< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎷᎦ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 18 >

1 ᏚᏟᎶᏍᏓᏁᎴᏃ, ᎯᎠ ᏄᏍᏕ ᎤᎬᏩᎴᎢ, ᎾᏍᎩ ᏴᏫ ᏂᎪᎯᎸ ᎤᎾᏓᏙᎵᏍᏙᏗᏱ, ᎠᎴ ᏧᏂᏯᏪᎢᏍᏗ ᏂᎨᏒᎾ;
Zvino wakavaudzawo mufananidzo kuti vanofanira kunyengetera nguva dzese, uye vasaora moyo,
2 ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ, ᎡᎮ ᏗᎫᎪᏗᏍᎩ ᎢᎸᎯᏢ ᎦᏚᎲᎢ, ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏂᎦᎾᏰᏍᎬᎾ, ᎠᎴ ᏴᏫ ᏂᏚᏁᎶᏛᎾ;
achiti: Kwaiva mune rimwe guta neumwe mutongi, wakange asingatyi Mwari, uye asingaremekedzi munhu;
3 ᎠᎴ ᎤᏬᏑᎶᏨᎯ ᎾᎿᎭᎦᏚᎲ ᎡᎮᎢ; ᎾᏍᎩᏃ ᎤᎷᏤᎴᎢ, ᎯᎠ ᏂᎦᏪᏍᎨᎢ, ᏚᏳᎪᏛ ᏂᏍᎩᎾᏛᏂᏏ ᏦᏍᏓᏓᏱᎵᏙᎯ.
zvino kwakange kune chirikadzi muguta iro, yakange ichiuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu.
4 ᎠᏎᏃ ᎤᏉᏌᏁ ᎢᎸᏍᎩ ᎢᎪᎯᏛ; ᎣᏂᏍᎩᏂ ᎯᎠ ᏂᎤᏪᏎ ᎤᏩᏒ ᏧᏓᏅᏛᎢ, ᏝᏍᎩᏂᏃᏅ ᏱᏥᎾᏰᏍᎦ ᎤᏁᎳᏅᎯ, ᎠᎴ ᎥᏝ ᏱᏗᏥᏯᏁᎶᏗ ᏴᏫ;
Asi wakange asingadi kwenguva; asi pashure pezvinhu izvi wakati mukati make: Kunyange ndisingatyi Mwari, uye ndisingaremekedzi munhu;
5 ᎠᏎᏃ ᎯᎠ ᎤᏬᏑᎶᏨᎯ ᏣᏆᏕᏯᏙᏗᎭ ᏅᏓᎦᎵᏍᏙᏔᏂ ᏚᏳᎪᏛ ᏅᏓᏥᏯᏛᏁᎵ, ᏂᎪᎯᎸᏰᏃ ᎦᎷᎬ ᏱᏓᎩᏯᏪᎢᏍᏓ.
asi nokuti chirikadzi iyi inonditambudza, ndichairuramisira, zvimwe pakupedzisira ingasvika pakunditsamwisa kwazvo.
6 ᎤᎬᏫᏳᎯᏃ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ, ᎢᏣᎦᏌᏯᏍᏓ ᏂᏚᏳᎪᏛᎾ ᎢᏯᏛᏁᎯ ᏗᎫᎪᏗᏍᎩ ᏂᎦᏪᏍᎬᎢ.
Ishe ndokuti: Inzwai mutongi asakarurama zvaanoreva.
7 ᏝᏍᎪᏃ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᏚᏳᎪᏛ ᏱᏂᏙᎬᏛᏂᏏ ᎤᏩᏒ ᏧᏤᎵ ᎨᎦᏑᏴᏛ, ᎾᏍᎩ ᏗᎬᏩᎩᏨᏗ ᏥᎬᏩᏓᏙᎵᏍᏓᏁᎭ, ᎾᏍᏉ ᎪᎯᏗᏳ ᏱᏓᏙᎯᏕᎭ?
Ko Mwari haangaruramisiri here vakasanangurwa vake, vanodana kwaari masikati neusiku, kunyange achivanonokera?
8 ᎢᏨᏲᏎᎭ ᏞᎩᏳ ᏙᏓᎫᎴᏏ. ᎠᏎᏃ, ᏴᏫ ᎤᏪᏥ ᎦᎷᏨᎭ, ᎪᎯᏳᏗᏍᎪ ᎨᏒ ᏛᏩᏛᎯ ᎡᎶᎯ?
Ndinoti kwamuri: Achakurumidza kuvaruramisira. Asi kana Mwanakomana wemunhu achisvika, achawana rutendo panyika here?
9 ᎯᎠᏃ ᏚᏟᎶᏍᏓᏁᎴ ᎩᎶ ᎢᏳᎾᏍᏗ ᎤᏅᏒ ᎠᎾᏓᎸᏉᏗᏍᎩ, ᎾᏂᏍᎦᏅᎾ ᎤᎾᏤᎸᎯ, ᎤᏩᎾᏓᎴᏃ ᏅᎵᏌᎵ ᏗᏂᏰᎸᏍᎩ.
Zvino wakareva mufananidzo uyu kune vamwewo vaizvivimba kuti vakarurama, vachizvidza vamwe, akati:
10 ᎠᏂᏔᎵ ᎠᏂᏍᎦᏯ ᎤᏛᎾ-ᏗᎦᎳᏫᎢᏍᏗᏱ ᎤᎾᏓᏙᎵᏍᏔᏅᏎᎢ, ᎠᏏᏴᏫ ᎠᏆᎵᏏ ᎨᏎᎢ, ᏐᎢᏃ ᎠᏕᎸ-ᎠᎩᏏᏙᎯ.
Vanhu vaviri vakakwira kutembere kunonyengetera; umwe muFarisi, uye umwe muteresi.
11 ᎠᏆᎵᏏ ᎤᎴᏁ ᎤᏩᏒ ᎨᏒᎢ ᎤᏓᏙᎵᏍᏔᏁ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ; ᏣᏁᎳᏅᎯ ᎬᏯᎵᎡᎵᏤᎭ ᎠᏂᏐᎢ ᏴᏫ ᏄᎾᏍᏛᎢ ᎾᏍᎩ ᎾᏆᏍᏛᎾ ᏥᎩ, ᎾᏍᎩ ᎠᏎᏉ ᎠᎾᏓᎩᎡᎯ ᏥᎩ, ᎠᎴ ᏂᏚᏳᎪᏛᎾ ᎢᏯᎾᏛᏁᎯ, ᎠᎴ ᏗᎾᏓᏲᏁᎯ, ᎠᎴ ᎾᏍᏉ ᎯᎠ ᎠᏕᎸ-ᎠᎩᏏᏙᎯ ᎾᏍᎩ ᏄᏍᏛ ᎾᏆᏍᏛᎾ ᏥᎩ.
MuFarisi wakamira akazvinyengeterera zvinhu izvi, akati: Mwari, ndinokutendai kuti handina kufanana nevamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange semuteresi uyu.
12 ᏑᎾᏙᏓᏆᏍᏗ ᎨᏒ ᏔᎵ ᎠᎹᏟ ᏂᎬᏍᎪᎢ; ᎠᎴ ᏂᎦᎥ ᎠᎩᎾᎥ ᎠᏍᎪᎯᏁ ᎪᏣᎴᏛ ᏥᎥᏍᎪᎢ.
Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvese zvandinowana.
13 ᎠᏕᎸᏃ-ᎠᎩᏏᏙᎯ ᎢᏅ ᏧᎴᏁᎢ, ᎥᏝ ᏰᎵ ᎦᎸᎳᏗ ᏫᏗᎬᏩᎧᏃᏗ ᏱᎨᏎᎢ, ᎦᏁᏥᏉᏍᎩᏂ ᎤᏩᏂᎴᎢ, ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ; ᏣᏁᎳᏅᎯ, ᏍᎩᏙᎵᎩ ᏥᏍᎦᎾᎢ.
Asi muteresi amire kure wakasada kunyange kusimudzira meso kudenga, asi wakarova pachifuva chake, achiti: Mwari, ndinzwirei tsitsi ini mutadzi.
14 ᎢᏨᏲᏎᎭ, ᎯᎠ ᎾᏍᎩ ᎠᏍᎦᏯ ᎤᏚᏓᎴᏛ ᏧᏪᏅᏒ ᏭᎶᏎᎢ, ᏐᎢᏃ ᎥᏝ. ᎩᎶᏰᏃ ᎤᏩᏒ ᎢᎠᏓᏌᎳᏗᏍᎨᏍᏗ ᎡᎳᏗ ᎢᏯᎬᏁᏗ ᎨᏎᏍᏗ, ᎩᎶᏃ ᎤᏩᏒ ᎡᎳᏗ ᏂᎠᏓᏛᏁᎮᏍᏗ ᎠᏥᏌᎳᏙᏗ ᎨᏎᏍᏗ.
Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake anzi wakarurama pane uya; nokuti umwe neumwe anozvikwiridzira achaninipiswa, uye anozvininipisa achakwiridzirwa.
15 ᎠᎴ ᎾᏍᏉ ᏕᎬᏩᏘᏃᎮᎴ ᏧᎾᏍᏗ ᏗᏂᏲᎵ, ᎾᏍᎩ ᏧᏏᏔᏗᏍᏗᏱ; ᎠᏎᏃ ᎬᏩᏍᏓᏩᏗᏙᎯ ᎤᎾᏙᎴᎰᏒ ᏚᏂᎬᏍᎪᎸᏁᎢ.
Zvino vakauisa kwaari vachechewo, kuti avabate; asi vadzidzi vakati vachizviona, vakavatsiura.
16 ᏥᏌᏃ ᏫᏚᏯᏅᎲ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ, ᎤᎾᏁᎳᎩ ᏗᏤᎵᏏ ᏗᏂᏲᎵ ᎬᎩᎷᏤᏗᏱ, ᎠᎴ ᏞᏍᏗ ᏗᏥᏅᏍᏓᏕᎸᎩ; ᎾᏍᎩᏰᏃ ᏄᎾᏍᏗ ᎾᎿᎭᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒᎢ.
Asi Jesu wakadanira ivo vacheche kwaari akati: Tenderai vacheche vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndehwevakadai.
17 ᎤᏙᎯᏳᎯᏯ ᎯᎠ ᏂᏨᏪᏎᎭ, ᎩᎶ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒ ᏂᏓᏓᏂᎸᎬᎾ ᎢᎨᏎᏍᏗ ᎾᏍᎩᏯ ᎠᏲᎵ ᏥᏓᏓᏂᎸᎪᎢ, ᎥᏝ ᎾᎿᎭᎤᏴᏍᏗ ᏱᎨᏎᏍᏗ.
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.
18 ᎩᎶᏃ ᎢᏳᏍᏗ ᏄᎬᏫᏳᏌᏕᎩ ᎤᏛᏛᏁ, ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ, ᎰᏍᏛ ᏔᏕᏲᎲᏍᎩ, ᎦᏙ ᏯᏆᏛᏁᎸ ᏫᎾᏍᏛᎾ ᎬᏂᏛ ᏱᏥᏩᏛ? (aiōnios g166)
Zvino umwe mutungamiriri wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndiitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi? (aiōnios g166)
19 ᏥᏌᏃ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎴᎢ, ᎦᏙᏃ ᎰᏍᏛ ᎢᏍᏉᏎᎭ? ᎥᏝ ᎩᎶ ᎣᏍᏛ ᏱᎩ ᏌᏉ ᎤᏩᏒᎯᏳ, ᎾᏍᎩ ᎤᏁᎳᏅᎯ.
Jesu ndokuti kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, Mwari.
20 ᏕᎯᎦᏔᎭᏉ ᏗᎧᎿᎭᏩᏛᏍᏗ, ᏞᏍᏗ ᏣᏓᏲᏁᎸᎩ, ᏞᏍᏗ ᏣᏓᎸᎩ, ᏞᏍᏗ ᏣᏃᏍᎩᏒᎩ, ᏞᏍᏗ ᎦᏰᎪᎩ ᏣᏃᎮᎸᎩ, ᏕᎩᎸᏉᏕᏍᏗ ᏣᏙᏓ ᎠᎴ ᏣᏥ.
Mirairo unoiziva, inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.
21 ᎯᎠᏃ ᏄᏪᏎᎢ, ᎯᎠ ᎾᏍᎩ ᏂᎦᏛ ᏓᎩᎧᎾᏩᏕᏅ ᏥᏧᏣ ᎨᏒ ᏅᏓᎬᏩᏓᎴ ᏅᏛ.
Iye ndokuti: Izvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.
22 ᏥᏌᏃ ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᎤᏛᎦᏅ, ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎴᎢ, ᎠᏏ ᏑᏓᎴᎩ ᏣᎷᎳ; ᎯᎾᏚᎦ ᏂᎦᏛ ᏣᎾᎥᎢ, ᎠᎴ ᏘᏯᏙᎯᏏ ᎤᏲ ᎢᏳᎾᏛᎿᎭᏕᎩ, ᎦᎸᎳᏗᏃ ᏫᏣᎮᏍᏗ ᏧᎬᏩᎶᏗ; ᏖᏒᏃ ᏍᎩᏍᏓᏩᏕᏒᎭ.
Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvese zvaunazvo, ugovere varombo, uye uchava nefuma yakakosha kudenga; ugouya pano wonditevera.
23 ᎾᏍᎩᏃ ᎯᎠ ᎤᏛᎦᏅ ᎤᏣᏘ ᎤᏲ ᎤᏰᎸᏁᎢ; ᎤᏣᏘᏰᏃ ᎤᏪᎿᎭᎢᏳ ᎨᏎᎢ.
Zvino wakati anzwa zvinhu izvi, akashungurudzika zvikuru; nokuti wakange akafuma zvikuru.
24 ᏥᏌᏃ ᎤᎪᎲ ᎤᏣᏘ ᎤᏲ ᎤᏰᎸᏒᎢ, ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ, ᏂᎦᎥ ᎠᏍᏓᏱᏳ ᏧᏁᎿᎭᎢ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏗᎨᏒ ᏭᏂᏴᏍᏗᏱ!
Zvino Jesu wakati achiona kuti washungurudzika zvikuru akati: Zvicharemera sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari.
25 ᎤᏟᏰᏃ ᎠᎯᏗᏳ ᎨᎻᎵ ᎤᎦᏛᎴᎯᏍᏗᏱ ᏴᎩ ᎦᏌᏁᎾᏛᏗᏱ ᎠᏃ ᎤᏪᎿᎭᎢ ᏴᏫ ᏭᏴᏍᏗᏱ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᏗᎨᏒᎢ.
Nokuti zvakareruka kuti kamera ripinde richidarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.
26 ᎤᎾᏛᎦᏅᎯᏃ ᎯᎠ ᏄᏂᏪᏎᎢ, ᎦᎪᏃ ᏰᎵ ᏯᏥᏍᏕᎸ?
Zvino avo vakanzwa, vakati: Zvino ndiani anogona kuponeswa?
27 ᎯᎠᏃ ᏄᏪᏎᎢ, ᎾᏍᎩ ᏴᏫ ᏰᎵ ᎢᎬᏩᎾᏛᏁᏗ ᏂᎨᏒᎾ ᏥᎩ, ᏰᎵᏉ ᎢᎬᏩᏛᏁᏗ ᎤᏁᎳᏅᎯ.
Asi iye akati: Zvinhu zvisingagoneki nevanhu, zvinogoneka naMwari.
28 ᎿᎭᏉᏃ ᏈᏓ ᎯᎠ ᏂᎤᏪᏎᎢ, ᎬᏂᏳᏉ ᎠᏴ ᏂᎦᏗᏳ ᏙᎩᏲᏐᏅ, ᎠᎴ ᎢᏨᏍᏓᏩᏕᏅ.
Petro ndokuti: Tarirai, isu takasiya zvese, tikakuteverai.
29 ᎯᎠᏃ ᏂᏚᏪᏎᎴᎢ, ᎤᏙᎯᏳᎯᏯ ᎯᎠ ᏂᏨᏪᏎᎭ, ᎥᏝ ᎩᎶ ᏧᏮᏕᏨᎯ ᏱᎩ ᎦᏁᎸᎢ, ᎠᎴ ᏧᎦᏴᎵᎨᎢ, ᎠᎴ ᎠᎾᎵᏅᏟ, ᎠᎴ ᎤᏓᎵᎢ, ᎠᎴ ᏧᏪᏥ, ᏅᏓᏳᎵᏍᏙᏔᏅᎯ ᎤᏁᎳᏅᎯ ᎤᎬᏫᏳᎯ ᎨᏒᎢ,
Zvino akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vabereki, kana madzikoma nevanin'ina, kana mukadzi, kana vana, nekuda kweushe hwaMwari,
30 ᎾᏍᎩ ᎠᏥᏁᏗ ᏂᎨᏒᎾ ᎨᏒ ᎤᏣᏘ ᎢᏳᏩᎫᏗ ᎪᎯ ᎨᏒᎢ, ᏐᎢᏱᏃ ᏗᎨᏒ ᎬᏂᏛ ᏫᎾᏍᏛᎾ. (aiōn g165, aiōnios g166)
asingazogamuchiri zvakapetwa kazhinji nenguva ino, nemunguva inouya upenyu husingaperi. (aiōn g165, aiōnios g166)
31 ᎿᎭᏉᏃ ᏔᎳᏚ ᎢᏯᏂᏛ ᎢᏴᏛ ᏫᏚᏘᏅᏍᏔᏁᎢ, ᎠᎴ ᎯᎠ ᏂᏚᏪᏎᎴᎢ, ᎬᏂᏳᏉ ᏥᎷᏏᎵᎻ ᏫᏗᎦᏘ, ᎠᎴ ᏂᎦᎥ ᏚᏃᏪᎸ ᎠᎾᏙᎴᎰᏍᎩ ᏴᏫ ᎤᏪᏥ ᎠᏥᏃᎮᏍᎬ ᎾᏍᎩ ᎢᏳᎵᏍᏙᏗ ᎨᏎᏍᏗ.
Zvino wakatora vanegumi nevaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye zvinhu zvese zvakanyorwa nevaporofita maererano neMwanakomana wemunhu zvichazadziswa.
32 ᏧᎾᏓᎴᏅᏛᏰᏃ ᏴᏫ ᏙᏓᎨᏥᏲᎯᏎᎵ, ᎠᎴ ᏓᏰᎦᏕᎰᏔᏂ, ᎠᎴ ᏓᎦᏰᏥᏐᏢᏔᏂ, ᎠᎴ ᏙᏓᏰᎦᎵᏥᏍᏈ,
Nokuti achakumikidzwa kune vechirudzi, agosekwa, nekuitirwa zvakaipa, nekupfirwa,
33 ᎠᎴ ᏓᎬᏩᎵᎥᏂᎵ, ᎠᎴ ᏓᎬᏩᎵ; ᏦᎢᏁᏃ ᎢᎦ ᏙᏛᎠᎴᎯᏌᏂ.
uye vachamurova netyava uye vachamuuraya; uye pazuva retatu achamukazve.
34 ᎠᎴ ᎯᎠ ᎾᏍᎩ ᎥᏝ ᏳᏃᎵᏤᎢ; ᎠᎴ ᎾᏍᎩ ᎯᎠ ᏄᏪᏒ ᎨᎬᏍᎦᎳᏁᎴᎢ, ᎠᎴ ᎥᏝ ᏯᏂᎦᏔᎮ ᎢᏳᏍᏗ ᎦᏛᎬ ᎾᏍᎩ ᎤᏁᏨᎢ.
Asi ivo havana kunzwisisa chinhu chimwe cheizvozvi, uye shoko iri rakange rakavanzwa kwavari, uye havana kunzwisisa zvinhu zvakarehwa.
35 ᎠᎴ ᎯᎠ ᏄᎵᏍᏔᏁᎢ, ᎾᏍᎩ ᏤᎵᎪ ᎾᎥ ᎤᎷᏨ, ᎩᎶ ᎢᏳᏍᏗ ᏗᎨᏫ ᏅᏃᎱᎶᏗ ᎤᏬᎴ ᎠᏚᎳᏗᏍᎨᎢ;
Zvino zvakaitika oswedera Jeriko, rimwe bofu raigara padivi penzira richipemha;
36 ᎤᏛᎦᏅᏃ ᎤᏂᏣᏘ ᎠᏂᎶᏍᎬ ᎤᏛᏛᏁ ᎾᏍᎩ ᎤᏰᎸᏛᎢ.
rakati richinzwa chaunga chichipfuura, rikabvunza kuti chinyi ichi.
37 ᎬᏩᏃᏁᎴᏃ ᎾᏍᎩ ᏥᏌ ᎾᏎᎵᏗ ᎡᎯ ᎦᎶᏍᎬᎢ.
Zvino vakariudza kuti: Jesu weNazareta anopfuura.
38 ᎤᏪᎷᏁᏃ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ, ᏥᏌ, ᏕᏫ ᎤᏪᏥ, ᏍᎩᏙᎵᎩ.
Zvino rakadanidzira richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
39 ᎢᎬᏱᏃ ᎠᏁᎩ ᎬᏩᎬᏍᎪᎸᏁᎢ, ᎡᎳᏪ ᎲᎾ ᎬᏬᏎᎴᎢ; ᎠᏎᏃ ᎤᏟᏉ ᎢᎦᎢ ᎤᏪᎷᏁᎢ; ᏕᏫ ᎤᏪᏥ ᏍᎩᏙᎵᎩ, ᎠᏗᏍᎨᎢ.
Zvino vakange vakatungamira vakaritsiura kuti rinyarare; asi iro rakanyanyisa kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDhavidhi, ndinzwirei tsitsi!
40 ᏥᏌᏃ ᎤᎴᏫᏍᏔᏅ ᎤᏁᏤ ᎠᎦᏘᏃᎮᏗᏱ; ᎿᎭᏉᏃ ᎾᎥ ᎤᎷᏨ ᎤᏛᏛᏁᎢ,
Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti riuyiswe kwaari; zvino rakati raswedera akaribvunza,
41 ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎢ, ᎦᏙ ᏣᏚᎵ ᎬᏯᏛᏁᏗᏱ? ᎯᎠᏃ ᏄᏪᏎᎢ, ᏣᎬᏫᏳᎯ, ᎥᎠᎩᎪᏩᏛᏗᏱ ᎠᏆᏚᎵᎭ.
achiti: Unoda kuti ndikuitirei? Zvino rakati: Ishe, kuti ndionezve.
42 ᏥᏌᏃ ᎯᎠ ᏄᏪᏎᎴᎢ, ᎨᏣᎪᏩᏛᏗ ᏫᏂᎦᎵᏍᏓ; ᏦᎯᏳᏒ ᏣᏍᏕᎸ.
Jesu ndokuti kwaari: Chionazve! Rutendo rwako rwakuponesa.
43 ᎩᎳᏉᏃ ᎢᏴᏛ ᎬᏩᎪᏩᏛᏗ ᏄᎵᏍᏔᏁᎢ, ᎠᎴ ᎤᏍᏓᏩᏛᏎ ᎦᎸᏉᏗᏍᎨ ᎤᏁᎳᏅᎯ; ᏂᎦᏛᏃ ᏴᏫ ᎤᏂᎪᎲ ᎤᏂᎸᏉᏔᏁ ᎤᏁᎳᏅᎯ.
Pakarepo rikaonazve, rikamutevera, richirumbidza Mwari; vanhu vese vakati vachizviona vakarumbidza Mwari.

< ᎣᏍᏛ ᎧᏃᎮᏛ ᎷᎦ ᎤᏬᏪᎳᏅᎯ 18 >