< Mark 5 >

1 They came to the other side of the sea, into the country of the Gadarenes.
Vakasvika mhiri kwegungwa, kunyika yeVaGadharini.
2 When he had come out of the boat, immediately a man with an unclean spirit met him out of the tombs.
Zvino wakati abuda muchikepe, pakarepo munhu akamuchingamidza achibva kumarinda ane mweya wetsvina,
3 He lived in the tombs. Nobody could bind him any more, not even with chains,
uyo wakange ane ugaro kumarinda, uye kwakange kusina wakange achigona kumusunga kunyange nemaketani,
4 because he had been often bound with fetters and chains, and the chains had been torn apart by him, and the fetters broken in pieces. Nobody had the strength to tame him.
nokuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvemakumbo nemaketani, asi maketani aigurwa nepakati naye, nezvisungo zvemakumbo zvaigurwa kuita zvidimbu; uye kwakange kusina waigona kumupingudza.
5 Always, night and day, in the tombs and in the mountains, he was crying out, and cutting himself with stones.
Zvino nguva dzese, usiku nemasikati, waiva mumakomo nemumarinda achidanidzira, achizvicheka nemabwe.
6 When he saw Jesus from afar, he ran and bowed down to him,
Zvino wakati achiona Jesu ari kure, akamhanya ndokumunamata;
7 and crying out with a loud voice, he said, “What have I to do with you, Jesus, you Son of the Most High God? I adjure you by God, do not torment me.”
akadanidzira nenzwi guru akati: Ndinei nemwi Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari, murege kundirwadzisa.
8 For he said to him, “Come out of the man, you unclean spirit!”
Nokuti wakati kwaari: Buda mumunhu, mweya wetsvina.
9 He asked him, “What is your name?” He said to him, “My name is Legion, for we are many.”
Ndokumubvunza akati: Zita rako ndiani? Akapindura achiti: Zita rangu rinonzi Regiyoni, nokuti tiri vazhinji.
10 He begged him much that he would not send them away out of the country.
Akamukumbirisa zvikuru kuti arege kuvaendesa kunze kwenyika.
11 Now on the mountainside there was a great herd of pigs feeding.
Zvino kwakange kuripo pedo nemakomo boka guru renguruve dzichifura.
12 All the demons begged him, saying, “Send us into the pigs, that we may enter into them.”
Nemadhimoni ese akamukumbira zvikuru achiti: Titumirei kunguruve kuti tipinde madziri.
13 At once Jesus gave them permission. The unclean spirits came out and entered into the pigs. The herd of about two thousand rushed down the steep bank into the sea, and they were drowned in the sea.
Pakarepo Jesu akaatendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve; boka rikapitirikira kumawere kuenda kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikabitirirwa mugungwa.
14 Those who fed the pigs fled, and told it in the city and in the country. The people came to see what it was that had happened.
Zvino vaifudza nguruve vakatiza, vakanoreva muguta neparuwa. Vakabuda kuzoona kuti chii chainge chaitwa.
15 They came to Jesus, and saw him who had been possessed by demons sitting, clothed, and in his right mind, even him who had the legion; and they were afraid.
Vakasvika kuna Jesu, vakaona wakange ane madhimoni, iye waiva neRegiyoni agere, akapfeka ari munhu kwaye; vakatya.
16 Those who saw it declared to them what happened to him who was possessed by demons, and about the pigs.
Uye avo vakange vazviona, vakavarondedzera kuti zvakaitika sei kune wakange ane madhimoni nepamusoro penguruve.
17 They began to beg him to depart from their region.
Vakatanga kumukumbirisa kuti abve mudunhu mavo.
18 As he was entering into the boat, he who had been possessed by demons begged him that he might be with him.
Zvino wakati achipinda muchikepe, iye waiva nemadhimoni akamukumbirisa kuti ave naye.
19 He did not allow him, but said to him, “Go to your house, to your friends, and tell them what great things the Lord has done for you and how he had mercy on you.”
Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kune vekwako, unovaudza kuti zvikuru sei Ishe zvaakuitira, nekukuitira tsitsi.
20 He went his way, and began to proclaim in Decapolis how Jesus had done great things for him, and everyone marveled.
Akabva ndokuenda akatanga kuparidza muDhekapori kukura kwezvinhu Jesu zvaakamuitira; vese vakashamisika.
21 When Jesus had crossed back over in the boat to the other side, a great multitude was gathered to him; and he was by the sea.
Jesu wakati ayambukazve nechikepe kune rimwe divi, chaunga chikuru chikaunganira kwaari, uye wakange ava parutivi rwegungwa.
22 Behold, one of the rulers of the synagogue, Jairus by name, came; and seeing him, he fell at his feet
Zvino tarira, kwakasvika umwe wevakuru vesinagoge, wainzi Jairosi; zvino wakati amuona, akawira patsoka dzake.
23 and begged him much, saying, “My little daughter is at the point of death. Please come and lay your hands on her, that she may be made healthy, and live.”
Akamukumbirisa zvikuru achiti: Mukunda wangu mudiki wotandadza, dai mauya muise maoko pamusoro pake kuti aponeswe uye achararama.
24 He went with him, and a great multitude followed him, and they pressed upon him on all sides.
Akaenda naye; chaunga chikuru chikamutevera, chikamutsimbirira.
25 A certain woman who had a discharge of blood for twelve years,
Zvino umwe mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri,
26 and had suffered many things by many physicians, and had spent all that she had, and was no better, but rather grew worse,
wakange atambura zvikuru kuvarapi vazhinji, wakange apedza zvese zvaakange anazvo, asina kutongobatsirika, asi pachinhambo cheizvi ainyanyisa,
27 having heard the things concerning Jesus, came up behind him in the crowd and touched his clothes.
wakati anzwa zvaJesu, akauya nepakati pechaunga neshure, akabata nguvo yake.
28 For she said, “If I just touch his clothes, I will be made well.”
Nokuti wakati: Kana ndikabata nguvo dzake chete, ndichaponeswa.
29 Immediately the flow of her blood was dried up, and she felt in her body that she was healed of her affliction.
Zvino pakarepo chitubu cheropa rake chikapwa, akanzwa mumuviri kuti waporeswa pachifo.
30 Immediately Jesus, perceiving in himself that the power had gone out from him, turned around in the crowd and asked, “Who touched my clothes?”
Zvino pakarepo Jesu achiziva mukati make kuti simba rabuda maari, akatendeuka pachaunga akati: Ndiani wabata nguvo dzangu?
31 His disciples said to him, “You see the multitude pressing against you, and you say, ‘Who touched me?’”
Vadzidzi vake vakati kwaari: Munoona chaunga chinokutsimbirirai, zvino moti: Ndiani wandibata?
32 He looked around to see her who had done this thing.
Zvino wakaringa-ringa kuona uyo wakange aita ichi.
33 But the woman, fearing and trembling, knowing what had been done to her, came and fell down before him, and told him all the truth.
Asi mukadzi achitya, nekubvunda, achiziva zvakange zvaitika maari, akauya ndokuwira pamberi pake, ndokumuudza chokwadi chese.
34 He said to her, “Daughter, your faith has made you well. Go in peace, and be cured of your disease.”
Ndokuti kwaari: Mukunda, rutendo rwako rwakuponesa, enda nerugare, poreswa pachifo chako.
35 While he was still speaking, people came from the synagogue ruler’s house, saying, “Your daughter is dead. Why bother the Teacher any more?”
Wakati achataura, kwakasvika vamwe vemukuru wesinagoge vakati: Mukunda wenyu wafa, muchiri kutambudzirei Mudzidzisi?
36 But Jesus, when he heard the message spoken, immediately said to the ruler of the synagogue, “Do not be afraid, only believe.”
Pakarepo Jesu achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda chete.
37 He allowed no one to follow him except Peter, James, and John the brother of James.
Akasatendera munhu kumutevera, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani munin'ina waJakobho.
38 He came to the synagogue ruler’s house, and he saw an uproar, weeping, and great wailing.
Zvino wakasvika mumba memukuru wesinagoge, akaona mhere-mhere nevaichema nekurira zvikuru.
39 When he had entered in, he said to them, “Why do you make an uproar and weep? The child is not dead, but is asleep.”
Zvino wakati apinda akati kwavari: Munoitirei mhere-mhere muchichema? Mwana haana kufa, asi arere.
40 They ridiculed him. But he, having put them all out, took the father of the child, her mother, and those who were with him, and went in where the child was lying.
Vakamuseka. Asi iye wakati avabudisa vese panze, akatora baba vemwana namai nevakange vanaye, akapinda makange murere mwana.
41 Taking the child by the hand, he said to her, “Talitha cumi!” which means, being interpreted, “Girl, I tell you, get up!”
Akabata ruoko rwemwana, akati kwaari: "Tarita kumi"; ndokuti kana zvichishandurwa: Musikana mudiki, ndinoti kwauri, muka.
42 Immediately the girl rose up and walked, for she was twelve years old. They were amazed with great amazement.
Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba; nokuti waiva wemakore gumi nemaviri; vakashamisika nekushamisika kukuru.
43 He strictly ordered them that no one should know this, and commanded that something should be given to her to eat.
Akavaraira zvikuru kuti kusava nemunhu anoziva izvi; akati apiwe kudya.

< Mark 5 >