< Salme 146 >

1 Halleluja! Pris HERREN, min Sjæl!
Rumbidza Jehovha. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu.
2 Jeg vil prise HERREN hele mit Liv, lovsynge min Gud, så længe jeg lever.
Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.
3 Sæt ikke eders Lid til Fyrster, til et Menneskebarn, der ikke kan hjælpe!
Regai kuvimba namachinda, navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa.
4 Hans Ånd går bort, han bliver til Jord igen, hans Råd er bristet samme Dag.
Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu; pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina.
5 Salig den, hvis Hjælp er Jakobs Gud, hvis Håb står til HERREN hans Gud,
Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho, tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake,
6 som skabte Himmel og Jord, Havet og alf, hvad de rummer, som evigt bevarer sin Trofasthed
Muiti wedenga nenyika, gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha, anogara akatendeka nokusingaperi.
7 og skaffer de undertrykte Ret, som giver de sultne Brød! HERREN løser de fangne,
Anomiririra zvinodiwa nevakadzvinyirirwa, uye anopa zvokudya vane nzara. Jehovha anosunungura vasungwa.
8 HERREN åbner de blindes Øjne, HERREN rejser de bøjede, HERREN elsker de retfærdige,
Jehovha anosvinudza mapofu, Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi, Jehovha anoda vakarurama.
9 HERREN vogter de fremmede, opholder faderløse og Enker, men gudløses Vej gør han kroget.
Jehovha anorinda vatorwa uye anoriritira nherera nechirikadzi, asi anokonesa nzira dzavakaipa.
10 HERREN er Konge for evigt, din Gud, o Zion, fra Slægt til Slægt. Halleluja!
Jehovha anotonga nokusingaperi, Mwari wako, iwe Zioni, kuzvizvarwa zvose. Rumbidza Jehovha.

< Salme 146 >