< Chiyubunuzyo 18 >

1 Nikwakinda zintu ezi ndakabona umbi angelo kaseluka aansi kalikuzwa kujulu. Kajisi bwendelezi bupati, aboobo nyika yakamwesegwa abulemu bwakwe.
Shure kwaizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kubva kudenga. Akanga ane simba guru, uye nyika yakavhenekerwa nokubwinya kwake.
2 Wakakwilila ajwi ijumu, wati, “Waawa, waawa Bbabbiloni mupati! Waba chikkalilo chamadimoni, chiyobwedo chamyuya yoonse isofwede, achiyobwedo chatuyuni tusofwede atusesemya.
Akadanidzira nenzwi guru achiti: “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru! Rava musha wamadhimoni nougaro hwemweya yose yakaipa, ugaro hweshiri dzose dzine tsvina nedzinonyangadza.
3 Nkambo zisi zyoonse zyanywa wayini wabwamu bwakwe. Bami banyika bakachita bwamu anguwe. Abalabo bendelezi baansi abavubi buzwa kunguzu nzyalibotezya anzila yakupona kwakwe.”
Nokuti ndudzi dzose dzakanwa waini inopengesa youpombwe hwaro. Madzimambo enyika akaita upombwe naro, uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pazvinofadza zvaro zvizhinji.”
4 Alimwi ndakamvwa limbi ijwi lizwa kujulu liti, “Kamuzwa aanze kuzwa kulinguwe, nobantu bangu, kuchitila kuti mutawanisigwi zibi zyakwe, akuchitila kuti mutatambuli niziba zipenzyo zyakwe.
Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro, kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo;
5 Zibi zyakwe zyatanta kujulu, kule, aboobo Leza wayeya inchito zyakwe imbi.
nokuti zvivi zvaro zvaita murwi unosvika kudenga, uye Mwari arangarira mhosva dzaro.
6 Mumubbadale mbuli mbakabbadala bamwi, amumubbadale kobile mbuli mbachita; munkomeki njakali kuswanizya muswanizye tubili akulinguwe.
Ritsivei semabasa arakaita; ritsivei kaviri pane zvarakaita. Murivhenganisire migove miviri mumukombe waro.
7 Mbuli mbakali kulemya lwakwe akupona mukulyiiba, amupe koomba amawuse. 'Ndakala mbuli namalelo; tandili mukamufu pe, aboobo tandikoyobona koomba.
Rirwadzisei zvikuru uye murichemedze sokuzvipa mbiri nomufaro kwarakaita. Rinozvikudza mumwoyo maro richiti, ‘Ndigere samambokadzi; handisi chirikadzi, uye handingatongochemi.’
8 Nkaambo kako mubuzuba bomwe zipenzyo zyakwe ziyo musikila: Lufu, anzala: Uyo syukutwa amulilo, nkambo Mwami Leza ngusinguzu aboobo ngomubetesi wakwe.”
Naizvozvo, nezuva rimwe chete matambudziko ake achamukunda anoti: rufu, kuchema, nenzara. Achaparadzwa nomoto, nokuti Ishe Mwari anomutonga mukuru.
9 Baami banyika bakachita bwamu chakulibotezya aboobo baakenda chakutalyunanga anguwe bayolila akoomoka nibayobona busi bwakutentwa kwakwe.
“Madzimambo enyika, akaita upombwe naro uye akagovana naro pamufaro waro achati achiona utsi hwokutsva kwaro, achachema uye achaungudza pamusoro paro.
10 Bayoyimikila kule, akuyowa zipenzyo zyakwe, akuti, “Maawe, maawe kuchisis chipati, Bbabbiloni, chisi chili ampuwo! Nkambo muchindi chomwe lubeteko lwako lwasika.”
Vachitya kurwadziwa kwaro, vachamira kure vagochema vachiti: “‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru, Iwe Bhabhironi, guta resimba! Kuparara kwako kwasvika muawa imwe chete!’
11 Abalabo bendelezi benyika bakwiila akomba nkambo tachikwe naba omwe uyobawulila alimbi -
“Vashambadziri venyika vachachema uye vachaungudza pamusoro paro nokuti hakuna munhu achatenga nhumbi dzavozve,
12 Makwebo angolida, ansiliva, mabwe mayandisi, angale, amasani asalala tyu, azimvwalimvwali, ayoonse misyobo yamasamu amukomba, azyonse zibikilo zyameja anzovu, azyonse zibikilo zyakatwa amasamu mayandisi, azyamundalila, azyamukuba, azya mabweluuma,
nhumbi dzegoridhe, sirivha, mabwe anokosha namaparera; micheka yakanaka, yepepuru, sirika nemicheka mitsvuku; mhando dzose dzemiti inonhuhwira nezvinhu zvemhando dzose zvakagadzirwa nenyanga dzenzou, namatanda ano mutengo unokosha, ndarira, simbi namabwe akaurungana;
13 Kkinamono, tununkilizyo, alibbano, aamula, wayini, amatuta, abusu bunante, abulotwe, ang'ombe ambelele, ambizi ankalaki, amyuya yabantu.
nhumbi dzesinamoni nezvinonhuhwira, mura nezvizoro zvinonhuhwira, waini namafuta omuorivhi, upfu hwakatsetseka negorosi; mombe namakwai; mabhiza nengoro; nemiviri nemweya yavanhu.
14 Muchelo oyo ngoyandisya anguzu zyako zyakumana kuzwa kulinduwe. Zyoonse zyoolwe zyako azi kubotezya zyakukubulika, tazichika bonwi limbi pe.
“Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’
15 Bendelezi bazintu ezi abo bakaba bavubi akambo kakwe bayoyima kule kuzwa kuli nguwe musinzo nkambo kakuyowa kupenzegwa kupati.
Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema uye vachaungudza
16 Bayoti, “Maawe, maawe kuchisi chipati echo chakasamikidwe masani mabotu, mudowalowa, azisalala pyuu, aboobo wakalisakatide ingolida, mabwe mayandisi, angaale!
uye vachadanidzira vachiti: “‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru, wakapfeka mucheka wakanaka, nowepepuru, nomutsvuku, uye unotaima negoridhe, namatombo anokosha namaparera!
17 Muchiindi chomwe boonseni buvubi bwakambilwa kufwa.” Boonse basibana musyoloma, boonse bantu beenda alwizi, amulwizi bakayimikila kule.
Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’ “Vafambisi vose vezvikepe mugungwa, navose vanofamba nezvikepe, vashandi vomuzvikepe navose vanorarama nezvinobva mugungwa, vachamira kure.
18 Bakakwila nibakabona busi bwakutentwa kwamubili wakwe. Bakaati, “Nchichili chisi chibanga nchisi chipati?”
Pavachaona utsi hwokutsva kwaro, vachati, ‘Pakambova neguta rakaita seguta guru iri here?’
19 Bakalivwikila lusuko amitwe yabo, akukwila kupati, akwema akoomoka, “Maawe, mawe kuchisi chipati balikuli boonse bakajisi maato abo mulwizi bakavubisigwa kuzwa kuli nguwe. Pele muchindi choomwe bakambilwa kufwa,”
Vachakanda guruva pamisoro yavo, uye nokuchema nokuungudza vachadanidzira vachiti: “‘Nhamo! Nhamo, iro guta guru, vose vaiva nezvikepe pagungwa vakapfuma noupfumi hwaro! Muawa imwe chete, raparara!
20 “Amusekelele kwinda kwakwe amajulu, nywebo nobantu basalala anobatumwa anobasinsimi, pele Leza wamwetele lubeta alinguwe!”
Farai pamusoro paro, imi denga! Farai, vatsvene navapostori navaprofita! Mwari aritonga nokuda kwamabatiro arakakuitai.’”
21 Angelo singuzu wakabweza ibbwe lilimbuli iziyo pati aboobo waliwala mulwizi, wamba wati, “Munzila eyi, Bbabbiloni, yochisi chipati, uyosowegwa aansi chabukkali aboobo tochikabonwi limbi pe.
Ipapo mutumwa ane simba akasimudza dombo rakaenzana neguyo guru akarikanda mugungwa, akati: “Nechisimba chakadai guta guru reBhabhironi richakandwa pasi, risingazombowanikwazve.
22 Ijwi lyabasituntimbwa, basinyele abasimweembo talichiyomvwigwi limbi muli nduwe. Abasimilimo niba ilibuti tabakoyojanwa limbi mulinduwe. Takukoyomvwigwa kuvuuta kwaziyo limbi muli nduwe.
Kuimba kwavaridzi vorudimbwa navaimbi, navaridzi venyere navaridzi vehwamanda, hakuchazonzwikwazve mauri. Hakuna munhu webasa ripi zvaro achazowanikwazve mauri. Inzwi reguyo harichazonzwikwizve mauri.
23 Mumuni walampi tuchikamuniki limbi mulinduwe. Ijwi lyabasibwinga talikoyomvwigwa limbi muli nduwe, pele basambazi bako bakali bapati baansi, aboobo maasi akeenwa amasalamusi ako.
Chiedza chomwenje hachichazovhenekerizve mauri. Inzwi rechikomba neromwenga hazvichazonzwikwazve mauri. Vashambadziri vako vakanga vari vakuru venyika. Nouroyi hwako ndudzi dzose dzakatsauswa.
24 Mulinguwe bulowa bwaba sinsimi abwa basalali ba Leza bwaka janwa, abulowa bwababo boonse bakajayigwa aansi.”
Mariri makawanikwa ropa ravaprofita neravatsvene, neravose vakaurayiwa panyika.”

< Chiyubunuzyo 18 >