< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎹᏚ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 18 >

1 ᎾᎯᏳ ᏥᏌ ᎬᏩᎷᏤᎸ ᎬᏩᏍᏓᏩᏗᏙᎯ, ᎯᎠ ᏂᎬᏩᏪᏎᎸᎩ; ᎦᎪ ᎤᏟᎠ ᏥᎸᏉᏗᏳ ᎾᎿᎭᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒᎢ.
Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti: Ko ndiani mukurusa paushe hwekumatenga?
2 ᏥᏌᏃ ᎠᏲᎵ ᏭᏯᏅᎲ ᎠᏰᎵ ᎠᏂᏅ ᎤᏪᎧᏅᎩ, ᎠᎴ ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ;
Jesu akadanira kwaari mucheche akamumisa pakati pavo.
3 ᎤᏙᎯᏳᎯᏯ ᎯᎠ ᏂᏨᏪᏎᎭ; ᎢᏳᏃ ᏂᏣᏓᏁᏟᏴᏒᎾ ᎢᎨᏎᏍᏗ, ᎠᎴ ᏗᏂᏲᎵ ᏥᏄᎾᏍᏗ ᏂᏣᎵᏍᏔᏅᎾ ᎢᎨᏎᏍᏗ, ᎥᏝ ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒ ᏴᎨᏥᏴᎭ.
Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashandurwi mukava sevacheche, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.
4 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎩᎶ ᎤᏓᏙᎵᏍᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎾᏍᎩᏯ ᎯᎠ ᎠᏲᎵ, ᎾᏍᎩ ᎤᏟ ᎠᏥᎸᏉᏗᏳ ᎨᏎᏍᏗ ᎾᎿᎭᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒᎢ.
Naizvozvo ani nani anozvininipisa semucheche uyu ndiye mukurusa muushe hwekumatenga.
5 ᎠᎴ ᎩᎶ ᏓᏓᏂᎸᎨᏍᏗ ᏌᏉ ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᎢᏳᏍᏗ ᎠᏲᎵ ᏓᏆᏙᎥ ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎨᏍᏗ, ᎠᏴ ᏓᏆᏓᏂᎸᎨᏍᏗ.
Zvino ani nani anogamuchira mucheche umwe wakadai muzita rangu anogamuchira ini.
6 ᎩᎶᏍᎩᏂ ᏕᎪᏕᏍᏗᏍᎨᏍᏗ ᏌᏉ ᎯᎠ ᏧᎾᏍᏗᎦ ᎨᏒ ᎾᏍᎩ ᎬᏉᎯᏳᎲᏍᎩ, ᎤᏟ ᎣᏏᏳ ᎠᏍᏙᏍᎩ ᏅᏯ ᏯᏥᏯᏝᏅ, ᎠᎴ ᎠᏍᏛᎬ ᎠᎺᏉᎯ ᏯᏥᎬᏴ.
Asi ani nani anogumbusa umwe wevacheche ava vanotenda kwandiri, zvaiva nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, anyudzwe mukudzika kwegungwa.
7 ᎤᏂᎢᏳ ᎢᏳᎵᏍᏓᏁᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎡᎶᎯ ᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᎭ ᏗᎾᏓᏙᏕᏍᏗᏍᎩ, ᎠᏎᏰᏃ ᏗᎾᏓᏙᏕᏍᏗᏍᎩ ᎤᏂᎾᏄᎪᎢᏍᏗ; ᎠᏎᏃ ᎤᏲᎢᏳ ᎢᏳᎵᏍᏓᏁᏗ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎠᏍᎦᏯ ᏗᏓᏙᏕᏍᏗᏍᎩ ᎤᎾᏄᎪᏫᏒᎯ.
Ine nhamo nyika nemhaka yezvigumbuso! Nokuti kunodikanwa kuti zvigumbuso zviuye; asi une nhamo munhu uyo chigumbuso wachinouya naye!
8 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎢᏳᏃ ᏦᏰᏂ ᎠᎴ ᏣᎳᏏᏕᏂ ᏕᏦᏕᏍᏗᏍᎨᏍᏗ, ᎯᏍᏆᎵᏍᎨᏍᏗ ᎠᎴ ᏫᏣᏕᎨᏍᏗ; ᎤᏟ ᎣᏏᏳ ᎢᏣᎵᏍᏓᏁᏗ ᏦᏰᏂ ᎠᎴ ᏣᎳᏏᏕᏂ ᏣᏲᎱᏎᎸᎯ ᏱᎩ ᎬᏂᏛ ᏗᎨᏒ ᏫᏱᏣᏴᎸ, ᎠᏃ ᎢᏧᎳ ᏱᏘᏰᏌᏓ ᎠᎴ ᎢᏧᎳ ᏗᏣᎳᏏᏕᏂ ᏫᏰᏣᏓᎢᏅ ᏂᎬᏠᏍᎬᎾ ᎨᏒ ᎠᏥᎸᏱ. (aiōnios g166)
Zvino kana ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikugumbusa, uzvigure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri mhetamakumbo kana uri chirema pakuti une maoko maviri kana tsoka mbiri ukandirwe mumoto wekusingaperi. (aiōnios g166)
9 ᎢᏳ ᎠᎴ ᎯᎦᏙᎵ ᏕᏦᏕᏍᏗᏍᎨᏍᏗ, ᎭᏓᎦᏖᏙᎢᏍᎨᏍᏗ ᎠᎴ ᏫᏣᏕᎨᏍᏗ; ᎤᏟ ᎣᏏᏳ ᎢᏣᎵᏍᏓᏁᏗ ᏌᏉ ᏱᎧᎿᎭᎬᏂᏛ ᏗᎨᏒ ᏫᏱᏣᏴᎸ, ᎠᏃ ᎢᏧᎳ ᏱᏘᎧᎿᎭᏨᏍᎩᏃᎢ ᎠᏥᎸᏱ ᏫᏰᏣᏓᎢᏅ. (Geenna g1067)
Kana ziso rako richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu une ziso rimwe pakuti une meso maviri ukandirwe mugehena remoto. (Geenna g1067)
10 ᎢᏤᏯᏔᎮᏍᏗ ᏥᎦᏰᏥᏐᏢᏔᏂ ᏌᏉ ᎯᎠ ᏧᎾᏍᏗᎦ; ᎯᎠᏰᏃ ᏂᏨᏪᏎᎭ; ᎦᎸᎳᏗ ᏦᏒ ᏧᎾᏤᎵᎦ ᏗᏂᎧᎿᎭᏩᏗᏙᎯ ᏂᎪᎯᎸ ᎠᏂᎪᏩᏘᏍᎪ ᎤᎧᏛ ᎡᏙᏓ ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ.
Chenjerai musazvidza umwe wevadiki ava, nokuti ndinoti kwamuri: Kumatenga vatumwa vavo vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kumatenga.
11 ᏴᏫᏰᏃ ᎤᏪᏥ ᎤᎷᏨ ᎤᏍᏕᎸᎯᎸ ᎤᎴᎾᎸᎯ.
Nokuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzoponesa chakange chakarasika.
12 ᎦᏙ ᎢᏤᎵᎭ; ᎢᏳᏃ ᎩᎶ ᎠᏍᎦᏯ ᎠᏍᎪᎯᏧᏈ ᎠᏫ ᏱᏚᎾᏝᎠ, ᏌᏉᏃ ᏳᎴᏲᎡᎸ, ᏝᏍᎪ ᏐᎣᏁᎳᏍᎪᎯ ᏐᎣᏁᎳᎦᎵ ᎢᏯᏂᏛ ᏱᏗᎬᏕᎪᎢ, ᎠᎴ ᏱᏗᎧᎾᎷᏏᏙᎰ ᎦᏚᏏ ᏳᏲᎰ ᎤᎴᏲᎡᎸᎯ?
Munofunga sei? Kana umwe munhu ane makwai zana, rimwe rawo rikarasika, haangasii here makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, akaenda kumakomo kunotsvaka rakarasika?
13 ᎢᏳᏃ ᎠᏩᏛ, ᎤᏙᎯᏳᎯᏯ ᎢᏨᏲᏎᎭ, ᎤᏟ ᏂᎦᎣ ᎠᎵᎮᎵᎪ ᎾᏍᎩ ᎨᏒ ᎢᏳᏍᏗ, ᎡᏍᎦᏉ ᏐᎣᏁᎳᏍᎪᎯ ᏐᎣᏁᎳᎦᎵ ᎢᏯᏂᏛ ᏄᎾᎴᏲᎥᎾ.
Kana zvikaitika kuti ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Anorifarira kupfuura makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika.
14 ᎾᏍᎩᏯ ᎾᏍᏉ ᎥᏝ ᏳᏚᎵ ᎢᏥᏙᏓ ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ, ᏌᏉ ᎯᎠ ᏧᎾᏍᏗᎦ ᎨᏒ ᏧᏂᏲᎱᎯᏍᏗᏱ.
Saizvozvo hakusi kuda kwaBaba venyu vari kumatenga, kuti umwe wevadiki ava aparare.
15 ᎢᏳᏃ ᏗᏍᏓᏓᏅᏟ ᎢᏣᏍᎦᏅᏤᎮᏍᏗ, ᎮᎨᏍᏗ ᎯᏃᏁᎮᏍᏗ ᎤᏍᎦᏅᏨ ᎢᏍᏛᏒᏉ ᎨᏒᎢ; ᎢᏳᏃ ᎢᏣᏛᏓᏍᏓᏁᎮᏍᏗ, ᎯᏩᏛᎮᏍᏗ ᏗᏍᏓᏓᏅᏟ.
Asi kana umwe wako akutadzira, enda umudzore pakati pako naye mega; kana akakunzwa, wawana umwe wako.
16 ᎢᏳᏍᎩᏂᏃ ᏂᏣᏛᏓᏍᏓᏁᎲᎾᏉ ᎢᎨᏎᏍᏗ, ᎠᏏᏴᏫ ᎠᎴ ᎠᏂᏔᎵ ᏕᎭᏘᏁᎨᏍᏗ, ᎾᏍᎩᏃ ᎠᏂᏃᎮᏍᎬ ᎠᏂᏔᎵ ᎠᎴ ᎠᏂᏦᎢ ᎠᏂᎦᏔᎯ ᏂᎦᏛ ᏣᏁᏨ ᎠᏍᏓᏲᏍᎨᏍᏗ.
Asi kana asinganzwi, tora umwe kana vamwe vaviri newe, kuti nemuromo wezvapupu zviviri kana zvitatu shoko rese risimbiswe.
17 ᎢᏳᏃ ᎾᏍᎩ ᏂᏓᏛᏓᏍᏓᏁᎲᎾᏉ ᎢᎨᏎᏍᏗ ᏧᎾᏁᎶᏗ ᎤᎾᏓᏡᎬ ᎯᏃᎲᏍᎨᏍᏗ; ᎢᏳᏍᎩᏂᏃ ᏧᎾᏁᎶᏗ ᎤᎾᏓᏡᎬ ᏂᏓᏛᏓᏍᏓᏁᎲᎾ ᎢᎨᏎᏍᏗ, ᏅᏩᏓᎴᏉ ᏴᏫ ᎠᎴ ᎠᏰᎵᏉ-ᎠᏕᎸ ᎠᎩᏏᏙᎯ ᎾᏍᎩᏯ ᎯᏯᏓᏅᏖᏍᎨᏍᏗ.
Kana asina hanya nekuvanzwa, uudze kereke; asi kana asina hanya nekunzwa kerekewo, ngaave kwauri semuhedheni nemuteresi.
18 ᎤᏙᎯᏳᎯᏯ ᎯᎠ ᏂᏨᏪᏎᎭ; ᏂᎦᎥ ᎪᎱᏍᏗ ᎢᏣᎸᎢᎮᏍᏗ ᎡᎶᎯ, ᎦᎸᏍᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎦᎸᎳᏗ; ᏂᎦᎥᏃ ᎪᎱᏍᏗ ᎢᏣᎸᎩᏍᎨᏍᏗ ᎡᎶᎯ ᎦᎸᎩᏍᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎦᎸᎳᏗ.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchasunga panyika, chichasungwa kudenga; uye chipi nechipi chamunosunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.
19 ᎠᎴᏬ ᎯᎠ ᏂᏨᏪᏎᎭ; ᎢᏳᏃ ᎠᏂᏔᎵ ᏂᎯ ᏥᏤᏙᎭ ᎠᎾᎵᎪᎲᏍᎨᏍᏗ ᎠᏂ ᎡᎶᎯ ᏂᎦᎥᏉ ᎪᎱᏍᏗ ᎠᏂᏔᏲᎯᎮᏍᏗ, ᎾᏍᎩ ᎢᏳᎾᏛᏁᏗ ᎨᏎᏍᏗ ᎡᏙᏓ ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ.
Zvekare ndinoti kwamuri: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechinhu chipi nechipi chavanokumbira, chichaitwa kwavari naBaba vangu vari kumatenga.
20 ᎢᎸᎯᏢᏰᏃ ᎠᏂᏔᎵ ᎠᎴ ᎠᏂᏦᎢ ᏥᏓᏂᎳᏫᎣ ᎠᏴ ᏓᏆᏙᎥ ᏥᏅᏗᎦᎵᏍᏙᏗᏍᎪᎢ, ᎾᎿᎭᎠᏰᎵ ᎠᏆᏓᏑᏲᎢ.
Nokuti apo vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ipapo ndiripo pakati pavo.
21 ᎿᎭᏉᏃ ᏈᏓ ᎤᎷᏤᎸ ᎯᎠ ᏄᏪᏒᎩ; ᏣᎬᏫᏳᎯ, ᎢᎳᎪ ᎾᎩᏍᎦᏅᏤᎮᏍᏗ ᏦᏍᏓᏓᏅᏟ, ᎠᏏᏉ ᎢᏥᏯᏙᎵᎨᏍᏗ? ᎦᎵᏉᎩᏍᎪ?
Zvino Petro wakauya kwaari akati: Ishe, umwe wangu uchanditadzira kangani, ndichimukanganwira? Kusvikira kanomwe here?
22 ᏥᏌ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎸᎩ; ᎥᏝ ᎦᎵᏉᎩᏉ ᏱᎬᏲᏎᎭ, ᎦᎵᏆᏍᎪᎯᏍᎩᏂ ᎦᎸᏉᎩ ᎢᏳᎶᏒᎯ.
Jesu akati kwaari: Handiti kwauri: Kusvikira kanomwe; asi: Kusvikira makumi manomwe akapamhidzirwa kanomwe.
23 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒ ᎾᏍᎩᏯᏉ ᎩᎶ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏧᏓᏅᏖᎴ ᎣᏍᏛ ᎢᏳᏅᏁᏗᏱ ᏚᏚᎬ ᏧᏅᏏᏓᏍᏗ.
Naizvozvo ushe hwekumatenga hunofananidzwa neumwe mambo, wakange achida kugadzirisa zvemari nevaranda vake.
24 ᎿᎭᏉᏃ ᎤᎾᎴᏅᎲ ᎣᏍᏛ ᏄᏅᏁᎸ, ᏌᏉ ᎠᎦᏘᏃᎮᎴ ᎠᏍᎪᎯ ᎢᏳᏆᏗᏅᏛ ᎠᏕᎸ ᎤᏚᎩ.
Zvino wakati achitanga kugadzirisa zvemari, umwe akauyiswa kwaari wakange ane chikwereti chematarenda gumi rezvuru.
25 ᎠᏎᏃ ᎪᎱᏍᏗ ᎤᏓᏴᏙᏗ ᏄᎲᎾ ᎨᏒ ᎢᏳᏍᏗ, ᎤᎾᏝᎢ ᎤᏁᏤ ᎠᏥᎾᏗᏅᏗᏱ ᎠᎴ ᎤᏓᎵᎢ ᎠᎴ ᏧᏪᏥ ᎠᎴ ᏂᎦᎥ ᎪᎱᏍᏗ ᎤᎲᎢ, ᎠᏓᏴᏗᏱᏃ.
Asi zvaakange asina chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe pamwe nemukadzi wake nevana, nezvese zvaakange anazvo, kuti muripo uitwe.
26 ᎾᏍᎩ ᎢᏳᏍᏗ ᎠᏥᏅᏏᏓᏍᏗ ᎡᎳᏗ ᎤᏓᏅᏁᎢ, ᎠᎴ ᎤᏓᏙᎵᏍᏓᏁᎴᎢ, ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ; ᏍᎩᎾᏝᎢ, ᏍᎩᏙᎵᎩ ᏍᎩᎦᏘᏓ, ᏂᎦᏛᏃ ᏓᎬᏯᎫᏴᎡᎵ.
Naizvozvo muranda wakawira pasi, akamunamata, achiti: Ishe, ivai nemoyo murefu neni, ndichakuripirai zvese.
27 ᎾᏍᎩᏃ ᎠᏥᏅᏏᏓᏍᏗ ᎤᎾᏝᎢ ᎤᏪᏙᎵᏤᎢ, ᎠᎴ ᎤᏪᎧᏁᎢ, ᎠᎴ ᎤᏚᎬ ᎤᏁᎳᎩ ᎤᏪᎵᏎᎴᎢ.
Zvino ishe wemuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukanganwira chikwereti.
28 ᎠᏎᏃ ᎾᏍᎩ Ꮎ ᎠᏥᏅᏏᏓᏍᏗ ᎤᏄᎪᏨ, ᎤᏩᏛᎮ ᎠᏏᏴᏫ ᎢᏧᎳᎭ ᎨᏥᏅᏏᏓᏍᏗ ᎾᏍᎩ ᎤᏁᏨᎯ ᎤᎫᏴᎡᏗᏱ ᎠᏍᎪᎯᏧᏈ ᎠᎩᏏ ᏧᎾᎬᏩᎶᏗ; ᎤᏂᏴᎮᏃ, ᎠᎴ ᎤᏴᏍᎩᏴᎮᎢ; ᏍᏆᎫᏴᏏ ᏥᎬᏚᎦ, ᎤᏛᏁᎢ.
Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana umwe wevaranda vaibata pamwe naye, wakange ane ngava kwaari remadhenario zana; akamubata, akamudzipa, akati: Ndiripe zvaunofanira.
29 ᎢᏧᎳᎭᏃ ᎨᏥᏅᏏᏓᏍᏗ ᏚᎳᏍᎬ ᎡᎳᏗ ᎤᏓᏅᏁ ᎤᏓᏙᎵᏍᏓᏁᎴᎢ, ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ; ᏍᎩᏙᎵᎩ ᏍᎩᎦᏘᏓ, ᏂᎦᏛᏃ ᏓᎬᏯᎫᏴᎡᎵ.
Zvino muranda waibata pamwe naye akawira pasi patsoka dzake akamugombetedza achiti: Uve nemoyo murefu neni, ndichakuripira zvese.
30 ᎠᏎᏃ ᎥᏝ ᏳᏬᎯᏳᏁᎢ, ᏗᏓᏍᏚᏗᏱᏉ ᏭᎶᏎᎢ, ᎠᎴ ᎾᎿᎭᏭᏴᏔᏁ ᎤᎫᏴᏗᏱ ᎠᏥᏚᎬ ᎢᎪᎯᏛ.
Asi iye haana kuda, asi wakaenda, akamukanda mutirongo, kusvikira aripa chikwereti.
31 ᎾᏉᏃ ᎾᏍᎩ ᎢᏧᎳᎭ ᎨᏥᏅᏏᏓᏍᏗ ᎤᎾᏙᎴᎰᏒ ᏄᎵᏍᏔᏅᎢ ᎤᏣᏘ ᎤᏲ ᎤᏂᏰᎸᏁᎢ, ᎠᎴ ᎤᏂᎷᏤ ᎤᏂᏃᏁᎴ ᏧᏂᎾᏝᎢ ᏂᎦᏛ ᏄᎵᏍᏔᏂᏙᎸᎢ.
Zvino varanda vaibata pamwe naye vakati vachiona zvakange zvaitika, vakashungurudzika kwazvo, vakaenda vakaudza ishe wavo zvese zvakaitika.
32 ᎿᎭᏉᏃ ᎤᎾᏝᎢ ᏭᏯᏅᎲ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎴᎢ; ᏣᏁᎫᏥᏛ ᎬᏅᏏᏓᏍᏗ, ᎤᏁᎳᎩ ᎬᏰᎵᏎᎸᎩ ᏂᎦᏛ ᏂᎯ ᏥᎬᏚᎬᎩ, ᏍᎩᏔᏲᏎᎸ ᎢᏳᏍᏗ.
Zvino ishe wake wakati amudanira kwaari akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukanganwira chikwereti icho chose, nokuti wakandigombetedza.
33 ᏝᏍᎪ ᎾᏍᏉ ᏂᎯ ᎦᎯᏯᏙᎵᏍᏗ ᏱᎨᏎ ᎢᏧᎳᎭ ᎡᏍᏗᏅᏏᏓᏍᏗ, ᎾᏍᎩᏯ ᎬᏯᏙᎵᏨᎢ?
Ko newe hausaifanira kunzwira tsitsi here umwe muranda unobata pamwe newe, seniwo ndakakunzwira tsitsi?
34 ᎤᏔᎳᏭᏎᏃ ᎤᎾᏝᎢ, ᎠᎴ ᏫᏚᏲᎯᏎᎴ ᏗᎾᏓᏍᏚᎲᏍᎩ ᎤᎫᏴᎰᎲᏍᏗᏱ ᏂᎦᏛ ᎠᏥᏚᎬ ᎢᎪᎯᏛ.
Zvino ishe wake akatsamwa, akamukumikidza kuvarwadzisi, kusvikira aripa zvese zvakafanira kwaari.
35 ᎾᏍᎩᏯ ᎾᏍᏉ ᏅᏓᏨᏴᏁᎵ ᎡᏙᏓ ᎦᎸᎳᏗ ᎡᎯ, ᎢᏳᏃ ᏗᏣᏓᏅᏛ ᎢᏴᏛ ᎢᏥᏏᏴᏫᎭ ᎨᏒ ᏂᏗᏥᏙᎵᎬᎾ ᎢᎨᏎᏍᏗ ᎢᏣᏓᏅᏟ ᎤᏂᏍᎦᏅᏨᎢ.
Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana musingakanganwiri umwe neumwe umwe wake zvitadzo zvavo nemoyo yenyu yese.

< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎹᏚ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 18 >