< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎹᏚ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 19 >

1 ᎯᎠᏃ ᏄᎵᏍᏔᏅᎩ, ᏥᏌ ᎤᏍᏆᏛ ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏂᎦᏪᏍᎬᎢ, ᎨᎵᎵ ᎤᏓᏅᏒᎩ, ᏧᏗᏱ ᎠᏍᏛ ᏭᎷᏨᎩ ᏦᏓᏂ ᎠᏍᎪᏂᏗᏢ.
Zvino zvakaitika apo Jesu apedza mashoko awa, akabva kuGarirea, akasvika kumiganhu yeJudhiya mhiri kweJoridhani.
2 ᎤᏂᏣᏘᏃ ᎬᏩᏍᏓᏩᏛᏒᎩ, ᎠᎴ ᎾᎿᎭᏚᏅᏩᏅᎩ.
Zvaunga zvikuru zvikamutevera, akazviporesapo.
3 ᎠᏂᏆᎵᏏ ᎾᏍᏉ ᎬᏩᎷᏤᎸ ᎬᏩᎪᎵᏰᏍᎬᎩ, ᎯᎠ ᏂᎬᏩᏪᏎᎲᎩ; ᏚᏳᎪᏗᏍᎪ ᎠᏍᎦᏯ ᎤᏓᎢᏅᏗᏱ ᎤᏓᎵᎢ ᏂᎦᎥᏉ ᎪᎱᏍᏗ ᏴᏗᎵᏰᎢᎸᏍᏗᎭ?
VaFarisi vakauyawo kwaari, vachimuidza vachiti kwaari: Zvinotenderwa here kumunhu kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi?
4 ᎤᏁᏨᏃ ᎯᎠ ᏂᏚᏪᏎᎸᎩ; ᏝᏍᎪ ᏱᏥᎪᎵᏰᎣ, ᎾᏍᎩ ᏗᏓᎴᏂᏍᎬ ᏧᏪᏢᏅᎯ ᎠᏍᎦᏯ ᎠᎴ ᎠᎨᏴ ᏚᏬᏢᏅᎢ?
Akapindura, akati kwavari: Hamuna kurava here, kuti iye wakavaita kubva pakutanga wakavaita murume nemukadzi?
5 ᎠᎴ ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎢ; ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎠᏍᎦᏯ ᏕᎬᏕᎨᏍᏗ ᎤᏙᏓ ᎠᎴ ᎤᏥ, ᎠᎴ ᎠᏜᏓᏫᏍᏗᏍᎨᏍᏗ ᎤᏓᎵᎢ, ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎠᏂᏔᎵ ᏌᏉᏉ ᎤᏂᏇᏓᎸᎢ?
Akati: Nekuda kwaizvozvi munhu achasiya baba namai, uye achanamatira kumukadzi wake; avo vaviri vachava nyama imwe.
6 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎥᏝ ᎿᎭᏉ ᎠᏂᏔᎵ ᏱᎩ; ᏌᏉᏉᏍᎩᏂ ᎤᏂᏇᏓᎸᎢ. ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏧᏭᏓᏔᏅᎯ ᎨᏒ ᏞᏍᏗ ᏴᏫ ᏱᏚᎦᎴᏅᏔᏁᏍᏗ.
Naizvozvo havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo Mwari zvaakabatanidza munhu ngaarege kuparadzanisa.
7 ᎯᎠᏃ ᏅᎬᏩᏪᏎᎸᎩ; ᎦᏙᏃ ᏱᏏ ᏧᏁᏤ ᎪᏪᎵ ᎦᏅᏁᏗᏱ ᏗᎦᎴᏅᏙᏗ, ᎠᎴ ᎠᎨᎯᏓᏍᏗᏱ?
Vakati kwaari: Mozisi wakagorairei kupa rugwaro rwekurambana, nekumuramba?
8 ᎯᎠᏃ ᏂᏚᏪᏎᎸᎩ; ᏗᏍᏓᏱᏳ ᎨᏒ ᎢᏳᏍᏗ ᏗᏥᎾᏫ ᎼᏏ ᎤᎾᏁᎳᎩ ᏓᏂᎨᏙᎯᎮᏍᏗ ᏧᎾᏓᎵᎢ, ᎢᏤᎵᏎᎸᎩ; ᏗᏓᎴᏂᏍᎬᏍᎩᏂ ᎥᏝ ᎾᏍᎩ ᏱᏄᏍᏕᎢ.
Akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo yenyu Mozisi wakakutenderai kuramba vakadzi venyu; asi kubva pakutanga zvakange zvisina kudaro.
9 ᎠᏎᏃ ᎯᎠ ᏂᏨᏪᏎᎭ; ᎩᎶ ᎤᏓᎵᎢ ᎢᎠᎨᎯᏙᎮᏍᏗ ᏧᏂᏏᏅᎯᏍᎩᏂᏃᏅ ᎢᎨᏎᏍᏗ, ᏅᏩᏓᎴᏃ ᎢᎠᏓᏰᎨᏍᏗ, ᎠᏓᏲᏁᎮᏍᏗ. ᎩᎶᏃ ᎠᏥᎨᎯᏙᎸᎯ ᎠᏓᏰᎨᏍᏗ ᎠᏓᏲᏁᎮᏍᏗ.
Asi ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhaka yeupombwe, akawana umwe, anopomba; neanowana wakarambwa anopomba.
10 ᎬᏩᏍᏓᏩᏗᏙᎯ ᎯᎠ ᏂᎬᏩᏪᏎᎸᎩ; ᎢᏳᏃ ᎾᏍᎩ ᏱᏄᏍᏗ ᎠᏍᎦᏯ ᎤᏓᎵᎢ ᏓᎾᏤᎲᎢ, ᎥᏝ ᎣᏏᏳ ᏱᎩ ᎠᏕᏒᎲᏍᏗᏱ.
Vadzidzi vake vakati kwaari: Kana nyaya yemunhu nemukadzi yakadaro, hazvibatsiri kuwana.
11 ᎯᎠᏃ ᏂᏚᏪᏎᎸᎩ, ᎥᏝ ᎾᏂᎥ ᎯᎠ ᏥᏂᏥ Ꮻ ᏱᏙᎬᎾᏓᏂᎸᎩ, ᎨᎦᎵᏍᎪᎸᏓᏁᎸᎯ ᎤᏅᏒ.
Asi akati kwavari: Vese havagamuchiri shoko iri, kunze kwevakaripiwa.
12 ᎠᏁᎭᏰᏃ ᎠᏂᎾᎵ ᏅᏩᎾᏍᏙ ᏧᏂᏥ ᎬᏩᏂᎾᏄᎪᏫᏒ, ᎠᎴ ᎠᏁᎭ ᎠᏂᎾᎵ ᏴᏫ ᎬᏩᏂᎾᎵᏛᎯ, ᎠᎴ ᎠᏁᎭ ᎠᏂᎾᎵ ᎤᏅᏒ ᎤᎾᏓᎾᎵᏛᎯ ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒ ᏗᎵᏰᎢᎸᏍᏗᏍᎬᎢ. ᎩᎶ ᏗᎬᏩᏓᏂᎸᎢᏍᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎾᏍᎩ ᏓᏓᏂᎸᎨᏍᏗ.
Nokuti kune vatenwa, vakaberekwa vakadaro kubva mudumbu ramai; uye kune vatenwa, vakaitwa vatenwa nevanhu; uye kune vatenwa vakazviita vatenwa nekuda kweushe hwekumatenga. Anogona kugamuchira izvi, ngaagamuchire.
13 ᎿᎭᏉᏃ ᏓᎦᏘᏃᎮᎸᎩ ᏧᎾᏍᏗ ᏗᏂᏲᎵ ᎾᏍᎩ ᏧᏏᏔᏗᏍᏗᏱ ᎠᎴ ᎤᏓᏙᎵᏍᏙᏗᏱ; ᎬᏩᏍᏓᏩᏗᏙᎯᏃ ᏚᏂᏅᏍᏓᏕᎸᎩ.
Zvino kwakauyiswa kwaari vana vadiki, kuti aise maoko pamusoro pavo, anyengetere; asi vadzidzi vakavatsiura.
14 ᏥᏌᏃ ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ; ᎤᎾᏁᎳᎩ ᏗᏤᎵᏏ ᏧᎾᏍᏗ ᏗᏂᏲᎵ, ᎠᎴ ᏞᏍᏗ ᏗᏥᏅᏍᏓᏕᎸᎩ ᎬᎩᎷᏤᏗᏱ; ᎾᏍᎩᏰᏃ ᏄᎾᏍᏗ ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒ.
Asi Jesu wakati: Tenderai vana vadiki, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekumatenga ndehwevakadai.
15 ᏚᏏᏔᏛᏃ ᎾᎿᎭᎤᏓᏅᏒᎩ.
Akaisa maoko pamusoro pavo, akabvapo.
16 ᎬᏂᏳᏉᏃ ᎠᏏᏴᏫ ᎤᎷᏤᎸᎩ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ; ᎰᏍᏛ ᏔᏕᏲᎲᏍᎩ, ᎦᏙ ᎤᏍᏗ ᎣᏍᏛ ᎪᎱᏍᏗ ᏓᎦᏛᏁᎵ ᎠᎩᏩᏛᏙᏗ ᏫᎾᏍᏛᎾ ᎬᏂᏛ? (aiōnios g166)
Zvino tarira, kwakaswedera umwe akati kwaari: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi kuti ndive neupenyu husingaperi? (aiōnios g166)
17 ᎯᎠᏃ ᏄᏪᏎᎸᎩ; ᎦᏙᏃ ᎰᏍᏛ ᎢᏍᏉᏎᎭ? ᎥᏝ ᎩᎶ ᎣᏍᏛ ᏱᎩ ᏌᏉ ᎤᏩᏒᎯᏳ, ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ. ᎠᏎᏃ ᏣᏚᎵᏍᎨᏍᏗ ᎬᏂᏛ ᏗᎨᏒ ᏫᏣᎾᏄᎪᎢᏍᏗᏱ ᏘᏍᏆᏂᎪᏓ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ.
Akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, ndiye Mwari. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.
18 ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ; ᎦᏙ ᎤᏍᏗ? ᏥᏌ ᎯᎠ ᏄᏪᎡᎩ; ᎯᎠ, ᏞᏍᏗ ᏣᏓᎸᎩ; ᏞᏍᏗ ᏣᏓᏲᏁᎸᎩ; ᏞᏍᏗ ᏣᏃᏍᎩᏒᎩ; ᏓᎾᏓᏱᎵᏙᎲ ᏞᏍᏗ ᎦᏰᎪᎩ ᏣᏃᎮᎸᎩ;
Akati kwaari: Ipi? Jesu ndokuti: Usauraya, usapomba, usaba, usapupura nhema,
19 ᎯᎸᏉᏕᏍᏗ ᏣᏙᏓ ᎠᎴ ᏣᏥ; ᎠᎴ ᎾᏍᏉ ᎯᎠ; ᏨᏒ ᏂᏣᏓᎨᏳᏒ ᏂᎨᏳᏎᏍᏗ ᎾᎥ ᎢᏗᏍᏓᏓᎳ.
kudza baba vako namai, uye, ude umwe wako sezvaunozvida iwe.
20 ᎠᏫᏅ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ; ᎯᎠ ᎾᏍᎩ ᏂᎦᏛ ᏓᎩᎧᎿᎭᏩᏕᏅ ᏥᏧᏣ ᎨᏒ ᏅᏓᎬᏩᏓᎴᏅᏛ, ᎦᏙ ᎠᏏ ᎠᎩᎷᎳ?
Jaya rikati kwaari: Izvozvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu; ndichiri kushaiwei?
21 ᏥᏌ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ; ᎢᏳᏃ ᏣᏍᏆᏗᏍᏗᏱ ᏣᏚᎵᏍᎨᏍᏗ, ᎮᎾ, ᏫᎾᏚᎦ ᏣᎿᎭᎥᎢ, ᎠᎴ ᏘᎲᏏ ᎤᏲ ᎢᏳᎾᏛᎿᎭᏕᎩ, ᎦᎸᎳᏗᏃ ᏫᏣᎮᏍᏗ ᏧᎬᏩᎶᏗ; ᎠᎴ ᏖᏒ ᏍᎩᏍᏓᏩᏕᏒᎭ.
Jesu akati kwariri: Kana uchida kuva wakaperera, enda utengese zvaunazvo upe varombo, uye uchava nefuma kudenga; ugouya pano unditevere.
22 ᎠᏎᏃ ᎠᏫᏅ ᎾᏍᎩ ᎤᏛᎦᏅ ᎤᏓᏅᏒᎩ ᎤᏲᎢᏳ ᎤᏰᎸᏅᎩ, ᎤᏣᏘᏰᏃ ᎤᏪᎿᎭᎢᏳ ᎨᏒᎩ.
Asi jaya rakati ranzwa shoko iro rikaenda richishungurudzika; nokuti rakange rine nhumbi zhinji.
23 ᎿᎭᏉᏃ ᏥᏌ ᎯᎠ ᏂᏚᏪᏎᎸ ᎬᏩᏍᏓᏩᏗᏙᎯ; ᎤᏙᎯᏳᎯᏯ ᎯᎠ ᏂᏨᏪᏎᎭ; ᎤᏪᎿᎭᎢ ᏴᏫ ᎠᏍᏓᏱᏳ ᏭᏴᏍᏗᏱ ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒᎢ.
Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mufumi ucharemerwa kupinda muushe hwekumatenga.
24 ᎠᎴᏬ ᎯᎠ ᏂᏨᏪᏎᎭ; ᎤᏟ ᎠᎯᏗᏳ ᎨᎻᎵ ᎤᎦᏛᎴᎯᏍᏗᏱ ᏴᎩ ᎦᏏᏁᎾᏛᏗᏱ ᎡᏍᎦᏉ ᎤᏪᎿᎭᎢ ᏴᏫ ᏭᏴᏍᏗᏱ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒᎢ.
Ndinotizve kwamuri: Zvakarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.
25 ᎬᏩᏍᏓᏩᏗᏙᎯᏃ ᎤᎾᏛᎦᏅ ᎤᏣᏔᏅᎯ ᎤᏂᏍᏆᏂᎪᏒᎩ, ᎯᎠ ᏄᏂᏪᏒᎩ ᎦᎪᏃ ᏰᎵ ᏯᏥᏍᏕᎸ?
Vadzidzi vake vakati vazvinzwa, vakashamisika kwazvo, vachiti: Saka ndiani angagona kuponeswa?
26 ᏥᏌᏃ ᎾᏍᎩ ᏚᎧᎿᎭᏅ ᎯᎠ ᏂᏚᏪᏎᎸᎩ; ᏴᏫ ᎨᏒ ᎥᏝ ᎾᏍᎩ ᏱᏅᎦᎵᏍᏓ, ᎤᏁᎳᏅᎯᏍᎩᏂ ᎨᏒ ᏂᎦᎥ ᎪᎱᏍᏗ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗᏉ.
Asi Jesu wakatarira akati kwavari: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvese zvinobvira.
27 ᎿᎭᏉᏃ ᏈᏓ ᎤᏁᏨ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ; ᎬᏂᏳᏉ ᎠᏴ ᏂᎦᏗᏳ ᏙᎩᏲᏐᏅ ᎠᎴ ᎢᏨᏍᏓᏩᏕᏅ; ᎦᏙᏃ ᎠᏴ ᏓᏲᏥᏩᏛᎯ?
Ipapo Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvese, tikakuteverai; zvino tichava nei?
28 ᏥᏌᏃ ᎯᎠ ᏂᏚᏪᏎᎸᎩ; ᎤᏙᎯᏳᎯᏯ ᎯᎠ ᏂᏨᏪᏎᎭ; ᎠᏓᏁᏟᏴᏒᎢ, ᏴᏫ ᎤᏪᏥ ᎦᏅᎭ ᎦᎸᏉᏗᏳ ᎤᏪᏍᎩᎸᎢ, ᏂᎯ ᏍᎩᏍᏓᏩᏛᏛ ᎾᏍᏉ ᎢᏥᏁᏍᏗ ᏔᎳᏚ ᏕᎦᏍᎩᎸᎢ, ᏕᏧᎪᏓᏁᎮᏍᏗ ᏔᎳᏚ ᎾᏂᎳᏍᏓᎸ ᎢᏏᎵ.
Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Imwi makanditevera, pakuberekwa kutsva kana Mwanakomana wemunhu agara pachigaro cheushe chekubwinya kwake, imwiwo muchagara pazvigaro zveushe gumi nezviviri, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.
29 ᎠᎴ ᎾᏂᎥ ᎩᎶ ᏧᏅᏕᏨᎯ ᏓᏂᏁᎸᎢ, ᎠᎴ ᎠᎾᎵᏅᏟ ᎠᎴ ᏧᏂᏙ, ᎠᎴ ᏧᏂᏙᏓ, ᎠᎴ ᏧᏂᏥ, ᎠᎴ ᏧᎾᏓᎵᎢ, ᎠᎴ ᏧᏁᏥ, ᎠᎴ ᎦᏙᎯ, ᏓᏆᏙᎥ ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎨᏍᏗ, ᎤᏂᏩᏛᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎠᏍᎪᎯᏧᏈ ᎤᏁᏉᏨᎯ, ᎠᎴ ᎤᎾᏤᎵ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎬᏂᏛ ᏫᎾᏍᏛᎾ. (aiōnios g166)
Uye umwe neumwe wakasiya dzimba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwezita rangu, uchagamuchira zvine zana, akagara nhaka yeupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
30 ᎠᏎᏃ ᎤᏂᏣᏔ ᎢᎬᏱ ᏥᎩ ᎣᏂᏱ ᎨᏎᏍᏗ; ᎣᏂᏱᏃ ᏥᎩ ᎢᎬᏱᎢᎨᏎᏍᏗ.
Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.

< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎹᏚ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 19 >