< 詩篇 39 >

1 大衛的詩,交與伶長耶杜頓。 我曾說:我要謹慎我的言行, 免得我舌頭犯罪; 惡人在我面前的時候, 我要用嚼環勒住我的口。
Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi. Ndakati, “Ndichangwarira nzira dzangu nokuchengeta rurimi rwangu pachivi; ndichaisa matomu pamuromo wangu kana vakaipa vari pamberi pangu.”
2 我默然無聲,連好話也不出口; 我的愁苦就發動了,
Asi pandakanga ndinyerere uye ndakadzikama, ndisingatauri kana chakanaka zvacho, kurwadziwa kwangu kwakawedzerwa.
3 我的心在我裏面發熱。 我默想的時候,火就燒起, 我便用舌頭說話。
Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu, uye pandakafungisisa, moto ukapisa; ipapo ndakataura norurimi rwangu ndikati:
4 耶和華啊,求你叫我曉得我身之終! 我的壽數幾何? 叫我知道我的生命不長!
“Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangu nokuwanda kwamazuva angu; ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu.
5 你使我的年日窄如手掌; 我一生的年數,在你面前如同無有。 各人最穩妥的時候,真是全然虛幻。 (細拉)
Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu; kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu. Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi.
6 世人行動實係幻影。 他們忙亂,真是枉然; 積蓄財寶,不知將來有誰收取。
Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake: anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina; anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora.
7 主啊,如今我等甚麼呢? 我的指望在乎你!
“Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko? Tariro yangu iri mamuri.
8 求你救我脫離一切的過犯, 不要使我受愚頑人的羞辱。
Ndiponesei pakudarika kwangu kwose; regai kundiita chiseko chamapenzi.
9 因我所遭遇的是出於你, 我就默然不語。
Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu, nokuti ndimi makaita izvi.
10 求你把你的責罰從我身上免去; 因你手的責打,我便消滅。
Bvisai shamhu yenyu kwandiri; ndakundwa nokurova kworuoko rwenyu.
11 你因人的罪惡懲罰他的時候, 叫他的笑容消滅,如衣被蟲所咬。 世人真是虛幻! (細拉)
Munorayira uye munoranga vanhu nokuda kwezvivi zvavo, munoparadza pfuma yavo sechipfukuto, munhu mumwe nomumwe mweya zvawo. Sera
12 耶和華啊,求你聽我的禱告, 留心聽我的呼求! 我流淚,求你不要靜默無聲! 因為我在你面前是客旅, 是寄居的,像我列祖一般。
“Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha, rerekerai nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro; regai kuva matsi pakuchema kwangu. Nokuti ndigere nemi somutorwa, somweni, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.
13 求你寬容我, 使我在去而不返之先可以力量復原。
Ringirai kure neni, kuti ndimbofarazve ndisati ndabva uye ndisisipo.”

< 詩篇 39 >