< ᏉᎳ ᎶᎻ ᎠᏁᎯ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 10 >

1 ᎢᏓᎵᏅᏟ, ᎠᎩᎾᏫᏱ ᎢᏴᏛ ᎠᏆᏚᎵᎭ, ᎠᎴ ᏥᏯᏓᏙᎵᏍᏓᏁᎭ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎢᏏᎵ ᎤᎬᏩᎵ, ᎾᏍᎩ ᎨᏥᏍᏕᎸᏗᏱ.
Hama, kuda kwomwoyo wangu nokunyengetera kwangu kuna Mwari pamusoro pavaIsraeri ndekwokuti vaponeswe.
2 ᎦᏥᏲᎢᏳᏓᏁᎯᏰᏃ ᎾᏍᎩ ᎤᏣᏘ ᎤᎾᏚᎵᏍᎬ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎪᎱᏍᏗ ᎤᎾᏛᏁᏗᏱ; ᎠᏎᏃ ᎥᏝ ᎠᎦᏙᎮᎯᏍᏗ ᎨᏒ ᏯᏅᏗᎭ.
Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kushingairira kwavo havakuiti nokuziva.
3 ᎾᏂᎦᏔᎲᎾᏰᏃ ᎨᏒ ᏄᏍᏛ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏓᏚᏓᎴᏍᏙᏗ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎠᎾᏟᏂᎬᏁᎲ ᎤᏂᏍᏓᏱᏗᏍᏗᏱ ᎤᏅᏒ ᎤᎾᏤᎵ ᎤᎾᏚᏓᎴᏍᏙᏗ ᎨᏒᎢ, ᎥᏝ ᏧᎾᏓᏲᎯᏎᎸᎯ ᏱᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏓᏚᏓᎴᏍᏙᏗ ᎨᏒᎢ.
Nokuti, sezvo vakanga vasingazivi kururama kunobva kuna Mwari uye vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari.
4 ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗᏰᏃ ᎤᎬᏩᎴ ᎦᎶᏁᏛ ᎤᎾᏚᏓᎴᏍᏙᏗᏱ ᎾᏂᎥ ᎠᏃᎯᏳᎲᏍᎩ.
Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.
5 ᎼᏏᏰᏃ ᎧᏃᎮᎭ ᏄᏍᏛ ᎤᏓᏚᏓᎴᏍᏙᏗ ᎨᏒ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ, ᎯᎠ ᏥᏂᎦᏪᎭ, ᎩᎶ ᏴᏫ ᎾᏍᎩ ᎾᏛᏁᎮᏍᏗ ᎬᏂᏛ ᎠᏩᏛᏗᏍᎨᏍᏗ.
Mozisi anonyora pamusoro pokururama kwomurayiro, achiti, “Munhu anoita zvinhu izvi achararamiswa nazvo.”
6 ᎪᎯᏳᏗᏍᎩᏂ ᎠᏚᏓᎴᏍᏙᏗ ᎨᏒ ᎯᎠ ᏂᎦᏪᎭ, ᏞᏍᏗ ᏣᎾᏫᏱ ᎯᎠ ᏱᏂᏪᏍᎨᏍᏗ, ᎦᎪ ᎦᎸᎶᎢ ᏓᏰᏏ? ( ᎾᏍᎩ ᎦᎶᏁᏛ ᎠᎦᏠᎥᏙᏗᏱ; )
Asi kururama kunobva pakutenda kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ‘Ndianiko achakwira kudenga’ (ndiko kuburutsa Kristu)
7 ᎠᎴ ᎦᎪ ᎠᏍᏛᎩ ᎨᏒ ᏮᏓᎦᎶᏏ? ( ᎾᏍᎩ ᎦᎶᏁᏛ ᎤᏲᎱᏒ ᏧᎴᏙᏗᏱ; ) (Abyssos g12)
kana, kuti, ‘Ndianiko achaburukira kwakadzika?’ (ndiko, kubudisa Kristu kubva kuvakafa).” (Abyssos g12)
8 ᎠᏎᏃ ᎦᏙ ᎠᏗᎭ? ᎧᏃᎮᏛ ᎮᎲ ᎾᎥᏂᏳ ᏄᏍᏗᏕᎦ, ᎾᏍᎩ ᎯᎰᎵᏉ, ᎠᎴ ᏣᎾᏫᏱᏉ ᎡᎭ; ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᎧᏃᎮᏛ ᎪᎯᏳᏗ ᎨᏒ ᎧᏃᎮᏍᎩ, ᎾᏍᎩ ᎠᏴ ᏦᏣᎵᏥᏙᎲᏍᎦ;
Asi iwo unoti chiiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako uye nomumwoyo mako,” ndiro shoko rokutenda ratinoparidza:
9 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏃ ᎯᎰᎵ ᏱᏨᏔᏅ ᎬᏂᎨᏒ ᏱᏂᏴᏁᎸ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏥᏌ, ᎠᎴ ᏣᎾᏫᏱ ᎢᏴᏛ ᏱᏦᎯᏳᏅ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏕᎤᎴᏔᏅ ᎤᏲᎱᏒᎢ, ᎠᏎ ᎡᏣᏍᏕᎸᏗ ᎨᏎᏍᏗ.
Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.
10 ᎣᎾᏫᏰᏃ ᎬᏗ ᎠᎪᎯᏳᎲᏍᎪ ᎣᏚᏓᎴᏍᏗ ᏂᎦᎵᏍᏔᏂᎦ; ᎠᎴ ᎥᎰᎵ ᎬᏗ ᎬᏂᎨᏒ ᎾᎬᏁᎰ ᎥᏓᏗᏍᏕᎸᏗ ᏂᎦᎵᏍᏔᏂᎦ.
Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramisirwa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa.
11 ᎪᏪᎵᏰᏃ ᎯᎠ ᏂᎦᏪᎭ, ᎩᎶ ᎾᏍᎩ ᎪᎯᏳᎲᏍᎨᏍᏗ ᎥᏝ ᎤᏕᎰᎯᏍᏗ ᏱᎨᏎᏍᏗ.
Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.”
12 ᎥᏝᏰᏃ ᏱᏚᎾᏓᎴᎾᎠ ᎠᏂᏧᏏ ᎠᏃ ᎠᏂᎪᎢ; ᎾᏍᎩᏉᏰᏃ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎾᏂᎥ ᎤᎾᏤᎵᎦ ᎤᏣᏘ ᎤᏪᎿᎭᎢᏳ ᏧᏍᏕᎸᏗᏱ ᎾᏂᎥ ᎬᏩᏓᏙᎵᏍᏓᏁᎯ.
Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha noweDzimwe Ndudzi, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari,
13 ᎾᏂᎥᏉᏰᏃ ᎩᎶ ᎠᎾᏓᏙᎵᏍᏗᏍᎨᏍᏗ ᏚᏙᎥ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎠᏂᏁᎢᏍᏗᏍᎨᏍᏗ ᎨᏥᏍᏕᎸᏗ ᎨᏎᏍᏗ.
nokuti “Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.”
14 ᎦᏙᏃ ᏱᎦᎵᏍᏙᏓ ᏯᎾᏓᏙᎵᏍᏓᏏ ᎩᎶ ᏄᏃᎯᏳᏒᎾ ᏱᎩ ᎡᎲᎢ? ᎠᎴ ᎦᏙ ᏱᎦᎵᏍᏙᏓ ᏯᏃᎯᏳᎲᎦ ᎩᎶ ᎡᎲ ᎾᏍᎩ ᎤᎾᏛᎦᏅᎯ ᏂᎨᏒᎾ ᏱᎩ ᎡᎲᎢ? ᎠᎴ ᎦᏙ ᏱᎦᎵᏍᏙᏓ ᏯᎾᏛᎬᎦ ᎩᎶ ᎠᎵᏥᏙᎲᏍᎩ ᏄᏁᎲᎾ ᏱᎩ?
Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira?
15 ᎠᎴ ᎦᏙ ᏱᎦᎵᏍᏙᏓ ᏯᎾᎵᏥᏙᎲᎦ ᎢᏳᏃ ᏂᎨᏥᏅᏒᎾ ᏱᎩ? ᎾᏍᎩᏯ ᎯᎠ ᏥᏂᎬᏅ ᏥᎪᏪᎳ, ᏂᏚᏬᏚᎭ ᏧᎾᎳᏏᏕᏂ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᏅᏩᏙᎯᏯᏛ ᎠᏓᏁᎯ ᎠᎾᎵᏥᏙᎲᏍᎩ, ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎠᎾᎵᏥᏙᎲᏍᎩ ᎾᏍᎩ ᎣᏍᏛ ᎤᎬᏩᎵ ᎨᏒᎢ.
Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!”
16 ᎠᏎᏃ ᎥᏝ ᎾᏂᎥ ᎤᏃᎯᏳᏅᎯ ᏱᎩ ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ. ᎢᏌᏯᏰᏃ ᎯᎠ ᏂᎦᏪᎭ, ᏱᎰᏩ, ᎦᎪ ᎤᏬᎯᏳᏅ ᎣᏥᏃᎮᏍᎬᎢ?
Asi havasi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?”
17 ᎾᏍᎩᏃ ᎯᎠ ᏥᏄᏍᏗ ᎪᎯᏳᏗ ᎨᏒ ᎠᏛᎪᏗᏱ ᏗᏓᎴᎲᏍᎦ, ᎠᏛᎪᏗᏱᏃ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏤᎵ ᎧᏃᎮᏛ ᏗᏓᎴᎲᏍᎦ.
Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.
18 ᎠᏎᏃ ᎠᏴ ᎯᎠ ᏂᏥᏪᎭ, ᏝᏍᎪ ᏳᎾᏛᎦᏅ? ᎥᎥ, ᎤᏙᎯᏳᎯ, ᎤᎾᏓᏃᏴᎵᏍᏛ ᏚᏰᎵᏒ ᎡᎳᏂᎬᎢ, ᎠᎴ ᎠᏂᏬᏂᏍᎬ ᎡᎶᎯ ᏩᏍᏛ ᎢᏴᏛ ᏚᏰᎵᏒ.
Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti: “Inzwi ravo rakasvika kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.”
19 ᎠᏎᏃ ᎠᏴ ᏂᏥᏪᎭ, ᏝᏍᎪ ᏯᏂᎦᏔᎮ ᎢᏏᎵ? ᎢᎬᏱ ᎨᏒ ᎼᏏ ᎯᎠ ᏂᎦᏪᎭ, ᎢᏣᏛᏳᎨᏗᏱ ᏅᏓᏨᏴᏁᎵ ᏓᎦᏥᏴᏔᏂ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎠᏰᎵ ᎤᏃᏢᎯ ᏂᎨᏒᎾ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᏄᎾᏓᏅᏛᎾ ᏴᏫ ᎦᏥᏴᏗᏍᎬ ᏓᏨᎾᎸᏍᏔᏂ.
Ndinobvunzazve kuti: Israeri haina kunzwa here? Pakutanga Mozisi anoti, “Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati rwuri rudzi; ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.”
20 ᎠᏎᏃ ᎢᏌᏯ ᏂᎦᎾᏰᏍᎬᎾ ᎯᎠ ᏂᎦᏪᎭ, ᎬᎩᏩᏛᎲᎩ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᏂᎬᎩᏲᎸᎾ ᎨᏒᎢ; ᎬᏂᎨᏒ ᏂᎬᏋᏁᎸᎩ ᎠᏁᎲ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎾᎾᏛᏛᎲᏍᎬᎾ ᎨᏒ ᎨᎥᎢ.
Uye Isaya, asingatyi anoti, “Ndakawanikwa navasina kunditsvaka; ndakazviratidza kuna vaya vasina kunditsvaka.”
21 ᎢᏏᎵᏍᎩᏂ ᎯᎠ ᏂᏕᎦᏪᏎᎭ, ᎤᏙᏓᏆᏛ ᏓᏆᏎᎵᏛᎩ ᎦᏥᏯᏂᏍᎬ ᏄᏃᎯᏳᏒᎾ ᎠᎴ ᎤᏂᎪᏁᎶᎯᏌᏘ ᏴᏫ.
Asi pamusoro peIsraeri anoti, “Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri, uye vanokakavara.”

< ᏉᎳ ᎶᎻ ᎠᏁᎯ ᏧᏬᏪᎳᏁᎸᎯ 10 >