< Ezekiel 33 >

1 HERRENs Ord kom til mig således:
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 Menneskesøn, tal til dine Landsmænd og sig: Når jeg fører Sværdet over et Land, og Folket i Landet tager en af sin Midte og gør ham til deres Vægter,
“Mwanakomana womunhu, taura kuvanhu venyika yako uti kwavari: ‘Kana ndikauyisa munondo pamusoro penyika, uye vanhu venyika iyo vakasarudza mumwe wavo vakamuita nharirire yavo,
3 og han ser Sværdet komme over Landet og støder i Hornet og advarer Folket,
uye iye akaona munondo uchiuya kuzorwa nenyika akaridza hwamanda kuti anyevere vanhu,
4 men den, der hører Hornets Klang, ikke lader sig advare, og Sværdet kommer og river ham bort, da kommer hans Blod over hans Hoved.
ipapo ani naani kana akanzwa hwamanda asi akasava nehanya nenyevero uye munondo ukasvika ukamuuraya, ropa rake richava pamusoro wake.
5 Han hørte Hornets klang uden at lade sig advare, hans Blod kommer over hans Hoved; men den, som har advaret, har reddet sin Sjæl.
Sezvo akanzwa kurira kwehwamanda asi akashaya hanya, ropa rake richava pamusoro wake. Dai akateerera kunyeverwa, angadai akaponesa upenyu hwake.
6 Men når Vægteren ser Sværdet komme og ikke støder i Hornet, så at Folket ikke advares, og Sværdet kommer og over en af dem bort, så rives han vel bort for sin Misgerning, men hans Blod vil jeg kræve af Vægterens Hånd.
Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya uye ikasaridza hwamanda kuti iyambire vanhu uye munondo ukasvika ukabvisa upenyu hwomumwe wavo, munhu uyo achabviswa hake nokuda kwechivi chake, asi ndichabvunza ropa rake kunharirire.’
7 Men dig, Menneskesøn, har jeg sat til Vægter for Israels Hus; hører du et Ord af min Mund, skal du advare dem fra mig.
“Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka inzwa shoko randinotaura ugovaudza yambiro inobva kwandiri.
8 Når jeg siger til den gudløse: "Du skal visselig dø!" og du ikke taler for at advare ham mod hans Vej, så skal den gudløse vel dø for sin Misgerning, men hans Blod vil jeg kræve af din Hånd.
Kana ndikati kuno akaipa, ‘Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo,’ uye iwe ukasamutaurira kuti umunyevere panzira dzake, munhu uyo akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza kwauri.
9 Advarer du derimod den gudløse mod hans Vej, for at han skal omvende sig fra den, og han ikke omvender sig, så skal han dø for sin Misgerning, men du har reddet din Sjæl.
Asi iwe kana ukanyevera munhu wakaipa uyu kuti adzoke kubva panzira dzake, iye akasaita izvozvo, achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe unenge waponesa upenyu hwako.
10 Og du, Menneskesøn, sig til Israels Hus: I siger: "Vore Overtrædelser og Synder tynger os, og vi svinder hen i dem, hvor kan vi da leve?"
“Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsraeri, ‘Izvi ndizvo zvamunoreva muchiti, “Kutadza kwedu nezvivi zvedu zvinotiremera, uye tapera nokuda kwazvo. Zvino tingararama seiko?”’
11 Sig til dem: Så sandt jeg lever, lyder det fra den Herre HERREN: Jeg har ikke Lyst til den gudløses Død, men til at han omvender sig fra sin Vej, at han må leve! Vend om, vend om fra eders onde Veje Hvorfor vil I dø, Israels Hus?
Uti kwavari, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handitongofariri rufu rwowakaipa, asi kuti vatendeuke kubva panzira dzavo vagorarama. Tendeukai! Tendeukai pazvakaipa zvenyu! Muchafireiko, imi imba yaIsraeri?’
12 Men du, Menneskesøn, sig til dine Landsmænd: Den retfærdiges Retfærdighed skal ikke redde ham, den Dag han synder, og den gudløses Gudløshed skal ikke fælde ham, den Dag han omvender sig fra sin Gudløshed, og en retfærdig skal ikke blive i Live ved sin Retfærdighed, den Dag han gør Synd.
“Naizvozvo, mwanakomana womunhu, uti kuvanhu venyika yako, ‘Kururama kwowakarurama hakugoni kumuponesa kana asingateereri, uye kuipa kwomunhu akaipa hakungamuiti kuti awe kana akatendeuka kubva pakuri. Munhu akarurama, kana akatadza, haangatenderwi kuti ararame nokuda kwokururama kwaaiva nako kare.’
13 Når jeg siger til den retfærdige: "Du skal visselig leve!" og han stoler på sin Retfærdighed og øver Uret, så skal intet af hans Retfærdighed tilregnes ham, men han skal dø for den Uret, han øver.
Kana ndikaudza munhu akarurama kuti achafa zvirokwazvo, asi zvino iye ovimba nokururama kwake, ndokuita zvakaipa, hakuna zvinhu zvakarurama zvaakaita kare zvicharangarirwa; achafa nokuda kwezvakaipa zvaakaita.
14 Og når jeg siger til den gudløse: "Du skal visselig dø!" og han omvender sig fra sin Synd og gør Ret og Skel,
Uye kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Iwe uchafa zvirokwazvo,’ asi zvino iye akatendeuka pachivi chake uye akaita zvakanaka nezvakarurama,
15 idet han giver Pant tilbage, godtgør, hvad han har ranet, og følger Livets Bud uden at øve Uret, så skal han leve og ikke dø;
kana akadzorera zvaakatora norubatso sechikwereti, akadzosa zvaakaba, akatevera mitemo youpenyu, akasaita zvakaipa, zvirokwazvo achararama; haangafi.
16 ingen af de Synder, han har gjort, skal tilregnes ham; han har gjort Ret og Skel, visselig skal han leve.
Hakuna zvivi zvaakaita zvicharangarirwa pamusoro pake. Akaita zvakanaka uye zvakarurama; achararama zvirokwazvo.
17 Og så siger dine Landsmænd: "Herrens Vej er ikke ret!" Men det er deres Vej, som ikke er ret.
“Kunyange zvakadaro, vanhu venyika yako vanoti, ‘Nzira yaShe haina kururama.’ Asi nzira yavo ndiyo isina kururama.
18 Når den retfærdige vender sig fra sin Retfærdighed og øver Uret, skal han dø;
Kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake, akaita zvakaipa, achafa nokuda kwazvo.
19 og når den gudløse omvender sig fra sin Gudløshed og gør Ret og Skel, skal han leve!
Uye munhu akaipa akatendeuka pazvakaipa zvake akaita zvakanaka uye zvakarurama, achararama nazvo.
20 Og dog siger I: "Herrens Vej er ikke ret!" Jeg vil dømme eder hver især efter eders Veje, Israels Hus.
Kunyange zvakadaro, imi imba yaIsraeri, munoti, ‘Nzira yaShe haina kururama.’ Asi ndichatonga mumwe nomumwe wenyu zvakafanira nzira dzake.”
21 I vor Landflygtigheds ellevte År på den femte Dag i den tiende Måned kom en Flygtning fra Jerusalem til mig med det Bud: "Byen er indtaget!"
Mugore regumi namaviri rokutapwa kwedu, mumwedzi wegumi pazuva reshanu, munhu akanga apunyuka paJerusarema akasvika kwandiri achiti, “Guta rawa!”
22 Men HERRENs Hånd var kommet over mig, om Aftenen før Flygtningen kom, og han åbnede min Mund, før han kom til mig om Morgenen; så åbnedes min Mund, og jeg var ikke mere stum.
Zvino madekwana munhu uya asati asvika, ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akashamisa muromo wangu munhu uya asati asvika kwandiri mangwanani. Saka muromo wangu wakazarurwa ndikasazonyararazve.
23 HERRENs Ord kom til mig således:
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
24 Menneskesøn! De, der bor i Ruinerne i Israels Land, siger: "Abraham var kun een og fik dog Landet i eje; vi er mange, og os er Landet givet i Eje!"
“Mwanakomana womunhu, vanhu vanogara mumatongo ayo munyika yaIsraeri vari kuti, ‘Abhurahama akanga ari munhu mumwe chete, asi akatora nyika. Asi isu tiri vazhinji; zvirokwazvo nyika yakapiwa kwatiri senhaka yedu.’
25 Sig derfor til dem: Så siger den Herre HERREN: I spiser Kød med Blod i, løfter eders Blik til eders Afgudsbilleder og udgyder Blod, og så vil I have Landet i Eje!
Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo muchidya nyama neropa rayo uye muchitarira kuzvifananidzo zvenyu uye muchiteura ropa, zvino mungatora nyika here?
26 I støtter eder til eders Sværd, I øver Vederstyggelighed, I gør hverandres Hustruer urene, og så vil I have Landet i Eje!
Imi munovimba nomunondo wenyu, muchiita zvinhu zvinonyangadza, uye mumwe nomumwe wenyu achisvibisa mukadzi wehama yake. Zvino mungatora nyika here?’
27 Således skal du sige til dem: Så siger den Herre HERREN: Så sandt jeg lever: De i Ruinerne skal falde for Sværdet; dem i åbent Land giver jeg de vilde Dyr til Æde, og, de i Klippeborgene og Hulerne skal dø af Pest.
“Taura kwavari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Zvirokwazvo noupenyu hwangu, vaya vakasara mumatongo vachaurayiwa nomunondo, vaya vari kumamisha, ndichavapa kuzvikara zvesango kuti zvivadye, uye vaya vari munhare nomumapako vachafa nehosha.
28 Jeg, gør Landet til Ørk og Ødemark, dets stolte Herlighed får Ende, og Israels Bjerge skal ligge øde, så ingen færdes der;
Nyika ndichaiita dongo rakaparadzwa, uye simba rokuzvikudza kwayo richasvika kumagumo, uye makomo aIsraeri achaparadzwa zvokuti hakuna achaadarika.
29 og de, skal kende, at Jeg er HERREN, når jeg gør Landet til Ørk og Ødemark for alle de Vederstyggeligheder, de har øvet.
Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichashandura nyika ikava dongo rakaparadzwa nokuda kwezvinonyangadza zvavakaita.’
30 Og du, Menneskesøn, se, dine Landsmænd taler om dig langs Murene og i Husdørene, den ene til den anden, hver til sin Broder, og siger: "Kom og hør, hvad det er for et ord, der udgår fra HERREN!"
“Asi kana uriwe, mwanakomana womunhu, vanhu venyika yako vanotaurirana pamwe chete pamusoro pako pamasvingo uye napamikova yedzimba, vachiti kuno mumwe nomumwe wavo, ‘Uyai munzwe shoko rabva kuna Jehovha.’
31 Og de kommer til dig, som var der Opløb, og sætter sig lige over for dig for at høre dine Ord. Men de gør ikke derefter; thi der er Løgn i deres Mund, og deres Hjerte higer efter Vinding.
Vanhu vangu vanouya kwauri, sezvavanosiita, ndokugara pamberi pako kuti vateerere kumashoko ako, asi havaaiti. Vanondirumbidza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo inokarira pfuma yokusarurama.
32 Og se, du er dem som en, der synger en Elskovssang med liflig Røst og er dygtig til at spille; de hører dine Ord, men gør ikke derefter.
Zvirokwazvo, iwe wakaita somunhu anoimba rwiyo rworudo kwavari nezwi rakaisvonaka uye achiridza chiridzwa zvakanaka, nokuti vanonzwa mashoko ako asi havaaiti.
33 Men når det kommer - og se, det kommer - skal de kende, at en Profet har været iblandt dem.
“Panoitika izvi zvose, uye zvichaitika zvirokwazvo, ipapo vachaziva kuti muprofita akanga ari pakati pavo.”

< Ezekiel 33 >