< 1 Mosebog 11 >

1 Hele Menneskeheden havde eet Tungemål og samme Sprog.
Zvino nyika yose yakanga ino rurimi rumwe chete nokutaura kwakafanana.
2 Da de nu drog østerpå, traf de på en Dal i Sinear, og der slog de sig ned.
Vanhu vakati vachitamira kumabvazuva, vakawana bani romuShinari vakagaramo.
3 Da sagde de til hverandre: "Kom, lad os stryge Teglsten og brænde dem godt!" De brugte nemlig Tegl som Sten og Jordbeg som Kalk.
Vakataurirana vakati, “Uyai, ngatiitei zvidhina tigozvipisa kwazvo.” Vakashandisa zvidhina pachinzvimbo chamabwe, uye bhitumini ikava dhaka ravo.
4 Derpå sagde de: "Kom, lad os bygge os en By og et Tårn, hvis Top når til Himmelen, og skabe os et Navn, for at vi ikke skal spredes ud over hele Jorden!"
Ipapo vakati, “Uyai, ngatizvivakirei guta neshongwe inosvika kudengadenga, kuti tizviitire mukurumbira uye kuti tirege kupararira panyika yose.”
5 Men HERREN steg ned for at se Byen og Tårnet, som Menneskebørnene byggede,
Asi Jehovha akaburuka pasi kuti azoona guta neshongwe yakanga ichivakwa navanhu.
6 og han sagde: "Se, de er eet Folk og har alle eet Tungemål; og når de nu først er begyndt således, er intet, som de sætter sig for, umuligt for dem;
Jehovha akati, “Kana vanhu ava vava somunhu mumwe, vachitaura rurimi rumwe chete, vakatanga kuita izvi, zvino hapana chinhu chavanoronga kuti vachiite chichavaomera.
7 lad os derfor stige ned og forvirre deres Tungemål der, så de ikke forstår hverandres Tungemål!"
Uyai, ngatiburukei tindovapesanisa mutauro wavo kuti varege kunzwisisana.”
8 Da spredte HERREN dem fra det Sted ud over hele Jorden, og de opgav at bygge Byen.
Saka Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose ipapo, uye vakarega kuvaka guta.
9 Derfor kaldte man den Babel, thi der forvirrede HERREN al Jordens Tungemål, og derfra spredte HERREN dem ud over hele Jorden.
Ndokusaka nzvimbo iyo yakanzi Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha akapesanisa mutauro wenyika yose. Kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose.
10 Dette er Sems Slægtebog. Da Sem var 100 År gammel, avlede han Arpaksjad, to År efter Vandfloden;
Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu. Makore maviri shure kwamafashamu, Shemu paakanga ava namakore zana okuberekwa, akabereka Afakisadhi.
11 og efter at Sem havde avlet Arpaksjad, levede han 500 År og avlede Sønner og Døtre.
Uye shure kwokubereka Afakisadhi, Shemu akararama kwamakore mazana mashanu uye akava navamwe vanakomana navanasikana.
12 Da Atpaksjad havde levet 35 År, avlede han Sjela;
Afakisadhi akati ava namakore makumi matatu namashanu okuberekwa, akabereka Shera.
13 og efter at Arpaksjad havde avlet Sjela, levede han 403 År og avlede Sønner og Døtre.
Uye shure kwokubereka kwake Shera, Afakisadhi akararama kwamakore mazana mana namatatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
14 Da Sjela havde levet 30 År, avlede han Eber;
Shera akati ava namakore makumi matatu okuberekwa, akabereka Ebheri.
15 og efter at Sjela havde avlet Eber, levede han 403 År og avlede Sønner og Døtre.
Uye shure kwokubereka kwake Ebheri, Shera akararama kwamakore mazana mana namatatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
16 Da Eber havde levet 34 År, avlede han Peleg;
Ebheri akati ava namakore makumi matatu namana okuberekwa, akabereka Peregi.
17 og efter at Eber havde avlet Peleg, levede han 430 År og avlede Sønner og Døtre.
Uye shure kwokubereka kwake Peregi, Ebheri akararama kwamakore mazana mana namakumi matatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
18 Da Peleg havde levet 30 År, avlede han Re'u;
Peregi akati ava namakore makumi matatu, okuberekwa akabereka Reu.
19 og efter at Peleg havde avlet Re'u, levede han 209 År og avlede Sønner og Døtre.
Uye shure kwokubereka kwake Reu, Peregi akararama kwamakore mazana maviri namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
20 Da Re'u havde levet 32 År, avlede han Serug;
Reu akati ava namakore makumi matatu namaviri okuberekwa, akabereka Serugi.
21 og efter at Re'u havde avlet Serug, levede han 207 År og avlede Sønner og Døtre.
Uye shure kwokubereka kwake Serugi, Reu akararama kwamakore mazana maviri namanomwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
22 Da Serug havde levet 30 År, avlede han Nakor;
Serugi akati ava namakore makumi matatu okuberekwa, akabereka Nahori.
23 og efter at Serug havde avlet Nakor, levede han 200 År og avlede Sønner og Døtre.
Uye shure kwokubereka kwake Nahori, Serugi akararama kwamakore mazana maviri uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
24 Da Nakor havde levet 29 År, avlede han Tara;
Nahori akati ava namakore makumi maviri namapfumbamwe okuberekwa, akabereka Tera.
25 og efter at Nakor havde avlet Tara, levede han 119 År og avlede Sønner og Døtre.
Uye shure kwokubereka kwake Tera, Nahori akazorarama kwamakore zana negumi namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
26 Da Tara havde levet 70 År, avlede han Abram, Nakor og Haran.
Shure kwokunge Nahori ava namakore makumi manomwe okuberekwa, akabereka Abhurama, Nahori naHarani.
27 Dette er Taras Slægtebog. Tara avlede Abram, Nako og Haran. Haran avlede Lot.
Iyi ndiyo rondedzero yavana vaTera. Tera akabereka Abhurama, Nahori naHarani. Uye Harani akabereka Roti.
28 Haran døde i sin Fader Taras Levetid i sin Hjemstavn i Ur Kasdim.
Baba vake Tera vachiri vapenyu Harani akafira muUri ravaKaradhea, munyika yaakaberekerwa,
29 Abram og Nakor tog sig Hustruer; Abrams Hustru hed Saraj, Nakors Milka, en Datter af Haran, Milkas og Jiskas Fader.
vose vari vaviri Abhurama naNahori vakawana. Zita romukadzi waAbhurama rainzi Sarai, uye zita romukadzi waNahori rainzi Mirika; akanga ari mwanasikana waHarani, baba vaMirika naIsika.
30 Men Saraj var ufrugtbar og havde ingen Børn.
Zvino Sarai akanga asingabereki; akanga asina vana.
31 Tara tog sin Søn Abram, sin Sønnesøn Lot, Harans Søn, og sin Sønnekone Saraj, hans Søn Abrams Hustru, og førte dem fra Ur Kasdim for at begive sig til Kana'ans Land; men da de kom til Karan, slog de sig ned der.
Tera akatora mwanakomana wake Abhurama, muzukuru wake Roti, mwanakomana waHarani, nomuroora wake Sarai, mukadzi womwanakomana wake Abhurama, uye vakaenda kuUri yavaKaradhea pamwe chete kuti vaende kuKenani. Asi vakati vasvika paHarani, vakagara ipapo.
32 Taras Levetid var 205 År; og Tara døde i Karan.
Tera akararama kwamakore mazana maviri namashanu, uye akafira paHarani.

< 1 Mosebog 11 >