< Mark 10 >

1 He arose from there and came into the borders of Judea and beyond the Jordan. Crowds came together to him again. As he usually did, he was again teaching them.
Uye Jesu akabva panzvimbo iyoyo akaenda munyika yeJudhea uye akayambuka mhiri kweJorodhani. Vanhu vazhinji vakauyazve kwaari, uye sezvayakanga iri tsika yake, akavadzidzisa.
2 Pharisees came to him testing him, and asked him, "Is it lawful for a man to divorce his wife?"
Vamwe vaFarisi vakauya vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinotenderwa here kuti munhu arambe mukadzi wake?”
3 He answered, "What did Moses command you?"
Iye akati, “Mozisi akakurayirai kuti kudiniko?”
4 They said, "Moses allowed a certificate of divorce to be written, and to divorce her."
Ivo vakati, “Mozisi akatendera murume kuti anyore tsamba yokurambana uye agomuendesa.”
5 But Jesus said to them, "Because of your hardness of heart, he wrote you this commandment.
Jesu akapindura akati, “Nokuti mwoyo yenyu yakanga iri mikukutu, Mozisi akakunyorerai murayiro uyu.
6 But from the beginning of the creation, he made them male and female.
Asi kubvira kumavambo okusikwa kwezvinhu, Mwari ‘akavaita murume nomukadzi.’
7 For this cause a man will leave his father and mother, and will join to his wife,
Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba vake namai vake uye agonamatira kumukadzi wake,
8 and the two will become one flesh, so that they are no longer two, but one flesh.
uye vaviri ava vachava nyama imwe. Saka havachisiri vaviri, asi nyama imwe.
9 What therefore God has joined together, let no one separate."
Naizvozvo izvo zvabatanidzwa naMwari, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”
10 In the house, the disciples asked him again about the same matter.
Vakati vapindazve mumba, vadzidzi vakabvunza Jesu pamusoro paizvozvi.
11 He said to them, "Whoever divorces his wife, and marries another, commits adultery against her.
Akapindura akati, “Ani naani anoramba mukadzi wake uye akawana mumwe mukadzi, ava kuita upombwe naye.
12 If she herself divorces her husband, and marries another, she commits adultery."
Uye kana iye akarambawo murume wake uye akawanikwa nomumwe murume, anoita upombwe naye.”
13 They were bringing to him little children, that he should touch them, but the disciples rebuked them.
Vanhu vakanga vachiuya navana vaduku kuna Jesu kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura.
14 But when Jesus saw it, he was moved with indignation, and said to them, "Allow the little children to come to me. Do not forbid them, for the Kingdom of God belongs to such as these.
Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai.
15 Truly I tell you, whoever will not receive the Kingdom of God like a little child, he will in no way enter into it."
Ndinokuudzai chokwadi, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.”
16 And he took them in his arms, laying his hands on them, and blessed them.
Ipapo akatora vana akavafungatira mumaoko ake, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaropafadza.
17 As he was going out into the way, one ran to him, knelt before him, and asked him, "Good Teacher, what must I do that I may inherit everlasting life?" (aiōnios g166)
Jesu akati achifamba munzira, mumwe murume akamhanyira kwaari akawira pasi namabvi ake pamberi pake. Akabvunza akati, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” (aiōnios g166)
18 Jesus said to him, "Why do you call me good? No one is good except one—God.
Jesu akapindura akati, “Unondiidzireiko akanaka? Hakuna munhu akanaka kunze kwaMwari oga.
19 You know the commandments: 'Do not commit adultery,' 'Do not murder,' 'Do not steal,' 'Do not give false testimony,' 'Do not defraud,' 'Honor your father and mother.'"
Mirayiro unoiziva here inoti: ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.’”
20 And he said to him, "Teacher, I have kept all these things from my youth."
Iye akati, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubvira ndichiri mukomana.”
21 Jesus looking at him loved him, and said to him, "One thing you lack. Go, sell whatever you have, and give to the poor, and you will have treasure in heaven; and come, follow me, taking up the cross."
Jesu akamutarira uye akamuda, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwe chete. Enda undotengesa zvinhu zvose zvaunazvo upe kuvarombo, ugova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya, unditevere.”
22 But his face fell at that saying, and he went away sorrowful, for he was one who had great possessions.
Anzwa izvi akasuwa kwazvo. Akaenda akasuwa, nokuti akanga ane pfuma zhinji.
23 Jesus looked around, and said to his disciples, "How difficult it is for those who have riches to enter into the Kingdom of God."
Jesu akatarira-tarira ndokuti kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!”
24 The disciples were amazed at his words. But Jesus answered again and said to them, "Children, how hard it is for those who trust in riches to enter the kingdom of God.
Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akatizve, “Vana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari!
25 It is easier for a camel to go through a needle's eye than for a rich person to enter into the Kingdom of God."
Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
26 They were exceedingly astonished, saying to him, "Then who can be saved?"
Vadzidzi vakanyanya kushamiswa, uye vakati pakati pavo, “Zvino ndianiko angaponeswa?”
27 Jesus, looking at them, said, "With humans it is impossible, but not with God, for all things are possible with God."
Jesu akatarisa kwavari akati, “Kumunhu hazvigoneki, asi kwete naMwari; zvinhu zvose zvinogoneka kuna Mwari.”
28 Peter began to tell him, "Look, we have left everything, and have followed you."
Petro akati kwaari, “Isu takasiya zvinhu zvose kuti tikuteverei!”
29 Jesus said, "Truly I tell you, there is no one who has left house, or brothers, or sisters, or mother, or father, or children, or land, for my sake, and for the sake of the Good News,
Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, hakuna munhu akasiya musha, kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana mai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri
30 but he will receive one hundred times more now in this time, houses, brothers, sisters, mothers, children, and land, with persecutions; and in the age to come, everlasting life. (aiōn g165, aiōnios g166)
achakundikana kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanunʼuna, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi. (aiōn g165, aiōnios g166)
31 But many who are first will be last; and the last first."
Asi vazhinji vanova vokutanga ndivo vachava vokupedzisira, uye vokupedzisira vachava vokutanga.”
32 They were on the way, going up to Jerusalem; and Jesus was going in front of them, and they were amazed; and those who followed were afraid. He again took the twelve, and began to tell them the things that were going to happen to him.
Vakanga vari munzira vachikwidza kuenda kuJerusarema, Jesu achivatungamirira, uye vadzidzi vakakatyamara, asi vaya vakanga vachitevera vakanga vachitya. Akatorazve vane gumi navaviri vari voga uye akavaudza zvaizoitika kwaari.
33 "Look, we are going up to Jerusalem. The Son of Man will be delivered to the chief priests and the scribes. They will condemn him to death, and will deliver him to foreigners.
Akati, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achapandukirwa agoiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vachamuisa mumaoko eveDzimwe Ndudzi,
34 They will mock him, spit on him, scourge him, and kill him. After three days he will rise again."
avo vachamuseka uye vagomupfira mate, vachamurova uye vagomuuraya. Shure kwamazuva matatu, achamuka.”
35 James and John, the sons of Zebedee, came near to him, and said to him, "Teacher, we want you to do for us whatever we will ask."
Ipapo Jakobho naJohani vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire zvose zvose zvatinokumbira.”
36 He said to them, "What do you want me to do for you?"
Akavabvunza akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”
37 They said to him, "Grant to us that we may sit, one at your right hand, and one at your left hand, in your glory."
Vakapindura vakati, “Titenderei kuti mumwe wedu agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.”
38 But Jesus said to them, "You do not know what you are asking. Are you able to drink the cup that I drink, or to be baptized with the baptism that I am baptized with?"
Jesu akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona here kunwa mukombe wandinonwa kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo?”
39 And they said to him, "We are able." And Jesus said to them, "You will drink the cup I drink, and you will be baptized with the baptism that I am baptized with;
Vakapindura vakati, “Tinogona.” Jesu akati, “Muchanwa mukombe wandinonwa uye muchabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo,
40 but to sit at my right hand and at my left hand is not mine to give, but for whom it has been prepared."
asi zvokugara kuruoko rwangu rworudyi kana kuruboshwe handisini ndinozvipa. Nzvimbo idzi ndedzavaya vakadzigadzirirwa.”
41 When the ten heard it, they began to be indignant towards James and John.
Vane gumi vakati vanzwa izvi, vakatsamwira Jakobho naJohani.
42 Jesus summoned them, and said to them, "You know that they who are recognized as rulers over the nations lord it over them, and their great ones exercise authority over them.
Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi neveDzimwe Ndudzi vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo.
43 But it will not be so among you, but whoever wants to become great among you must be your servant.
Hazvina kudaro pakati penyu. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu,
44 And whoever wants to be first among you must be slave of all.
uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yavose.
45 For the Son of Man also did not come to be served, but to serve, and to give his life as a ransom for many."
Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwavazhinji.”
46 They came to Jericho. As he went out from Jericho, with his disciples and a large crowd, Bartimaeus, the son of Timaeus, a blind beggar, was sitting by the road.
Ipapo vakasvika kuJeriko. Jesu navadzidzi vake, pamwe chete navanhu vazhinji, vakati vobuda muguta, Bhatimeo, murume akanga ari bofu, (ndiye mwanakomana waTimeo), akanga agere parutivi penzira achipemha.
47 When he heard that it was Jesus the Nazarene, he began to cry out, and say, "Jesus, Son of David, have mercy on me."
Paakanzwa kuti akanga ari Jesu weNazareta, akatanga kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
48 Many rebuked him, that he should be quiet, but he shouted all the louder, "Son of David, have mercy on me."
Vazhinji vakamutsiura uye vakamutaurira kuti anyarare, asi akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
49 Jesus stood still, and said, "Call him." They called the blind man, saying to him, "Cheer up. Get up. He is calling you."
Jesu akamira akati, “Mudanei.” Saka vakadana murume uya bofu vakati, “Tsunga mwoyo! Simuka! Anokudana.”
50 He, casting away his coat, jumped up, and came to Jesus.
Akakanda jasi rake parutivi, akakwakuka akauya kuna Jesu.
51 Jesus asked him, "What do you want me to do for you?" The blind man said to him, "Rabboni, that I may see again."
Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitirei?” Murume uya bofu akati, “Rabhi, ndinoda kuona.”
52 Jesus said to him, "Go your way. Your faith has made you well." And immediately he received his sight, and followed him on the road.
Jesu akati, “Enda hako, kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo meso ake akasvinudzwa uye akatevera Jesu munzira.

< Mark 10 >