< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎹᏚ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 2 >

1 ᏥᏌᏃ ᎤᏕᏅ ᎦᏚᏱ ᎦᏚᎲ ᏧᏗᏱ, ᎾᎯᏳ ᏤᎮ ᎡᎶᏛ ᎤᎬᏫᏳᎯ, ᎬᏂᏳᏉ ᎤᏂᎷᏤ ᏥᎷᏏᎵᎻ ᎠᏂᎦᏔᎿᎭᎢ ᏅᏙ ᏗᎧᎸᎬ ᎢᏗᏢ ᏧᏂᎶᏎᎢ,
Zvino Jesu wakati aberekwa muBhetirehemu reJudhiya, pamazuva aHerodhe mambo, tarira, kwakauya vachenjeri vachibva kumabvazuva kuJerusarema,
2 ᎯᎠ ᏄᏂᏪᏎᎢ; ᎭᏢ Ꮎ ᏧᏕᏅ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎠᏂᏧᏏ ᎤᎾᏤᎵᎦ, ᎣᎩᎪᎲᏰᏃ ᎤᏤᎵ ᏃᏈᏏ ᏗᎧᎸᎬ ᎢᏗᏢ, ᎠᎴ ᎣᏣᏓᏙᎵᏍᏓᏁᎵᎦ.
vachiti: Uripi iye wakazvarwa Mambo weVaJudha? Nokuti taona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomunamata.
3 ᎡᎶᏛᏃ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎤᏛᎦᏅ ᎾᏍᎩ, ᎤᏪᎵᎯᏍᏗ ᎤᏓᏅᏓᏕᎢ, ᎠᎴ ᏂᎦᏛ ᏥᎷᏏᎵᎻ ᎠᏁᎯ.
Zvino Herodhe mambo wakati anzwa, akashushikana, neJerusarema rese naye.
4 ᏚᎳᏫᏛᏃ ᏂᎦᏛ ᏄᏂᎬᏫᏳᏒ ᎠᏥᎸ ᎠᏁᎶᎯ, ᎠᎴ ᏴᏫ ᏗᏃᏪᎳᏁᎯ, ᏚᏛᏛᏁᎢ, ᎾᎿᎭᎤᏕᏗ ᎨᏒ ᎦᎶᏁᏛ.
Zvino wakati aunganidza vapristi vakuru vese nevanyori vevanhu, akabvunza kwavari kuti Kristu uchazvarirwa kupi.
5 ᎯᎠᏃ ᏂᎬᏩᏪᏎᎴᎢ; ᏧᏗᏱ ᎦᏚᏱ ᎦᏚᎲᎢ; ᎯᎠᏰᏃ ᏄᏩᏅ ᎤᏬᏪᎳ ᎠᏙᎴᎰᏍᎩ;
Zvino vakati kwaari: MuBhetirehemu reJudhiya; nokuti zvakanyorwa saizvozvi nemuporofita zvichinzi:
6 ᎠᎴ ᏂᎯ ᎦᏚᏱ ᎦᏚᎲ ᏧᏗᏱ, ᎥᏝᏍᎩᏂ ᏣᏍᏗᎧᏂ ᏱᎩ, ᏥᎶᏓᏑᏯ ᏄᏂᎬᏫᏳᏒ ᏧᏗᏱ, ᏂᎯᏰᏃ ᏓᏣᏄᎪᏥ ᏗᏆᏤᎵ ᏴᏫ ᎢᏏᎵ-ᏗᎧᏁᏤᎯ.
Newe Bhetirehemu nyika yaJudha, hausi mudikisa kuvatongi vaJudha; nokuti kwauri kuchabuda mutungamiriri, achafudza vanhu vangu Israeri.
7 ᎿᎭᏉᏃ ᎡᎶᏛ ᎤᏕᎵᏛ ᏫᏚᏯᏅᎲ ᎾᏍᎩ ᎠᏂᎦᏔᎿᎭᎢ, ᎣᏍᏛ ᏚᏛᏘᏌᏁ ᎢᏳᏉ ᎾᏍᎩ ᏃᏈᏏ ᎤᎾᏄᎪᏨᎢ.
Zvino Herodhe, wakati adana vachenjeri muchivande, akabvunzisisa kwavari nguva yakaonekwa nyeredzi.
8 ᎠᎴ ᏚᏅᏎ ᎦᏚᏱ, ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ; ᎢᏤᎾ ᎣᏍᏛ ᏪᏥᏲᎦ ᎾᏍᎩ ᎤᏍᏗ ᎠᏲᎵ, ᎢᏳᏃ ᎡᏥᏩᏛᎲᎭ, ᎢᏍᎩᏃᏁᎵᎸᎭ, ᎠᏴᏃ ᎾᏍᏉ ᏫᏥᎷᏨᎭ, ᎠᎴ ᏥᏯᏓᏙᎵᏍᏓᏁᎸᎭ.
Akavatuma kuBhetirehemu, akati: Endai munobvunzisisa zvemucheche; kana mamuwana mundisume, kuti ini ndiuyewo ndimunamate.
9 ᎤᎾᏛᎦᏃᏁᎸᏃ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎤᎾᏂᎩᏎᎢ, ᎬᏂᏳᏉᏃ ᏃᏈᏏ, ᎾᏍᎩ ᎤᏂᎪᎲᎯ ᏗᎧᎸᎬ ᎢᏗᏢ, ᎢᎬᏱ ᎤᏁᏅᎡᎴᎢ, ᎬᏂ ᏭᎷᏥᎸ ᎠᎴ ᎤᎴᏫᏍᏔᏅ ᎦᎸᎳᏗᏢ ᎾᎿᎭᎠᏥᎵ ᎡᎲᎢ.
Vakati vanzwa mambo, vakabva; zvino tarira, nyeredzi yavakaona kumabvazuva yakavatungamirira, kusvikira yasvika ikamira pamusoro pepakange pane mucheche.
10 ᎤᏂᎪᎲᏃ ᎾᏍᎩ ᏃᏈᏏ, ᎤᎶᏔᏅᎯ ᎤᎾᎵᎮᎵᏤᎢ.
Vakati vaona nyeredzi vakafara nemufaro mukuru kwazvo.
11 ᎠᏓᏁᎸᏃ ᎤᏂᏴᎸ ᎤᏂᎪᎮ ᎠᏲᏝ ᎠᎴ ᎤᏥ ᎺᎵ, ᎠᎴ ᎡᎳᏗ ᏚᎾᏓᏅᏁᎢ, ᎤᎾᏓᏙᎵᏍᏓᏁᎴᎢ, ᎠᎴ ᏧᎬᏩᎶᏗ ᎤᏂᎳᏅᏛ ᏚᏂᏍᏚᎢᏒ ᎤᏂᏁᎸᏁ ᏅᎾᎵᏍᎪᎸᏔᏅᎯ, ᎠᏕᎸ-ᏓᎶᏂᏛ, ᎠᎴ ᎤᎦᎾᏍᏛ ᎦᏩᏒᎩ ᎠᏜᏓ ᎠᎴ ᎻᎳ.
Vakati vapinda mumba, vakaona mucheche naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata; zvino vakati vazarura fuma yavo, vakamupemberera nezvipo, goridhe, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nemura.
12 ᎠᎾᏍᎩᏓᏍᎬᏃ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏚᏁᏤᎸ ᎡᎶᏛᏱ ᏭᏂᎶᎯᏍᏗᏱ ᏂᎨᏒᎾ, ᎤᎾᏂᎩᏒ ᎤᏣᏘᏂᏉ ᎢᏗᏢ ᏭᏂᎶᏎ ᎢᎤᏁᏅ ᎤᎾᏤᎵᎪᎯ.
Vakati vanyeverwa naMwari muchiroto, kuti varege kudzokera kuna Herodhe, vakabva vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.
13 ᎤᎾᏂᎩᏒᏃ ᎬᏂᏳᏉ ᏗᎧᎿᎭᏩᏗᏙᎯ ᎤᏅᏏᏛ ᏱᎰᏩ ᎬᏂᎨᏒ ᏄᏛᏁᎴ ᏦᏩ ᎠᏍᎩᏓᏍᎬᎢ, ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎴᎢ; ᏔᎴᎲᎦ, ᎠᎴ ᏔᏘᏄᎦ ᎠᏲᎵ ᎠᎴ ᎤᏥ ᎠᎴ ᎭᎵᏘ, ᎢᏥᏈ ᏫᎶᎯ, ᎾᎿᎭᏃ ᏪᎮᏍᏗ ᎬᏂ ᏫᎬᏁᏤᎸᎭ, ᎡᎶᏛᏰᏃ ᎠᏎ ᏛᏲᎵ ᎤᏍᏗ ᎠᏲᎵ ᎤᎯᏍᏗᏱ.
Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe anoonekwa kuna Josefa muchiroto, achiti: Muka utore mucheche namai vake, utizire kuEgipita, uveko kusvikira ndichikuudza; nokuti Herodhe achatsvaka mucheche kuti amuparadze.
14 ᎿᎭᏉᏃ ᏚᎴᏅ ᎤᏘᏅᏎ ᎠᏲᎵ ᎠᎴ ᎤᏥ ᏒᏃᏱ, ᎠᎴ ᎢᏥᏛᏱ ᏭᎶᏎᎢ.
Zvino amuka wakatora mucheche namai vake usiku, akabva akaenda kuEgipita,
15 ᎠᎴ ᎾᎿᎭᏪᎮ ᎬᏂ ᎡᎶᏛ ᎤᏲᎱᏒ; ᎤᏙᎯᏳᏁ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏁᏨᎢ, ᎠᏙᎴᎰᏍᎩ ᏧᏮᏔᏁᎢ, ᎯᎠ ᏥᏄᏪᏎᎢ; ᎢᏥᏈᏱ ᏫᏥᏯᏅᎲ ᎠᏇᏥ.
uye wakavako kusvikira pakufa kwaHerodhe; kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe nemuporofita, achiti: Ndakadana mwanakomana wangu abude muEgipita.
16 ᎿᎭᏉᏃ ᎡᎶᏛ ᎤᏙᎴᎰᏒ ᎠᏂᎦᏔᎿᎭᎢ ᎬᏩᎵᏓᏍᏔᏅᎢ, ᎤᏣᏔᏅᎯ ᎤᏔᎳᏬᏎᎢ, ᎠᎴ ᎤᏓᏅᏎ ᏫᏚᏂᎰᏁ ᏂᎦᏛ ᏗᏂᏲᎵ ᎦᏚᏱ ᎠᏁᎯ, ᎠᎴ ᏂᎦᏛ ᏂᎬᎾᏛ ᎾᎿᎭᏂ, ᏔᎵ ᎢᏳᎾᏕᏘᏴᏛ ᏩᏍᏘ, ᎾᎯᏳ ᏅᏓᏳᏓᎴᏅᏛ ᏥᏓᎵᏏᎾᎯᏍᏓᏁᎮ ᏥᏓᏛᏛᎮᎸᎥᏍᎨ ᎠᏂᎦᏔᎿᎭᎢ.
Zvino Herodhe, wakati aona kuti anyengerwa nevachenjeri, akatsamwa zvikuru, akatuma, akauraya vana vese vaiva muBhetirehemu nemumigumo yaro yese, kubvira pamakore maviri neari pasi, zvichienderana nenguva yaakange abvunzisisa kuvachenjeri.
17 ᎿᎭᏉᏃ ᎤᏙᎯᏳᏁ ᏤᎵᎹᏯ ᎠᏙᎴᎰᏍᎩ ᎤᏁᏨᎯ, ᎠᎴ ᏥᏄᏪᏎᎢ;
Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti:
18 ᎴᎹᏱ ᎧᏁᎬ ᎤᎾᏛᎦᏅᎩ, ᏓᏂᏴᎬᎢ, ᎠᎴ ᏓᎾᏠᏱᎲᎢ, ᎠᎴ ᎤᏣᏘ ᎤᏁᎷᎬᎢ; ᎴᏥᎵ ᏓᏍᎪᏂᎲ ᏧᏪᏥ, ᎠᎴ ᏄᏚᎵᏍᎬᎾ ᎨᏒ ᎤᏄᏬᎯᏍᏗᏱ, ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎬ ᎾᏁᎲᎾᏉ ᎨᏒᎢ.
MuRama rakanzwika inzwi, kuungudza nekuchema nekurira kukuru, Rakeri achichema vana vake asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.
19 ᎿᎭᏉᏃ ᎡᎶᏛ ᎤᏲᎱᏒ, ᎬᏂᏳᏉ ᏗᎧᎿᎭᏩᏗᏙᎯ ᏱᎰᏩ ᎤᏤᎵᎦ ᎬᏂᎨᏒ ᏄᏛᏁᎴ ᏦᏩ ᎠᏍᎩᏓᏍᎬ ᎢᏥᏈᏱ,
Asi Herodhe wakati afa, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa muchiroto kuna Josefa muEgipita,
20 ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎴᎢ; ᏔᎴᎲᎦ ᎠᎴ ᎭᏘᏄᎦ ᎠᏲᎵ ᎠᎴ ᎤᏥ, ᎠᎴ ᎮᎾ ᎢᏏᎵᏱ, ᎿᎭᏉᏰᏃ ᏚᏂᏲᎱᏒ ᎠᏲᎵ ᎬᏅ ᏧᏂᏲᎲᎩ.
achiti: Muka, utore mucheche namai vake, uende kunyika yaIsraeri; nokuti vakafa avo vaitsvaka mweya wemucheche.
21 ᏚᎴᏅᏃ ᎤᏘᏅᏎ ᎠᏲᎵ ᎠᎴ ᎤᏥ, ᎠᎴ ᎢᏏᎵᏱ ᏭᎷᏤᎢ.
Akasimuka ndokutora mucheche namai vake akasvika kunyika yaIsraeri.
22 ᎠᏎᏃ ᎤᏛᎦᏅ ᎠᏥᎳ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒ ᏧᏗᏱ ᎤᏙᏓ ᎡᎶᏛ ᎤᏓᏁᏟᏴᏍᏓᏁᎸᎢ, ᎤᏍᎦᎴ ᎾᎿᎭᏭᎶᎯᏍᏗᏱ; ᎠᏎᏃ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᏪᏯᏔᏅᎯ ᎨᏒ ᎠᏍᎩᏓᏍᎬᎢ, ᎨᎵᎵ ᏭᎪᎸᏍᏔᏁᎢ;
Asi wakati achinzwa kuti Arikerawo anotonga muJudhiya panzvimbo yababa vake Herodhe, akatya kuendako; asi wakati anyeverwa naMwari muchiroto, akabva akaenda kumativi eGarirea.
23 ᎦᏚᎲᏃ ᎾᏎᎵᏗ ᏧᏙᎢᏛ ᏭᎷᏨ ᎾᎿᎭᎡᎮᎢ. ᎾᏍᎩᏃ ᎤᏙᎯᏳᏁ ᎠᎾᏙᎴᎰᏍᎩ ᏧᏂᏁᏤᎢ, ᎾᏎᎵᏗ ᎡᎯ ᎠᎪᏎᎮᏍᏗ, ᏧᎾᏛᏁᎢ.
Akasvika akagara muguta rinonzi Nazareta; kuti zvizadziswe zvakarehwa nevaporofita, kuti: Achanzi muNazareta.

< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎹᏚ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 2 >