< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎹᏚ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 7 >

1 ᏞᏍᏗ ᏥᏣᏓᎳᏫᏎᎵ ᎾᏍᎩᏃ ᏂᎯ ᏞᏍᏗ ᎡᏥᎳᏫᏎᎸᎩ.
Musatonga, kuti murege kutongwa,
2 ᎾᏍᎩᏰᏃ ᏄᏍᏛ ᎢᏣᏓᎳᏫᏎᎸ ᎠᏎ ᎾᏍᏉ ᏛᎡᏥᎳᏫᏎᎵ, ᎠᎴ ᏄᏍᏛ ᎢᏣᏓᏟᎶᏒᎸ ᎾᏍᏉ ᏛᎡᏣᏟᎶᎡᎵ.
nokuti muchatongwa nekutonga kwamunotonga nako; uye muchayerwa zvekare nechiyero chamunoyera nacho.
3 ᎠᎴ ᎦᏙᏃ ᎢᎯᎪᏩᏘᏍᎪ ᎤᏢᏓᎸᏛ ᎤᎦᏑᎲᎢ ᏗᏍᏓᏓᏅᏟ, ᏁᎵᏍᎬᎾᏃ ᎢᎨᏐ ᎤᏃᏍᏛ ᎠᏓ ᏨᏒ ᏣᎦᏑᎲᎢ.
Unotarisirei rubanzu rwuri muziso reumwe wako, asi usingananzereri danda riri muziso rako?
4 ᎠᎴ ᎦᏙ ᏱᎦᎵᏍᏙᏓ ᎯᎠ ᏱᏂᏪᏏ ᏗᏍᏓᏓᏅᏟ, ᎬᎸᏏ ᎤᏢᏓᎸᏛ ᏣᎦᏑᎲᎢ, ᎬᏂᏳᏉᏃ ᎤᏃᏍᏛ ᎠᏓ ᏨᏒ ᏣᎦᏑᎭ.
Kana ungataura sei kune umwe wako uchiti: Rega ndivhomore rubanzu muziso rako, asi tarira, danda riri muziso rako?
5 ᏣᏠᎾᏍᏗ! ᎢᎬᏱ ᎯᎸ ᎤᏃᏍᏛ ᎠᏓ ᏨᏒ ᏣᎦᏑᎲᎢ, ᎿᎭᏉᏃ ᎬᏂᎨᏒᎢᏳ ᏣᎪᏩᏛᏗᏱ ᎨᏎᏍᏗ ᎯᎸᎡᏗᏱ ᎤᏢᏓᎸᏛ ᏗᏍᏓᏓᏅᏟ ᎤᎦᏑᎲᎢ.
Munyepedzeri, tanga kuvhomora danda muziso rako, ugoona kwazvo kuvhomora rubanzu muziso reumwe wako.
6 ᏞᏍᏗ ᎪᎱᏍᏗ ᎦᎸᏉᏗ ᎩᎵ ᏗᏥᏁᎸᎩ, ᏞᏍᏗ ᎠᎴ ᏓᎬᎾ-ᎢᏳᎾᏍᏗ ᏗᏣᏤᎵᎦ ᏏᏆ ᏫᏗᏣᏗᏁᎸᎩ, ᏱᏓᎾᎳᏍᏓᎥᎵᏉᏰᏃ, ᎠᎴ ᏯᎾᎦᏔᎲᎾ ᏴᎨᏥᏓᎦᎸᎥᎦ.
Musapa chitsvene kuimbwa, kana kukandira maparera enyu pamberi penguruve, zvimwe dzingaatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai.
7 ᎢᏥᏔᏲᎭ, ᎠᏎ ᏓᏰᏥᏁᎵ; ᎢᏥᏲᎦ, ᎠᏎ ᏓᏥᏩᏛᎯ; ᎢᏨᏂᎦ, ᎠᏎ ᏓᏰᏥᏍᏚᎢᎡᎵ.
Kumbirai, uye muchapiwa; tsvakai, uye muchawana; gogodzai, uye muchazarurirwa.
8 ᎩᎶᏰᏃ ᏣᏔᏲᎯᎰ ᎠᏥᏁᎰᎢ, ᎩᎶᏃ ᏧᏲᎰ ᎠᏩᏘᏍᎪᎢ, ᎩᎶᏃ ᏥᏫᎬᏂᎰ ᎠᏥᏍᏚᎢᎡᎰᎢ.
Nokuti umwe neumwe anokumbira anogamuchira, neanotsvaka anowana, neanogogodza anozarurirwa.
9 ᎦᎪᎨ ᎠᏍᎦᏯ ᎯᎠ ᏥᏂᏣᏛᏅ, ᎢᏳᏃ ᎤᏪᏥ ᎦᏚ ᏳᏔᏲᏎᎭ, ᏅᏯᏉ ᏯᎲᏏ?
Kana ndeupi munhu kwamuri, iye kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, achamupa ibwe?
10 ᎠᎴ ᎠᏣᏗ ᏯᏔᏲᎯᎭ, ᏥᎪ ᎢᎾᏛᏉ ᏴᎦᏅᎥᏏ?
Kana kuti akakumbira hove, achamupa nyoka?
11 ᎢᏳᏃ ᏂᎯ ᎢᏥᏲᎢ ᏱᏥᏏᎾᎯ ᎣᏍᏛ ᎨᏒ ᏗᏥᏁᏗᏱ ᏗᏤᏥ, ᎤᏟᎯᏳ ᎤᏙᎯᏳᎯᏯ ᎢᏥᏙᏓ ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ ᎣᏍᏛ ᏓᏁᎮᏍᏗ ᎬᏩᏔᏲᏎᎯ.
Zvino kana imwi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kumatenga vachapfuurisa sei kupa zvinhu zvakanaka ivo vanovakumbira?
12 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᏂᎦᎥ ᎪᎱᏍᏗ ᎢᏣᏚᎵᏍᎬ ᏴᏫ ᎢᎨᏣᏛᏁᏗᏱ, ᎾᏍᎩᏯ ᎾᏍᏉ ᏂᏕᏣᏛᏁᎮᏍᏗ; ᎾᏍᎩᏰᏃ ᎯᎠ ᏄᏍᏗ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ ᎠᎴ ᎠᎾᏙᎴᎰᏍᎩ
Naizvozvo zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, imwi muvaitirewo saizvozvo; nokuti uyu ndiwo murairo nevaporofita.
13 ᎠᏯᏙᎵ ᎦᎶᎯᏍᏗᏱ ᎢᏥᏴᏍᏓ ᎠᏯᏖᏂᏰᏃ ᎦᎶᎯᏍᏗᏱ ᎠᎴ ᎠᏯᏖᏂ ᏅᏃᎯ ᎠᏲᎱᎯᏍᏗᏱ ᏫᎦᎾᏄᎪᎬᎢ, ᎤᏂ ᏣᏔᏃ ᎾᎿᎭᎠᏂᎶᏍᎦ.
Pindai nesuwo rakamanikana; nokuti suwo rakafara nenzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa, uye vazhinji varipo vanopinda naro.
14 ᎠᏯᏙᎵᏳᏰᏃ ᎦᎶᎯᏍᏗᏱ ᎠᎴ ᎠᏯᏙᎵᏳ ᏅᏃᎯ ᎬᏂᏛ ᏫᎦᎾᏄᎪᎬᎢ, ᎠᎴ ᎠᏂᎦᏲᎵᏳ ᎠᏂᏩᏘᎭ.
Nokuti suwo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuupenyu, uye vashoma vanoiwana.
15 ᏕᏤᏯᏙᏤᎮᏍᏗ ᎤᎾᏠᎾᏍᏗ ᎠᎾᏙᎴᎰᏍᎩ, ᎠᏫ ᎤᏂᏃᏕᎾ ᎦᏁᎦ ᏧᎾᏄᏩᎢ ᏥᎨᏥᎷᏤᎰᎢ; ᎠᏎᏃ ᎭᏫᏂ ᎨᏒ ᏩᏯ ᎤᏂᎬᎥᏍᎩ ᎨᏐᎢ.
Asi chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri nezvipfeko zvemakwai, asi mukati mapumhi anoparadza.
16 ᏄᏍᏛ ᎠᎾᏓᏛᏍᎬᎢ ᏙᏓᏦᎵᏍᏔᏂ. ᏥᎪ ᏴᏫ ᏖᎸᎳᏗ ᏓᎾᏕᏍᎪ ᏥᏍᏚᏂᎩᏍᏗᎯ? ᎠᎴ ᏒᎦᏔ-ᎢᏳᎾᏍᏗ ᏥᎪᏥᏥᎯ ᏓᎾᏕᏍᎪᎢ?
Muchavaziva nezvibereko zvavo; vanhu vanotanha mazambiringa paminzwa here, kana maonde parubayambeva?
17 ᎾᏍᎩᏍᎩᏂ ᏄᏍᏗ ᏂᎦᎥ ᎣᏍᏛ ᏡᎬ ᎣᏍᏛ ᎠᏓᏛᏍᎪᎢ, ᎤᏲᏃ ᏡᎬ ᎤᏲ ᎠᏓᏛᏍᎪᎢ.
Saizvozvo muti umwe neumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa.
18 ᎣᏍᏛ ᏡᎬ ᎥᏝ ᏰᎵ ᎤᏲ ᏴᎬᏓᏛᎦ, ᎠᎴ ᎤᏲ ᏡᎬ ᎥᏝ ᏰᎵ ᎣᏍᏛ ᏴᎬᏓᏛᎦ.
Muti wakanaka haugoni kubereka zvibereko zvakaipa, nemuti wakaipa haubereki zvibereko zvakanaka.
19 ᏂᎦᎥᏍᎩᏂ ᏕᏡᎬ ᎣᏍᏛ ᎾᎾᏓᏛᏍᎬᎾ, ᏗᎦᎴᏴᏍᏙᏗ ᎨᏎᏍᏗ, ᎠᎴ ᎠᏥᎸᏱ ᏫᏓᏗᏅᏗ.
Muti umwe neumwe usingaiti chibereko chakanaka unotemwa wokandirwa mumoto.
20 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᏙᏓᏦᎵᏍᏔᏂ ᏄᏍᏛ ᎠᎾᏓᏛᏍᎬᎢ.
Naizvozvo kubva pazvibereko zvavo muchavaziva.
21 ᎥᏝᏰᏃ ᎾᏂᎥ, ᏣᎬᏫᏳᎯ, ᏣᎬᏫᏳᎯ, ᎬᏉᏎᎯ, ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒ ᏭᏂᎾᏄᎪᎢᏍᏗ ᏱᎩ, ᎾᏍᎩᏍᎩᏂ Ꮎ ᎡᏙᏓ ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ ᎠᏓᏅᏖᏍᎬ ᏧᏂᎸᏫᏍᏓᏁᎯ.
Haasi wese anoti kwandiri: Ishe, Ishe, achapinda muushe hwekumatenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.
22 ᎾᎯᏳ ᎢᎦ ᎨᏎᏍᏗ ᎤᏂᏣᏘᏍᏗ ᎯᎠ ᏅᏓᎬᎩᏪᎭᎵ; ᏣᎬᏫᏳᎯ, ᏣᎬᏫᏳᎯ, ᏝᏍᎪ ᏕᏣᏙᎥ ᏲᏨᏗᏍᎨ ᏲᏣᏙᎴᎰᏍᎨᎢ? ᎠᎴ ᏝᏍᎪ ᏕᏣᏙᎥ ᏲᏨᏗᏍᎨ ᎠᏂᏍᎩᎾ ᏱᏙᏥᏄᎪᏫᏍᎨᎢ? ᎠᎴ ᏝᏍᎪ ᏕᏣᏙᎥ ᏲᏨᏗᏍᎨ ᎤᏣᏘ ᎤᏍᏆᏂᎪᏗ ᏱᏙᎩᎸᏫᏍᏓᏁᎮᎢ?
Vazhinji vachati kwandiri pazuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here, tikabudisa madhimoni muzita renyu, tikaita mabasa esimba mazhinji muzita renyu?
23 ᎿᎭᏉᏃ ᎯᎠ ᏅᏓᎦᏥᏪᏎᎵ; ᎥᏝ ᎢᎸᎯᏳ ᏱᏨᎦᏔᎮᎢ; ᎤᏟ ᏫᏥᎶᎯ ᎤᏲ ᏗᏥᎸᏫᏍᏓᏁᎯ.
Zvino ipapo ndichareva kwavari pachena ndichiti: Handina kukuzivai chero nguva; ibvai kwandiri imwi vaiti vezvakaipa.
24 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎾᏂᎥ ᎩᎶ ᎯᎠ ᏥᏂᏥᏪᎠ ᎠᎾᏛᎩᏍᎨᏍᏗ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎾᎾᏛᏁᎮᏍᏗ, ᎠᎦᏔᎿᎭᎢ ᎠᏍᎦᏯ ᏙᏓᎦᏥᏯᏟᎶᏍᏔᏂ, ᎾᏍᎩ ᏅᏲᎯ ᏧᏁᏍᎨᎮᎢ;
Naizvozvo umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa uye akaaita, ndichamufananidza nemurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware.
25 ᎿᎭᏉᏃ ᏧᎦᎿᎭᏁᎢ, ᎠᎴ ᏥᏚᏃᎱᎦᏁᎢ, ᎠᎴ ᏧᏃᎸᏁᎢ, ᎾᎿᎭᎠᏓᏁᎸ ᏥᏚᏱᎶᎴᎢ; ᎠᏎᏃ ᎥᏝ ᏳᏲᏤᎢ, ᏅᏥᎯᏰᏃ ᎦᎧᎮᎢ.
Zvino mvura ikaturuka, mafashame akauya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova paimba iyo, ikasawa; nokuti yakange yakateyiwa paruware.
26 ᎾᏂᎥᏃ ᎩᎶ ᎯᎠ ᏥᏂᏥᏪᎠ ᎠᎾᏛᎩᏍᎨᏍᏗ, ᎾᏍᎩᏃ ᎾᎾᏛᏁᎲᎾ ᎢᎨᏎᏍᏗ, ᎤᏁᎫ ᎠᏍᎦᏯ ᏗᎨᎦᏟᎶᏍᏙᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎾᏍᎩ ᏃᏳᎯ ᏧᏁᏍᎨᎮᎢ.
Zvino umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, uchafananidzwa nemurume benzi, wakavaka imba yake pajecha;
27 ᎿᎭᏉᏃ ᏧᎦᎿᎭᏁᎢ, ᎠᎴ ᏥᏚᏃᎱᎦᏁᎢ, ᎠᎴ ᏧᏃᎸᏁᎢ, ᎾᎿᎭᎠᏓᏁᎸ ᏥᏚᏱᎶᎴᎢ, ᎠᎴ ᏧᏲᏤᎢ, ᎠᎴ ᎤᏍᎦᏎᏗᏳ ᏥᏄᎵᏍᏔᏁ ᎤᏲᏨ.
zvino mvura ikaturuka, mafashame ndokuuya, mitutu ndokuvhuvhuta, ndokurova paimba iyo, ndokuwa; uye kuwa kwayo kukava kukuru.
28 ᎯᎠᏃ ᏄᎵᏍᏔᏁᎢ, ᎾᏍᎩ ᏥᏌ ᎤᏍᏆᏛ ᎾᏍᎩ ᏂᎦᏪᏍᎬᎢ, ᎤᏂᏍᏆᏂᎪᏎ ᏓᏕᏲᎲᏍᎬᎢ.
Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mashoko iwawa, zvaunga zvakashamiswa nedzidziso yake.
29 ᎤᏤᎵᎦᏰᏃ ᏥᏓᏕᏲᎲᏍᎪ ᎢᏳᏍᏗ ᎨᏎᎢ, ᎥᏝᏃ ᏗᏃᏪᎵᏍᎩᏉ ᏥᏓᎾᏕᏲᎲᏍᎪ ᎢᏳᏍᏗ ᏱᎨᏎᎢ.
Nokuti wakavadzidzisa seune simba, kwete sevanyori.

< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎹᏚ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 7 >