< ᏣᏂ ᏄᏍᏛ ᎠᏥᎾᏄᎪᏫᏎᎸᎢ 18 >

1 ᎾᏍᎩᏃ ᎯᎠ ᏄᎵᏍᏔᏂᏙᎸ ᏅᏩᏓᎴ ᏗᎧᎿᎭᏩᏗᏙᎯ ᎥᏥᎪᎥᎩ ᎦᎸᎳᏗ ᏓᏳᏠᎠᏒᎩ, ᎤᏣᏘ ᎤᎵᏂᎩᏛ ᎨᏒᎩ; ᎾᏍᎩᏃ ᎤᏤᎵ ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎨᏒ ᎡᎶᎯ ᎢᎦ ᎤᏘᏍᏔᏅᎩ.
Zvino shure kwezvinhu izvi ndakaona umwe mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane simba guru, nyika ndokuvhenekerwa nokubwinya kwake.
2 ᎠᎴ ᎠᏍᏓᏯ ᎤᏪᎷᏅᎩ ᎤᎵᏂᎩᏛ ᎧᏁᎬ ᎬᏗ, ᎯᎠ ᏂᎦᏪᏍᎬᎩ, ᏓᏓᎶᏂ ᎡᏆ ᎠᏲᎩ, ᎠᏲᎩ, ᎠᎴ ᎠᏂᏍᎩᎾ ᎤᎾᏕᏗᏱ ᏂᎦᎵᏍᏓ, ᎠᎴ ᎾᏂᎥ ᎠᏂᎦᏓᎭ ᏗᏓᏅᏙ ᎤᏂᏴᏍᏗᏱ, ᎠᎴ ᎾᏂᎥ ᎠᏂᎦᏓᎭ ᎠᎴ ᎤᏂᏂᏆᏘᏍᏗ ᏥᏍᏆ ᎤᎾᏁᎳᏗᏍᏗᏱ.
Akadanidzira nesimba nenzwi guru, achiti: Rawa, rawa Bhabhironi guru, uye rava ugaro hwemadhimoni, nejere remweya yese yetsvina, nedendere reshiri dzese dzetsvina dzinovengwa.
3 ᏂᎦᏗᏳᏰᏃ ᎤᎾᏓᏤᎵᏛ ᏴᏫ ᏓᏁᏩᏗᏒ ᎤᎾᏗᏔᎲ ᎩᎦᎨ-ᎠᏗᏔᏍᏗ ᎤᏔᎳᏬᎯᏍᏗ ᎨᏒ ᎤᏓᏑᏱ ᎾᏍᎩ ᎤᏕᎵᏛ ᏚᏂᏏᏂᏙᎸ ᎢᏳᏩᏂᏌᏛ, ᎠᎴ ᎤᏂᎬᏫᏳᎯ ᎡᎶᎯ ᎠᏁᎯ ᎾᏍᎩ ᎤᏕᎵᏛ ᏚᎾᏂᏏᏂᏙᎸ, ᎠᎴ ᎠᏂᏃᏗᏍᎩ ᎡᎶᎯ ᎠᏁᎯ ᏚᏁᏅᎢᏍᏔᏅ ᎾᏍᎩ ᎤᏣᏘ ᎤᏢᏉᏗ ᎡᎲᎢ.
Nokuti marudzi ese akanwa zvewaini yehasha dzeupombwe hwaro, nemadzimambo enyika akaita upombwe naro, nevashambadzi venyika vakafuma nesimba reumbozha hwaro.
4 ᎠᎴ ᏅᏩᏓᎴ ᎩᎶ ᏗᎧᏁᎬ ᎦᎸᎳᏗ ᎠᏆᏛᎦᏅᎩ, ᎯᎠ ᏅᏓᎦᏪᏍᎬᎩ, ᏂᎯ ᏗᏆᏤᎵᎦ ᏴᏫ ᎡᏥᏄᎪᎢ, ᎾᏍᎩ ᎢᏣᏠᏯᏍᏙᏗᏱ ᏂᎨᏒᎾ ᎾᏍᎩ ᎤᏍᎦᏅᏥᏙᎸᎢ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎤᏤᎵ ᎤᏕᏯᏙᏗ ᎨᏒ ᎢᏣᏠᏯᏍᏙᏗᏱ ᏂᎨᏒᎾ.
Zvino ndakanzwa rimwe inzwi kubva kudenga richiti: Budai kubva mariri vanhu vangu, kuti murege kuva vagovani vezvivi zvaro, uye kuti murege kugamuchira zvematambudziko aro;
5 ᎤᏍᎦᏅᏥᏙᎸᏰᏃ ᎦᎸᎳᏗ ᎢᏴᏛ ᏭᎷᏨ, ᎠᎴ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏅᏓᏛ ᎤᏲᏚᎸᏫᏍᏓᏁᎵᏙᎸᎢ.
nokuti zvivi zvaro zvasungana kusvika kudenga, naMwari warangarira zvisakarurama zvaro.
6 ᎡᏣᎫᏴᏏ ᎾᏍᎩᏯ ᎢᏣᎫᏴᎡᎸᎢ, ᎠᎴ ᏔᎵ ᎢᏳᏩᎫᏗ ᎡᏣᎫᏴᏏ ᎾᏍᎩᏯ ᏚᎸᏫᏍᏓᏁᎸᎢ; ᎤᎵᏍᏈᏗ ᎤᎧᎵᎸᎯ ᎾᏍᎩ ᏔᎵ ᎢᏳᏩᎫᏗ ᎡᏥᎧᎵᎢᏏ.
Muritsive sezvarakakutsivaiwo imwi, muchiripamhidzira kupamhidzira kunoenderana nemabasa aro; mumukombe iwoyo marakasanganisa iro, murisanganisire kakapamhidzirwa.
7 ᎾᏍᎩ ᏂᎦᎥ ᎤᏩᏒ ᎤᏓᎸᏉᏔᏅᎢ ᎠᎴ ᎤᏢᏉᏗ ᎤᏕᏅᎢ, ᎾᏍᎩ ᎢᎦᎢ ᎠᎩᎵᏯ ᎠᎴ ᎤᏲ ᎠᏓᏅᏓᏗᏍᏗ ᎨᏒ ᎡᏥᎥᏏ; ᎤᎾᏫᏱᏰᏃ ᎯᎠ ᏂᎦᏪᎭ, ᎠᎩᎬᏫᏳᎯ ᎠᏉᎳ, ᎥᏝ ᎠᏉᏑᎶᏨᎯ ᏱᎩ, ᎥᏝ ᎠᎴ ᎤᏲ ᎠᏓᏅᏓᏗᏍᏗ ᎨᏒ ᏴᎦᏥᎪᏩᏛ.
Separakazvikudza kudai napo nekurarama muumbozha, murirwadzise nekurishungurudza saizvozvo; nokuti rinoti mumoyo maro: Ndinogara ndiri mambokadzi, uye handisi chirikadzi, uye handingatongooni kuchema.
8 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎤᏕᏯᏙᏗᏍᎩ ᎨᏒ ᏏᏉᏃ ᎤᎷᎯᏍᏗ ᎨᏎᏍᏗ, ᎠᏲᎱᎯᏍᏗ ᎨᏒ, ᎠᎴ ᏗᏴᎳᏍᏗ ᎨᏒ, ᎠᎴ ᎠᎪᎸ; ᎠᎴ ᎠᎦᎪᎲᏍᏙᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎠᏥᎸ ᎬᏗ; ᎤᎵᏂᎩᏗᏳᏰᏃ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎾᏍᎩ ᏧᏭᎪᏓᏁᎯ ᏥᎩ.
Naizvozvo achasvika nezuva rimwe matambudziko aro, rufu nekuchema nenzara; uye richapiswa kwazvo nemoto; nokuti ane simba Ishe Mwari anoritonga.
9 ᎠᎴ ᎤᏂᎬᏫᏳᎯ ᎡᎶᎯ ᎠᏁᎯ, ᎾᏍᎩ ᎤᏕᎵᏛ ᏧᎾᏂᏏᏂᏙᎸᎯ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎤᏢᏉᏗ ᎢᏧᎳᎭ ᎤᎾᏕᏅᎯ, ᎾᏍᎩ ᏓᎬᏩᏍᎪᏂᎵ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᏅᏓᎦᎵᏍᏙᏔᏂ ᏙᏛᏂᏴᎳᏏ, ᎿᎭᏉ ᎠᏂᎪᎲᎭ ᏚᎦᏒᏍᏛ ᎾᏍᎩ ᎠᎪᎲᏍᎬᎢ,
Nemadzimambo enyika akaita upombwe nekurarama paumbozha naro acharira pamusoro paro nekuchema pamusoro paro, pavachaona utsi hwekupiswa kwaro;
10 ᎢᏅ ᏗᏂᏙᎾᎡᏍᏗ ᎠᏂᏍᎦᎢᎲ ᎠᎩᎵᏲᎬ ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎬᎢ, ᎯᎠ ᎾᏂᏪᏍᎨᏍᏗ, ᎤᏲᏍᏛᏉ, ᎤᏲᏍᏛᏉ, ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎡᏆ ᏓᏓᎶᏂ, ᎾᏍᎩ ᎤᎵᏂᎩᏛ ᎦᏚᎲᎢ! ᏑᏟᎶᏛᏉᏰᏃ ᎢᎪᎯᏛ ᏗᏣᏚᎪᏓᏁᏗ ᎨᏒ ᏣᎷᏥᏏ.
vamire kure nekutya kurwadziwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru Bhabhironi, guta rakasimba, nokuti kutongwa kwako kwasvika neawa rimwe.
11 ᎠᏂᏃᏔᏅᎲᏍᎩᏃ ᎡᎶᎯ ᎠᏁᎯ ᏙᏛᎾᏠᏱᎵ ᎠᎴ ᏙᏛᏂᏴᎳᏏ ᏓᎬᏩᏍᎪᏂᎵ ᎾᏍᎩ; ᎥᏝᏰᏃ ᎿᎭᏉ ᎩᎶ ᏱᎬᏩᏂᏩᎯᏎᎭ ᎦᏃᏙᏗ;
Uye vashambadzi venyika vacharira nekuchema pamusoro paro, nokuti hakuchina munhu achatenga zvitengeswa zvavozve;
12 ᎾᏍᎩ ᎠᏕᎸ-ᏓᎶᏂᎨ ᎦᏃᏙᏗ ᎨᏒᎢ, ᎠᎴ ᎠᏕᎸ-ᎤᏁᎬ, ᎠᎴ ᎤᏣᏘ ᏧᎬᏩᎶᏗ ᏅᏯ, ᎠᎴ ᏓᎬᎾ-ᎢᏳᎾᏍᏗ, ᎠᎴ ᎤᏏᏙᎵ ᏙᎴᏛ, ᎠᎴ ᏗᏕᎭᎷᎨᎢ, ᎠᎴ ᏗᏩᎾᎨᎢ, ᎠᎴ ᏗᎩᎦᎨᎢ, ᎠᎴ ᎾᎦᎥ ᏗᎦᎸᏉᏗ ᎠᏓ, ᎠᎴ ᏂᎦᎥ ᏗᏖᎵᏙ ᎧᎹᎹ ᏧᏓᏄᏙᏅᎯ ᏗᎪᏢᏔᏅᎯ, ᎠᎴ ᏂᎦᎥ ᏗᏖᎵᏙ ᎤᏣᏘ ᏧᎬᏩᎶᏗ ᎠᏓ ᏗᎪᏢᏔᏅᎯ, ᎠᎴ ᎥᏣᏱ, ᎠᎴ ᏔᎷᎩᏍᎩ, ᎠᎴ ᎠᏂᏓᏫᏍᎦᎨ ᏅᏯ,
zvitengeswa zvegoridhe, nezvesirivheri, nezveibwe rinokosha, nezvemaparera nezvemucheka wakaisvonaka, nezvine ruvara rwehute, nezvesiriki, nezvezvitsvuku, nemuti umwe neumwe unonhuhwira, nemarudzi ese emidziyo yenyanga dzenzou, nemarudzi ese emidziyo yematanda anokoshesesa, nezvendarira, nezvedare, nezvemabwe machena;
13 ᎠᎴ ᏏᏂᎹᏂ, ᎠᎴ ᏗᎦᏩᏒᎩ, ᎠᎴ ᎠᏠᏁᏗ, ᎠᎴ ᎠᏜᏓᎤᎦᎾᏍᏛ ᎦᏩᏒᎩ, ᎠᎴ ᎩᎦᎨ-ᎠᏗᏔᏍᏗ, ᎠᎴ ᎪᎢ, ᎠᎴ ᏩᎾᎨ ᎤᏣᎴᏍᏗ ᎢᏒ, ᎠᎴ ᎤᏣᎴᏍᏗᎤᎦᏛ, ᎠᎴ ᎦᎾᏝᎢ, ᎠᎴ ᎠᏫ-ᎤᏂᏃᏕᏅ, ᎠᎴ ᏐᏈᎵ, ᎠᎴ ᏧᏍᏗ-ᏓᏆᎴᎷ, ᎠᎴ ᏴᏫ-ᏗᎦᎾᏝᎢ, ᎠᎴ ᏴᏫ ᏧᎾᏓᏅᏙ.
nekinamoni, nezvinonhuhwira, namafuta ekuzora, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, newaini, nemafuta, neupfu hwakatsetseka, nezviyo, nemombe, nemakwai, nezvemabhiza, nengoro, nenhapwa, nemweya yevanhu.
14 ᎠᎴ ᎤᏓᏔᏅᎯ ᎾᏍᎩ ᏣᏓᏅᏙ ᏧᎬᎥᏍᎬᎩ ᏣᏓᏅᎡᎸ, ᎠᎴ ᏂᎦᎥ ᎤᏢᏉᏗ ᎠᎴ ᏗᎦᎸᏉᏗ ᏥᎨᏒ ᎨᏣᏓᏅᎡᎸ, ᎠᎴ ᎥᏝ ᎿᎭᏉ ᏫᏗᎨᏣᏩᏛᏗ ᏱᎨᏎᏍᏗ.
Zvino michero yaichiviwa nemoyo wako yakabva kwauri, nezvinhu zvese zvinobwinya nezvinopenya zvabva kwauri, haungatongozviwanizve.
15 ᎯᎠ ᎾᏍᎩ ᏧᏓᎴᏛ ᎠᏂᏃᏔᏅᎥᏍᎩ, ᎾᏍᎩ ᏧᏪᏅᎢᏍᏔᏅᎯ, ᎢᏅ ᏗᏂᏙᎾᎡᏍᏗ ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎨᏍᏗ ᎠᎩᎵᏲᎬ ᎠᏂᏍᎦᎢᎲᎢ, ᏓᎾᏠᏱᎮᏍᏗ ᎠᎴ ᏓᏂᏴᎨᏍᏗ,
Vashambadzi vezvinhu izvi, vakafumiswa naro, vachamira kure nekutya kurwadziwa kwaro, vachichema nekurira,
16 ᎠᎴ ᎯᎠ ᎾᏂᏪᏍᎨᏍᏗ, ᎤᏲᏍᏛᏉ, ᎤᏲᏍᏛᏉ, ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎡᏆ ᎦᏚᎲ ᎾᏍᎩ ᎤᏏᏙᎵ ᏙᎴᏛ, ᎠᎴ ᏕᎭᎷᎨᎢ, ᎠᎴ ᎩᎦᎨᎢ ᏥᏚᏣᏃᏛᎩ, ᎠᎴ ᎠᏕᎸᏓᎶᏂᎨᎢ, ᎠᎴ ᎤᏣᏘ ᏧᎾᎬᏩᎶᏗ ᏅᏯ, ᎠᎴ ᏓᎬᎾ-ᎢᏳᎾᏍᏗ, ᏥᏚᏣᏃᏛᎩ!
uye vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, rakange rakapfeka mucheka wakaisvonaka nezvine ruvara rwehute nezvitsvuku, uye rakashongedzwa negoridhe nebwe rinokosha nemaparera!
17 ᏑᏟᎶᏛᏉᏰᏃ ᎢᎪᎯᏛ ᎾᏍᎩ ᎢᎦᎢ ᏧᎬᏩᎶᏗ ᎠᏎᏉ ᏂᎦᎵᏍᏔᏂᏛ. ᎠᎴ ᎾᏂᎥ ᎤᏂᎬᏫᏳᏌᏕᎩ ᏥᏳ ᏧᏔᏅ ᏓᏂᏂᏙᎲᎢ, ᎠᎴ ᎾᏂᎥ ᏥᏳᎯ ᎤᎾᏣᎢ, ᎠᎴ ᏥᏳ ᏗᏂᏂᏙᎯ, ᎠᎴ ᎾᏂᎥᏉ ᎠᎺᏉᎯ ᎠᏂᏃᏔᏂᏙᎯ, ᎢᏅ ᏛᏂᏙᎾᎥᎩ,
Nokuti neawa rimwe fuma huru yakadai yaparadzwa. Uye mufambisi wezvikepe umwe neumwe, nevese vanofamba pamwe muzvikepe, nevafambi vemuchikepe, nevabati vese vepagungwa vakamira kure,
18 ᎠᎴ ᎤᏁᎷᏅᎩ ᎢᏳᏃ ᎤᏂᎪᎲ ᏚᎦᏒᏍᏛ ᎾᏍᎩ ᎠᎪᎲᏍᎬᎢ, ᎯᎠ ᎾᏂᏪᏍᎬᎩ, ᎦᏙ ᎤᏍᏗ ᎾᏍᎩᏯ ᎨᏎ ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᎡᏆ ᎦᏚᎲ ᏄᏍᏛᎢ?
ndokudanidzira vachiona utsi hwekutsva kwaro, vachiti: Nderipi rakafanana naro guta guru?
19 ᏗᏂᏍᎪᎵᏃ ᎪᏍᏚ ᏚᏂᏝᏅᎩ, ᎠᎴ ᎤᏁᎷᏅᎩ ᏓᎾᏠᏱᎲᎢ, ᎠᎴ ᏓᏂᏴᎬᎢ, ᎯᎠ ᎾᏂᏪᏍᎬᎩ, ᎤᏲᏍᏛᏉ, ᎤᏲᏍᏛᏉ, ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎡᏆ ᎦᏚᎲᎢ, ᎾᎿᎭᏧᏁᎿᎭᎢ ᏥᏄᎾᎵᏍᏔᏅᎩ ᏂᎦᏛ ᎠᎺᏉᎯ ᏥᏳ ᏗᏂᏂᏙᎯ, ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎬ ᎤᏣᏘ ᎤᏪᎿᎭᎢᏳ ᎨᏒᎢ, ᏑᏟᎶᏛᏉᏰᏃ ᎢᎪᎯᏛ ᏅᏔ ᎾᎬᏁᎸ.
Zvino vakadira guruva pamisoro yavo, ndokudanidzira vachirira nekuchema, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, maifumiswa nezvinokosha zvaro vese vaiva nezvikepe pagungwa; nokuti rakaparadzwa neawa rimwe.
20 ᎢᏣᎵᎮᎵᎩ ᎾᏍᎩ ᏄᎵᏍᏓᏁᎸ ᎢᏳᏍᏗ, ᏂᎯ ᎦᎸᎶᎢ ᎠᎴ ᏂᎯ ᎢᏣᏓᏅᏘ ᎠᎴ ᎡᏥᏅᏏᏛ, ᎠᎴ ᎢᏣᏙᎴᎰᏍᎩ; ᎤᏁᎳᏅᎯᏰᏃ ᏂᎯ ᎨᏒ ᎢᏳᏍᏗ ᎾᏍᎩ ᎠᎦᏞᏥ.
Fara pamusoro paro, iwe denga, nemwi vaapositori vatsvene, nevaporofita, nokuti Mwari wakatonga mutongo wenyu kwariri.
21 ᎤᎵᏂᎩᏛᏃ ᏗᎧᎿᎭᏩᏗᏙᎯ ᏅᏯ ᎤᎩᏒᎩ, ᎤᏔᏅ ᏗᏍᏙᏍᎩ ᏅᏯ ᎾᏍᎩᏯᎢ, ᎠᎺᏉᎯᏃ ᏭᏗᏅᏒᎩ, ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ, ᎾᏍᎩᏯ ᎬᏍᎦᎢᏍᏓᎩ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎡᏆ ᎦᏚᎲ ᏓᏓᎶᏂ ᎠᏥᏲᏍᏙᏗ ᎨᏎᏍᏗ, ᎥᏝ ᎠᎴ ᎿᎭᏉ ᎬᏩᏛᏗ ᏱᎨᏎᏍᏗ.
Zvino mutumwa umwe ane simba wakasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akaposhera mugungwa, achiti: Saizvozvo nechisimba Bhabhironi guta guru richaposherwa uye harichazotongowanikwizve.
22 ᎠᎴ ᏗᎧᏃᎩᏍᏙᏗ ᏗᏂᏃᎩᏍᏗᏍᎩ, ᎠᎴ ᏗᏂᏃᎩᏍᎩ, ᎠᎴ ᎠᏦᏔᏍᏗ ᏗᏂᏃᎩᏍᏗᏍᎩ, ᎠᎴ ᏗᏂᏤᎷᎯᏍᎩ ᎤᎾᏓᏃᏴᎵᏍᏛ ᎥᏝ ᎿᎭᏉ ᎡᏣᏛᎦᏁᏗ ᏱᎨᏎᏍᏗ; ᎢᏝ ᎠᎴ ᎪᏢᏅᎥᏍᎩ ᏄᏓᎴᏒᏉ ᎪᎱᏍᏗ ᎪᏢᏍᎩ ᎿᎭᏉ ᏰᏣᏩᏛᎡᎴᏍᏗ; ᎠᎴ ᏅᏯ ᎠᏍᏙᏍᎩ ᎤᏃᏴᎬ ᎥᏝ ᎿᎭᏉ ᎡᏣᏛᎦᏁᏗ ᏱᎨᏎᏍᏗ;
Nenzwi revaridzi veudimbwa nerevaimbi nerevaridzi venyere nerevaridzi vehwamanda, harichatongonzwikwizve mauri, nemhizha yeumhizha hupi nehupi haichatongowanikwizve mauri, nenzwi reguyo harichatongonzwikwizve mauri;
23 ᎠᎴ ᎠᏨᏍᏙᏗ ᏚᎸᏌᏛ ᎥᏝ ᎿᎭᏉ ᏗᏣᎸᏌᏓᏕᏗ ᏱᎨᏎᏍᏗ; ᎠᎴ ᎠᏕᏒᎲᏍᎩ ᎠᎴ ᎠᏥᏰᎯ ᎠᏂᏁᎬ ᎥᏝ ᎿᎭᏉ ᎡᏣᏛᎦᏁᏗ ᏱᎨᏎᏍᏗ; ᏗᏣᏤᎵᏰᏃ ᎠᏂᏃᏗᏍᎩ ᎨᏥᎸᏉᏗ ᎨᏒᎩ ᏴᏫ ᎡᎶᎯ ᏓᏁᏩᏗᏒᎢ; ᏂᎦᏗᏳᏰᏃ ᎤᎾᏓᏤᎵᏛ ᎨᏒ ᏴᏫ ᏓᏁᏩᏗᏒ ᎠᏙᏅᏗ ᏕᏣᎸᏫᏍᏓᏁᎲ ᏕᎯᎶᏄᎮᏔᏅᎩ.
uye chiedza chemwenje hachichatongovhenekerizve mauri, nenzwi remuwani neremwenga harichatongonzwikwizve mauri; nokuti vashambadzi vako vaiva vakuru venyika; nokuti neuroyi hwako marudzi ese akatsauswa.
24 ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎠᏥᏩᏛᎡᎸᎩ ᎤᏂᎩᎬ ᎠᎾᏙᎴᎰᏍᎩ, ᎠᎴ ᎤᎾᏓᏅᏘ, ᎠᎴ ᏂᎦᏛ ᎡᎶᎯ ᏗᎨᏥᎸᎯ ᎨᏒᎢ.
Zvino mariri makawanikwa ropa revaporofita nerevatsvene, nerevese vakauraiwa panyika.

< ᏣᏂ ᏄᏍᏛ ᎠᏥᎾᏄᎪᏫᏎᎸᎢ 18 >