< Luke 6 >

1 Now it happened on the second chief Sabbath that he was going through the grain fields. His disciples plucked the heads of grain, and ate, rubbing them in their hands.
Zvino zvakaitika nesabata rechipiri shure kwerekutanga, achigura nemuminda yezviyo, vadzidzi vake vatanha hura, vakadya, vachidzipukuta nemaoko.
2 But some of the Pharisees said to them, "Why do you do that which is not lawful on the Sabbath day?"
Asi vamwe veVaFarisi vakati kwavari: Munoitirei zvisiri pamutemo kuita nemasabata?
3 Jesus, answering them, said, "Have you not read what David did when he was hungry, he, and those who were with him;
Zvino Jesu achivapindura, wakati: Hamuna kuverenga izvo kunyange Dhavhidhi zvaakaita, paakange ava nenzara iye nevakange vanaye,
4 how he entered into the house of God, and took and ate the show bread, and gave also to those who were with him, which is not lawful to eat except for the priests alone?"
kuti wakapinda sei mumba maMwari, akatora akadya zvingwa zvekuratidza, akapa nevakange vanaye; izvo zvisiri pamutemo kudyiwa asi nevapristi vega?
5 He said to them, "The Son of Man is lord of the Sabbath."
Ndokuti kwavari: Mwanakomana wemunhu ndiIshe wesabatawo.
6 It also happened on another Sabbath that he entered into the synagogue and taught. There was a man there, and his right hand was withered.
Zvino zvakaitikawo nerimwe sabata kuti wakapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakange kune munhu ipapo uye ruoko rwake rwerudyi rwakange rwakawonyana.
7 The scribes and the Pharisees watched him, to see whether he would heal on the Sabbath, that they might find an accusation against him.
Vanyori neVaFarisi vakamutarisisa, kuona kana angaporesa nesabata, kuti vawane mhosva yavangamupomera.
8 But he knew their thoughts; and he said to the man who had the withered hand, "Rise up, and stand in the middle." He arose and stood.
Asi iye wakaziva mifungo yavo, akati kumunhu wakange ane ruoko rwakawonyana: Simuka, uende unomira pakati. Akasimuka akamira.
9 Then Jesus said to them, "I ask you, is it lawful on the Sabbath to do good, or to do harm? To save a life, or to destroy it?"
Zvino Jesu akati kwavari: Ndichakubvunzai chimwe chinhu: Zviri pamutemo here nemasabata kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu kana kuparadza?
10 He looked around at them all, and said to the man, "Stretch out your hand." He did, and his hand was restored.
Zvino akaringa-ringa kwavari vese, akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako. Akaita saizvozvo. Ruoko rwake rwukaporeswa ndokugwinya serumwe.
11 But they were filled with rage, and talked with one another about what they might do to Jesus.
Ivo vakazara neupengo; vakataurirana umwe neumwe, kuti vangamuitei Jesu.
12 It happened in these days, that he went out to the mountain to pray, and he continued all night in prayer to God.
Zvino zvakaitika nemazuva iwayo kuti wakabuda akaenda kugomo kunonyengetera; agara usiku hwese mukunyengetera kuna Mwari.
13 When it was day, he called his disciples, and from them he chose twelve, whom he also named apostles:
Zvino kwakati kwaedza, akadanira vadzidzi vake kwaari; akasanangura kwavari gumi nevaviri, vaakatumidzawo kuti vaapositori;
14 Simon, whom he also named Peter, and Andrew his brother; and James and John; and Philip and Bartholomew;
Simoni, waakatumidzawo Petro, naAndiriya munin'ina wake, Jakobho naJohwani, Firipi naBhatoromiyo,
15 and Matthew and Thomas; and James the son of Alphaeus, and Simon, who was called the Zealot;
Matewu naTomasi, Jakobho waArifiyosi, naSimoni wainzi Ziroti;
16 and Judas the son of James, and Judas Iscariot, who became a traitor.
Judhasi waJakobho, naJudhasi Isikariyoti, wakavawo mutengesi.
17 He came down with them, and stood on a level place, with a large crowd of his disciples, and a great number of the people from all Judea and Jerusalem, and the sea coast of Tyre and Sidon,
Akaburuka navo, akamira panzvimbo pakaenzana, nechaunga chevadzidzi vake, nechaunga chikuru chevanhu vaibva Judhiya rese neJerusarema, nepagungwa reTire neSidhoni, vakauya kuzomunzwa, nekuporeswa pazvifo zvavo;
18 who came to hear him and to be healed of their diseases; and those who were troubled with unclean spirits were cured.
nevakange vachitambudziwa nemweya yetsvina, vakaporeswa.
19 All the crowd sought to touch him, for power came out from him and healed them all.
Chaunga chese chikatsvaka kumubata; nokuti kwakabuda simba kwaari rikaporesa vese.
20 He lifted up his eyes to his disciples, and said, "Blessed are you who are poor, for yours is the kingdom of God.
Ndokusimudzira meso ake kuvadzidzi vake, akati: Makaropafadzwa varombo, nokuti ushe hwaMwari ndohwenyu.
21 Blessed are you who hunger now, for you will be filled. Blessed are you who weep now, for you will laugh.
Makaropafadzwa imwi mune nzara zvino, nokuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imwi munochema ikozvino, nokuti muchaseka.
22 Blessed are you when people hate you, and when they exclude you and insult you, and throw out your name as evil, for the Son of Man's sake.
Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, uye kana vachikusarurai, vachikunyombai, vachirasa zita renyu serakashata, nekuda kweMwanakomana wemunhu.
23 Rejoice in that day, and leap for joy, for look, your reward is great in heaven, for their fathers did the same thing to the prophets.
Farai nezuva iro, muuruke nemufaro; nokuti tarirai, mubairo wenyu mukuru kudenga; nokuti zvakaita madzibaba avo saizvozvo kuvaporofita.
24 "But woe to you who are rich. For you have received your consolation.
Asi mune nhamo imwi vakafuma! Nokuti magamuchira nyaradzo yenyu.
25 Woe to you, you who are full now, for you will be hungry. Woe who laugh now, for you will mourn and weep.
Mune nhamo imwi munoguta! Nokuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imwi munoseka zvino! Nokuti muchachema nekuwungudza.
26 Woe when all people speak well of you, for their fathers did the same thing to the false prophets.
Mune nhamo kana vanhu vese vachitaura zvakanaka pamusoro penyu! Nokuti madzibaba avo akaita saizvozvo kuvaporofita venhema.
27 "But I tell you who hear: love your enemies, do good to those who hate you,
Asi ndinoti kwamuri munonzwa: Idai mhandu dzenyu, itai zvakanaka kune vanokuvengai,
28 bless those who curse you, and pray for those who mistreat you.
ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa.
29 To the person who strikes you on the cheek, offer the other also; and from the person who takes away your coat, do not withhold your shirt either.
Kune anokurova padama, umupe rimwewo; anokutorera nguvo, usarambidza neshati.
30 Give to everyone who asks you, and do not ask him who takes away your goods to give them back again.
Asi upe umwe neumwe anokumbira kwauri; neanokutorera zvako, usazvirevazve.
31 And as you would like people to do to you, you also do the same to them.
Uye sezvamunoda kuti vanhu vaite kwamuri, imwi muvaitirewo saizvozvo.
32 If you love those who love you, what credit is that to you? For even sinners love those who love them.
Uye kana muchida avo vanokudai, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadziwo vanoda vanovada.
33 If you do good to those who do good to you, what credit is that to you? For even sinners do the same.
Uye kana muchiitira zvakanaka kune avo vanokuitirai zvakanaka, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadzi vanoitawo izvozvo.
34 If you lend to those from whom you hope to receive, what credit is that to you? Even sinners lend to sinners, to receive back as much.
Uye kana muchikweretesa vamunotarisira kugamuchira kwavari, mune kuvongwa kwakadini? Nokuti vatadzi vanokweretesawo vatadzi, kuti vagamuchirezve zvakaenzana nazvo.
35 But love your enemies, and do good, and lend, expecting nothing back; and your reward will be great, and you will be children of the Most High; for he is kind toward the unthankful and evil.
Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka, mukweretese musingatarisirizve chinhu; zvino mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vana veWekumusoro-soro; nokuti iye ane moyo munyoro kune vasingavongi nevakaipa.
36 Therefore be merciful, even as your Father is also merciful.
Naizvozvo ivai netsitsi, sababa venyuwo vane tsitsi.
37 Do not judge, and you won't be judged. Do not condemn, and you won't be condemned. Forgive, and you will be forgiven.
Musatonga, uye hamungazotongwi; musapa mhosva, uye hamungazopiwi mhosva; regererai, mugoregererwawo.
38 "Give, and it will be given to you: good measure, pressed down, shaken together, and running over, will be poured into your lap. For with the same measure you measure it will be measured back to you."
Ipai, nemwi muchapiwa; chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, nekuzunguzirwa, chinopfachukira vachakupai pachifuva chenyu. Nokuti nechiyero ichocho chamunoyera nacho muchayerwa nacho zvekare.
39 He spoke a parable to them. "Can the blind guide the blind? Won't they both fall into a pit?
Akataura mufananidzo kwavari akati: Ko bofu ringatungamirira bofu here? Ko haangawiri mugomba ari maviri here?
40 A disciple is not above the teacher, but everyone when he is fully trained will be like his teacher.
Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi wake; asi umwe neumwe kana apedzeredzwa achava semudzidzisi wake.
41 And why do you see the speck of chaff that is in your brother's eye, but do not notice the log that is in your own eye?
Uye unotarirei rubanzu rwuri muziso reumwe wako, asi danda riri muziso rako pachako haurinanzereri?
42 Or how can you tell your brother, 'Brother, let me remove the speck of chaff that is in your eye,' when you yourself do not see the log that is in your own eye? You hypocrite. First remove the log from your own eye, and then you can see clearly to remove the speck of chaff that is in your brother's eye.
Kana unogona kureva sei kune umwe wako, uchiti: Umwe wangu, rega ndibudise rubanzu rwuri muziso rako, iwe pachako usingaoni danda riri muziso rako? Iwe munyepedzeri, budisa pakutanga danda kubva muziso rako, zvino ipapo uchaona zvakanaka kubudisa rubanzu rwuri muziso reumwe wako.
43 For there is no good tree that brings forth rotten fruit; nor again a rotten tree that brings forth good fruit.
Nokuti hausi muti wakanaka unobereka chibereko chakaipa; kana muti wakaipa unobereka chibereko chakanaka.
44 For each tree is known by its own fruit. For people do not gather figs from thorns, nor do they gather grapes from a bramble bush.
Nokuti muti umwe neumwe unozikanwa nechibereko chawo pachawo. Nokuti paminzwa, havatanhi maonde, kana parukato kutanha mazambiringa.
45 The good person out of the good treasure of his heart brings out that which is good, and the evil person out of the evil treasure brings out that which is evil, for out of the abundance of the heart, his mouth speaks.
Munhu wakanaka kubva pafuma yakanaka yemoyo wake anobudisa zvakanaka, nemunhu wakaipa kubva pafuma yakaipa yemoyo wake anobudisa zvakaipa; nokuti kubva pazvizere mumoyo muromo wake anotaura.
46 "Why do you call me, 'Lord, Lord,' and do not do the things which I say?
Zvino munondiidzirei Ishe, Ishe, musingaiti zvinhu zvandinoreva?
47 Everyone who comes to me, and hears my words, and does them, I will show you who he is like.
Ani nani anouya kwandiri akanzwa mashoko angu akaaita, ndichakuratidzai kuti wakafanana nani;
48 He is like someone building a house, who dug and went deep, and laid a foundation on the rock. When a flood arose, the stream broke against that house, and could not shake it, because it had been well built.
wakafanana nemunhu wakavaka imba, akachera akadzikisa, akateya nheyo paruware; zvino mafashame akati auya, rukova rukarova zvine simba paimba iyo, rukasagona kuizunungusa; nokuti yakange yakateyiwa paruware.
49 But he who hears, and does not do, is like someone who built a house on the earth without a foundation, against which the stream broke, and immediately it fell, and the ruin of that house was great."
Asi anonzwa asingaiti, wakafanana nemunhu wakavaka imba pavhu isina nheyo; ipo rukova rwakarova nesimba, pakarepo ikawa, kuwa kweimba iyo kukava kukuru.

< Luke 6 >