13 Behold, two of them were going that very day to a village named Emmaus, which was sixty stadia from Jerusalem.
Zvino musi mumwe chete iwoyo, varume vaviri vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, makiromita anenge gumi nerimwe chete kubva kuJerusarema.
14 They discussed with each other about all the things that had happened.
Vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.
15 It happened that, while they discussed and questioned together, Jesus himself approached and went with them.
Vachiri kutaura nokukurukurirana pamusoro pezvinhu izvi, Jesu pachake akabva asvika uye akafamba navo;
16 But their eyes were prevented from recognizing him.
asi meso avo akabatwa zvokuti havana kumuziva.
17 Jesus said to them, “What are the two of you talking about as you walk?” They stood there looking sad.
Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?” Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa.
18 One of them, named Cleopas, answered him, “Are you the only person in Jerusalem who does not know the things which have happened there these days?”
Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?”
19 Jesus said to them, “What things?” They answered him, “The things concerning Jesus the Nazarene, who was a prophet, mighty in deed and word before God and all the people,
Jesu akati, “Zveiko?” Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose.
20 and how the chief priests and our rulers delivered him up to be condemned to death and crucified him.
Vaprista vakuru navatongi vedu vakamuendesa kuti andotongerwa rufu, saka vakamuroverera pamuchinjikwa;
21 But we had confidence that he was the one who was going to redeem Israel. Yes, and what is more, it is now the third day since all these things happened.
asi isu takanga tichitarisira kuti ndiye akanga achizodzikinura vaIsraeri. Pamusoro paizvozvo, ratova zuva rechitatu kubvira pazvakaitika.
22 But also, some women of our company amazed us, having been at the tomb early in the morning.
Uyezve vamwe vakadzi vokwedu vatishamisa. Vaenda kuguva nhasi mambakwedza
23 When they did not find his body, they came, saying that they had also seen a vision of angels who said that he was alive.
asi havana kuwana mutumbi wake urimo. Vauya vakatiudza kuti vaona chiratidzo chavatumwa, avo vati iye mupenyu.
24 Some men who were with us went to the tomb, and found it just as the women had said. But they did not see him.”
Ipapo dzimwe shamwari dzedu dzaenda kuguva dzikawana zviri izvo chaizvo zvanga zvataurwa navakadzi vaya, asi iye havana kumuona.”
25 Jesus said to them, “O foolish men and slow of heart to believe in all that the prophets have spoken!
Iye akati kwavari, “Haiwa imi vokusanzwisisa, uye vane mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaprofita!
26 Was it not necessary for the Christ to suffer these things, and to enter into his glory?”
Ko, Kristu akanga asingafaniri kutambudzika pazvinhu izvi agozopinda mukubwinya kwake here?”
27 Then beginning from Moses and through all the prophets, Jesus interpreted to them the things concerning himself in all the scriptures.
Ipapo akatanga naMozisi navaprofita vose, akavatsanangurira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro.
28 As they approached the village to which they were going, Jesus acted as though he were going further.
Kuzoti vava kusvika mumusha mavakanga vachienda, Jesu akaita sokunge oda kupfuurira.
29 But they compelled him, saying, “Stay with us, for it is toward evening and the day is almost over.” So Jesus went in to stay with them.
Asi vakamugombedzera zvikuru vachiti, “Garai nesu, nokuti kwava kudoka; zuva rava kuvira.” Saka akapinda kuti andogara navo.
30 It happened that, when he had sat down with them to eat, he took the bread, blessed it, and breaking it, he gave it to them.
Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa.
31 Then their eyes were opened, and they knew him, and he vanished out of their sight.
Ipapo meso avo akasvinudzwa vakamuziva, akabva anyangarika pamberi pavo.
32 They said one to another, “Was not our heart burning within us, while he spoke to us on the way, while he opened to us the scriptures?”
Vakabvunzana vachiti, “Ko, mwoyo yedu yanga isingapisi neiko mukati medu zvaanga achitaura nesu mumugwagwa uye achitizarurira magwaro?”
33 They rose up that very hour, and returned to Jerusalem. They found the eleven gathered together, and those who were with them,
Vakasimuka panguva iyoyo vakadzokera kuJerusarema. Ikoko, vakandowana vane Gumi noMumwe navamwe vavaiva navo, vakaungana pamwe chete
34 saying, “The Lord is risen indeed, and has appeared to Simon.”
vachiti, “Ichokwadi! Ishe amuka uye azviratidza kuna Simoni.”
35 So they told the things that happened on the way, and how Jesus was shown to them in the breaking of the bread.
Ipapo vaviri ava vakataura zvakanga zvaitika munzira, uye kuti vakaziva sei Jesu paakamedura chingwa.
36 As they spoke these things, Jesus himself stood in the midst of them, and said to them, “Peace be to you.”
Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve nemi.”
37 But they were terrified and filled with fear, and supposed that they saw a spirit.
Vakavhunduka uye vakatya, vachifunga kuti vaona mweya.
38 Jesus said to them, “Why are you troubled? Why do questions arise in your heart?
Iye akati kwavari, “Munotambudzika neiko, uye seiko kukahadzika kuchimuka mupfungwa dzenyu?
39 See my hands and my feet, that it is I myself. Touch me and see. For a spirit does not have flesh and bones, as you see me having.”
Tarisai maoko angu netsoka dzangu. Ndini iye! Ndibatei muone; mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunoona ndinazvo ini.”
40 When he had said this, he showed them his hands and his feet.
Akati areva izvi, akavaratidza maoko ake netsoka dzake.
41 They still could not believe it because of joy, and they were amazed. Jesus said to them, “Do you have anything to eat?”
Uye pavakanga vachigere kutenda nokuda kwomufaro uye vachishamiswa, akavabvunza akati, “Mune chokudya here pano?”
42 They gave him a piece of a broiled fish,
Vakamupa chimedu chehove yakagochwa,
43 and he took it and ate it before them.
uye akachitora akachidya pamberi pavo.
44 He said to them, “When I was with you, I told you that all that was written in the Law of Moses and the Prophets and the Psalms must be fulfilled.”
Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.”
45 Then he opened their minds, that they might understand the scriptures.
Ipapo akazarura ndangariro dzavo kuti vanzwisise Magwaro.
46 He said to them, “Thus it is written, that the Christ should suffer, and rise again from the dead on the third day.
Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa kuti: Kristu achatambudzika agomuka kubva kuvakafa pazuva rechitatu,
47 Repentance and forgiveness of sins should be preached in his name to all the nations, beginning from Jerusalem.
uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.
48 You are witnesses of these things.
Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.
49 See, I am sending you what my Father promised. But remain in the city until you are clothed with power from on high.”
Ndichakutumirai chipikirwa chakavimbiswa naBaba; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.”
50 Then Jesus led them out until they were near Bethany. He lifted up his hands and blessed them.
Akati avatungamirira kunze kweguta pedyo neBhetania, akatambanudza maoko ake akavaropafadza.
51 It happened that, while he was blessing them, he left them and was carried up into heaven.
Achiri kuvaropafadza, akabva pavari akatorwa akakwidzwa kudenga.
52 So they worshiped him, and returned to Jerusalem with great joy.
Ipapo vakamunamata ndokubva vadzokera kuJerusarema nomufaro mukuru.
53 They were continually in the temple, blessing God.
Uye vakaramba vari mutemberi, vachirumbidza Mwari nguva dzose.

< Luke 24 >