< ᏉᎳ ᎶᎻ ᎠᏁᎯ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 15 >

1 ᎠᏴᏃ ᏗᎦᎵᏂᎩᏛ ᏥᎩ ᎤᏁᎳᎩ ᏱᏗᏕᎵᏎᎭ ᏓᏂᏩᎾᎦᎸ ᏗᏂᏩᎾᎦᎳᎢ, ᎠᎴ ᎥᏝ ᎢᎬᏒᏉ ᎣᏍᏛ ᎢᎩᏰᎸᏗ ᏱᏂᎨᏓᏛᏁᎵᏙᎭ.
Zvino isu tine simba tinofanira kutakura utera hwevasina simba, uye tisingazvifadzi isu.
2 ᏂᏗᎥ ᎢᏗᏏᏴᏫᎭ ᎨᏒ ᎾᎥ ᎢᎦᏓᎳ ᎣᏍᏛ ᎤᏰᎸᏗ ᎨᏒ ᏂᏓᏛᏁᎮᏍᏗ ᎾᏍᎩ ᎣᏍᏛ ᎨᏒ ᎤᎵᏂᎪᎯᏍᏗᏱ ᎤᎬᏩᎵ.
Naizvozvo umwe neumwe wedu ngaafadze umwe wake pane zvakanaka pakumuvaka.
3 ᎦᎶᏁᏛᏰᏃ ᎾᏍᏉ ᎥᏝ ᎤᏩᏒᏉ ᎣᏏᏳ ᎤᏰᎸᏗ ᏱᎾᏛᏁᎮᎢ; ᎯᎠᏍᎩᏂ ᏥᏂᎬᏅ ᏥᎪᏪᎳ ᎾᏍᎩᏯ [ ᏄᎵᏍᏓᏁᎴᎢ, ] ᎦᎬᏩᎾᏓᏐᏢᏛ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎦᎨᏣᏐᏢᏔᏅᎢ ᎠᏴ ᎠᎩᎷᏤᎸᎩ.
Nokuti naKristu haana kuzvifadza iye, asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kutuka kwevakakutukai kwakawira pamusoro pangu.
4 ᏄᏓᎴᏒᏰᏃ ᎪᎱᏍᏗ ᎡᏘ ᎪᏪᎳᏅᎯ ᎨᏒ ᎠᏴ ᎢᎦᏕᎶᏆᏍᏗ ᎠᏰᎸᏎ ᎪᏪᎳᏁᎢ, ᎾᏍᎩ ᏗᏛᏂᏗᏳ ᏂᎬᏁᎲ ᎠᎴ ᎤᎦᎵᏍᏗ ᎢᎦᏓᏅᏓᏗᏍᏗᏍᎬ ᎪᏪᎵ ᎾᏍᎩ ᎤᏚᎩ ᎢᎬᎯ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ.
Nokuti zvese zvakagara zvanyorwa, zvakagara zvanyorerwa kudzidza kwedu, kuti nemoyo murefu uye nekunyaradza kwemagwaro tive netariro.
5 ᎾᏍᎩᏃ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎠᎬᏂᏗᏳ ᎠᎴ ᎤᎦᎵᏍᏗ ᎢᏯᏓᏛᏁᎯ ᎢᏥᏁᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎤᏠᏱᏉ ᎢᏣᏓᏅᏓᏗᏍᏗᏱ, ᎾᏍᎩᏯ ᎦᎶᏁᏛ ᏥᏌ ᎠᏓᏅᏖᏍᎬᎢ;
Asi dai Mwari wemoyo murefu newenyaradzo apa kwamuri kuva nemoyo umwe pakati penyu maererano naKristu Jesu;
6 ᎾᏍᎩ ᏌᏉ ᏕᏣᏓᏅᏛᎢ ᎠᎴ ᏌᏉ ᎢᏥᎰᎵ ᎢᏨᏙᏗᏱ ᎡᏥᎸᏉᏙᏗᏱ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎤᏙᏓ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎢᎦᏤᎵ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ.
kuti nemoyo umwe nemuromo umwe mukudze Mwari, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu.
7 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᏕᏣᏓᏓᏂᎸᎨᏍᏗᏉ, ᎾᏍᎩᏯ ᎾᏍᏉ ᎦᎶᏁᏛ ᏕᎦᏓᏂᎸᏨ ᎠᏴ, ᎾᏍᎩ ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎢᏯᎬᏁᏗᏱ ᎤᏁᎳᏅᎯ.
Naizvozvo gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchirawo, ruve rukudzo rwaMwari.
8 ᎠᎴ ᎯᎠ ᏂᏥᏪᎭ, ᎾᏍᎩ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ ᏗᎨᏥᎤᏍᏕᏎᎸᎯ ᎤᏂᏅᏏᏓᏍᏗ ᏄᎵᏍᏔᏅᎩ ᎬᏂᎨᏒ ᎢᏳᏩᏁᏗᏱ ᎦᏰᎪᎩ ᏂᎨᏒᎾ ᎨᏒ ᎤᏁᎳᏅᎯ, ᏧᏍᏓᏱᏗᏍᏗᏱ ᎨᏥᏚᎢᏍᏓᏁᎸᎯ ᎨᏒ ᎠᏂᎦᏴᎵᎨᎢ.
Zvino ndinoti, Jesu Kristu wakava muranda wedzingiso nekuda kwechokwadi chaMwari, kuti asimbise zvivimbiso zvemadzibaba;
9 ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ ᎤᏂᎸᏉᏙᏗᏱ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏓᏙᎵᏍᏗᏳ ᎨᏒ ᎢᏳᏍᏗ; ᎾᏍᎩᏯ ᎯᎠ ᏥᏂᎬᏅ ᏥᎪᏪᎳ, ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᏓᎬᏁᎢᏍᏔᏂ ᎠᏁᎲ ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ, ᎠᎴ ᏙᏓᏥᏃᎩᏍᏔᏂ ᏕᏣᏙᎥᎢ.
uye vahedheni vakudze Mwari nekuda kwetsitsi; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Nekuda kweizvozvi ndichakureururai pakati pevahedheni, nekuimbira zita renyu rumbidzo.
10 ᏔᎵᏁᏃ ᎯᎠ ᏂᎦᏪᎭ, ᎢᏣᎵᎮᎵᎩ ᏗᏣᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ, ᏗᏣᎵᎪᎲᏏ ᏧᏤᎵ ᏴᏫ.
Uyezve anoti: Farai, vahedheni, pamwe nevanhu vake.
11 ᏔᎵᏁᏃ, ᎡᏥᎸᏉᏓ ᏱᎰᏩ, ᏂᎦᏗᏳ ᏗᏣᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ; ᎠᎴ ᎡᏥᎸᏉᏓ, ᏂᏥᎥᏉ ᏴᏫ.
Uyezve: Rumbidzai Ishe imwi vahedheni vese; mumukudzewo imwi vanhu vese.
12 ᏔᎵᏁᏃ ᎢᏌᏯ ᎯᎠ ᏂᎦᏪᎭ; ᎤᎿᎭᏍᏕᏢ ᎦᎾᏄᎪᎨᏍᏗ ᏤᏏᏱ, ᎠᎴ ᎠᏏᏴᏫ ᏙᏛᎴᏂ ᎤᎬᏫᏳᏌᏕᎩ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ ᎠᏁᎲᎢ; ᎾᏍᎩ ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ ᏓᎬᏩᎵᏍᎦᏍᏙᏔᏂ.
Uyezve Isaya anoti: Uchavapo mudzi waJese, neachasimukira kutonga vahedheni; vahedheni vachavimba kwaari.
13 ᎾᏍᎩᏃ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏚᎩ ᎬᏗ ᎨᏒ ᎠᏓᏁᎯ ᎢᏥᎧᎵᎢᏍᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᏄᏓᎴᏒ ᎤᎵᎮᎵᏍᏗ ᎨᏒ ᎠᎴ ᏅᏩᏙᎯᏯᏛ ᎨᏒ ᎢᏦᎯᏳᏒ ᎢᏳᏩᏂᏌᏛ, ᎾᏍᎩ ᎤᏣᏔᏅᎯ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ ᎤᏚᎩ ᎢᏨᏒᎢ, ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎠᏓᏅᏙ ᎤᎵᏂᎬᎬ ᎢᏳᏩᏂᏌᏛ.
Daiwo Mwari wetariro akuzadzai nemufaro wese uye nerugare muchitenda, kuti muwedzere patariro, nesimba reMweya Mutsvene.
14 ᎠᎴ ᎠᏋᏒ ᎾᏍᏉ ᎠᏉᎯᏳᎭ ᏂᎯ ᎢᏨᏯᏓᏅᏖᏍᎬᎢ, ᎢᏓᎵᏅᏟ, ᎾᏍᎩ ᏂᎯ ᎾᏍᏉ ᎣᏍᏛ ᎨᏒ ᎢᏥᎧᎵᎢ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᏄᏓᎴᏒ ᎠᎦᏙᎥᎯᏍᏗᎨᏒ ᎢᏥᎧᎵᎥᎢ, ᏰᎵᏉ ᎾᏍᏉ ᏗᎨᏣᏓᎬᏍᎪᎸᏗ ᎨᏒᎢ.
Zvino ini ndomene ndinozivisisa nezvenyu, hama dzangu, kuti nemwi pachenyu muzere nekunaka, makazadzwa neruzivo rwese, munogonawo kurairana.
15 ᎠᏎᏃ ᎢᏓᎵᏅᏟ, ᎤᏟ ᎢᎦᎢ ᏂᏥᎾᏰᏍᎬᎾ ᏫᏨᏲᏪᎳᏏ ᎢᏨᏯᏅᏓᏗᏍᏗᏍᎬᎢ, ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎠᎩᏁᎸ ᎬᏩᎦᏘᏯ ᎤᏓᏙᎵᏍᏗ ᎨᏒᎢ,
Asi, hama, ndinokunyorerai ndakatsunga zvikuru, neimwe nzira, ndichiita sendinokuyeuchidzai, nekuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari,
16 ᎾᏍᎩ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ ᎠᎩᏅᏏᏙᎯ ᎢᏯᏆᎵᏍᏙᏗᏱ ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ ᎠᏁᎲᎢ, ᎦᎸᏉᏗᏳ ᏓᎩᎸᏫᏍᏓᏁᎲ ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏤᎵᎦ ᎬᏗᏍᎬᎢ, ᎾᏍᎩ ᎦᎵᏍᎪᎸᏗᏍᎬ ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ ᎦᏥᏯᎵᏍᎪᎸᏗᏍᎬᎢ ᏧᏓᏂᎸᎢᏍᏗ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏱ, ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎢᏳᏩᏁᎸᎯ ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎠᏓᏅᏙ.
kuti ndive mushumiri waJesu Kristu kuvahedheni, ndichishumira evhangeri yaMwari, kuti chibairo chevahedheni chigamuchirike, chichiitwa chitsvene neMweya Mutsvene.
17 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎠᎩᎭ ᎠᏆᏢᏉᏙᏗ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ ᎢᏳᏩᏂᏌᏛ, ᎾᏍᎩ ᎾᎿᎭᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏤᎵ ᎤᎬᏩᎵ ᎨᏒᎢ.
Naizvozvo ndine kuzvikudza muna Kristu Jesu pazvinhu zvemaererano naMwari;
18 ᎥᏝᏰᏃ ᏰᎵ ᏴᎦᏥᏁᎢᏍᏓ ᎾᏍᎩ ᎦᎶᏁᏛ ᏄᏛᏁᎸᎾ ᎨᏒ ᎠᏴ ᎠᏋᏗᏍᎬᎢ, ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ ᎬᏩᏃᎯᏳᏗ ᏂᏕᎬᏁᎲᎢ, ᎧᏃᎮᏛ ᎠᎴ ᏗᎦᎸᏫᏍᏓᏁᏗ ᎨᏒ ᎬᏗᏍᎬᎢ,
nokuti handingashingi kutaura chero chinhu chaizvo Kristu zvaasina kuita kubudikidza neni, kuti vahedheni vateerereswe, neshoko uye nebasa,
19 [ ᎠᎴ ] ᎬᏗᏍᎬ ᎤᏰᎸᏛᎢ ᎠᎴ ᎤᏍᏆᏂᎪᏗ, ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏓᏅᏙ ᎤᎵᏂᎩᏗᏳ ᎨᏒ ᎬᏗᏍᎬᎢ; ᎾᏍᎩ ᏥᎷᏏᎵᎻ ᎤᏓᎴᏅᏛ, ᎠᎴ ᎤᏚᏫᏛ ᎢᎵᎵᎦᎻ ᏩᏍᏗ, ᎤᎧᎵᏨᎯ ᎠᏆᎵᏥᏙᏅ ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎦᎶᏁᏛ ᎤᏤᎵᎦ;
musimba rezviratidzo nezvishamiso, musimba reMweya waMwari; naizvozvo kubva paJerusarema nekwakapoteredza kusvikira Iririkumu ndakaparidza zvakazara evhangeri yaKristu;
20 ᎾᏍᎩᏃ ᏄᏍᏛᎩ ᎠᏆᏟᏂᎬᏁᎸᎩ ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎠᏆᎵᏥᏙᏗᏱ, ᎥᏝ ᎾᎿᎭᎦᎶᏁᏛ ᎠᏥᏁᎢᏍᏔᏅᎢ, ᎩᎶ ᎤᏅᎯ ᎦᎫᏍᏛᏗ ᎠᏆᏁᏍᎨᏍᏗᏱ ᏂᎨᏒᎾ;
nokudaro ndakashingaira kuparidza evhangeri, kwete pakambodanwa Kristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzeumwe;
21 ᎾᏍᎩᏯᏍᎩᏂ ᎯᎠ ᏥᏂᎬᏅ ᏥᎪᏪᎳ, ᎾᏍᎩ ᎨᏥᏁᎢᏍᏓᏁᎸᎯ ᏂᎨᏒᎾ ᎨᏒᎢ, ᎾᏍᎩ ᏛᏂᎪᎯ; ᎠᎴ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎤᎾᏛᎦᏅᎯ ᏂᎨᏒᎾ ᎨᏒ ᎾᏍᎩ ᏛᏃᎵᏥ.
asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Vasina kuudzwa zvake, vachaona, nevasina kunzwa, vachanzwisisa.
22 ᎾᏍᎩ ᎾᏍᏉ ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ ᎤᏣᏘ ᏧᏓᎴᏅᏛ ᎠᎩᏲᏍᏙᏓᏏ ᏫᏨᎷᏤᏗᏱ;
Nekuda kweizvozviwo ndakadzivirirwa kazhinji kuuya kwamuri;
23 ᎪᎯᏍᎩᏂ ᎿᎭᏉ ᎢᎸᎯᏢ ᏄᏜᏓᏅᏛᎾ ᏥᎩ ᎠᏂ ᎤᏚᏫᏛ, ᎠᎴ ᎢᎸᏍᎩ ᎾᏕᏘᏴ ᎤᏣᏘ ᏥᏅᏆᏚᎵᏍᎪ ᏫᏨᎷᏤᏗᏱ;
asi ikozvino zvandisisina nzvimbo pamatunhu awa, uye ndine chishuwo chikuru kwemakore mazhinji chekuuya kwamuri;
24 ᎢᏳᏃ ᏍᏆᏂᏱ ᎨᏒᎭ, ᏫᏨᎷᏤᏗ ᎨᏎᏍᏗ; ᎤᏚᎩᏰᏃ ᎠᏋᎭ ᎢᏨᎪᏩᏛᏗᏱ ᎾᎿᎭᏫᏥᎦᏖᏍᏗ, ᎠᎴ ᎾᎿᎭᎢᏗᏢ ᏫᏍᎩᏯᎪᏗᏱ, ᎢᏳᏃ ᎢᎬᏱ ᎠᎴᏉ ᏰᎵ ᎾᎩᏰᎸᏁᏍᏗ ᎢᏨᏰᎳᏗᏙᎸᎢ.
saizvozvo kana ndichaenda kuSipania, ndichauya kwamuri; nokuti ndinovimba kukuonai parwendo rwangu, nekuperekedzwa nemwi ikoko, kana ndatanga ndambogutswa muchikamu ndinemwi.
25 ᎪᎯᏍᎩᏂ ᏥᎩ ᎠᏇᏏᏗ ᏥᎷᏏᎵᎻ ᎦᏥᏍᏕᎸᎯ ᎤᎾᏓᏅᏘ.
Asi ikozvinowo ndinoenda kuJerusarema, ndichishumira vatsvene.
26 ᎣᏏᏳᏰᏃ ᎤᏂᏰᎸᏅ ᎹᏏᏙᏂ ᎠᎴ ᎡᎦᏯ ᎠᏁᎯ ᎪᎱᏍᏗ ᎤᏂᏗᏱ ᏅᏲ ᎢᏳᎾᏛᎿᎭᏕᎩ ᎤᎾᏓᏅᏘ ᏥᎷᏏᎵᎻ ᎠᏁᎯ ᎤᎾᎵᏍᏕᎸᏙᏗ.
Nokuti zvakavafadza Makedhonia neAkaya kupa chimwe chipo varombo vevatsvene vari paJerusarema.
27 ᎣᏏᏳ ᎤᏂᏰᎸᏅ ᎤᏙᎯᏳᎯ; ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎬᏩᏂᏚᎦ. ᎢᏳᏰᏃ ᏧᎾᏓᎴᏅᏛ ᏴᏫ ᎤᏁᎳᏗᏍᏔᏅᎯ ᏱᎩ ᎾᏍᎩ ᎤᎾᏤᎵ ᏧᏓᎴᏅᏛ ᎠᏓᏅᏙ ᎤᎵᏍᏕᎸᏙᏗ ᎤᎬᏩᎵ, ᎢᏳᎾᏛᏁᏗ ᎾᏍᏉ ᏄᎾᎵᏍᏓᏁᎲᎩ ᎾᏍᎩ ᏧᏂᏍᏕᎸᏗᏱ ᎤᏇᏓᎵ ᎤᎵᏍᏕᎸᏙᏗ ᎤᎬᏩᎵ.
Nokuti zvakavafadza, uye vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaisawo ruoko pazvinhu zvavo zvemweya, vane ngavawo rekuvashandira pazvinhu zvenyama.
28 ᎾᏍᎩᏃ ᎢᏳᏍᏗ ᎿᎭᏉ ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏥᏍᏆᏛᎭ, ᎠᎴ ᏄᏜᏓᏏᏛᏒᎾ ᏂᎦᏥᏴᏁᎸ ᎤᏂᎪᏩᏛᏗᏱ, ᎯᎠ ᎾᏍᎩ ᎤᏓᏔᏅᎯ, ᏫᏨᎶᎢᏍᏓᏁᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᏍᏆᏂᏱ ᏫᏥᎦᏖᏍᏗ.
Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndaisa mucherechedzo chibereko ichi kwavari, ndichabva ndiende kuSipania ndichipfuura nekwenyu.
29 ᎠᎴ ᏥᎦᏔᎭ, ᎾᏍᎩ ᎿᎭᏉ ᏫᏨᎷᏤᎸᎭ ᏂᎦᎥ ᎣᏍᏛ ᎤᏓᏁᏗ ᎨᏒ ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎦᎶᏁᏛ ᎤᏤᎵᎦ ᏥᏰᎮᏍᏗ ᏫᏨᎷᏤᏗ ᎨᏎᏍᏗ.
Uye ndinoziva kuti kana ndichiuya kwamuri ndichauya pakuzara kwemaropafadzo eevhangeri yaKristu.
30 ᎠᎴ ᎢᏨᏍᏗᏰᏗᎭ ᎢᏓᎵᏅᏟ, ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏥᏌ ᎦᎶᏁᏛ ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ, ᎠᎴ ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ ᎠᏓᎨᏳᏗ ᎨᏒ ᎠᏓᏅᏙ ᎤᏓᏁᏗ ᎨᏒᎢ, ᎾᏍᎩ ᏍᎩᏯᎵᎪᏁᏗᏱ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎡᏓᏓᏙᎵᏍᏓᏁᎲ ᎠᏴ ᎨᏒ ᎤᎬᏩᎵ,
Zvino ndinokukumbirisai, hama, nekuda kwaIshe wedu Jesu Kristu, uye nekuda kwerudo rweMweya, kuti murwise pamwe neni paminyengetero kuna Mwari pamusoro pangu;
31 ᎾᏍᎩ ᎦᏥᏯᏚᏓᎳᎡᏗᏱ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎠᏃᎯᏳᎲᏍᎩ ᏂᎨᏒᎾ ᏧᏗᏱ ᎠᏁᎯ; ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎦᏥᏴᎡᎲ ᏥᎷᏏᎵᎻ ᎠᏁᎯ, ᏧᎾᏓᏂᎸᎢᏍᏗᏱᏉ ᎤᎾᏓᏅᏘ;
kuti ndisunungurwe kune vasingatendi muJudhiya, uye kuti basa rangu reJerusarema rigamuchirike kuvatsvene;
32 ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎠᏴ ᎣᏏᏳ ᎤᏰᎸᏅᎯ ᎤᏁᎳᏅᎯ, ᎤᎵᎮᎵᏍᏗ ᎠᏆᏓᏅᏛ ᏫᏨᎷᏤᏗᏱ, ᎠᎴ ᎢᏧᎳᎭ ᏂᎯ ᏗᎩᎦᎵᏍᏙᎯᏍᏗᏱ.
kuti ndiuye kwamuri nemufaro nechido chaMwari, ndivandudzwe pamwe nemwi.
33 ᎤᏁᎳᏅᎯᏃ ᏅᏩᏙᎯᏯᏛ ᎠᏓᏁᎯ ᏂᏥᎥ ᎢᏤᎳᏗᏙᎮᏍᏗ. ᎡᎺᏅ
Zvino Mwari werugare ngaave nemwi mese. Ameni.

< ᏉᎳ ᎶᎻ ᎠᏁᎯ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 15 >