< Nahum 3 >

1 Ve Byen, der drypper af Blod, hvor der kun tales Løgn, så fuld af Ran, med Rov uden Ende!
Rine nhamo guta reropa, rizere nenhema, rizere nezvakapambwa, harigari risina varinotambudza!
2 Hør Smæld og raslende Vogne, jagende Heste,
Kurira kwetyava, utsvikitsviki hwamavhiri, mutsindo wamabhiza nomubvumo wokutinhira kwengoro!
3 Stridsvognenes vilde Dans og stejlende Heste! Sværdblink og lynende Spyd, faldne i Mængde, Masser af døde, endeløse Dynger af Lig, man snubler over Lig!
Kumhanya kwavatasvi vamabhiza, kupenya kweminondo namapfumo anovaima! Vazhinji vakaurayiwa, mirwi yevakafa, mitumbi isingaverengeki, vanhu vachigumburwa nezvitunha.
4 For Skøgens vidt drevne Utugt, den fagre, udlært i Trolddom, som besnærede Folk ved Utugt, Stammer ved Trolddom,
Zvose izvi nokuda kwokuchiva kuzhinji kwechifeve, chinokwezvera, mukuru wouroyi, akatapa ndudzi noufeve hwake namarudzi avanhu nouroyi hwake.
5 kommer jeg over dig, lyder det fra Hærskarers HERRE; dit Slæb slår jeg op i Ansigtet på dig, lader Folkeslag se din Blusel, Riger din Skam,
“Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Ndichafukura nguo yako ifukidze chiso chako “Ndicharatidza ndudzi kushama kwako namadzimambo kunyadziswa kwako.
6 dænger dig til med Skarn og vanærer dig, ja sætter dig i Gabestok.
Ndichakukandidzira tsvina, ndichakuita akazvidzika uye ndichakuita chiseko.
7 Enhver, som får dig at se, skal fly fra dig og sige: "Nineve er ødelagt, hvem vil ynke det, hvor skal jeg hente en til at give det Trøst?"
Vose vachakuona vachakutiza uye vachati, ‘Ninevhe raparara, ndiani acharichema?’ Ndingawana kupi munhu angakunyaradza?”
8 Mon du er bedre end No-Amon, der lå ved Strømme, omgivet af Vand som Bolværk, med Vand til Mur?
Uri nani kupfuura Tebhesi here, rakavakwa paNairi, rakakomberedzwa nemvura? Rwizi ndirwo rwairidzivirira, mvura iri rusvingo rwaro.
9 Dets Styrke var Ætiopere og Ægyptere uden Tal; Put og Libyer kom det til Hjælp.
Etiopia neIjipiti ndizvo zvaiva simba rayo guru; Puti neRibhiya dzaiva pakati pavabatsiri vayo.
10 Dog førtes det bort, i Fangenskab måtte det vandre, på alle Gadebjørner knustes også dets spæde; og om dets ædle kastedes Lod, alle dets Stormænd lagdes i Lænker.
Kunyange zvakadaro yakatapwa ikaendeswa kuutapwa. Vacheche varo vakaputsanyiwa kumavambo kwemigwagwa yose. Mijenya yakakandwa pamusoro pemachinda avo, uye vakuru vavo vakasungwa nengetani.
11 Også du skal drikke og synke i Afmagt, også du skal søge i Ly for Fjenden.
Newewo uchadhakwa; uchavanda ugotsvaka utiziro kubva kumuvengi wako.
12 Alle dine Fæstninger er Figener og tidligmoden Frugt; når de rystes, falder de den spisende i Munden.
Nhare dzako dzose dzafanana nemiti yemionde ine michero yokutanga yaibva; paanozunzwa, maonde anodonhera mumuromo momudyi.
13 Se, Folket i dig er som Kvinder, vidåbne for Fjenden er Portene ind til dit Land, Ild fortæred dine Slåer.
Tarira mauto ako, vose vakadzi! Masuo enyika yako akazarurirwa kuvavengi vako; moto waparadza mazariro awo.
14 Øs Vand til Brug, når du omringes, styrk dine Fæstninger, træd Dynd, stamp Ler, tag fat på Teglstensformen.
Cherai mvura kuitira kukombwa, simbisai nhare dzenyu! Gadzirai ivhu, kanyai dhaka, mugadzire zvidhina zvenyu!
15 Ild skal fortære dig på Stedet. Sværd udrydde dig, fortære dig som Springere. Er du end talrig som Springere, talrig som Græshopper,
Moto uchakuparadzai imomo; munondo uchakuurayai, uye uchakuparadzai semhashu. Berekanai semhashu, muberekane sehwiza!
16 er end dine Købmænd flere end Himlens Stjerner - Græshoppen kaster sin Vingeskal og flyver!
Makawedzera uwandu hwavatengesi venyu kusvikira vapfuura nyeredzi dzedenga kuwanda. Asi sehwiza, vanoparadza nyika vobhururuka vachienda.
17 Dine Fogeder er som Græshopper, dine Tipsarer som Græshoppesværme; de lejrer sig i Hegn, når Dagen er sval; men når Solen står op, er de borte, man ved ej hvor.
Varindi venyu vakaita sehwiza, machinda enyu segundamusaira rehwiza dzinomhara pamadziro musi wakunotonhora, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, uye hapana anoziva kuti kupi.
18 Hvor sov dine Hyrder fast, du Assurs Konge! Dine Helte blunded; dit Folk er spredt på Bjergene, ingen samler dem.
Iwe mambo weAsiria, vafudzi vako vanotsumwaira; machinda ako anorara pasi kuti azorore. Vanhu vako vakapararira pamusoro pamakomo pasina angavaunganidza.
19 Ulægeligt er dit Brud, dit Sår er til Døden. Alle, som hører om dig, klapper i Hånd; thi hvem fik ikke din Ondskab stadig at føle?
Hapana chingarapa ronda rako; kukuvara kwako kuchakuuraya. Mumwe nomumwe anonzwa nezveguhu rako anorova maoko ake pakuwa kwako, nokuti ndianiko asina kunzwa utsinye hwako husina magumo?

< Nahum 3 >